Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Kudzinga Mutadzi Kuri Kuratidza Rudo?

Nei Kudzinga Mutadzi Kuri Kuratidza Rudo?

“PANDAKANZWA chiziviso chekudzingwa kwemwanakomana wangu, ndakavhiringidzika zvisingaiti,” akadaro Julian. “Ndiye akanga ari dangwe pavana vedu, uye taiwirirana chaizvo tichiita zvakawanda pamwe chete. Aiva mukomana kwaye asi akazongoerekana ava kuita zvinhu zvisina kunaka. Mudzimai wangu aigara achingochema, uye ndaishaya kuti ndomunyaradza sei. Tairamba tichinetseka kuti zvimwe hatina kunyatsoita basa redu sevabereki.”

Nei zvinganzi kudzinga muKristu kuratidza rudo asi iko kuchikonzera marwadzo akanyanya? Zvikonzero zvipi zvepaMagwaro zvingaita kuti munhu azodzingwa? Uye chii chaizvo chinoita kuti munhu azodzingwa?

ZVINHU ZVIVIRI ZVINOITA KUTI MUNHU AZODZINGWA MUUNGANO

Pane zvinhu zviviri zvinoita kuti Chapupu chaJehovha chizodzingwa. Chekutanga, munhu akabhabhatidzwa anenge aita chivi chakakura. Chechipiri, munhu wacho anenge asina kupfidza pachivi chaanenge aita.

Kunyange zvazvo Jehovha achiziva kuti tiri vanhu vanotadza, ane paanotarisira kuti tisvike pakutevedzera mitemo yake inoita kuti tive vatsvene. Somuenzaniso, Jehovha anotirayira zvakasimba kuti tisaita zvivi zvakakura zvakadai seufeve, kunamata zvidhori, kuba, ugororo, kuuraya uye kuita zvemidzimu.—1 VaK. 6:9, 10; Zvak. 21:8.

Haubvumi here kuti mitemo yaJehovha haina kuoma uye kuti inotidzivirira? Ndiani asingadi kugara nevanhu vane runyararo, vane tsika dzakanaka uye vakavimbika? Tinowana vanhu vakadaro pahama nehanzvadzi dzatinonamata nadzo nokuti takatsaurira upenyu hwedu kuna Mwari kuti tirarame maererano nemitemo yake iri muShoko rake.

Ko kana muKristu akabhabhatidzwa akakundwa nemuedzo oita chivi chakakura? Vashumiri vaJehovha vakatendeka vekare vakamboitawo zvikanganiso zvakadaro, asi Mwari haana kubva avaramba zvachose. Mumwe wacho ndiMambo Dhavhidhi. Akaita upombwe uye akauraya munhu, asi muprofita Natani akamuudza kuti: ‘Jehovha akuregererai chivi chenyu.’—2 Sam. 12:13.

Dhavhidhi akaregererwa chivi chake naMwari nokuti akanyatsopfidza. (Pis. 32:1-5) Mazuva anowo, mushumiri waJehovha anozongodzingwa chete kana akasaratidza kupfidza kana kuti akaramba achiita zvakaipa. (Mab. 3:19; 26:20) Kana vakuru vari kutonga nyaya yacho vakaona kuti mutadzi haasi kunyatsoratidza kupfidza, vanofanira kumudzinga.

Pakutanga tingafunga kuti kudzingwa kunenge kwaitwa munhu kumuomesera, kunyanya kana munhu wacho ari hama yedu kana kuti shamwari. Kunyange zvakadaro, Shoko raJehovha rinotaura zvikonzero zvinoita kuti tibvume kuti kudzingwa kunoitwa munhu muungano kune zvakwakanakira.

KUDZINGA KWAKANAKIREI?

Jesu akataura kuti “uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” (Mat. 11:19) Kudzinga mutadzi asingapfidzi kunoita kuti pazova nemabasa kana kuti mhedzisiro yakanaka. Funga zvinhu zvitatu zvinotevera:

Kudzinga vatadzi kunoita kuti zita raJehovha rikudzwe. Sezvo tichidanwa nezita raJehovha, mararamiro edu ane zvaanoita pazita rake. (Isa. 43:10) Kungofanana nemwana angaita kuti vabereki vake varumbidzwe kana kuti vashorwe nemhaka yemaitiro ake, vanhu vanogonawo kukudza kana kuti kushora Jehovha nemhaka yezvavanoona zvichiitwa nevanhu vanodanwa nezita rake. Zita rakanaka raMwari rinokwidziridzwa kana vanhu vanodanwa nezita iroro vakatevedzera mitemo yake. Asi mufambiro wakaipa unosvibisa zita raMwari. Izvi tinogona kuzviona pane zvakaitika mumazuva aEzekieri, vanhu vemarudzi pavaishora zita raJehovha nemhaka yezvaiitwa nevaJudha.—Ezek. 36:19-23.

