Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kugadzirira Kuti Marudzi ‘Adzidziswe naJehovha’

Kugadzirira Kuti Marudzi ‘Adzidziswe naJehovha’

“Mutongi wacho woruwa . . . akabva ava mutendi, zvaakanga ashamiswa nokudzidzisa kwaJehovha.”—MAB. 13:12.

1-3. Nei zvainge zvisiri nyore kuti vadzidzi vaJesu vaparidze mashoko akanaka ‘kuvanhu vemarudzi ose’?

JESU KRISTU akapa vateveri vake basa rakakura chaizvo. Akavarayira kuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” Kuita basa iri kwaizoita kuti ‘mashoko akanaka oumambo aparidzwe munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.’—Mat. 24:14; 28:19.

2 Vadzidzi vaida Jesu uye vaida mashoko akanaka. Asi vanofanira kunge vainetseka kuti vaizoita sei basa racho. Pane zvinhu zvakawanda zvaiita kuti vanetseke. Panguva iyoyo vaingova vashoma. Jesu, uyo wavaiparidza nezvake vachiti aiva Mwanakomana waMwari, akanga aurayiwa. Vadzidzi vake vaionekwa ‘sevanhuwo zvavo, vasina kudzidza.’ (Mab. 4:13) Asi vaifanira kuzivisa mashoko aipesana nedzidziso dzainge dzava nemakore dzichidzidziswa nevatungamiriri vechitendero chechiJudha avo vairemekedzwa nevanhu. Vadzidzi vaJesu vainge vasingaremekedzwi kumusha kwavo, saka vanofanira kunge vainetseka kuti vaizoteererwa sei muUmambo hweRoma uhwo hwainge hwakakura chaizvo.

3 Uyewo, Jesu ainge anyevera vadzidzi vake kuti vaizovengwa, vaizotambudzwa uye vamwe vavo vaizourayiwa. (Ruka 21:16, 17) Vaizosangana nemamwe matambudziko akadai sokutengeswa nehama neshamwari dzavo. Pakati pavo paizomuka vaprofita venhema uye munyika maizova nokuwedzera kwokusateerera mutemo. (Mat. 24:10-12) Kunyange kudai mashoko avo aizogamuchirwa nevanhu kwose kwose, vaizokwanisa sei kuita kuti asvike “kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika”? (Mab. 1:8) Vadzidzi ava vanofanira kunge vainetseka kuti vaizoita sei basa iri pasinei nematambudziko ose aya.

4. VaKristu vepakutanga vakabudirira zvakadini pabasa ravo rokuparidza?

4 Pasinei nezvose izvi, vadzidzi vakashingaira kuparidza mashoko akanaka muJerusarema nomuSamariya uye munyika yose. Kunyange zvazvo vaisangana nematambudziko, pashure pemakore 30 chete, mashoko akanaka ainge “aparidzirwa zvisikwa zvose zviri pasi pedenga” uye aibereka “zvibereko achiwedzera munyika yose.” (VaK. 1:6, 23) Somuenzaniso, zvakataurwa uye zvakaitwa nemuapostora Pauro paaiva pachitsuwa cheKupro, zvakaita kuti mutongi weruwa rwacho wechiRoma ainzi Segiyo Paurosi ave “mutendi, zvaakanga ashamiswa nokudzidzisa kwaJehovha.”—Verenga Mabasa 13:6-12.

5. (a) Jesu akavimbisei vadzidzi vake? (b) Rimwe bhuku rakati chii nezvenguva yevaKristu vepakutanga?

5 Vadzidzi vaJesu vaiziva kuti vaisazobudirira pabasa rokuparidza nesimba ravo voga. Jesu ainge ataura kuti aizova navo uye vaizobatsirwa nemudzimu mutsvene. (Mat. 28:20) Kune zvimwewo zvaiita kuti kuparidza Umambo munyika iyoyo kuve nyore. Rimwe bhuku rinonzi Evangelism in the Early Church rinotsanangura kuti nguva yevaKristu vepakutanga ndiyo yaiita seyakanyatsokodzera kuti vaKristu vatange basa rokuparidza. Rinotaurawo kuti nokufamba kwenguva, vaKristu vakanga vava kuti Mwari ndiye ainge avavhurira nzira.

