Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Mwaka Unokosha Chaizvo”

“Mwaka Unokosha Chaizvo”

MUNA 1870, boka duku revanhu raiva muPittsburgh (Allegheny), Pennsylvania, U.S.A., rakatanga kuongorora Magwaro. Richitungamirirwa naCharles Taze Russell, rakatanga kuongorora nyaya yorudzikinuro rwaKristu uye rakabva raona kuti rwunokosha chaizvo muchinangwa chaJehovha. Vakafara chaizvo kuziva kuti rudzikinuro runoita kuti vanhu vawane mukana wokuponeswa uye rwaigona kuponesawo vaya vainge vasati vanzwa nezvaJesu! Izvi zvakaita kuti vade kuungana gore negore vachiyeuka rufu rwaJesu.—1 VaK. 11:23-26.

Hama Russell vakatanga kubudisa Zion’s Watch Tower yaitsigira dzidziso yorudzikinuro ichiti ndirwo rwunonyanya kuratidza kuti Mwari anotida. Imwe Nharireyomurindi yakazotaura kuti nguva yeChirangaridzo chorufu rwaKristu yaiva “mwaka unokosha chaizvo” uye yakakurudzira vaverengi kuti vayeuke rufu rwaKristu muPittsburgh kana kuti kune dzimwewo nzvimbo vari mumapoka. “Kunyange vaizova vaviri kana vatatu vane kutenda kumwe chete” kana kuti kunyange munhu ari oga, vaizenge vari “pamwe naShe.”

Gore negore vanhu vairamba vachiwedzera kuuya kuPittsburgh kuzoyeuka Chirangaridzo. Vanhu vaikokwa kuzopinda Chirangaridzo nemashoko okuti: “Vanhu vari kuno vachakugamuchirai zvakanaka.” Chokwadi, Vadzidzi veBhaibheri vaiva muPittsburgh vakapa hama nehanzvadzi zvokudya nepokugara. Mumwaka weChirangaridzo cha1886, pakaitwa “Musangano Mukuru” kwemazuva akawanda. Nharireyomurindi yakati: “Uyai imi munoda Tenzi nemwoyo wose, uye munoda hama dzake nechokwadi.”

Pepa rinoratidza kufambiswa kwaitwa chingwa newaini paChirangaridzo paLondon Tabernacle

Kwemakore akawanda, Vadzidzi veBhaibheri vomuPittsburgh vaipinda magungano nevanhu vaitenda murudzikinuro vainge vauya kuChirangaridzo. Kuwedzera kwaiita Vadzidzi veBhaibheri ndiko kuwedzerawo kwaiita vanhu vaipinda Chirangaridzo pasi pose. Ray Bopp weungano yeChicago akataura kuti kuma1910, anenge munhu wose aiuya kuChirangaridzo aidya nokunwa saka zvaitora maawa akawanda kuti mazana evanhu aivapo apedze kudya.

Zvinhu zvipi zvaishandiswa paChirangaridzo? Kunyange zvazvo Vadzidzi veBhaibheri vainzwisisa kuti Jesu akashandisa waini paKudya kwaShe Kwemanheru, Nharireyomurindi yaimbokurudzira vanhu kuti vashandise muto wemazambiringa achangotanhwa kana kuti muto weakaomeswa ndokubikwa. Izvi vaizviitira kuti vaya “vasina kusimba panyama” vasaiswa pamuedzo. Kunyange zvakadaro, paivawo newaini yaiitirwa vaya vaiona sokuti “waini yakaviriswa ndiyo yaifanira kushandiswa.” Vadzidzi veBhaibheri vakazonzwisisa kuti waini tsvuku isina zvimwe zvakawedzerwa ndiyo yaifanira kushandiswa ichimirira ropa raJesu.