Tinoshoresa zita dzvene raMwari kana tikaita unzenza. Muapostora Petro akarayira vaKristu kuti: “Sevana vanoteerera, regai kuzvienzanisa maererano nokuchiva kwamaimbova nakwo kare pakusaziva kwenyu, asi, maererano noMutsvene akakudanai, imi ivaiwo vatsvene pamufambiro wenyu wose, nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Munofanira kuva vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.’” (1 Pet. 1:14-16) Mufambiro mutsvene uye wakachena unokudza zita raMwari.

Zvisinei, kana mumwe weZvapupu zvaJehovha achiita zvakaipa, shamwari dzake uye vamwe vanhu vanomuziva vangangoziva nezvazvo. Kudzinga munhu iyeye kunoratidza kuti Jehovha ane vanhu vakachena vanoramba vachiteerera zvinotaurwa neMagwaro kuti varambe vari vatsvene. Mumwe murume akangouya kumisangano paImba yoUmambo, kuSwitzerland, akataura kuti aida kunamata pamwe neZvapupu. Hanzvadzi yake yakanga yadzingwa muungano nemhaka yekuita unzenza. Akati aidawo kubatana nesangano “risingangosiyi vanhu vachiita zvakaipa.”

Kudzinga kunochengetedza ungano yechiKristu yakachena. Muapostora Pauro akanyevera vaKorinde nezvengozi yokurega vanhu vaiita zvivi nemaune vari pakati pavo. Akafananidza kukanganisa kwavaigona kuita vamwe nezvinoita mbiriso kumukanyiwa wose. Akati, “mbiriso shomanana inovirisa mukanyiwa wose.” Akabva azovarayira kuti: “Bvisai munhu akaipa pakati penyu.”—1 VaK. 5:6, 11-13.

Zvinoita sokuti “munhu akaipa” akataurwa naPauro aiita ufeve husingatauriki. Uye vamwe vaiva muungano vakanga vava kutotsigirawo zvaaiita. (1 VaK. 5:1, 2) Kudai chivi chakakura kudaro chaizongoregwa, vamwe vaKristu vaigona kuzotevedzera unzenza hwaiva hwakazara muguta iroro ravaigara. Kungoregawo vanhu vanotadza nemaune vari muungano kungaita kuti vamwe vapedzisire vasingachakoshesi mitemo yaMwari. (Mup. 8:11) Uyewo, vatadzi vasingapfidzi vanogona kuparadza kutenda kwevamwe vari muungano, sezvinoita “matombo akavanzika pasi pemvura” anogona kuparadza ngarava kana ikarovera paari.—Jud. 4, 12.

Kudzinga kunogona kuita kuti mutadzi apengenuke. Jesu akambotaura nezvemukomana akabva pamba pababa vake ndokunopambadza pfuma yake nokurarama upenyu hwakaipa kwazvo. Mupambadzi iyeye akadzidza nemisodzi pamatama kuti kurarama asiri pamba pababa vake kwakanga kusina chimuko uye kuchirwadza. Mwanakomana wacho akazopengenuka, akapfidza achibva adzoka kumba. (Ruka 15:11-24) Zvakataurwa naJesu nezvekufara kwakaita baba vane rudo mwanakomana wavo paakachinja, zvinotibatsira kunzwisisa manzwiro anoita Jehovha. Jehovha anotivimbisa kuti: “Handifariri rufu rwomunhu akaipa, asi kuti munhu akaipa atendeuke panzira yake, arambe achirarama.”—Ezek. 33:11.

Izvi ndizvo zvinogona kuitikawo kune vanhu vanenge vasisiri nhengo dzeungano yechiKristu. Vangazotanga kuona kuti pane zvinhu zvavakarasikirwa nazvo. Vanhu ivavo vanogona kupengenuka kana vakafunga nezvematambudziko avari kusangana nawo nemhaka yechivi chavakaita, uyewo pavanoyeuka kufara kwavaiita pavaiva noushamwari hwakanaka naJehovha uye nevanhu vake.