6. Tichakurukurei (a) munyaya ino? (b) munyaya inotevera?

6 Bhaibheri haritauri kuti Mwari ane zvaakachinja munyika kuti basa rokuparidza ribudirire munguva yevaapostora. Asi chatinoziva ndechokuti Jehovha aida kuti mashoko akanaka aparidzwe uye Satani aisada. Munyaya ino tichakurukura zvimwe zvinhu zvingangodaro zvakaita kuti basa rokuparidza rive nyore munguva iyoyo kupfuura chero imwe nguva ipi zvayo. Munyaya inotevera tichakurukura zvinhu zvavapo mazuva ano zvinoita kuti tikwanise kuparidza mashoko akanaka munyika yose.

KUBATSIRA KUNOGONA KUNGE KWAKAITA PAX ROMANA

7. Chii chainzi Pax Romana uye nguva iyoyo yainge yakasiyana sei nedzimwe?

7 Matongero aiita Umambo hweRoma ane zvaaitobatsirawo vaKristu. Somuenzaniso kwaiva nePax Romana, kureva runyararo rwaiva muRoma. Hurumende yeRoma yaisada kunzwa nezvomunhu anopandukira muUmambo hwayo. Ichokwadi kuti dzimwe nguva kwaiitika hondo sezvainge zvataurwa naJesu. (Mat. 24:6) Mauto eRoma akaparadza Jerusarema muna 70 C.E., uye kwaiva nedzimwewo hondo diki dzairwiwa munzvimbo dzaiperera Umambo hweRoma. Zvisinei, kwemakore anenge 200 kubva mumazuva aJesu, zvinhu zvakanga zvakati dzikamei muUmambo hweRoma. Rimwe bhuku rinoti: “Hakuna kumbobvira kwava nerunyararo kwenguva yakareba uye pakati pevanhu vakawanda zvakadaro.”

8. Runyararo rwaiva muRoma rwakabatsira sei vaKristu vepakutanga?

8 Mumwe murume aiongorora zvechitendero akararama mumakore okuma200 C.E. anonzi Origen, akataurawo maonero ake achiti: ‘Dzidziso yaJesu yaizotadza kupararira nenyika yose kudai kwaiva nehurumende dzakawanda, nokuti varume vaigara munzvimbo dzakasiyana-siyana vaizonzi vapinde mubasa rechiuto uye varwire nyika dzavo. Saka dzidziso iyi, iyo inotaura nezverugare uye isingatombodi kuti vanhu vatsive vavengi vavo, yaizobudirira here kudai munyika maisava nerugare panguva iyoyo?’ VaKristu vaitambudzwa muUmambo hweRoma asi vaizivikanwa sevanhu vane rugare uye vanofanira kunge vakabatsirwawo nerunyararo rwaiva panguva iyoyo.—Verenga VaRoma 12:18-21.

KUFAMBA KWAIVA NYORE

9, 10. Nei zvaiva nyore kuti vadzidzi vaJesu vafambe muUmambo hweRoma?

9 VaKristu vaishandisawo migwagwa yainge yakagadzirwa nevaRoma. Kuti Roma ikwanise kuramba iine masimba pavanhu vayaitonga, yaiva nemauto akasimba uye akarongeka. Kuti mauto iwayo akwanise kukurumidza kusvika kunzvimbo dzakasiyana-siyana, paidiwa migwagwa yakanaka, uye vaRoma vaiva neunyanzvi hwokuigadzira. Mainjiniya eRoma akagadzira migwagwa yakareba makiromita anopfuura 80 000 uye yaisvika kune anenge maruwa ose. Migwagwa iyi yaipfuura nemumasango, mumagwenga uye mumakomo.

10 VaRoma vaifambawo nengarava vachishandisa nzizi dzakanga dzagara dziripo nedzimwewo dzaiita zvokucherwa uye dzose dzabatanidzwa dzaisvika makiromita anenge 27 000. Ngarava dzeRoma dzaifamba nenzira dzomugungwa dzinenge 900 uye dzaisvika kumaguta akawanda chaizvo. Saka vaKristu vaikwanisa kuenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzaiva muUmambo hweRoma. Matambudziko aivako, asi muapostora Pauro nevamwe vateveri vaJesu vaikwanisa kufamba munyika dzose dzaitongwa neRoma vasina mapasipoti kana mavhiza. Kwakanga kusina vanhu vaiona nezvokupinda nokubuda kwezvinhu munyika idzodzo. Makororo aiva mashoma nokuti aitya kurangwa nemauto eRoma, saka mumigwagwa makanga musinganyanyi kutyisa kufamba. Kufamba nomugungwa kwakanga kusingatyisiwo nokuti Roma yaiva nemauto aidzivirira ngarava kuti dzisabiwe nemakororo. Kunyange zvazvo Pauro akaputsikirwa nechikepe kakawanda uye akasangana nenjodzi dzomugungwa, Magwaro haana paanotaura kuti akasangana nemakororo paaifamba nomugungwa.—2 VaK. 11:25, 26.

