Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Jesu Pakuva Neushingi Uye Anonzwisisa

Tevedzera Jesu Pakuva Neushingi Uye Anonzwisisa

“Kunyange musina kumbomuona, munomuda. Kunyange musiri kumuona panguva ino, munotenda maari.”—1 PET. 1:8.

1, 2. (a) Tinofanira kuitei kuti tiponeswe? (b) Chii chingatibatsira kuti tirambe tiri munzira inoenda kuruponeso?

PATINOVA vadzidzi vaKristu, tinotanga kufamba rwendo. Rwendo rwedu runogona kuita kuti tizowana upenyu, kudenga kana kuti panyika. Jesu akati: “Anenge atsungirira kusvikira pakuguma [kwoupenyu hwake kana kuti kwenyika ino yakaipa] ndiye achaponeswa.” (Mat. 24:13) Kana tikaramba tichifamba takatendeka, tichaponeswa. Asi patinenge tiri parwendo rwedu, tinofanira kungwarira kuti tisatsauswa kana kurasika. (1 Joh. 2:15-17) Tingaitei kuti tisatsauswe?

2 Jesu ndiye akatanga kufamba murwendo urwu achitiratidza nzira. Nhoroondo youpenyu hwake yakanyorwa muBhaibheri. Kana tikadzidza nhoroondo iyoyo, tinonzwisisa kuti Jesu munhu worudzii. Izvi zvinoita kuti timude uye titende maari. (Verenga 1 Petro 1:8, 9.) Yeuka kuti muapostora Petro akataura kuti Jesu akatisiyira muenzaniso kuti tinyatsotevera tsoka dzake. (1 Pet. 2:21) Kana tikanyatsotevera tsoka dzake, ‘tichagamuchira mugumo wokutenda kwedu,’ kureva kuti tichaponeswa. * Munyaya yakapfuura takakurukura kuti tingatevedzera sei Jesu pakuzvininipisa uye pakuva vanyoro. Iye zvino ngationei kuti tingatevera sei tsoka dzake pakuratidza ushingi uye kunzwisisa.

JESU ANE USHINGI

3. Ushingi chii uye tingaitei kuti tive nahwo?

3 Munhu ane ushingi anoramba akasimba uye achitsungirira paanenge ari munguva dzakaoma. Ushingi hunotibatsirawo kuti titsigire zvinhu zvakarurama. Hunoitawo kuti tirambe takadzikama uye tiine kutenda patinosangana nematambudziko. Ushingi hunofambidzana nokutya, tariro uye rudo. Sei tichidaro? Kutya Mwari kunoita kuti tive noushingi hwokuti tisatya vanhu. (1 Sam. 11:7; Zvir. 29:25) Tariro yechokwadi inotibatsira kuti tisanyanya kufunga nezvematambudziko atinotarisana nawo uye kuti tisatyira ramangwana redu. (Pis. 27:14) Rudo runoita kuti tive noushingi hwokuramba tichiita zvinodiwa naJehovha kunyange tichiziva kuti zvinogona kutiurayisa. (Joh. 15:13) Tinova neushingi kana tikavimba naMwari uye tikatevera tsoka dzeMwanakomana wake.—Pis. 28:7.

4. Jesu akaratidza sei ushingi paaiva “pakati pevadzidzisi” mutemberi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

4 Jesu aiva noushingi hwokutsigira zvinhu zvakarurama uye akaratidza ushingi ihwohwo kunyange paaiva nemakore 12. Funga zvakaitika paaiva “mutemberi, akagara pakati pevadzidzisi.” (Verenga Ruka 2:41-47.) Vadzidzisi ivavo vainyatsoziva Mutemo waMosesi uye vaizivawo tsika dzechiJudha. Tsika idzi dzaiita kuti vanhu vaomerwe nokuchengeta Mutemo waMosesi. Asi Jesu haana kutya vanhu ivavo zvokubva aramba akanyarara; ‘aivabvunza’ mibvunzo. Mibvunzo yake yainge yakasiyana neiya inowanzobvunzwa nevana. Inofanira kunge yaiva nemusoro ichiita kuti vadzidzisi vacho vashamiswe. Uye kunyange pavaida kumuvhiringidza nemibvunzo inoita kuti pave nenharo, vakakundikana. Vose vainge vakateerera kusanganisira vadzidzisi ivavo, vakashamiswa “nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake” idzo dzairatidza chokwadi chiri muShoko raMwari.

