Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Teerera Unzwisise’

‘Teerera Unzwisise’

“Nditeererei, imi mose, munzwisise.”MAKO 7:14.

1, 2. Nei vanhu vakawanda vainzwa Jesu achitaura vaitadza kunzwisisa zvaaitaura?

MUNHU anogona kunzwa kuti pane munhu ari kutaura naye. Anogona kutonzwawo kuti inzwi rake nderekusuwa here kana kuti nderekufara. Asi kana asiri kunzwisisa zviri kurehwa zvacho, hapana zvazvinobatsira. (1 VaK. 14:9) Ndizvo zvaiitikawo kune vanhu vakawanda vakanzwa Jesu achitaura. Jesu aitotaura navo nemutauro wavaiziva. Asi havasi vose vainzwisisa zvaaitaura. Ndokusaka Jesu akaudza vanhu kuti: “Nditeererei, imi mose, munzwisise.”Mako 7:14.

2 Nei vanhu vakawanda vaitadza kunzwisisa zvaitaurwa naJesu? Vamwe vavo vaiva nezvavaifunga kuti ndizvo zvakarurama, uye vaiva nepfungwa dzakaipa. Jesu akavaudza kuti: “Munorerutsa murayiro waMwari nenzira youngwaru kuti muchengete tsika yenyu.” (Mako 7:9) Vanhu ivavo vainge vasina basa nokuedza kunzwisisa mashoko aJesu. Vakanga vasingadi kuchinja maitiro avo uye maonero avaiita zvinhu. Vainzwa zvaitaurwa asi zvaisasvika pamwoyo. (Verenga Mateu 13:13-15.) Saka tingaita sei kuti zvakadzidziswa naJesu zvisvike pamwoyo yedu?

ZVATINGAITA KUTI TIBATSIRWE NEZVAKADZIDZISWA NAJESU

3. Nei vadzidzi vaJesu vainzwisisa zvaaitaura?

3 Tinofanira kutevedzera muenzaniso wevadzidzi vaJesu vaizvininipisa. Jesu akati nezvavo: “Maziso enyu anofara nokuti anoona, uye nzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.” (Mat. 13:16) Nei vainzwisisa zvaitaurwa naJesu asi vamwe vachitadza kuzvinzwisisa? Chokutanga, vaida kubvunza mibvunzo uye vaida kunyatsonzwisisa mashoko aJesu. (Mat. 13:36; Mako 7:17) Chechipiri, vaida kudzidza zvimwe zvinhu kuwedzera pane zvavaitoziva. (Verenga Mateu 13:11, 12.) Chechitatu, vaida kushandisa zvavakanga vadzidza kuna Jesu muupenyu hwavo uye vaida kuzvishandisa pakubatsirawo vamwe.Mat. 13:51, 52.

4. Matanho api matatu atinofanira kutora kana tichida kunzwisisa mifananidzo yaJesu?

4 Kana tichida kunzwisisa mifananidzo yaJesu, tinofanira kutevedzera zvaiitwa nevadzidzi vake vakatendeka. Pane matanho matatu atinofanirawo kutora. Kutanga, tinofanira kuwana nguva yokudzidza uye yokufungisisa zvakataurwa naJesu, totsvakurudza uye tozvibvunza mibvunzo pane zvatiri kudzidza. Izvi zvinoita kuti tiwane ruzivo. (Zvir. 2:4, 5) Zvadaro, tinofanira kuona kuti zvatadzidza zvinoenderana sei nezvatagara tichiziva, toona kuti zvinotibatsira sei. Izvozvo zvinoita kuti tinzwisise. (Zvir. 2:2, 3) Chokupedzisira, tinofanira kushandisa zvatinenge tadzidza muupenyu hwedu. Izvozvo zvinoratidza kuti takachenjera.Zvir. 2:6, 7.

5. Taura muenzaniso unoratidza kusiyana kwakaita kuziva, kunzwisisa uye kuchenjera.

5 Musiyano upi uripo pakati pekuziva, kunzwisisa uye kuchenjera? Kuti tione musiyano wacho, ngatifungei nezvemuenzaniso uyu: Ngatitii wakamira pakati pomugwagwa uye bhazi riri kuuya rakakunanga. Chokutanga, unoona kuti kuri kuuya bhazi. Ikoko ndiko kuziva. Zvadaro, pfungwa dzako dzinokuudza kuti kana ukaramba wakamira mumugwagwa, unotsikwa. Uku ndiko kunzwisisa. Saka unoratidza kuti wakachenjera nokubuda mumugwagwa. Ndokusaka Bhaibheri richitaura kuti tinofanira ‘kuchengetedza uchenjeri hunobatsira.’ Izvozvo zvinoita kuti tirambe tiri vapenyu.Zvir. 3:21, 22; 1 Tim. 4:16.