KUBATSIRA KWAKAITA MUTAURO

Kushandisa kodhekisi kwaiita kuti zvive nyore chaizvo kuwana rugwaro (Ona ndima 12)

11. Nei vadzidzi vaJesu vaishandisa mutauro wechiGiriki?

11 Mutauro wechiGiriki waizivikanwa nevakawanda wainzi Koine, wakabatsira kuti vanhu vataure vachinzwanana uye vabatane muungano dzechiKristu. Nzvimbo dzakawanda dzaitongwa neRoma dzaimbova pasi pamambo weGirisi ainge akakurumbira ainzi Alexander. Izvi zvakaita kuti vanhu vakawanda vaiva munzvimbo idzodzo vadzidze kutaura chiGiriki. Saka vashumiri vaMwari vaikwanisa kutaura nevanhu vemarudzi ose, uye izvozvo zvakaita kuti mashoko akanaka aparadzirwe. Uyewo, vaJudha vaigara kuIjipiti vainge vashandura Magwaro echiHebheru vachiaisa muchiGiriki. Vanhu vaiziva shanduro iyi yeSeptuagint uye vateveri vaKristu vepakutanga vaiishandisa. VaKristu vakashandisawo chiGiriki pakunyora nokuti mutauro uyu waiva nemashoko akawanda uye waiva wakapfuma pakutsanangura zvinhu zvine chokuita nokunamata.

12. (a) Kodhekisi chii uye nei yaiva nyore kushandisa kupfuura mupumburu? (b) VaKristu vakatanga riini kushandisa kodhekisi zvakanyanya?

12 VaKristu vaishandisa sei Magwaro muushumiri? Mipumburu yainetsa kushandisa nokuti yaiita zvokumononorwa yozomonererwa zvakare, uye kazhinji kacho yainge yakangonyorwa kudivi rimwe chete. Evhangeri yaMateu chete yaizadza mupumburu wayo yoga. Asi kwakazova nekodhekisi iyo yainge yakaita sebhuku. Aiva mapeji akaita zvokusonererwa pamwe chete. Munhu paaivhura kodhekisi, aikurumidza kuwana rugwaro rwaanenge achida. Kunyange zvazvo zvisinganyatsozivikanwi kuti vaKristu vakatanga kushandisa kodhekisi riini, rimwe bhuku rinoti: “Makore okuma100 A.D. apfuura, vaKristu vainge vava kushandisa kodhekisi kwose kwose zvokuti inofanira kunge yakatanga kushandiswa gore ra100 A.D. risati rasvika.”

KUBATSIRA KWAIITA MUTEMO WEROMA

13, 14. (a) Pauro akashandisa sei kodzero yaaiva nayo yokuva chizvarwa cheRoma? (b) Mutemo weRoma wakabatsira sei vaKristu?

13 Mutemo weRoma ndiwo waishandiswa muumambo hwose uye vaya vaiva nekodzero yokuva vagari vemo vaidzivirirwa nawo. Kakawanda, Pauro aishandisa kodzero yaaiva nayo yokuva chizvarwa cheRoma. Paakanga ava kuda kurohwa muJerusarema, akabvunza mukuru weuto reRoma kuti: “Munobvumirwa here nomutemo kuzvambura munhu muRoma asi asina kupiwa mhosva?” Zvaisabvumirwa. Pauro paakati aiva chizvarwa cheRoma, “varume vakanga vava kuda kumubvunzisisa vachimutambudza vakabva vabva paari; uye mutungamiriri wehondo akatya paakaziva kuti [Pauro] akanga ari muRoma uye kuti akanga amusunga.”—Mab. 22:25-29.

14 Kushandisa kwakaita Pauro mutemo weRoma paaiva muFiripi kwakamubatsira. (Mab. 16:35-40) Munyori wezvaiitika muguta reEfeso akataura nezvemutemo weRoma pashure pokunge anyaradza boka revanhu rainge rakagumbukira vaKristu. (Mab. 19:35-41) Kushandisawo kwakaita Pauro mutemo kuti akwidze nyaya yake paaiva muKesariya, kwakaita kuti akwanise kudzivirira kutenda kwake pamberi paKesari. (Mab. 25:8-12) Saka mutemo weRoma waiita kuti vaKristu vakwanise “kudzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka.”—VaF. 1:7.