5. Jesu akaratidza sei ushingi paaiita ushumiri hwake?

5 Jesu paaiita ushumiri hwake akaratidza ushingi munzira dzakasiyana-siyana. Akafumura vatungamiriri vezvitendero avo vainyengera vanhu nedzidziso dzenhema. (Mat. 23:13-36) Akaramba akashinga kuti asakanganiswe nenyika ino yakaipa. (Joh. 16:33) Akaramba achiparidza pasinei nokupikiswa kwaaiitwa. (Joh. 5:15-18; 7:14) Akachenesa temberi kaviri achidzinga vaya vaikanganisa kunamata kwakachena kwaiitwa imomo.—Mat. 21:12, 13; Joh. 2:14-17.

6. Jesu akaratidza sei ushingi pazuva raakafa?

6 Kana tikaongorora ushingi hwakaratidzwa naJesu paaiva mumatambudziko, kutenda kwedu kunosimba. Funga nezvoushingi hwaakaratidza pazuva raakafa. Aiziva zvose zvaizoitika kwaari pashure pokunge atengeswa naJudhasi. Asi pavaidya Paseka, Jesu akaudza Judhasi kuti: “Kurumidza kwazvo kuita zvauri kuita.” (Joh. 13:21-27) Pavaiva mumunda weGetsemane, Jesu akashinga kuenda kune masoja ainge auya kuzomusunga akaaudza kuti ndiye wacho wavaitsvaga. Kunyange zvazvo upenyu hwake pachake hwaiva pangozi, akataura noushingi kuti adzivirire vadzidzi vake. (Joh. 18:1-8) Paakabvunzurudzwa ari pamberi peSanihedrini, akashinga kutaura kuti ndiye aiva Kristu uye Mwanakomana waMwari, kunyange zvazvo aiziva kuti mupristi mukuru aimutsvakira mhosva yokuti aurayiwe. (Mako 14:60-65) Jesu akaramba akashinga kusvikira paakafa padanda. Paainge ava kufema kekupedzisira, akashevedzera achiti: “Zvaitika!”—Joh. 19:28-30.

IVA NEUSHINGI SEHWAIVA NAJESU

7. Vechiduku, munonzwa sei nokuzivikanwa nezita raJehovha uye mungaratidza sei kuti mune ushingi?

7 Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza ushingi? Kuchikoro. Vechiduku, munoratidza kuti mune ushingi pamunoita kuti vamwe vazive kuti muri Zvapupu zvaJehovha kunyange zvazvo zvichiita kuti musekwe nevamunodzidza navo kana vamwewo. Munenge muchitoratidza kuti munodada nokuzivikanwa nezita raJehovha. (Verenga Pisarema 86:12.) Munogona kumanikidzwa kuti mubvume dzidziso yokuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka. Asi mune zvikonzero zvine musoro zvokubvuma kuti Bhaibheri parinotaura kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa rinenge richitaura chokwadi. Munogona kushandisa kabhuku kanonzi The Origin of Life—Five Questions Worth Asking kuti mupindure zvinogutsa vaya vanoda kuziva “chikonzero chetariro iri mamuri.” (1 Pet. 3:15) Izvi zvichaita kuti mugutsikane nokuti munenge muchitsigira chokwadi cheShoko raMwari.

8. Tine zvikonzero zvipi zvinoita kuti tiparidze noushingi?

8 Muushumiri hwedu. SevaKristu vechokwadi, tinofanira kuramba ‘tichitaura noushingi uye tichishandisa simba raJehovha.’ (Mab. 14:3) Nei tichiparidza noushingi? Tinoziva kuti zvatinoparidza ndezvechokwadi nokuti zvinobva muBhaibheri. (Joh. 17:17) Tinoziva kuti “tiri vashandi pamwe chete naMwari” uye tinobatsirwa nemudzimu mutsvene. (1 VaK. 3:9; Mab. 4:31) Tinoziva kuti kana tikashingaira kuparidza, tinenge tichiratidza kuti takazvipira kuna Jehovha uye kuti tinoda muvakidzani wedu. (Mat. 22:37-39) Ushingi huchaita kuti tisarege kuparidza. Asi takatsunga kufumura nhema dziri muzvitendero zviri kupofumadza vanhu kuti vasaziva chokwadi. (2 VaK. 4:4) Uye ticharamba tichiparidza mashoko akanaka pasinei nokuti vamwe havafariri, vanotiseka kana kuti vanotipikisa.—1 VaT. 2:1, 2.

9. Tingaratidza sei ushingi patinenge tiri mumatambudziko?

9 Patinosangana nematambudziko. Kuvimba naMwari kunoita kuti tive nokutenda uye ushingi patinenge tiri mumatambudziko. Kana munhu watinoda akafa, tinochema, asi hatirasi tariro. Tinoramba tichivimba naMwari “wokunyaradza kwose” kuti atisimbise. (2 VaK. 1:3, 4; 1 VaT. 4:13) Kana tikarwara zvakanyanya kana kuti tikakuvara, tinorwadziwa, asi hatizobvumi kurapwa kunoita kuti tiputse mitemo yaMwari. (Mab. 15:28, 29) Kana tikaora mwoyo, “mwoyo yedu ingatipa mhosva,” asi hatineti nokuti tinovimba naMwari uyo “ari pedyo nevaya vakaora mwoyo.” *1 Joh. 3:19, 20; Pis. 34:18.

