Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvatinodzidza Mumufananidzo Wematarenda

Zvatinodzidza Mumufananidzo Wematarenda

“Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwezve rimwe chete.”—MAT. 25:15.

1, 2. Nei Jesu akataura mufananidzo wematarenda?

MUMUFANANIDZO wematarenda, Jesu akanyatsoratidza basa guru raifanira kuitwa nevateveri vake vakazodzwa. Tinofanira kunzwisisa zvinorehwa nemufananidzo uyu, nokuti unoshanda kuvaKristu vose, pasinei nokuti vane tariro yokuenda kudenga here kana kuti yepanyika.

2 Jesu paakataura mufananidzo wematarenda aipindura zvaakanga abvunzwa nevadzidzi vake nezvechiratidzo “chokuvapo [kwake] nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 24:3) Saka mufananidzo uyu unozadziswa munguva ino yatiri kurarama uye uri pakati pezvinhu zvinoumba chiratidzo chokuvapo kwaJesu achitonga saMambo.

3. Tinodzidzei mumifananidzo yaJesu iri muna Mateu chitsauko 24 uye 25?

3 Mufananidzo wematarenda ndemumwe wemifananidzo mina yakataurwa naJesu iri pana Mateu 24:45 kusvika pa25:46 achipindura vadzidzi vake mubvunzo une chokuita nokuvapo kwake. Mimwe yacho mitatu inoti, wemuranda akatendeka akangwara, wemhandara gumi, uye wemakwai nembudzi. Mumifananidzo yacho yose iri mina, Jesu akataura nezvezvinhu zvaizosiyanisa vateveri vake vechokwadi nevamwe vanhu mumazuva ano okupedzisira. Paakataura mufananidzo wemuranda, wemhandara newematarenda, aifunga nezvevateveri vake vakazodzwa. Mumufananidzo wemuranda akatendeka, Jesu akaratidza kuti boka duku revakazodzwa iro raizopa zvokudya kune veimba mumazuva okupedzisira, raifanira kuva rakatendeka uye rakangwara. Mumufananidzo wemhandara, akasimbisa kuti vateveri vaKristu vakazodzwa vose vaifanira kuva vakagadzirira uye vakarinda, vachiziva kuti ari kuuya kunyange zvazvo vasingazivi zuva kana awa yacho. Mumufananidzo wematarenda, Jesu akaratidza kuti vakazodzwa vaifanira kushingaira pakuita mabasa avo echiKristu. Akataura mufananidzo wokupedzisira wemakwai nembudzi, achifunga nezvevaya vane tariro yokurarama panyika. Akasimbisa kuti vaizofanira kuva vakavimbika uye kuti vaizofanira kunyatsotsigira hama dzake dzakazodzwa dziri panyika. * Iye zvino ngatichiongororai mufananidzo wematarenda.

TENZI ANOPA VARANDA VAKE MARI YAKAWANDA CHAIZVO

4, 5. Murume kana kuti tenzi, womumufananidzo wematarenda anomiririra ani, uye tarenda rine ukoshi hwakadini?

4 Verenga Mateu 25:14-30. Mabhuku edu ava nenguva achitsanangura kuti murume, kana kuti tenzi wemumufananidzo uyu ndiJesu uye kuti akaenda kunze kwenyika paakaenda kudenga muna 33 C.E. Mune mumwe mufananidzo waakanga ataura, Jesu akati chinangwa chekuenda kwake kunze kwenyika chaiva chokuti “anowana simba roumambo.” (Ruka 19:12) Jesu haana kubva angoitwa Mambo paakadzokera kudenga. * Asi “akagara kuruoko rworudyi rwaMwari, kubvira panguva iyoyo akamirira kusvikira vavengi vake vaitwa kuti vave sechitsiko chetsoka dzake.”—VaH. 10:12, 13.

5 Murume wemumufananidzo uyu aiva nematarenda masere. Iyoyo yaiva mari yakawanda chaizvo mumazuva iwayo. * Asati aenda kunze kwenyika, akagova matarenda acho kuvaranda vake, achitarisira kuti vaizosara vachiita bhizimisi. Kungofanana nemurume iyeye, Jesu aiva nechimwe chinhu chaikosha chaizvo asati aenda kudenga. Chaiva chii? Mhinduro yacho ine chokuita nebasa raaiita muupenyu hwake.

