Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Murayiro Wokuroorana “munaShe Chete” Uchiri Kushanda Here?

Murayiro Wokuroorana “munaShe Chete” Uchiri Kushanda Here?

“Ndiri kushaya mukomana angandiroora muungano, uye ndiri kutya kuti ndichatochembera ndisina kuroorwa.”

“Vamwe vakomana vokunyika vane unhu hwakanaka, vane rudo, uye vanonzwisisa. Havashori chitendero changu uye vanoita sevari nani pane dzimwe hama dziri muungano.”

Vamwe vashumiri vaMwari vakatombotaurawo mashoko akafanana naiwayo pavaitsvaka munhu wokuroorana naye. Asi vanonyatsoziva kuti vaKristu vose vanofanira kuteerera zano rakataurwa nemuapostora Pauro rokuti varoorane “munaShe chete.” (1 VaK. 7:39) Saka nei vachitaura mashoko aya?

NEI VAMWE VACHIOMERWA NEKUTEERERA MURAYIRO UYU?

Vanhu vanotaura mashoko aya vanoona sokuti muungano vakomana vashoma kupfuura vasikana. Maonero iwayo ndeechokwadi nokuti munyika dzakawanda mune vakomana vashoma kupfuura vasikana. Funga nezvemienzaniso miviri inotevera: Munyika yeKorea, paZvapupu 100 zvega zvega zvisati zvaroora kana kuroorwa, 57 ihanzvadzi uye 43 ihama. KuColombia, 66 muzana yeZvapupu ihanzvadzi uye 34 muzana ihama.

Mune dzimwe nyika vabereki vasiri Zvapupu vanochaja mari yeroora yakawandisa zvokuti hama dzisina mari yakawanda dzinoomerwa nekuroora. Saka pakadai hanzvadzi inogona kuona sokuti mikana yokuroorwa “munaShe” mishoma. Saka ingabvunza kuti, “Ndichazombowana here mukomana akandikodzera muungano yechiKristu?” *

KUVIMBA NAJEHOVHA KUNOKOSHA CHAIZVO

Kana uchimbova nemanzwiro akadai, iva nechokwadi chokuti Jehovha anoziva mamiriro ako ezvinhu uye anoziva manzwiro auri kuita.—2 Mak. 6:29, 30.

Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anoda kuti muKristu aroore kana kuroorwa munaShe chete. Nei? Nokuti anoziva zvakanakira vanhu vake. Anoda kudzivirira vashumiri vake pazvinhu zvinozovapinza muna taisireva uye anodawo kuti vafare. Mumazuva aNehemiya, vaJudha vakawanda pavairoorana nevanhu vokune dzimwe nyika vaisanamata Jehovha, Nehemiya akataura nezvemuenzaniso wakaipa waSoromoni. Kunyange zvazvo Soromoni ‘aidiwa naMwari wake, madzimai okune dzimwe nyika akaita kuti aite chivi.’ (Neh. 13:23-26) Saka Mwari ari kuudza vashumiri vake kuti kana vachida kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka vanofanira kuroorana nevanamati vechokwadi chete. (Pis. 19:7-10; Isa. 48:17, 18) VaKristu vechokwadi vanoonga chaizvo kuti Mwari anovada uye ane hanya navo. Vanovimba nekutungamirira kwaanoita. Pavanoteerera Jehovha soMutongi wavo, vanenge vachitobvuma kuti ndiye ane kodzero yokuvaudza zvokuita.—Zvir. 1:5.

Hapana anoda ‘kusungwa zvisina kukodzera pajoko’ nemunhu anoita kuti apedzisire ava kure naMwari. (2 VaK. 6:14) Mazuva ano vaKristu vakawanda vakateerera murayiro waMwari iwoyo unotidzivirira uye vari kuona kuti vakasarudza nzira yakanaka. Asi kunewo vamwe vasina kuteerera.