JESU ANONZWISISA

10. Kunzwisisa kuita sei uye kunooneka sei pamatauriro nemaitiro emuKristu?

10 Munhu anonzwisisa anokwanisa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa obva aita chisarudzo chakanaka. (VaH. 5:14) Kunzwisisa kunotsanangurwa sekukwanisa kusarudza zvakanaka panyaya dzokunamata. MuKristu anonzwisisa anotaura uye anoita zvinhu zvinofadza Mwari. Anosarudza mashoko anovaka kwete anokuvadza vamwe. (Zvir. 11:12, 13) “Anononoka kutsamwa.” (Zvir. 14:29) “Anoenda akananga mberi,” achiramba ari munzira yakarurama murwendo rwoupenyu. (Zvir. 15:21) Tingaitei kuti tive vanhu vanonzwisisa? Tinofanira kudzidza Shoko raMwari toita zvatinenge tadzidza. (Zvir. 2:1-5, 10, 11) Zvinokoshawo kuti tifunge zvakaitwa naJesu, nokuti ndiye munhu anonzwisisa kupfuura vanhu vose.

11. Jesu airatidza sei kunzwisisa pamatauriro ake?

11 Jesu airatidza kunzwisisa pane zvose zvaaitaura nezvaaiita. Matauriro ake. Airatidza kuti aiva munhu anonzwisisa paaiparidza mashoko akanaka, achisarudza “mashoko anofadza” uye izvozvo zvaishamisa vateereri vake. (Ruka 4:22; Mat. 7:28) Aisataura zvomusoro wake asi aiwanzoverenga Shoko raMwari kana kuti kutora pfungwa dziri mariri. (Mat. 4:4, 7, 10; 12:1-5; Ruka 4:16-21) Jesu aitsanangurawo Magwaro nenzira yaiita kuti vateereri vake vabayiwe mwoyo. Pashure pokunge amutswa, Jesu akataura nevadzidzi vake vaviri vaienda kuEmausi, “akavadudzira zvinhu zvaiva nechokuita naye muMagwaro ose.” Vadzidzi vacho vakazoti: “Mwoyo yedu yanga isingatsvi here zvaanga . . . achitivhurira kwazvo Magwaro?”—Ruka 24:27, 32.

12, 13. Mienzaniso ipi inoratidza kuti Jesu ainonoka kutsamwa uye ainzwisisa?

12 Manzwiro ake uye maonero aaiita. Kunzwisisa ndiko kwaiita kuti Jesu ave munhu “anononoka kutsamwa.” (Zvir. 16:32) Aiva “munyoro.” (Mat. 11:29) Aiva nemwoyo murefu kuvadzidzi vake pasinei nokukanganisa kwavaiita. (Mako 14:34-38; Ruka 22:24-27) Airamba akadzikama kunyange paaibatwa zvisina kunaka.—1 Pet. 2:23.

13 Jesu ainzwisisa kuti Mutemo waMosesi wakaisirwei, saka aiita zvaienderana nechinangwa chawo. Izvi tinozviona pamabatiro aaiita vanhu. Somuenzaniso, funga nezvenhoroondo iri pana Mako 5:25-34. (Verenga.) Mumwe mukadzi aibuda ropa akapindawo nemuboka revanhu akabata nguo yaJesu achibva aporeswa. Ainge asina kuchena maererano neMutemo, saka aisafanira kubata chero munhu. (Revh. 15:25-27) Asi Jesu akanzwisisa kuti “nyaya dzakakura kwazvo dzoMutemo” dzaisanganisira “ngoni uye kutendeka,” saka haana kupopotera mukadzi uyu nokuti ainge abata nguo yake. (Mat. 23:23) Asi akatomuudza kuti: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare, uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.” Chokwadi kunzwisisa kwaJesu kwakaita kuti aratidze tsitsi dzakadaro!

