Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kristu—Simba raMwari

Kristu—Simba raMwari

“Kristu isimba raMwari.”—1 VAK. 1:24.

1. Nei Pauro akataura kuti “Kristu isimba raMwari”?

JEHOVHA akaratidza simba rake nekuita kuti Jesu Kristu aite zvishamiso zvakasiyana-siyana. Evhangeri ina dzinotaura zvimwe zvishamiso zvakaitwa naKristu uye zvishamiso izvozvo zvinosimbisa kutenda kwedu. (Mat. 9:35; Ruka 9:11) Chokwadi, Jehovha akapa Jesu simba rinoshamisa chaizvo. Ndokusaka muapostora Pauro akataura kuti: “Kristu isimba raMwari.” (1 VaK. 1:24) Asi zvishamiso zvaJesu zvingatibatsira sei muupenyu hwedu?

2. Tinodzidzei pazvishamiso zvakaitwa naJesu?

2 Muapostora Petro akataura kuti Jesu akaita “mabasa esimba” kana kuti zvishamiso. (Mab. 2:22) Zvishamiso zvakaitwa naJesu paaiva panyika zvaingova nzwisa yezvaachaita muumambo hwake. Zvairatidza zvaachaita pasi pose munyika itsva yaMwari! Zvishamiso zvake zvinotibatsirawo kunyatsonzwisisa kuti iye naBaba vake vane unhu hwakaita sei. Ngatimbokurukurai zvimwe zvishamiso zvaakaita, toona kuti zvingatibatsira sei iye zvino uye mune ramangwana.

CHISHAMISO CHINOTIDZIDZISA KUVA NERUPO

3. (a) Rondedzera kuti zvinhu zvainge zvakamira sei Jesu paakaita chishamiso chake chokutanga. (b) Jesu akaratidza sei rupo pamuchato wokuKana?

3 Jesu akaita chishamiso chake chokutanga paaiva pamuchato wakaitirwa kuKana yeGarireya. Hatinyatsozivi kuti chii chakaita kuti waini ipere pamuchato wacho, asi panogona kunge pakauya vanhu vakawanda kupfuura vaitarisirwa. Mariya, amai vaJesu, aivapowo pamuchato iwoyo. Kwemakore akawanda, Mariya anofanira kunge aifungisisa nezveuprofita hwaitaura nezvemwanakomana wake, uyo waaiziva kuti aizonzi “Mwanakomana woWokumusorosoro.” (Ruka 1:30-32; 2:52) Kuti angava here aitenda kuti mwanakomana wake aiva nesimba rokuita zvishamiso? Chatinoziva ndechokuti Jesu naamai vake vakanzwira tsitsi vachati vacho uye vakanga vasingadi kuti vanyare pamuchato wavo. Jesu aiziva kuti vaeni vaifanira kugamuchirwa zvakanaka. Saka akachinja marita anenge 380 emvura kuva “waini yakanaka kwazvo.” (Verenga Johani 2:3, 6-11.) Jesu aisungirwa here kuita chishamiso ichi? Kwete. Aiva nehanya nevanhu uye aitevedzera Baba vake avo vane rupo.

4, 5. (a) Tinodzidzei pachishamiso chokutanga chakaitwa naJesu? (b) Chishamiso chokuKana chinotiratidza kuti zvinhu zvichange zvakamira sei mune remangwana?

4 Jesu akaita kuti pave newaini yakawanda yakanaka kwazvo, yaikwana vanhu vose vaivapo. Tinodzidzei pachishamiso ichi? Tinodzidza kuti Jesu naBaba vake vane hanya chaizvo nevanhu. Vose vari vaviri vane rupo chaizvo. Munyika itsva, Jehovha achashandisa simba rake kuita kuti pave nezvokudya zvakawanda chaizvo.—Verenga Isaya 25:6.

