Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngatirambei Tichitsigira Hama dzaKristu

Ngatirambei Tichitsigira Hama dzaKristu

“Kana makazviitira mumwe wevaduku vehama dzangu idzi, makazviitira ini.”—MAT. 25:40.

1, 2. (a) Jesu akaudza shamwari dzake dzepedyo mifananidzo ipi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Chii chatinofanira kuziva nezvemufananidzo wemakwai nembudzi?

JESU aikurukura neshamwari dzake dzepedyo dzinoti Petro, Andreya, Jakobho naJohani. Ainge achangobva kuvaudza mufananidzo wemuranda akatendeka akangwara, wemhandara gumi, uye wematarenda. Akazotaurazve mumwe mufananidzo wokupedzisira. Akataura nezvenguva iyo “Mwanakomana womunhu” achatonga “marudzi ose.” Mumufananidzo wacho, Jesu akataura nezvekuparadzaniswa kwevanhu, vamwe vachinzi makwai, uye vamwe vachinzi imbudzi. Uye akataurawo nezveboka rinokosha rechitatu raakati raiva “hama” dzaMambo.—Verenga Mateu 25:31-46.

2 Vanhu vaJehovha vagara vachida kunyatsonzwisisa kuti mufananidzo uyu unomirirei nokuti zvakataurwa naJesu mumufananidzo iwoyo zvine chokuita neramangwana redu. Jesu akataura kuti nei vamwe vaizowana upenyu husingaperi asi vamwe vachizoparadzwa. Saka zvinokosha chaizvo kuti tinzwisise mufananidzo uyu uye kuti tizive zvatinofanira kuita kana tichida kuwana upenyu. Sezvo nyaya iyi iine chokuita noupenyu hwedu, tinofanira kuzvibvunza kuti: Jehovha ari kuramba achitibatsira sei kunzwisisa mufananidzo uyu? Nei tichiti mufananidzo uyu unoratidza kuti basa rokuparidza rinokosha chaizvo? Ndiani akapiwa basa rokuparidza? Uye kuti nei iye zvino iri nguva yokuti tirambe tichitsigira “Mambo” uye “hama” dzake?

JEHOVHA ARI KURAMBA ACHITIBATSIRA SEI KUNZWISISA MUFANANIDZO UYU?

3, 4. (a) Zvinhu zvipi zvitatu zvatinofanira kuziva kuti tinzwisise mufananidzo wemakwai nembudzi? (b) Muna 1881, Zion’s Watch Tower yakatsanangura sei mufananidzo uyu?

3 Kuti tinyatsonzwisisa mufananidzo wemakwai nembudzi, tinofanira kuziva zvinhu zvitatu zvinokosha zviri munyaya yacho. Tinofanira kuziva kuti ndivanaani vari kutaurwa munyaya yacho, kutongwa kwacho kuchaitwa riini, uye kuti nei vamwe vachizonzi makwai uye vamwe imbudzi.

4 Muna 1881, Zion’s Watch Tower yakatsanangura kuti “Mwanakomana womunhu,” uyo anonziwo “Mambo,” ndiJesu. Vadzidzi veBhaibheri vekutanga vainzwisisa kuti mashoko okuti “hama dzangu” anoreva vaya vachanotonga naKristu kusanganisira vanhu vose vanenge vasisina chivi vachararama panyika. Vaifunga kuti kuparadzaniswa kwemakwai nembudzi kwaizoitika muKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru. Uye vaifunga kuti vaya vanotevedzera Mwari pakuratidza rudo muupenyu hwavo ndivo vaizonzi makwai.

5. Kuma 1920, takanga tava kunzwisisa sei mufananidzo wemakwai nembudzi?

5 Kuma 1920, Jehovha akabatsira vanhu vake kuti vanzwisise mufananidzo uyu zviri nani. Nharireyomurindi yeChirungu yaOctober 15, 1923, yakatsigira pfungwa yokuti “Mwanakomana womunhu” ndiJesu. Asi yakatsanangura ichishandisa Magwaro kuti hama dzaKristu ndevaya chete vaizotonga naye kudenga, uye yakati makwai ndevaya vane tariro yokugara panyika vachitongwa naKristu muUmambo hwake. Ko makwai nembudzi zvaizoparadzaniswa riini? Magazini yacho yakataura kuti kuparadzaniswa kwacho hakuitiki munguva yeKutonga Kwemakore Ane Chiuru nokuti hama dzaKristu dzinenge dzatova kudenga, uye panguva iyoyo hadzizogoni kubatsirwa nevaya vanenge vari panyika. Saka kuparadzaniswa kwemakwai nembudzi kwaizoitika Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kusati kwatanga. Yakataura chikonzero chinoita kuti munhu azonzi igwai ichiti anofanira kubvuma kuti Jesu ndiye Ishe uye kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchaita kuti zvinhu zvinake panyika.