14. Jesu akasarudza kuitei uye chii chakamubatsira kuti asatsauswe paushumiri hwake?

14 Muupenyu hwake. Jesu akaratidza kuti ainzwisisa nokuti akasarudza kufamba munzira yakanaka uye akaramba ari mairi. Akazvipira kuita basa rokuparidza mashoko akanaka uye akariita kwoupenyu hwake hwose. (Ruka 4:43) Jesu akaitawo zvisarudzo zvakamubatsira kuti arambe akaisa pfungwa pabasa rake kusvikira aripedza. Akaita kuti upenyu hwake husava nezvakawanda kuitira kuti ashandise nguva nesimba rake muushumiri. (Ruka 9:58) Akaona kuti zvaikosha kudzidzisa vamwe basa iri kuti vazoenderera mberi naro pashure pokunge afa. (Ruka 10:1-12; Joh. 14:12) Akavimbisa vateveri vake kuti aizoramba ari pamwe navo mubasa iri “kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.”—Mat. 28:19, 20.

IVA MUNHU ANONZWISISA SAJESU

Nzwisisa zvinodiwa nevanhu, wosarudza mashoko anoenderana navo (Ona ndima 15)

15. Tingaratidza sei kuti tinonzwisisa pamatauriro edu?

15 Funga nezveimwe nzira yatingatevedzera nayo Jesu. Matauriro edu. Patinenge tichikurukura nevatinonamata navo, tinotaura mashoko anovaka kwete anoparadza. (VaEf. 4:29) Patinoudza vamwe nezveUmambo hwaMwari, tinorunga mashoko edu “nomunyu.” (VaK. 4:6) Tinoedza kunzwisisa zvavanoda uye zvavanofarira, tosarudza mashoko anoenderana navo. Kana tikataura mashoko anoratidza kuti tine hanya nevanhu, vangada kutiteerera uye zvatinovaudza zvinogona kuvabaya mwoyo. Uyewo patinotsanangura zvatinotenda, tinoedza kuverengera vanhu Bhaibheri pose patinowana mukana. Tinoriverenga nokuti tinoziva kuti rine simba chaizvo kupfuura chero chii zvacho chatingataura.—VaH. 4:12.

16, 17. (a) Tingaratidza sei kuti tinononoka kutsamwa uye tinonzwisisa? (b) Tingaramba sei takaisa pfungwa paushumiri hwedu?

16 Manzwiro edu uye maonero atinoita. Kunzwisisa kunoita kuti tinonoke “kuva nehasha.” (Jak. 1:19) Kana vamwe vakatigumbura, tinoedza kunzwisisa chaita kuti vataure kana kuti vaite saizvozvo. Kunzwisisa kwakadaro kunogona kuita kuti tirege kuramba takagumbuka uye kunotibatsira kuti ‘tiregerere kudarika.’ (Zvir. 19:11) Kunzwisisa kuchatibatsirawo kuti tisava vanhu vakaoma musoro. Saka tichabata vatinonamata navo tichiziva kuti vanhuwo vanotadza uye tichiyeuka kuti vanogona kunge vaine matambudziko avari kusangana nawo atingatadza kunyatsonzwisisa. Tinoda kunzwawo pfungwa dzavo uye pazvinenge zvakakodzera tobvumawo maonero avo.—VaF. 4:5.

17 Muupenyu hwedu. Sevateveri vaJesu, tinonzwisisa kuti hatina imwe ropafadzo yatingava nayo inopfuura kuita basa rokuparidza mashoko akanaka. Kuita zvisarudzo zvinoita kuti tirambe tichiita ushumiri hwedu kunoita kuti tisatsauswa parwendo rwedu. Tinosarudza kuita kuti zvinhu zvokunamata zvirambe zviri pokutanga muupenyu hwedu uye tinoramba tiine upenyu husina zvakawanda kuitira kuti tiite basa rinokosha chaizvo rokuparidza mugumo usati wauya.—Mat. 6:33; 24:14.

18. Tingaitei kuti tisatsauswa murwendo rwoupenyu, uye watsunga kuitei?

18 Tabatsirwa chaizvo nekudzidza nezveunhu hwaJesu! Fungidzira kuti uchabatsirwawo sei kana ukadzidza nezvehumwe unhu hwaJesu uchiona kuti ungamutevedzera sei. Saka ngatitsungei kunyatsotevera tsoka dzake. Kana tikadaro, hatizotsauswi murwendo rwedu rwoupenyu uye tichawedzera kuswedera pedyo naJehovha, uyo ainyatsotevedzerwa naJesu.

^ ndima 2 Rugwaro rwa1 Petro 1:8, 9 rwakanyorerwa vaKristu vane tariro yokuenda kudenga. Kunyange zvakadaro, mashoko acho anoshandawo kuvaKristu vane tariro yokurarama pasi pano.

^ ndima 9 Mienzaniso yevanhu vakaratidza ushingi pavaiva mumatambudziko iri muNharireyomurindi yaDecember 1, 2000, mapeji 24-28; Mukai! yaMay 8, 2003, mapeji 26-29; uye Mukai! yeChirungu yaJanuary 22, 1995, mapeji 11-15.