6. Mibvunzo ipi yatichashandisa kuongorora mifananidzo minomwe yaJesu? (Ona  bhokisi.)

6 Munyaya ino neinotevera, tichaongorora mifananidzo minomwe yakataurwa naJesu. Patinenge tichiongorora mifananidzo yacho, tichashandisa mibvunzo inotevera: Mufananidzo wacho unorevei? (Izvi zvinoita kuti tiwane zivo.) Nei Jesu akataura mufananidzo wacho? (Izvi zvinoita kuti tinzwisise.) Tingashandisa sei zvatinenge tadzidza mumufananidzo wacho uye tingabatsirawo sei vamwe? (Izvi zvinoratidza uchenjeri.) Chokupedzisira, mufananidzo wacho unondidzidzisei nezvaJehovha naJesu?

TSANGA YEMASITADHI

7. Mufananidzo wetsanga yemasitadhi unorevei?

7 Verenga Mateu 13:31, 32. Mufananidzo waJesu wetsanga yemasitadhi unorevei? Tsanga yacho inomirira mashoko oUmambo uye ungano yechiKristu yakavapo nemhaka yokuparidzwa kwemashoko iwayo. Kungofanana netsanga yemasitadhi iyo iri “mbeu duku kupfuura dzimwe dzose,” ungano yechiKristu yaiva nevanhu vashoma payakatanga muna 33 C.E. Asi mumakore mashoma, yakakura chaizvo. Hapana aimbofungidzira kuti yaizokura zvakadaro. (VaK. 1:23) Kukura kwakaita ungano yechiKristu kwakabatsira nokuti Jesu akati “shiri dzokudenga” dzakawana “pokugara mumapazi” ayo. Shiri idzi dzinofananidzira vanhu vanoda kuziva chokwadi vanowana zvokudya zvokunamata, mumvuri uye pokugara muungano yechiKristu.—Enzanisa naEzekieri 17:23.

8. Nei Jesu akashandisa mufananidzo wetsanga yemasitadhi?

8 Nei Jesu akashandisa mufananidzo uyu? Akataura nezvokukura kunoshamisa kunoita tsanga yemasitadhi achiratidza kuti Umambo hwaMwari hune simba rokuwedzera, kudzivirira uye kukunda zvipingamupinyi zvose. Kubva muna 1914 chikamu chepanyika chesangano raMwari chiri kukura zvinoshamisa! (Isa. 60:22) Vaya vari musangano iri vakadzivirirwa pakunamata. (Zvir. 2:7; Isa. 32:1, 2) Kuwedzera kuri kuita basa roUmambo kunoratidza kuti hapana chinogona kumisa basa redu.Isa. 54:17.

9. (a) Tinodzidzei mumufananidzo wetsanga yemasitadhi? (b) Izvi zvinotidzidzisei nezvaJehovha naJesu?

9 Tinodzidzei mumufananidzo wetsanga yemasitadhi? Zvichida tinogara munzvimbo ine Zvapupu zvishoma kana kuti nzvimbo yatisingakurumidzi kuona kuwedzera kuri kuita basa redu rokuparidza. Asi ticharamba tichiparidza kana tikayeuka kuti hapana chinogona kuita kuti basa roUmambo ritadze kukura. Somuenzaniso, Hama Edwin Skinner pavakasvika kuIndia muna 1926, kwaingova neZvapupu zvishomanana. Panguva iyoyo, kufambira mberi kwebasa redu kwaisanyatsooneka. Asi Hama Skinner vakaramba vachiparidza uye vakaona kuparidzwa kwemashoko oUmambo kuchifambira mberi pasinei nezvipingamupinyi. Iye zvino kuIndia kwava neZvapupu zvinopfuura 37 000 uye gore rapera, vanhu vanopfuura 108 000 vakapinda Chirangaridzo. Fungawo nezvekumwe kuwedzera kunoshamisa kwakaitika. Gore rakasvika Hama Skinner kuIndia, basa redu rakanga richangotanga kuZambia. Iye zvino kuZambia kwava neZvapupu zvinopfuura 170 000 uye vanhu 763 915 vakapinda Chirangaridzo chegore ra2013. Izvi zvinoreva kuti munhu mumwe chete pavanhu 18 voga voga muZambia, akapinda Chirangaridzo. Chokwadi Umambo huri kuwedzera zvinoshamisa!

