Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Ari Kutungamirira Basa Redu Rokudzidzisa Munyika Yose

Jehovha Ari Kutungamirira Basa Redu Rokudzidzisa Munyika Yose

“Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe, iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo.”—ISA. 48:17.

1. Zvii zvange zvichiita kuti basa rokuparidza riome?

VADZIDZI VEBHAIBHERI * vakasangana nematambudziko akasiyana-siyana pavakatanga kuita basa rokuparidza makore anodarika 130 apfuura. Kungofanana nevaKristu vepakutanga, vaiparidzawo mashoko aisafarirwa nevakawanda. Vaiva vashoma uye nyika yaivaona sevanhu vasina kudzidza. Kukandwa kwaizoitwa Satani Dhiyabhorosi panyika “akatsamwa kwazvo,” kwaizoitawo kuti vatambudzwe. (Zvak. 12:12) Uyewo vaizoita basa rokuparidza “mumazuva okupedzisira,” munguva “dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.”—2 Tim. 3:1.

2. Zvii zviri kuitwa naJehovha kuti basa rokuparidza rienderere mberi?

2 Asi Jehovha anoda kuti vanhu vake vazivise mashoko akanaka munyika yose uye hapana chinomutadzisa kuzadzisa chinangwa ichocho. Sokusunungura kwaakaita vaIsraeri kubva muBhabhironi, Jehovha akasunungurawo vashumiri vake vemazuva ano kubva ‘muBhabhironi Guru,’ mubatanidzwa wezvitendero zvenhema zvose. (Zvak. 18:1-4) Akatidzidzisa zvinhu zvinotibatsira, akatikomborera nerugare uye akatibatsirawo kuti tidzidzise vamwe. (Verenga Isaya 48:16-18.) Izvi hazvirevi kuti nguva dzose Jehovha anosarudza kuziva zvose zvichaitika munyika ochinja mamiriro ezvinhu kuitira kuti basa rokuparidza Umambo rienderere mberi. Ichokwadi kuti pane zvimwe zvinhu zvave zvichiita kuti basa redu rokuparidza rive nyore. Asi Jehovha ndiye ari kuita kuti tikwanise kuita basa iri kunyange zvazvo tichitambudzwa uye tichisangana nemamwe matambudziko anobva munyika ino iri musimba raSatani.—Isa. 41:13; 1 Joh. 5:19.

3. Zvakafamba sei kuti “zivo yechokwadi” iwande?

3 Jehovha akafemera muprofita Dhanieri kuti ataure kuti “zivo yechokwadi” yaizowanda munguva yomugumo. (Verenga Dhanieri 12:4.) Jehovha akabatsira Vadzidzi veBhaibheri kuti vanzwisise chokwadi chiri muMagwaro, icho chaitadza kunzwisiswa nemhaka yedzidziso dzemachechi anozviti ndeechiKristu. Iye zvino ava kushandisa vanhu vake kuita kuti zivo yechokwadi izivikanwe munyika yose. Mazuva ano tiri kuona kuzadziswa kweuprofita hwaDhanieri. Vanhu vanoda kusvika 8 000 000 vakagamuchira chokwadi cheBhaibheri uye vava kuchizivisa munyika yose. Zvii zvimwe zvakabatsira vanhu vaJehovha kuti vaparidze munyika yose?

KUSHANDURWA KWEBHAIBHERI KWAKABATSIRA

4. Bhaibheri rainge rava kuwanikwa zvakadini pakazosvika gore ra1900?

4 Chimwe chinhu chiri kubatsira kuti mashoko akanaka aziviswe ndechokuti Bhaibheri rava kuwanikwa nevanhu vakawanda. Kwemazana emakore, vafundisi vemachechi anozviti ndeechiKristu vairambidza vanhu kuverenga Bhaibheri uye vakatourayisa vamwe vakarishandura. Zvisinei, mumakore okuma1800, mamwe masangano akaita kuti Bhaibheri rose kana kuti mamwe mabhuku aro awanikwe mumitauro inenge 400. Pakazosvika gore ra1900, vanhu vakawanda vainge vava nemaBhaibheri asi vaisava nezivo yakarurama yezvinodzidziswa neMagwaro.

