Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kare mabhuku edu paaitsanangura nhoroondo dziri muMagwaro aiwanzoti dzine kumwe kuzadziswa kukuru kwaizoitika mune ramangwana, asi iye zvino haachanyanyi kudaro. Nei?

Nharireyomurindi yaSeptember 15, 1950 yakataura kuti dzimwe nguva vanhu uye zvimwe zvinhu zvinotaurwa muBhaibheri zvine zvazvinomiririra zvinozoitika. Kare mabhuku edu aitaura kuti varume nevakadzi vakatendeka vakadai saDhibhora, Erihu, Jefta, Jobho, Rakabhi uye Ribheka nevamwewo vakawanda, vaimiririra vakazodzwa kana kuti “boka guru revanhu.” (Zvak. 7:9) Somuenzaniso, Jefta, Jobho uye Ribheka vaifungidzirwa kuti vanomiririra vakazodzwa asi Dhibhora naRakabhi vainzi vaifananidzira vaKristu veboka guru. Zvisinei, iye zvino hatichatsananguri tichadaro. Nei?

MUFANANIDZO

Gwayana repaseka raibayirwa nevaIsraeri vekare raiva nezvaraimiririra.Num. 9:2

ZVAWAIMIRIRIRA

Pauro akataura kuti Kristu ‘igwayana rePaseka yedu.’1 VaK. 5:7

Ichokwadi kuti Magwaro anoratidza kuti vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri vane zvavaimiririra. Somuenzaniso, pana VaGaratiya 4:21-31, muapostora Pauro akataura nezvevamwe vakadzi vaviri vane zvavaimiririra. Hagari, mushandikadzi waAbrahamu, aimiririra vaIsraeri, avo vaifanira kutevedzera zvaidiwa naJehovha zvaiva muMutemo waMosesi. Asi Sara, “mukadzi akasununguka,” aimiririra mukadzi waMwari, kureva chikamu chesangano raMwari chokudenga. Uyewo mutsamba yake kuvaHebheru, Pauro akataura kuti Merekizedheki, uyo aiva mambo uye mupristi, aimiririra Jesu. (VaH. 6:20; 7:1-3) Pauro akataurawo kuti Isaya nevanakomana vake vaimiririra Jesu nevateveri vake vakazodzwa. (VaH. 2:13, 14) Jehovha akafemera Pauro kunyora fananidzo idzodzo, saka tinodzitorawo saizvozvo.

Zvisinei, kunyange Bhaibheri parinoratidza kuti mumwe munhu ane mumwe munhu waanomiririra, hatifaniri kufunga kuti kanhu kese kese kakaitika muupenyu hwemunhu iyeye kane zvakanomiririra. Somuenzaniso, kunyange zvazvo Pauro akataura kuti Merekizedheki aimiririra Jesu, Pauro haana zvaakataura nezvokuti pane imwe nguva Merekizedheki akapa Abrahamu chingwa newaini kuti adye pashure pokunge akunda madzimambo mana. Saka hapana chikonzero chomuMagwaro chokuedza kutsvaka kuti izvozvo zvaimiririrei.—Gen. 14:1, 18.

Vamwe vanyori vakazorarama Kristu ava nemakore akawanda afa, vaiti nhoroondo dzose dziri muBhaibheri dzine zvadzinomiririra. Rimwe bhuku rinonzi The International Standard Bible Encyclopaedia richitsanangura dzidziso dzaOrigen, Ambrose, naJerome rakati: “Vakaongorora Magwaro vachiti nhoroondo imwe neimwe ine zvainomiririra. Kunyange nyaya iri nyore kunzwisisa yaitonzi ine chimwe chokwadi chisiri pachena . . . , zvokuti vamwe vakaedza kuda kuona kuti hove 153 dzakabatwa nevadzidzi usiku uhwo Muponesi akazviratidza kwavari, dzaimiririrei!”