6. Muna 1995, manzwisisiro ataiita mufananidzo waJesu akajekeswa sei?

6 Nemhaka yemanzwisisiro atakanga tava kuita panguva iyoyo, taifunga kuti mumazuva ano ose zvawo okupedzisira, vanhu vari kutongwa semakwai kana kuti sembudzi zvichienderana nekuteerera kwavo mashoko oUmambo. Zvisinei, muna 1995 manzwisisiro ataiita akajekeswa. Nyaya mbiri dzakabudiswa muNharireyomurindi yaOctober 15, 1995, dzakatsanangura kufanana kwakaita mashoko aJesu ari pana Mateu 24:29-31 (verenga) uye pana Mateu 25:31, 32. (Verenga.) * Nyaya yokutanga yakati: ‘Kutongwa kwevanhu semakwai nembudzi kuchaitika munguva yemberi.’ Asi riini? Magazini yacho yakati, ‘Kuchaitika kana “kutambudzika” kunotaurwa pana Mateu 24:29, 30 kwatanga uye Mwanakomana womunhu “paanosvika achibwinya.” Zvadaro, nyika ino yakaipa painenge yasvika pamugumo, Jesu achatonga vanhu.’

7. Mazuva ano tava kunzwisisa sei mufananidzo wemakwai nembudzi?

7 Mazuva ano tava kunyatsonzwisisa mufananidzo wemakwai nembudzi. Jesu ndiye “Mwanakomana womunhu” uye ndiye Mambo anotaurwa mumufananidzo uyu. Varume nevakadzi vakazodzwa nemudzimu avo vachatonga naKristu kudenga ndivo vanonzi “hama” dzaMambo. (VaR. 8:16, 17) “Makwai nembudzi” zvinomiririra vanhu vemarudzi ose. Vanhu ava havana kuzodzwa nemudzimu mutsvene. Asi vachatongwa riini? Vachatongwa kana kutambudzika kukuru kuri pamberi apa kwava kunopera. Nei vachizotongwa kuti makwai kana kuti imbudzi? Mabatiro avakaita hama dzaKristu dzakazodzwa dzichiri panyika ndiwo achaita kuti vatongwe saizvozvo. Sezvo mugumo wenyika ino wava pedyo chaizvo, tinoonga kuti Jehovha ari kuramba achitibatsira kunzwisisa mufananidzo uyu nemimwewo inotaurwa muna Mateu chitsauko 24 ne25!

MUFANANIDZO UYU UNORATIDZA SEI KUTI BASA ROKUPARIDZA RINOKOSHA?

8, 9. Nei vanhu vakaita semakwai vachinzi “vakarurama”?

8 Mumufananidzo wemakwai nembudzi, hapana patinoona Jesu achitaura mashoko okuti kuparidza kana kuti basa rokuparidza. Saka nei tichiti mufananidzo uyu unoratidza kuti basa rokuparidza rinokosha?

9 Chokutanga tinofanira kuyeuka kuti Jesu ane chidzidzo chaaida kujekesa achishandisa mufananidzo. Saka zviri pachena kuti akanga asiri kutaura nezvekuparadzaniswa kwehwai chaidzo nembudzi. Uyewo aisareva kuti munhu wose anozotongwa segwai anotofanira kupa zvokudya, zvokupfeka, uye kubatsira hama dzaJesu padzinenge dzichirwara kana kuti kudzishanyira mujeri. Asi aireva kuti vanhu vakaita semakwai vanofanira kubata sei hama dzake. Akatsanangura kuti vanhu vakaita semakwai “vakarurama” nokuti vanobvuma kuti Kristu ane boka rehama dzakazodzwa dzichiri panyika uye vanoramba vachitsigira vakazodzwa ivavo mumazuva ano okupedzisira.—Mat. 10:40-42; 25:40, 46; 2 Tim. 3:1-5.