Pepa iri nepenzura zvaifambiswa zvichiendeswa muzvitokisi mune rimwe jeri kuNicaragua uye pepa racho rainyorwa nhamba yevanhu vanenge vapinda Chirangaridzo

Kuyeuka rufu rwaJesu kwaipa mukana wokufungisisa zvakadzama. Asi mune dzimwe ungano, vanhu vaiita sevari pamariro uye paipera Chirangaridzo hapana aitaudzana nemumwe. Zvisinei, rimwe bhuku rakabudiswa muna 1934 rainzi Jehovah, rakati hatifaniri “kusuruvara” paChirangaridzo tichifunga nezvekufa kwaJesu kunorwadza, asi tinofanira “kufara” nokuti akatanga kutonga saMambo muna 1914.

Hama dzakaungana mujeri kuti dzichengete Chirangaridzo muna 1957 kuMordvinia, Russia

Mugore ra1935, kujekeswa kwakaitwa manzwisisiro ataiita “boka guru” rinotaurwa pana Zvakazarurwa 7:9 kwakaita kuti zvinhu zvichinje chaizvo paChirangaridzo. Gore iri risati rasvika, vashumiri vaJehovha vaiti boka guru rinomirira vaKristu vakazvitsaurira asi vasingashingairi. Iye zvino takanga tava kunzwisisa kuti boka guru rinomirira vanamati vaJehovha vakatendeka vanotarisira kurarama muparadhiso pasi pano. Pashure pokujekeswa uku, Hama Russell Poggensee vakanyatsozviongorora, uye vakati: “Mudzimu mutsvene waJehovha wainge usina kupupurira kuti ndine tariro yokudenga.” Hama Poggensee nevamwe vashumiri vaJehovha vakawanda vaivawo vakatendeka, vakabva varega kudya nokunwa paChirangaridzo asi vakaramba vachipinda Chirangaridzo.

‘Mumwaka uyu unokosha chaizvo,’ mishandirapamwe yokuparidza yaipa vanhu vose mukana wokuratidza kuonga rudzikinuro. Muna 1932, Bulletin yakakurudzira vaKristu kuti vaite basa rokuparidza kwete kumirira kuzongodya nokunwa paChirangaridzo. Muna 1934, Bulletin yakakumbira vanhu kuti vaite upiyona hwebetsero ichiti: “Tinokumbirawo vanhu 1 000 vanopayona panguva yeChirangaridzo.” Ichitaura nezvevakazodzwa, Informant yakati: “Vanogona kunyatsofara chete kana vakaita basa rokuzivisa Umambo.” Nokufamba kwenguva, vane tariro yokurarama pasi pano vaizowanawo mufaro nokuita basa iri. *

Hama Harold King pavaiva mujeri vakanyora nhetembo uye nziyo dzaitaura nezveChirangaridzo

Musi weChirangaridzo izuva rinokosha chaizvo kuvanhu vose vaJehovha. Vanoyeuka Chirangaridzo kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma. Muna 1930, Pearl English nemukoma wake, Ora, vakafamba makiromita 80 kuti vanopinda Chirangaridzo. Mumwe mumishinari ainzi Harold King paaiva mujeri kuChina, akanyora nhetembo nenziyo dzaitaura nezveChirangaridzo uye aigadzira waini achishandisa mazambiringa anonzi black currants uye aibika chingwa achishandisa mupunga. Kubva kuEastern Europe kusvika kuCentral America uye kuAfrica, vaKristu vaishinga kuisa upenyu hwavo pangozi munguva dzehondo kana kuti dzairambidzwa basa redu kuti vayeuke rufu rwaJesu. Pasinei nokuti tiri kupi uye tiri mumamiriro ezvinhu akaita sei, tinoungana kuti tirumbidze Jehovha Mwari naJesu Kristu mumwaka unokosha weChirangaridzo.

^ ndima 10 Bulletin yakazopiwa zita rokuti Informant, uye iye zvino yava kunzi Ushumiri Hwedu hwoUmambo.