Patinorega zvachose kutaura kana kuti kushamwaridzana nemunhu akadzingwa, tinenge tichiratidza kuti tinomuda, uye izvozvo ndizvo zvichaita kuti apengenuke. Munyori wePisarema Dhavhidhi akati, “Kana munhu akarurama akandirova, waizova mutsa worudo; kana akanditsiura, aizova mafuta omusoro wangu, ayo musoro wangu waisazoda kuramba.” (Pis. 141:5) Ngatitii munhu ari kudya uye obva adzipwa nenyama. Anotadza kufema zvakanaka, otanga kupera simba uye otadza kutaura. Kana pakasava nemunhu anokurumidza kumubatsira, anofa. Shamwari yake inobva yauya yotanga kumurova kumusana kuitira kuti arutse nyama yacho. Kurohwa ikoko kunorwadza, asi kunogona kumuponesa. Saizvozvowo, Dhavhidhi aiziva kuti munhu akarurama aigona kumupa chirango chinorwadza asi chichimubatsira.

Kakawanda, kudzinga mutadzi kunoita kuti awane chirango chinomubatsira. Papera makore anenge 10, mwanakomana waJulian, ambotaurwa patangira nyaya ino, akazochinja mararamiro aaiita, ndokudzoka muungano uye iye zvino ari kushumira semukuru. Akati: “Kudzingwa muungano kwakaita kuti ndichinyatsoona matambudziko aikonzerwa nemararamiro andaiita. Chirango ichocho chaiva chakandikodzera.”—VaH. 12:7-11.

MABATIRO ATINOFANIRA KUITA VANHU VAKADZINGWA

Ichokwadi kuti kudzingwa kwemunhu muungano kunosiririsa chaizvo, asi izvozvo hazvifaniri kuita kuti tibve taona sekuti hazvichatombogadzirisiki. Tose zvedu tine zvatinofanira kuita kuti tive nechokwadi chekuti urongwa hwokudzinga hwabatsira mutadzi wacho.

Vakuru vanoedza kubatsira munhu anenge apfidza kuti adzoke kuna Jehovha

Vakuru, avo vanenge vachifanira kuudza mutadzi nezvechisarudzo chavanenge vaita chekumudzinga, vanofanira kuedza kutevedzera rudo runoratidzwa naJehovha. Vanofanira kumutsanangurira zvakajeka uye nenzira yakanaka zvaanofanira kuita kuti azodzorerwa muungano. Kuti vayeuchidze vanhu vanenge vadzingwa nezvezvavangaita kuti vadzoke kuna Jehovha, vakuru vanogona kushanyira vaya vanenge vachiratidza kuti vari kuchinja mararamiro avo. *

Vemumhuri vanogonawo kuratidza kuti vanoda ungano uye munhu anenge adzingwa pavanotsigira chisarudzo chokudzinga chinenge chaitwa. Julian anotaura nezvemwana wake uya akanga adzingwa achiti: “Ndaingomuona semwanakomana wangu, asi mararamiro ake ndiwo aiita kuti tisawirirana.”

Vose vari muungano vanogona kuratidzawo rudo nokurega kutaura nemunhu akadzingwa. (1 VaK. 5:11; 2 Joh. 10, 11) Pavanoita izvozvo, vanenge vachiita kuti chirango chinenge chapiwa mutadzi naJehovha achishandisa vakuru, chinyatsoshanda. Ungano inogonawo kuratidza rudo kuvanhu vemumhuri yemunhu akadzingwa, avo vanenge vachishungurudzika chaizvo. Vanhu ivavo havafaniri kubatwa nenzira inoita kuti vaone sokuti naivowo havachafaniri kuwadzana nevamwe vari muungano.—VaR. 12:13, 15.

“Urongwa hwekudzinga mutadzi hunobatsira chaizvo, uye hunoita kuti tirarame maererano nezvinotaurwa naJehovha,” anodaro Julian. “Kudzingwa kwemunhu kunorwadza chaizvo, asi kunoita kuti pazova nezvinhu zvakanaka. Kudai ndakatsigira mwanakomana wangu pane zvakaipa zvaaiita, angadai asina kugadzirisa mararamiro ake.”

^ ndima 24 Ona Nharireyomurindi yaApril 15, 1991, mapeji 21-23.