KUPARARIRA KWEVAJUDHA KWAKABATSIRAWO

15. VaJudha vainge vakapararira zvakadini munguva yevaKristu vepakutanga?

15 Basa rokuparidza rinofanira kunge rakavawo nyore kuvaKristu nokuti vaJudha vainge vakapararira kwose kwose muUmambo hweRoma. Mazana emakore ainge apfuura, vaJudha vainge vatapwa nevaAsiriya uye pave paya, vamwe vaJudha vakazotapwa nevaBhabhironi. Pashure pokunge vaPezhiya vakunda vaBhabhironi, kwaiva nevaJudha vaigara mumatunhu 127 eumambo hwePezhiya. (Est. 9:30) Jesu paaiva panyika, kwaiva nevaJudha vaigara kuIjipiti nedzimwewo nzvimbo dzokuNorth Africa, uyewo kuGirisi, Asia Minor neMesopotamiya. Zvinofungidzirwa kuti pavanhu 60 000 000 vaiva muUmambo hweRoma, munhu mumwe chete pa14 voga voga, aiva muJudha. Kwose kwavaienda, vaJudha vairamba vachiita zvechitendero chavo.—Mat. 23:15.

16, 17. (a) Kupararira kwevaJudha kwakabatsira sei vanhu vakawanda vaisava vaJudha? (b) Vateveri vaJesu vakatanga kutevedzera zvinhu zvipi zvaiitwa nevaJudha?

16 Kupararira kwevaJudha kwakaita kuti vanhu vakawanda vaisava vaJudha vazive Magwaro echiHebheru. Vanhu ivavo vakadzidza kuti kunongova naMwari mumwe chete wechokwadi uye kuti vaya vanomushumira vanofanira kuteerera mitemo yake. Uyewo, Magwaro echiHebheru ainge akazara neuprofita hwaitaura nezvaMesiya. (Ruka 24:44) VaJudha nevaKristu vainzwisisa kuti Magwaro echiHebheru aiva Shoko raMwari rakafemerwa, uye izvozvo zvakaita kuti zvive nyore kuna Pauro kuti aparidzire vanhu vaida kunzwa mashoko akanaka. Ndokusaka Pauro aigara achipinda mumasinagogi evaJudha achikurukura navo achishandisa Magwaro.—Verenga Mabasa 17:1, 2.

17 VaJudha vaiva nemanamatiro avo avaiita. Vaigara vachiungana mumasinagogi kana kuti panze. Vaiimba nziyo, vainyengetera uye vaikurukura Magwaro. Vateveri vaJesu vakatanga kutevedzerawo izvozvo uye ndizvo zviri kuitwawo muungano dzechiKristu mazuva ano.

JEHOVHA NDIYE AKAITA KUTI VABUDIRIRE

18, 19. (a) Mamiriro akanga akaita zvinhu munguva yevaKristu vepakutanga akabatsirei? (b) Nyaya ino inoita kuti unzwe sei nezvaJehovha?

18 Sezvataona, pane zvinhu zvakawanda zvakaita kuti vadzidzi vaJesu vabudirire kuparidza mashoko akanaka. Vakakwanisa kuramba vachiita basa ravakanga vapiwa naMwari rokuparidza, nokuti kwaiva nePax Romana, vaikwanisa kufamba zviri nyore, vanhu vaitaura mutauro mumwe chete, Roma yaiva nemitemo yaivadzivirira, uye vaJudha vainge vakapararira kwose kwose.

19 Pachine makore 400 nguva iyi isati yasvika, mumwe murume wechiGiriki ainzi Plato akanyora kuti: “Hazvisi nyore kuziva musiki wezvinhu zvose zviri kudenga nepanyika, uye kunyange tikamuwana hatigoni kuudza vanhu vose nezvake.” Asi Jesu akati: “Zvinhu zvisingabviri kuvanhu zvinobvira kuna Mwari.” (Ruka 18:27) Musiki wezvinhu zvose anoda kuti vanhu vamuwane uye vamuzive. Uyewo Jesu akaudza vateveri vake kuti: ‘Itai kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.’ (Mat. 28:19) Tinobudirira kuita basa iroro chete tichibatsirwa naJehovha Mwari. Nyaya inotevera icharatidza kuti basa iroro riri kuitwa sei mazuva ano.