10. Makwai angabatsira sei hama dzaKristu?

10 Chechipiri funga nezvemamwe mashoko ainge ambotaurwa naJesu. Ainge achitaura nezvechiratidzo chokuvapo kwake nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho. (Mat. 24:3) Akati chiratidzo chacho chaisanganisira basa guru raizoitwa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo “munyika yose inogarwa.” (Mat. 24:14) Uye paakazotaura nezvemakwai nembudzi, ainge achangobva kutaura mufananidzo wematarenda. Sezvatakaona munyaya yakapfuura, Jesu akataura mufananidzo iwoyo wematarenda kuti arayire vadzidzi vake vakazodzwa kana kuti “hama” dzake, kuti dzishande nesimba pabasa rokuparidza. Zvisinei, munguva ino yokuvapo kwaJesu, panyika pasara vakazodzwa vashoma uye vane basa rakakura chaizvo rokuparidza “kumarudzi ose” mugumo usati wasvika. Mufananidzo wemakwai nembudzi unoratidza kuti vakazodzwa vaizova nevamwe vanhu vanovabatsira. Saka nzira inokosha chaizvo iyo makwai anobatsira nayo hama dzaKristu ndeyokuita basa rokuparidza. Asi zvii zvimwe zvingaitwa nemakwai kuti abatsire vakazodzwa? Anofanira kungogumira pakupa zvipo uye kukurudzira vakazodzwa kuti vaite basa racho here?

NDIVANAANI VANOFANIRA KUPARIDZA?

11. Mubvunzo upi watingava nawo uye nei?

11 Mazuva ano pavadzidzi vaJesu vanosvika 8 000 000, vakawanda vacho havana tariro yokuenda kudenga. Jesu haana kuvapa matarenda aakapa varanda vake vakazodzwa. (Mat. 25:14-18) Saka mubvunzo unovapo ndewokuti, ‘Vaya vasina kuzodzwa nomudzimu mutsvene vanofanira kuitawo basa rokuparidza here?’ Hongu. Ngationei zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tidaro.

12. Tinodzidzei pamashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 28:19, 20?

12 Jesu akarayira vadzidzi vake vose kuti vaparidze. Pashure pokunge amutswa, Jesu akaudza vateveri vake kuti vaite kuti vanhu vave vadzidzi, vachivadzidzisa kuchengeta “zvinhu zvose” zvaainge avarayira. Mumwe murayiro wacho waiva wokuti vaite basa rokuparidza. (Verenga Mateu 28:19, 20.) Saka vadzidzi vaKristu vose vanofanira kuparidza, pasinei nokuti vane tariro yokudenga here kana kuti yepanyika.—Mab. 10:42.

13. Tinodzidzei kubva pane zvakaonekwa naJohani?

13 Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti basa rokuparidza raisazoitwa nevakazodzwa chete. Jesu akaratidza muapostora Johani “mwenga” kana kuti vakazodzwa vane 144 000 vachatonga naKristu kudenga, vachiudza vanhu kuti ‘vatore mvura youpenyu vasingatengi.’ (Zvak. 14:1, 3; 22:17) Mvura iyoyo inomiririra zvichaitwa naJehovha kuti abvisire vanhu chivi norufu achishandisa chibayiro cherudzikinuro chaKristu. (Mat. 20:28; Joh. 3:16; 1 Joh. 4:9, 10) Rudzikinuro ndirwo musimboti wemashoko atinoparidza, uye vakazodzwa ndivo vari pamberi kubatsira vanhu kuti vadzidze nezvarwo uye vabatsirwe narwo. (1 VaK. 1:23) Asi Johani akaratidzwawo vamwe vasiri veboka remwenga. Naivowo vanoudzwa kuti vati, “Uya!” Vanoteerera uye vanotokokawo vamwe kuti vauye kuzotora mvura youpenyu. Boka iri rechipiri nderevaya vane tariro yokurarama panyika. Saka zvakaonekwa naJohani izvi zvinonyatsoratidza kuti vose vanobvuma kukokwa kuti ‘vauye’ vanofanira kuitawo basa rokuparidza.