MBIRISO

10. Mufananidzo wembiriso unorevei?

10 Verenga Mateu 13:33. Mufananidzo wembiriso unorevei? Mufananidzo uyu unewo chokuita nemashoko oUmambo uye zvinoitika kana mashoko iwayo aparidzwa. “Mukanyiwa wose” wefurawa unomirira vanhu vemarudzi ose uye kuvira kwemukanyiwa kunofananidzira kuparadzirwa kwemashoko oUmambo patinoita basa rokuparidza. Kukura kwetsanga yemasitadhi kunonyatsooneka asi kupararira kwembiriso mumukanyiwa hakuoneki pakutanga. Kushanda kwembiriso kunotozooneka pave paya.

11. Nei Jesu akashandisa mufananidzo wembiriso?

11 Nei Jesu akashandisa mufananidzo uyu? Aida kuratidza kuti mashoko oUmambo ane simba rokupararira achisvika kure uye ane simba rokuchinja vanhu. Iye zvino mashoko oUmambo apararira kusvikira “kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Zvisinei, hapasi pose patinoona kuchinja kunokonzerwa nemashoko acho; pamwe pacho kunogona kutozooneka nokufamba kwenguva. Vanhu vakawanda vari kugamuchira mashoko oUmambo uye vari kuita kuti mashoko aya ane simba achinje unhu hwavo.VaR. 12:2; VaEf. 4:22, 23.

12, 13. Taura mienzaniso inoratidza kukura kuri kuita basa rokuparidza Umambo sezvinoratidzwa mumufananidzo wembiriso.

12 Zvibereko zvebasa rokuparidza zvinowanzooneka papera makore kubva panotanga kuitwa basa racho. Somuenzaniso, muna 1982, Franz nomudzimai wake Margit vakaparidza mune kamwe kataundi kaduku kokumaruwa pavaishumira pahofisi yebazi yokuBrazil. Iye zvino vava kushumira pane rimwe bazi. Pavanhu vavaidzidza navo Bhaibheri paiva nevamwe amai vaiva nevana vavo vana. Mwanakomana wavo mukuru uyo aiva nemakore 12 panguva iyoyo, ainyara chaizvo zvokuti kakawanda aiedza kuhwanda pavainge vava kuda kudzidza. Franz nomudzimai wake Margit vakazotama saka havana kukwanisa kuramba vachidzidza nevanhu ava. Asi vakazoshanyira kataundi aka papera makore 25. Chii chavakawana? Kwainge kwava neungano ine vaparidzi 69, mapiyona enguva dzose 13, uye vainge vava neImba yoUmambo itsva. Ko mukomana uya wokunyara? Ndiye ava murongi mudare revakuru! Sezvinongoita mbiriso yomumufananidzo waJesu, mashoko oUmambo ainge apararira uye achinja upenyu hwevanhu vakawanda uye izvi zvakafadza Franz nomudzimai wake.

13 Mashoko oUmambo ane simba risingaoneki rinochinja upenyu hwevanhu. Izvi zvinooneka munyika dzine mitemo inorambidza basa roUmambo. Hazvisi nyore kuziva kuti mashoko oUmambo asvika kupi munyika dzakadaro asi tinowanzoshamiswa nezvatinozonzwa. Somuenzaniso, funga nezvenyika yeCuba. Mashoko oUmambo akasvika ikoko muna 1910 uye Hama Russell vakashanyira nyika iyoyo muna 1913. Zvisinei, kufambira mberi kwebasa redu kwaisanyatsooneka. Asi iye zvino zvinhu zvakamira sei muCuba? Mava nevaparidzi vanopfuura 96 000 vari kuparidza mashoko akanaka, uye vanhu 229 726 vakapinda Chirangaridzo muna 2013. Izvi zvinoreva kuti pavanhu 48 voga voga vomunyika iyi, mumwe chete wavo akapinda Chirangaridzo. Kunyange munyika dzisingarambidzwi basa redu, mashoko oUmambo anogona kunge akasvika munzvimbo dzatinofunga kuti dzakaoma kuparidza. *Mup. 8:7; 11:5.

14, 15. (a) Tingabatsirwa sei nezvatakadzidziswa naJesu mumufananidzo wembiriso? (b) Izvi zvinotidzidzisei nezvaJehovha naJesu?

