Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Sei vanhu vakawanda vachiti kune Musiki?

Upenyu pachahwo chishamiso

Makore anenge 3 000 akapfuura, mumwe mudetembi akanyora kuti: “Ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa.” (Pisarema 139:14) Paunofunga kukura kunoita mwana kubva pasero rimwe chete, hazviiti kuti ushamisike here? Vanhu vakawanda vanoti zvinhu zvipenyu zvakaitwa kuti zvivepo neMusiki.Verenga Pisarema 139:13-17; VaHebheru 3:4.

Musiki wezvinhu zvose uyo akaita kuti panyika pagarike ndiyewo akasika upenyu. (Pisarema 36:9) Akataura nevanhu achitiudza nezvake.Verenga Isaya 45:18.

Takabva kumhuka here?

Miviri yedu yakafanana neyemhuka pane zvakawanda. Chikonzero chacho ndechekuti Mwari akasika vanhu nemhuka kuti zvirarame panyika. Akasika munhu wekutanga kubva kuguruva, kwete kumhuka.Verenga Genesisi 1:24; 2:7.

Vanhu vakasiyana nemhuka pazvinhu zviviri zvinokosha. Chekutanga, vanhu vanokwanisa kuziva Musiki, kumuda, uye kumuremekedza. Chechipiri, vanhu ndivo vakasikwa kuti vararame nekusingaperi, kwete mhuka. Asi iye zvino vanhu vose vanofa, nekuti munhu wekutanga akaramba kutungamirirwa neMusiki.Verenga Genesisi 1:27; 2:15-17.