14. Tinoratidza sei kuti tinoteerera “mutemo waKristu”?

14 Vose vari pasi ‘pomutemo waKristu’ vanofanira kuparidza. (VaG. 6:2) Zvinotaurwa naJehovha zvinoshanda kuvanhu vose. Somuenzaniso, akaudza vaIsraeri kuti: “Panofanira kuva nomutemo mumwe chete kumunhu womunyika yacho nokumutorwa ari kugara pakati penyu.” (Eks. 12:49; Revh. 24:22) VaKristu havasi pasi poMutemo waMosesi. Asi tose zvedu, pasinei nokuti tiri vakazodzwa here kana kuti hatisi, tiri pasi ‘pomutemo waKristu.’ Mutemo iwoyo unosanganisira zvose zvakadzidziswa naJesu. Imwe dzidziso inokosha chaizvo yaJesu ndeyokuti vateveri vake vanofanira kuratidza rudo. (Joh. 13:35; Jak. 2:8) Kuparidza mashoko akanaka oUmambo ndeimwe nzira inokosha chaizvo yokuratidza kuti tinoda Mwari, Kristu uye muvakidzani wedu.—Joh. 15:10; Mab. 1:8.

15. Nei murayiro waJesu wokuparidza uchishanda kuvateveri vake vose?

15 Mashoko aJesu kune vanhu vashoma anogona kushandawo kune vakawanda. Somuenzaniso, Jesu akaita sungano yoUmambo nevadzidzi 11 chete, asi sungano iyoyo inoshandawo kuvakazodzwa vose vari 144 000. (Ruka 22:29, 30; Zvak. 5:10; 7:4-8) Uye Jesu paakamutswa, vadzidzi vake vashoma ndivo vakamunzwa achirayira kuti vaparidze. (Mab. 10:40-42; 1 VaK. 15:6) Asi vadzidzi vake vose vakatendeka vepakutanga vakaziva kuti murayiro uyu waishandawo kwavari kunyange zvazvo vasina kuona Jesu achitaura. (Mab. 8:4; 1 Pet. 1:8) Mazuva anowo, pavanhu 8 000 000 vari kuita basa rokuparidza Umambo, hapana akambonzwa inzwi raJesu richimuti aite basa iri. Asi vose vanoziva kuti vanofanira kuva nokutenda muna Kristu uye kuratidza kutenda kwavo nokuita basa rokuparidza.—Jak. 2:18.

INO NDIYO NGUVA YOKUTSIGIRA HAMA DZAKRISTU

16-18. Vaya vanotarisira kuzotongwa semakwai vangatsigira sei hama dzaKristu uye nei vachifanira kuita izvozvo iye zvino?

16 Satani ari kurwa nehama dzaKristu dzakazodzwa dzichiri panyika uye “nguva pfupi” yaasarirwa nayo zvairi kupera, ari kuwedzera kudzirwisa. (Zvak. 12:9, 12, 17) Pasinei nokuti vanosangana nemiedzo yakawanda, vakazodzwa vari kuramba vachishanda nesimba pakuita basa rokuparidza munyika yose. Zviri pachena kuti Jesu anavo uye ari kuvatungamirira.—Mat. 28:20.

17 Vaya vanotarisira kuzotongwa semakwai vanokoshesa ropafadzo yokubatsirawo hama dzaKristu pabasa rokuparidza. Vanopawo mari yezvipo uye vanobatsira pakuvaka Dzimba dzoUmambo, Dzimba Dzemagungano uye mahofisi emapazi, uye vanoteerera vaya vakagadzwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara’ kuti vavatungamirire.—Mat. 24:45-47; VaH. 13:17.

Vanhu vakaita semakwai vanotsigira hama dzaKristu munzira dzakasiyana-siyana (Ona ndima 17)

18 Munguva pfupi iri kuuya, ngirozi dzichasiya mhepo dzokuparadza uye kutambudzika kukuru kuchabva kwatanga. Izvi zvichaitika kana hama dzaKristu dzose dzichiri panyika dzaiswa chisimbiso chokupedzisira. (Zvak. 7:1-3) Amagedhoni isati yatanga, vakazodzwa vachatorwa voenda kudenga. (Mat. 13:41-43) Saka iye zvino ndiyo nguva yokuti vose vanotarisira kuzotongwa semakwai varambe vachitsigira hama dzaKristu.

^ ndima 6 Kana uchida mamwe mashoko ane chokuita nemufananidzo uyu, ona nyaya inoti, “Uchamira Sei Pamberi Pechigaro Chokutonga?” neinoti, “Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kwamakwai Nembudzi?” muNharireyomurindi yaOctober 15, 1995.