6, 7. Matarenda anomiririrei?

6 Jesu aikoshesa chaizvo basa rokuparidza uye rokudzidzisa. (Verenga Ruka 4:43.) Aiziva kuti paiva nebasa rakawanda rokuita uye vanhu vakawanda vaizogamuchira mashoko akanaka. Akanga amboudza vadzidzi vake kuti: “Simudzai maziso enyu muone minda kuti yachenera kukohwa.” (Joh. 4:35-38) Aifunga nezvebasa guru rokuunganidza vanhu vanoda kuziva chokwadi, kuti vave vadzidzi vake. Sezvinongoita murimi akangwara, Jesu aisazosiya munda wachenera kukohwa usina vakohwi. Saka paakanga amutswa uye asati aenda kudenga, akarayira vadzidzi vake kuti: ‘Endai munoita kuti vanhu vave vadzidzi.’ (Mat. 28:18-20) Saka Jesu akavapa pfuma inokosha chaizvo, kureva ushumiri hwechiKristu.—2 VaK. 4:7.

7 Saka toti kudini? Jesu paakapa vateveri vake basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi, aitovapa “zvinhu zvake,” kana kuti matarenda. (Mat. 25:14) Saka matarenda anomiririra basa rokuparidza uye rokuita kuti vanhu vave vadzidzi.

8. Kunyange zvazvo varanda vakapiwa matarenda akasiyana, tenzi wavo aitarisirei?

8 Mumufananidzo wematarenda, tenzi akapa muranda wokutanga matarenda mashanu, mumwe maviri, uye wekupedzisira rimwe chete. (Mat. 25:15) Kunyange zvazvo muranda mumwe nomumwe akapiwa matarenda akasiyana neomumwe, tenzi aitarisira kuti vose vashande nesimba pakushandisa matarenda avo. Saizvozvowo, Jesu aitarisira kuti vateveri vake vakazodzwa vaite ushumiri nepavanogona napo. (Mat. 22:37; VaK. 3:23) Kubvira paPendekosti ya33 C.E., vateveri vaKristu vakatanga kuita bhizimisi nematarenda. Nhoroondo yokushingaira kwavaiita pabasa rokuparidza uye rokuita kuti vanhu vave vadzidzi, yakanyorwa mubhuku reBhaibheri raMabasa. *Mab. 6:7; 12:24; 19:20.

KUITA BHIZIMISI NEMATARENDA MUNGUVA YOMUGUMO

9. (a) Varanda vaviri vakatendeka vakaitei nematarenda avakapiwa, uye izvozvo zvinoratidzei? (b) Vaya vane tariro yokurarama panyika vanoitawo basa ripi?

9 Munguva yomugumo, kunyanya kubva muna 1919, varanda vakatendeka vaKristu vakazodzwa vari panyika, vari kuita bhizimisi nematarenda aTenzi. Kungofanana nevaranda vaviri vokutanga, hama nehanzvadzi dzakazodzwa dziri kushanda nesimba mubasa rokuparidza. Hapana chikonzero chokuda kutsvaka kuti muranda akawana matarenda mashanu anomiririra ani kana kuti muranda akawana matarenda maviri anomiririra ani. Mumufananidzo wacho, varanda vaviri vokutanga vakawana mamwe matarenda akaenzana neavainge vapiwa, saka vose vakashanda nesimba. Ko vaya vane tariro yokurarama panyika vanoitawo basa ripi? Mufananidzo waJesu wemakwai nembudzi unotidzidzisa kuti vaya vane tariro yokurarama panyika vane ropafadzo inokosha yokutsigira hama dzakazodzwa dzaJesu pabasa rokuparidza nekudzidzisa. Mumazuva ano okupedzisira, mapoka aya maviri ari kushanda nesimba ‘seboka rimwe chete’ achishingaira mubasa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi.—Joh. 10:16.