5. Zvapupu zvaJehovha zvakaitei pabasa rokushandura Bhaibheri?

5 Vadzidzi veBhabheri vaiziva kuti vaifanira kuparidza, saka vaishanda nesimba kuudza vanhu zvinodzidziswa neBhaibheri. Uyewo, vanhu vaJehovha vaishandisa shanduro dzeBhaibheri dzakasiyana-siyana uye vaidziparadzira. Kutanga muna 1950, vakabudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, yakazara kana kuti mamwe mabhuku ayo, mumitauro inopfuura 120. Shanduro yeNyika Itsva yeChirungu yakabudiswa muna 2013, ichaita kuti zvive nyore kuishandurira mune mimwe mitauro. Uyewo kushandisa Bhaibheri riri nyore kunzwisisa uye kuverenga, kunotibatsira pabasa redu rokuparidza.

RUNYARARO RWAKABATSIRA SEI?

6, 7. (a) Hondo dziri kurwiwa zvakadii mazuva ano? (b) Runyararo rwaiva mune dzimwe nyika rwakabatsira sei pabasa redu rokuparidza?

6 Zvimwe unganetseka kuti, ‘Munyika mune runyararo here?’ Somuenzaniso, mumakore okuma1900, mamiriyoni evanhu akafa nehondo kunyanya pakarwiwa hondo yenyika yokutanga neyechipiri. Asi Hondo Yenyika II payaitsviriridza muna 1942, Hama Nathan Knorr avo vaitungamirira Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, vakapa hurukuro pane rimwe gungano rakaitwa. Hurukuro iyi yaiva nemusoro waiti, “Runyararo—Rucharamba Ruriko Here?” Hurukuro iyoyo yakataura nezveuchapupu huri muchitsauko 17 chaZvakazarurwa hwokuti hondo yairwiwa panguva iyoyo yaizoguma nerunyararo, kwete neAmagedhoni.—Zvak. 17:3, 11.

7 Pakapera Hondo Yenyika II, hadzisi nyika dzose dzakava nerunyararo. Imwe ongororo yakaitwa inoratidza kuti kubva muna 1946 kusvika muna 2013, pane hondo 331 dzakarwiwa. Muhondo idzodzo, mamiriyoni evanhu akafa. Asi mudzimwe nyika dzakawanda, zvinhu zvakanga zvakati dzikamei uye vanhu vaJehovha vakashandisa mukana iwoyo kuzivisa mashoko akanaka. Zvakaguma nei? Muna 1944, munyika yose maiva nevaparidzi voUmambo vasingasviki 110 000. Iye zvino kwava nevaparidzi vanoda kusvika 8 000 000! (Verenga Isaya 60:22.) Tinoonga chaizvo kana kwatinogara tichikwanisa kuparidza mashoko akanaka murunyararo!

ZVIFAMBISO ZVAKABATSIRA SEI?

8, 9. Kufambira mberi kupi kuri kuitika pakugadzirwa kwezvifambiso uye kuri kutibatsira sei pabasa redu?

8 Kufambira mberi kuri kuitika pakugadzirwa kwezvifambiso kuri kuita kuti basa rokuparidza rive nyore. Muna 1900, makore anenge 21 kubva pakatanga kubudiswa Nharireyomurindi, muUnited States maingova nemotokari 8 000 chete dzainge dzakanyoreswa zviri pamutemo, uye maingova nemigwagwa mishoma yaifambika nemotokari. Iye zvino pasi pose pava nemotokari dzakanyoreswa zviri pamutemo dzinopfuura 1,5 bhiriyoni uye migwagwa yakanaka yakawanda uye yakareba chaizvo. Motokari uye migwagwa zviri kutibatsira kuti tisvitse mashoko akanaka kuvanhu vanogara kure chaizvo. Asi kunyange zvazvo vamwe vedu tichigara munzvimbo dzinonetsa zvifambiso uye dzimwe nguva tichifanira kufamba madaro akakura, tinoita zvose zvatinogona kuti tiparidzire vanhu.—Mat. 28:19, 20.