MURAYIRO UYU UCHIRI KUSHANDA

Imwe hanzvadzi yokuAustralia inonzi Maggy, * yakataura zvakaitika payakatanga kudanana nemukomana asingatendi ichiti: “Kakawanda ndairovha misangano kuti ndionane naye. Ukama hwangu naMwari hwakakanganisika chaizvo.” Ratana wokuIndia akatanga kudanana nemumwe mukomana waaidzidza naye kuchikoro uye mukomana wacho ainge ava kudzidza Bhaibheri. Asi akazobuda pachena kuti chinangwa chake chokudzidza Bhaibheri chaiva chokuti adiwe nemusikana. Ratana akazorega kunamata Jehovha uye akatanga kupinda chimwe chitendero kuti aroorwe nemukomana uya.

Mumwe muenzaniso ndewaNdenguè wokuCameroon. Aiva nemakore 19 paakaroorwa. Vasati vachata, mukomana wake akamuudza kuti aisazomurambidza kuti arambe achiita zvechitendero chake. Asi pashure pemavhiki maviri vachata, murume wake akamurambidza kupinda misangano yechiKristu. Ndenguè anoti: “Ndainzwa kusurukirwa uye ndaichema. Upenyu hwangu hwainge husisiri mumaoko angu. Ndaigara ndichidemba.”

Ichokwadi kuti havasi vose vanoroorana nevanhu vasingatendi vanozoitirwa utsinye. Asi kunyange ukasaitirwa utsinye, ukama hwako naJehovha hunenge hwakanganisika sei? Kuziva kuti hauna kuteerera zano raakakupa kunoita kuti unzwe sei? Uye chinonyanya kukosha ndechokuti Jehovha anonzwa sei nezvechisarudzo chaunenge waita?—Zvir. 1:33.

Hama nehanzvadzi dziri munyika yose idzo dzakateerera zano rokuroorana “munaShe chete” dzinonyatsobvuma kuti dzakaita chisarudzo chakanaka. Vaya vasati varoora kana kuroorwa vakatsunga kufadza Mwari saka vanotsvaka wokuroorana naye pakati pevanamati vake. Imwe hanzvadzi yokuJapan inonzi Michiko yaikurudzirwa nehama dzayo kuti iroorwe nemunhu asingatendi. Uye zvakanga zvakaomera Michiko kuona shamwari dzake dzichiroorwa musangano iye achisaririra. Anoti: “Ndairamba ndichizviudza kuti Jehovha zvaari ‘Mwari anofara,’ mufaro wedu haubvi pakuti wakaroorwa here kana kuti hauna. Ndaiziva kuti anotipawo zvinodiwa nemwoyo yedu. Saka kana tichishaya munhu wokuroorana naye, zvakanaka kumbogara tisina kuroora kana kuroorwa.” (1 Tim. 1:11) Michiko akazoroorwa nehama ine unhu hwakanaka chaizvo uye ari kufara kuti akamirira.

Kunewo dzimwe hama dzakamirira kusvikira dzawana munhu akadzikodzera. Mumwe wacho ndiBill anobva kuAustralia. Anotaura kuti dzimwe nguva aimbofarirawo vasikana vasiri Zvapupu. Asi aisada kunyanya kuwirirana navo. Nemhaka yei? Aisada kutora danho rokutanga raizoita kuti apedzisire asungwa “zvisina kukodzera pajoko” nemunhu asingatendi. Aimbopfimba dzimwe hanzvadzi asi zvairamba. Bill akamirira kwemakore 30 kusvikira azowana hanzvadzi yakamukodzera. Anoti: “Hapana chandinodemba. Ndakakomborerwa nokuti tinoenda tose muushumiri, tinodzidza tose, uye tinonamata tose. Ndinofara kuonana uye kushamwaridzana neshamwari dzomudzimai wangu nokuti dzose dzinonamatawo Jehovha. Tinosimbisa imba yedu nokushandisa mazano ari muBhaibheri.”