10. Ndechipi chiratidzo chikuru chokuvapo kwaJesu?

10 Tenzi anotarisira kuti basa iri rive nezvibereko. Sezvambotaurwa, vadzidzi vake vakatendeka vekare vakashanda nesimba kuti zvinhu zvaTenzi zviwedzere. Asi tingatiwo kudini munguva ino yomugumo mufananidzo wematarenda pauri kuzadziswa? Vateveri vaJesu vakatendeka vari kushanda nesimba pakuita basa rinokosha chaizvo rokuparidza uye rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Kushanda nesimba kwavari kuita kuri kuita kuti vanhu vakawanda chaizvo vabhabhatidzwe gore negore vova vazivisi voUmambo, uye izvi zviri kuita kuti basa rokuparidza nokudzidzisa rive chiratidzo chikuru chokuti Jesu ari kutonga saMambo. Tenzi wavo anofanira kunge ari kufara chaizvo!

Kristu akapa vateveri vake basa rinokosha chaizvo rokuparidza (Ona ndima 10)

TENZI ACHAUYA RIINI KUZOGADZIRISA ZVEMARI DZAKE?

11. Chii chinoita kuti titi Jesu achagadzirisa zvemari dzake munguva yokutambudzika kukuru?

11 Jesu achauya kuzogadzirisa zvemari dzake nevaranda vake kana kutambudzika kukuru kuri pamberi apa kwava kunopera. Tinozviziva sei? Muuprofita hwakanyorwa muna Mateu chitsauko 24 ne25, Jesu akataura kakawanda nezvekuuya kwake. Achitaura nezvekutongwa kuchaitwa vanhu munguva yokutambudzika kukuru, akati vanhu vachaona “Mwanakomana womunhu achiuya ari pamakore okudenga.” Akakurudzira vateveri vake vaizorarama mumazuva okupedzisira kuti varambe vakarinda achiti: “Hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi” uye akatiwo “Mwanakomana womunhu ari kuuya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.” (Mat. 24:30, 42, 44) Saka Jesu paakati “tenzi wevaranda ivavo akauya, akagadzirisa zvemari dzake,” aitaura nezvenguva yaachauya kuzotonga vanhu pamugumo wenyika ino. *Mat. 25:19.

12, 13. (a) Tenzi akati kudini kuvaranda vaviri vokutanga, uye nei? (b) Vakazodzwa vachaiswa chisimbiso chokupedzisira riini? (Ona bhokisi rakanzi, “ Kuzvidavirira Pavanofa.”) (c) Vaya vachatongwa semakwai vachapiwa mubayiro wei?

12 Mumufananidzo wematarenda, tenzi paakadzoka, akaona varanda vake vaviri, uya akapiwa mashanu neuya akapiwa maviri, vawedzera matarenda avo zvakapetwa kaviri. Mumwe nemumwe wevaranda ava akaudzwa kuti: “Waita zvakanaka, muranda akanaka uye akatendeka! Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma. Ndichakugadza kuti utarisire zvinhu zvizhinji.” (Mat. 25:21, 23) Saka Tenzi Jesu achaitei paachauya kuzotonga vanhu munguva yemberi?

13 Varanda vaviri vokutanga, avo vanofananidzira vakazodzwa vanoshanda nesimba, vachange vatoiswa chisimbiso chokupedzisira kutambudzika kukuru kusati kwatanga. (Zvak. 7:1-3) Amagedhoni isati yatanga, Jesu achavapa mubayiro wavo wokudenga. Chii chichaitika kune vaya vane tariro yokurarama panyika vaitsigira hama dzaKristu pakuita basa rokuparidza? Vachange vatongwa semakwai uye vachapiwa ropafadzo yokugara panyika vachitongwa neUmambo hwaMwari.—Mat. 25:34.

MURANDA AKAIPA UYE ANE USIMBE

14, 15. Jesu paakataura nezvemuranda akaipa uye ane usimbe, aireva here kuti hama dzake dzakazodzwa dzakawanda dzaizova dzakaipa uye dzaizova neusimbe? Tsanangura.