9 Kune dzimwewo mhando dzezvifambiso zviri kutibatsira pabasa redu. Marori, ngarava, uye zvitima zviri kuita kuti tikwanise kuendesa mabhuku edu kunzvimbo dziri kure chaizvo mumavhiki mashoma. Ndege dzinoitawo kuti vatariri vematunhu, nhengo dzeDare Rebazi, mamishinari, nevamwewo vakurumidze kusvika kumagungano kana kuti vakurumidze kuita mamwe mabasa echiKristu. Uyewo, hama dziri muDare Rinodzora nedzimwewo dziri kumahofisi edu makuru dzinoenda nendege kunyika dzakawanda kunokurudzira uye kurayiridza hama nehanzvadzi. Zvose izvi zviri kubatsira kuti vanhu vaJehovha vabatane.—Pis. 133:1-3.

MUTAURO WAKABATSIRA SEI?

10. Nei tingati Chirungu ndiwo mutauro unonyanya kushandiswa munyika dzakawanda?

10 Munguva yevaKristu vepakutanga, chiGiriki ndicho chainyanya kutaurwa muUmambo hweRoma. Mazuva ano, Chirungu ndicho chinonyanya kutaurwa nevakawanda. Bhuku rinonzi English as a Global Language rinoti: “Chikamu chimwe pazvina zvevanhu vari panyika chinokwanisa kutaura Chirungu zvakanaka.” Munyika dzakawanda, vanhu vanodzidza Chirungu, nokuti ndicho chinonyanya kushandiswa pakukurukura munyaya dzebhizimisi, dzezvematongerwo enyika, dzesayenzi uye dzokugadzirwa kwezvinhu.

11. Chirungu chiri kubatsira sei pabasa revanhu vaJehovha?

11 Kutaurwa kuri kuitwa Chirungu nevanhu vakawanda kuri kubatsira kuti kunamata kwechokwadi kuenderere mberi. Kwemakore, Nharireyomurindi uye mamwe mabhuku edu aingobudiswa muChirungu chete. Mutauro weChirungu ndiwo unoshandiswa kumahofisi makuru eZvapupu zvaJehovha. Uye unoshandiswawo pakudzidzisa vadzidzi kuWatchtower Educational Center iri kuPatterson, New York, U.S.A.

12. Mabhuku edu ava kushandurwa mumitauro mingani uye ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu rwuri kutibatsira sei?

12 Nemhaka yokuti tine ropafadzo yokuparidza mashoko akanaka oUmambo kuvanhu vemarudzi ose, takashandura mabhuku edu mumitauro inenge 700. Kufambira mberi kuri kuitika mune zvemakombiyuta, kusanganisira kugadzirwa kwepurogiramu yepakombiyuta inonzi MEPS (Multilanguage Electronic Publishing System), kuri kutibatsira kuti tiite basa iri rakakura. Zvose izvi zviri kutibatsira kuti tiparadzire mashoko oUmambo uye zviri kuita kuti tirambe takabatana munyika yose. Asi tinonyanya kubatanidzwa ‘nemutauro wakachena’ wechokwadi chiri muMagwaro.—Verenga Zefaniya 3:9.

MITEMO YENYIKA YAKABATSIRA SEI?

13, 14. Mazuva ano vaKristu vari kubatsirwa sei nemitemo yenyika uye nemitongo inopiwa mumatare?

13 Sezvatakaona munyaya yakapfuura, vaKristu vepakutanga vaibatsirwa nemitemo yeRoma yaishanda muumambo hwacho hwose. Mazuva ano, vaKristu vari kubatsirwawo nemitemo yenyika. Somuenzaniso, kuUnited States, uko kune mahofisi edu makuru, bumbiro romutemo reko rinopa vanhu rusununguko rwokunamata, rwokutaura uye rwokuungana. Izvi zviri kuita kuti hama dzedu dzokuUnited States dzikwanise kuungana pamwe chete dzichidzidza Bhaibheri uye dzikwanise kuudza vamwe zvadziri kudzidza. Asi dzimwe nguva taitofanira kuenda kumatare kuti tive norusununguko rwokuparidza. (VaF. 1:7) Vatongi pavaiedza kutorera hama dzedu dzokuUnited States kodzero dzavo, dzaikwidza nyaya dzacho kumatare makuru uye kakawanda kacho dzaikunda.