ZVAUNGAITA PAUNENGE WAKAMIRIRA JEHOVHA

Ungaitei paunenge usati wawana wokuroorana naye anoshumira Jehovha? Chimwe chinhu chakanaka chaungaita ndechekufungisisa kuti nei usati waroora kana kuroorwa. Kana chikonzero chako chiri chokuti unoziva kuti Bhaibheri rinoti unofanira kuroora kana kuroorwa “munaShe chete,” uri kuita zvakanaka chaizvo nokuteerera murayiro iwoyo waMwari. Ziva kuti Jehovha ari kufara nokutsunga kwauri kuita kuteerera Shoko rake. (1 Sam. 15:22; Zvir. 27:11) Unogona kuramba uchinyengetera kuna Mwari ‘uchidurura mwoyo wako.’ (Pis. 62:8) Paunoramba uchimukumbira nemwoyo wose, ukama hwako naye huchawedzera kusimba. Zuva rimwe nerimwe ushamwari hwako naMwari hucharamba huchisimba nokuti uri kuramba wakashinga pasinei nemiedzo yaunosangana nayo. Ziva kuti Jehovha ane hanya nevashumiri vake vose vakatendeka uye kuti unokosha kwaari. Ane hanya nezvaunoda uye zvaunoshuvira. Haativimbisi hake kuti achatipa wokuroorana naye. Asi kana uchinyatsoda wokuroorana naye, Mwari anoziva nzira yakanaka yokugutsa zvinodiwa nemwoyo wako.—Pis. 145:16; Mat. 6:32.

Dzimwe nguva ungava nemanzwiro akafanana neomunyori wepisarema Dhavhidhi uyo akati: “Haiwa, kurumidzai, ndipindurei, haiwa Jehovha. Simba rangu rapera. Musandivanzira chiso chenyu.” (Pis. 143:5-7, 10) Panguva yakadaro, ipa Baba vako vokudenga nguva kuti vakuratidze zvavanoda kuti uite. Unogona kuita izvi nokuverenga Shoko ravo uye kufungisisa zvaunenge uchiverenga. Uchaziva mirayiro yaJehovha uye uchaona zvaakaitira vanhu vake vekare. Kana ukamuteerera, zvichakubatsira kuona zvakanakira mitemo yake.

VaKristu vasati varoora kana kuroorwa vanokosha chaizvo, vanobatsira mhuri dziri muungano uye vana vaduku

Chii chimwe chingaita kuti ufare uye urambe wakabatikana paunenge wakamirira? Usati wawana wokuroorana naye, unogona kushandisa nguva iyoyo kusimbisa ukama hwako naJehovha, kuva munhu ane rupo, anoshanda nesimba, akazvipira kuna Mwari uye ane zita rakanaka. Izvi zvichakubatsira kuti uzova neimba inofara. (Gen. 24:16-21; Rute 1:16, 17; 2:6, 7, 11; Zvir. 31:10-27) Tanga kutsvaka Umambo nokuita zvakawanda mubasa rokuparidza uye mamwe mabasa echiKristu. Kuita izvi kuchakudzivirira. Bill akataura nezvemakore aainge asati aroora achiti: “Handina kumboona kuti akapera sei! Ndakashandisa nguva yacho kuti ndishumire Jehovha ndichipayona.”

Taona kuti murayiro wokuroorana “munaShe chete” uchiri kushanda. Kuteerera murayiro iwoyo kunoita kuti ukudze Jehovha uye uwane mufaro unogara kwenguva yakareba. Bhaibheri rinoti: “Anofara munhu anotya Jehovha, akafarira kwazvo mirayiro yake. Zvinhu zvinokosha nepfuma zviri mumba make; kururama kwake kunogara kuripo nokusingaperi.” (Pis. 112:1, 3) Saka tsunga kuramba uchiteerera murayiro waMwari wokuroorana “munaShe chete.”

^ ndima 7 Munyaya ino tiri kutaura nezvehanzvadzi asi mazano acho anoshandawo kuhama.

^ ndima 13 Mamwe mazita akachinjwa.