Mumwe mufundisi ainzi Augustine akataura zvakawanda nezvekupa kwakaita Jesu varume vanenge 5 000 zvokudya achishandisa zvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri. Akati zvingwa zvishanu zvebhari zvaimiririra mabhuku mashanu ekutanga eBhaibheri. Uye sezvo bhari yaionekwa seisingakoshi pane gorosi, Augustine akati izvozvo zvinoreva kuti “Testamende Yekare” haikoshi pane “Testamende Itsva.” Akatiwo kudii nezvehove mbiri? Akati dzaimiririra mambo uye mupristi. Mumwe munyori aifarirawo zvokuongorora kuti nhoroondo imwe neimwe iri muBhaibheri inomiririrei, akataura kuti kutenga kwakaita Jakobho kodzero youdangwe kuna Isau nenyemba tsvuku, kwaifananidzira kutengera kwakaita Jesu vanhu nhaka yokudenga achishandisa ropa rake dzvuku!

Kuomerwa kwatingaitwa nokudavira tsanangudzo idzi kunoratidza kuti zvakaoma kuziva kuti inhoroondo dzipi dzeBhaibheri dzine zvadzinomiririra uye kuti ndedzipi dzisina zvadzinomiririra. Saka ndeipi nzira yatinofanira kushandisa pakutsanangura nhoroondo dzeBhaibheri? Magwaro paanodzidzisa nezvokuti mumwe munhu anomiririra mumwe munhu, kana kuti zvimwe zviitiko zvine zvazvinomiririra, tinozvitsanangurawo saizvozvo. Asi hatifaniri kutaura kuti nhoroondo yemuBhaibheri ine zvainomiririra kana pasina Magwaro anotsigira izvozvo.

Saka tingaita sei kuti tibatsirwe nenhoroondo dziri muMagwaro? Pana VaRoma 15:4, tinoverenga mashoko emuapostora Pauro okuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” Pauro aireva kuti hama dzake dzakazodzwa dzakararama panguva yake dzaigona kuwana zvidzidzo zvinokosha kubva pazviitiko zvakanyorwa muMagwaro. Zvisinei, vanhu vaMwari vose kubva ipapo, kusanganisira ‘vemamwe makwai,’ vari kurarama “mumazuva okupedzisira,” vari kubatsirwa nezvidzidzo zviri muzvinhu “zvose zvakanyorwa kare.”—Joh. 10:16; 2 Tim. 3:1.

Pane kuona nhoroondo dzakawanda dzeBhaibheri sedzinongoshanda kuboka rimwe chete revanhu, vangava vakazodzwa kana kuti boka guru, uye sedzinongoshanda panguva imwe chete, vanhu vaMwari vose vanogona kushandisa zvidzidzo zvakawanda zviri munhoroondo dzacho pasinei nokuti vanorarama panguva ipi. Somuenzaniso, hatifaniri kutaura kuti zvakaitika kuna Jobho zvinongomiririra kutsungirira kwakaitwa nevakazodzwa panguva yeHondo Yenyika I. Vashumiri vaMwari vakawanda, vangava vari varume nevakadzi veboka guru kana kuti vakazodzwa, vakasanganawo nematambudziko akaita seaJobho uye ‘vakaona zvavakaitirwa pakupedzisira naJehovha, kuti Jehovha ane rudo rukuru uye ane ngoni.’—Jak. 5:11.

Funga izvi: Muungano dzedu mazuva ano, tine vakadzi vakura vakavimbika saDhibhora, hama dzechiduku dzinoshumira sevakuru dzakachenjera saErihu, mapiyona anoshingaira saJefta uye varume nevakadzi vane mwoyo murefu saJobho. Tinoonga chaizvo Jehovha nokuti akachengeta “zvinhu zvose zvakanyorwa kare,” kuitira kuti “nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro”!

Saka nemhaka yezvikonzero izvozvo, mabhuku edu ava kunyanya kutaura nezvezvidzidzo zvatinowana munhoroondo dzeBhaibheri pane kuedza kutsvakiridza zvadzinomiririra.