14 Mune dzimwe nyika, matare akatipawo rusununguko rwokunamata uye kodzero yedu yokuparidza. Asi mune dzimwewo nyika matare emo akaramba kutipa rusununguko rwokunamata saka takakwidza nyaya dzacho kumatare anotonga nyika dzakawanda. Somuenzaniso, pakazosvika June 2014, takanga takunda munyaya 57 mudare repamusoro-soro rokuEurope rinonzi European Court of Human Rights uye nyika dzose dziri pasi pedare iri dzinosungirwa kutevedzera zvarakatonga. Kunyange zvazvo tichivengwa “nemarudzi ose,” matare ari munyika dzakawanda akapa mutongo wokuti tine kodzero yokunamata Jehovha takasununguka.—Mat. 24:9.

ZVIMWEWO ZVIRI KUTIBATSIRA PABASA REDU ROKUDZIDZISA

Tiri kuita kuti mabhuku edu awanikwe nevanhu vari pasi pose

15. Kufambira mberi kupi kwakaitika mune zvokupirinda uye izvi zviri kutibatsira sei?

15 Kufambira mberi mune zvokupirinda kwakabatsirawo pabasa rokuparidza mashoko akanaka munyika yose. Kwemazana emakore, vanhu vaingoshandisa rudzi rwomuchina wokupirinda wakagadzirwa naJohannes Gutenberg munenge muna 1450. Asi mazana maviri emakore apfuura, pane kuchinja kukuru kwakaitika mune zvokupirinda. Kwava nemichina yakakura, inomhanya uye yemhando yepamusoro. Kugadzira mapepa uye kubhainda mabhuku hakuchanyanyi kudhura. Michina mitsva yava kushandiswa yava kuita kuti basa rokupirinda rikurumidze uye pabudiswe mapikicha akanaka chaizvo. Zvose izvi zvakatibatsira sei pakuita basa redu? Funga izvi: Nharireyomurindi yokutanga iyo yakabudiswa muna July 1879, yakapirindwa makopi 6 000. Yainge isina mifananidzo uye yaingova mumutauro mumwe chete weChirungu. Iye zvino papfuura makore 136, uye mwedzi nemwedzi magazini anopfuura 50 000 000 eNharireyomurindi ari kupirindwa achipiwa vanhu. Ine mifananidzo yakanaka chaizvo inoyevedza uye iri kuwanikwa mumitauro inopfuura 200.

16. Zvinhu zvipi zviri kutibatsira pakuparidza munyika yose? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

16 Funga nezvezvimwe zvinhu zvakagadzirwa makore 200 apfuura zvave zvichishandiswa nevanhu vaMwari pakuparidza mashoko akanaka. Tataura nezvezvitima, motokari, uye ndege asi kunewo zvimwe zvakadai semabhasikiro, matapureta, michina inoshandiswa nemapofu pakunyora nokuverenga, materegiramu, mafoni, makamera, michina inoshandiswa pakurekodha mashoko nemavhidhiyo, maredhiyo, materevhizheni, mabhaisikopo, makombiyuta neIndaneti. Zvinhu izvi zvakatibatsira munzira dzakasiyana-siyana kuti tiite basa redu rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Mukuzadzisa uprofita hwokuti vanhu vaJehovha ‘vaizoyamwa mukaka wemarudzi,’ tiri kushandisa zvinhu zvakadai sezvigadzirwa zvemazuva ano, kuti tibudise Bhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro yakawanda.—Verenga Isaya 60:16.

17. (a) Zvatakurukura munyaya ino zvinoratidzei? (b) Nei Jehovha achitibvumira kuva “vashandi pamwe chete” naye?

17 Zvatakurukura munyaya ino zvinoratidza kuti Mwari ari kukomborera basa redu. Ichokwadi kuti Jehovha aigona kuita basa rake asingabatsirwi nevanhu. Asi akaita kuti tive “vashandi pamwe chete” naye, uye izvozvo zvinotipa mukana wokuratidza kuti tinomuda uye tinoda muvakidzani wedu. (1 VaK. 3:9; Mako 12:28-31) Saka ngatishandisei mikana yatinayo kuita basa rinokosha chaizvo panyika rokuzivisa mashoko oUmambo. Ngatiitei zvose zvatinogona kuti tiratidze kuti tinoonga kutungamirirwa uye kukomborerwa kwatiri kuitwa naJehovha pabasa redu rokudzidzisa munyika yose!

^ ndima 1 Vadzidzi veBhaibheri vakatanga kuzivikanwa nezita rokuti Zvapupu zvaJehovha muna 1931.—Isa. 43:10.