14 Tingabatsirwa sei nezvatakadzidziswa naJesu mumufananidzo wembiriso? Kana tikafungisisa mufananidzo waJesu, tinoona kuti hatifaniri kunyanya kunetseka kuti mashoko oUmambo achasvika sei kumamiriyoni evanhu vasati vaanzwa. Jehovha anoziva zvaari kuita. Saka basa redu nderei? Shoko raMwari rinoti: “Dyara mbeu yako mangwanani uye usarega ruoko rwako ruchizorora kusvikira manheru; nokuti hauzivi kuti zvichabudirira kupi, kuno here kana kuti uko, uye kana zvose zvazvo zvichava zvakanaka.” (Mup. 11:6) Asi hatifaniri kukanganwa kunyengetererawo kuti basa rokuparidza ribudirire, kunyanya munyika dziya dzinorambidzwa basa redu.VaEf. 6:18-20.

15 Uyewo hatifaniri kuodzwa mwoyo kana pakutanga zvichiita sokuti tiri kushandira pasina. Hatitombofaniri ‘kuzvidza zuva rezvinhu zviduku.’ (Zek. 4:10) Nokufamba kwenguva, basa roUmambo rinogona kuwedzera kupfuura zvataifunga.Pis. 40:5; Zek. 4:7.

MUNHU AIFAMBA ACHITENGESA UYE PFUMA YAKAVANZWA

16. Mifananidzo miviri, wemunhu aifamba achitengesa uye wepfuma yakavanzwa, inorevei?

16 Verenga Mateu 13:44-46. Mifananidzo miviri, wemunhu aifamba achitengesa uye wepfuma yakavanzwa, inorevei? Panguva yakararama Jesu, vamwe vanhu vaiita zvokutengesa vaigona kufamba kusvika kuIndian Ocean kuti vawane maparera akanaka kwazvo. Munhu aiita zvokutengesa womumufananidzo uyu anomirira vanhu vanoda kuziva chokwadi vanoita zvose zvavanogona kuti vachiwane. “Parera rimwe chete raikosha kwazvo” rinomirira chokwadi choUmambo chinokosha. Munhu aifamba achitengesa paakaziva kukosha kweparera racho, “akakurumidza” kutengesa zvinhu zvose zvaaiva nazvo kuti aritenge. Jesu akataurawo nezvemunhu aishanda musango akawana “pfuma yakavanzwa.” Munhu uyu akanga akasiyana nouya aifamba achitengesa, nokuti iye aisatsvaka pfuma. Asi vainge vakafanana pakuti naiyewo aida kutengesa ‘zvinhu zvaaiva nazvo’ kuti atenge pfuma yacho.

17. Nei Jesu akataura mufananidzo wemunhu aifamba achitengesa uye wepfuma yakavanzwa?

17 Nei Jesu akataura mifananidzo iyi miviri? Airatidza kuti chokwadi chinowanikwa nenzira dzakasiyana-siyana. Vamwe vakaita chokutsvaka uye vakaita zvose zvavanogona kuti vachiwane. Vamwewo vakachiwana asi vasina kuita zvokuchitsvaka. Vanogona kunge vakaita zvokuchiunzirwa nemumwe munhu. Pasinei nokuti vanhu ava vakawana sei chokwadi, vose vakaona kukosha kwachinoita uye vakaita zvose zvavanogona kuti chive chavo.

18. (a) Tingabatsirwa sei nemifananidzo iyi miviri? (b) Izvi zvinotidzidzisei nezvaJehovha naJesu?

18 Tingabatsirwa sei nemifananidzo iyi miviri? (Mat. 6:19-21) Zvibvunze kuti: ‘Maonero angu akafanana neevanhu ava vomumufananidzo waJesu here? Ndinokoshesawo chokwadi here? Ndinoda here kurasikirwa nezvimwe zvinhu kuti ndirambe ndakachibatisisa kana kuti ndinorega zvimwewo zvinhu zvomuupenyu zvichinditsausa?’ (Mat. 6:22-24, 33; Ruka 5:27, 28; VaF. 3:8) Kana tichinyatsokoshesa chokwadi chatakawana, tichatsunga kuchiisa pokutanga muupenyu hwedu.

19. Tichakurukurei munyaya inotevera?

19 Kudai tikaratidza kuti tateerera uye tanyatsonzwisisa mifananidzo iyi yoUmambo. Yeuka kuti kungoziva chete zvainoreva hakuna kukwana. Tinofanirawo kushandisa zvatinodzidza mumifananidzo yacho Munyaya inotevera, tichakurukura mimwe mifananidzo mitatu yaJesu toona kuti tinodzidzei..

^ ndima 13 Nyaya dzakada kufanana neidzi dzakaitika munyika dzakadai seArgentina (Bhuku Regore ra2001, reChirungu peji 186); East Germany (Bhuku Regore ra1999, reChirungu, peji 83); Papua New Guinea (Bhuku Regore ra2005, reChirungu peji 63); uye Robinson Crusoe Island (Nharireyomurindi, yaJune 15, 2000, peji 9).