14 Mumufananidzo uyu, muranda wokupedzisira akanoviga tarenda rake muvhu pane kuita bhizimisi naro kana kuriisa mubhengi. Muranda uyu akaita zvakaipa chaizvo, nokuti akasarudza kuita zvaipesana nezvaidiwa natenzi wake. Saka tenzi wake akamuti aiva muranda “akaipa uye ane usimbe.” Akamutorera tarenda raaiva naro akaripa uya aiva nematarenda gumi. Muranda akaipa iyeye akabva akandwa ‘murima rekunze.’ ‘Ikoko ndiko kwaaizosvimha misodzi ari nokugeda-geda mazino ake.’—Mat. 25:24-30; Ruka 19:22, 23.

15 Jesu paakataura nezvemuranda akaviga tarenda rake, aireva here kuti pavateveri vake vakazodzwa paizova nevamwe vakaipa uye vane usimbe? Kwete. Ngatimbofungai nezvemashoko aakanga ambotaura. Mumufananidzo wemuranda akatendeka akangwara, Jesu akataura nezvemuranda anorova vamwe varanda. Apa Jesu akanga asingarevi kuti kwaizova neboka remuranda akaipa. Asi ainyevera muranda akatendeka kuti asapedzisira ava muranda akaipa. Jesu paakataurawo mufananidzo wemhandara gumi akanga asingarevi kuti hafu yevateveri vake vakazodzwa yaizoita semhandara shanu dzakapusa. Asi ainyevera hama dzake dzakazodzwa nezvezvinhu zvinogona kuitika kana dzikasarinda uye dzikagara dzisina kugadzirira. * Saka tichifunga zvakanga zvambotaurwa naJesu, tinogona kuti paakataura mufananidzo wematarenda, akanga asingarevi kuti mumazuva okupedzisira vakazodzwa vakawanda vaizova vakaipa uye vane usimbe. Asi ainyevera hama dzake dzakazodzwa kuti dzirambe dzichishingaira, kureva ‘kuita bhizimisi’ nematarenda adzo, uye dzorega kuva neunhu hwakaipa kana kuti dzisaita zvinoitwa nemuranda akaipa.—Mat. 25:16.

16. (a) Tinodzidzei mumufananidzo wematarenda? (b) Nyaya ino yagadzirisa sei manzwisisiro ataiita mufananidzo wematarenda? (Ona bhokisi rakanzi, “ Kunzwisisa Mufananidzo Wematarenda.”)

16 Zvidzidzo zvipi zviviri zvatinowana mumufananidzo wematarenda? Chokutanga, Tenzi, kureva Kristu, akapa varanda vake vakazodzwa basa rinokosha chaizvo rokuparidza uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi. Chechipiri, Kristu anoda kuti tose zvedu tishingaire pabasa rokuparidza. Kana tikaramba tichiita basa iri takatendeka uye tikaramba takarinda, tichapiwa mubayiro.—Mat. 25:21, 23, 34.

^ ndima 3 Nharireyomurindi yaJuly 15, 2013 mapeji 21-22, ndima 8-10, yakatsanangura kuti muranda akatendeka akangwara ndiani. Nyaya yatangira ino yatsanangura kuti mhandara ndiani. Mufananidzo wemakwai nembudzi unotsanangurwa muNharireyomurindi yaOctober 15, 1995, mapeji 23-28, uye munyaya inotevera mumagazini ino.

^ ndima 5 Mumazuva aJesu, tarenda rimwe chete raiva rakaenzana nemadhinari anenge 6 000. Mushandi aifanira kushanda zuva rese kuti awane dhinari rimwe chete. Saka kuti awane tarenda rimwe chete aifanira kushanda makore anenge 20.

^ ndima 8 Pakafa vaapostora, Satani akaita kuti pave nevanhu vakatsauka pakutenda uye kwemazana emakore vanhu ivavo vairamba vachiwedzera. Panguva iyoyo hapana zvakawanda zvaiitwa pabasa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi vechokwadi vaKristu. Asi zvinhu zvaizochinja panguva ‘yokukohwa,’ kureva mumazuva okupedzisira. (Mat. 13:24-30, 36-43) Ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 2013, mapeji 9-12.

^ ndima 15 Ona ndima 13 iri munyaya inoti, “‘Ucharamba Wakarinda’ Here?” mumagazini ino.