5 Pafunge! Ichasvika nguva yokuti munhu wose awane zvinhu zvaanoda zvakadai sezvokudya zvinovaka muviri nepokugara pakanaka. Tinofara chaizvo patinofunga zvinhu zvakawanda zvatinotarisira kuitirwa naJehovha muParadhiso pasi pano.

Kana tikashandisa nguva yedu kuti tibatsire mumwe munhu, tinenge tichitevedzera rupo rwaJesu (Ona ndima 6)

6. Jesu aishandisa sei simba rake, uye tingamutevedzera sei?

6 Dhiyabhorosi paakaedza Jesu kuti achinje matombo kuva chingwa, Kristu akaramba kushandisa simba rake kuita zvakamunakira. (Mat. 4:2-4) Asi Jesu akashandisa simba rake kuti abatsire vanhu. Tingamutevedzera sei? Jesu akakurudzira vashumiri vaMwari kuti, “Garai muchipa.” (Ruka 6:38) Tingaratidzawo here rupo nokukoka vamwe kumba kwedu kuti tizodya uye tizoita zvinhu zvokunamata pamwe navo? Tingashandisawo here nguva yedu patinenge tapedza misangano kuti tibatsire mumwe munhu, zvichida kuteerera hama inenge ichidzidzira kupa hurukuro yayo? Tingabatsirawo here mumwe watinonamata naye patinenge tiri muushumiri? Kana tikabatsira vamwe pose patinenge tichikwanisa kudaro, tinenge tichitevedzera rupo rwaJesu.

“VOSE VAKADYA VAKAGUTA”

7. Chii chicharamba chiripo munyika yaSatani?

7 Urombo hwakabvira kare. Jehovha akaudza vaIsraeri kuti varombo havazomboshayikwi munyika. (Dheut. 15:11) Mazana emakore akazotevera, Jesu akati, “Varombo munogara muinavo.” (Mat. 26:11) Jesu aireva here kuti panyika paizongoramba paine varombo? Kwete, aireva kuti varombo vacharamba varipo kusvika nyika yaSatani yaguma. Saka zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti zvishamiso zvakaitwa naJesu zvairatidza zvinhu zvakanaka zvatichawana muUmambo hwaMwari, vanhu vose pavachadya vachiguta!

8, 9. (a) Nei Jesu akaita chishamiso chokupa zviuru zvevanhu zvokudya? (b) Chishamiso ichi chinoita kuti unzwe sei?

8 Munyori wepisarema akati nezvaJehovha: “Munopfumbanura ruoko rwenyu mogutsa zvinodiwa nezvinhu zvipenyu zvose.” (Pis. 145:16) Achitevedzera Baba vake, ‘Kristu, simba raMwari,’ aigara achipfumbanura ruoko rwake kuti agutse zvaidiwa nevateveri vake. Paaiita izvi, Jesu akanga asingadi kungoratidza vanhu kuti aiva nesimba. Aiva nehanya chaizvo nevanhu. Ngationgororei mashoko ari pana Mateu 14:14-21. (Verenga.) Vadzidzi vaJesu vakauya kwaari vakamuudza nezvedambudziko raivapo rezvokudya. Vanofanira kunge vakanga vava nenzara, asi vainyanya kunzwira tsitsi vanhu vainge vatevera Jesu kubva mumaguta. Vanhu vacho vainge vakuvara nenzara uye vaneta nokufamba. (Mat. 14:13) Jesu akaitei?

9 Jesu akaita chishamiso chokuti zvingwa zvishanu nehove mbiri zvikwane varume vanenge 5 000, uyewo vakadzi nevana vaduku. Nei Jesu akaita chishamiso ichi? Nokuti ainyatsoda vanhu uye aiva nehanya navo. Zvokudya zvacho zvinofanira kunge zvainge zvakawanda nokuti Bhaibheri rinoti vanhu “vakadya vakaguta.” Jesu haana kuvapa zvokudya zvaingoperera parurimi, asi vakadya vakaguta zvokuti vakawana simba rokufamba kusvika kudzimba dzavo. (Ruka 9:10-17) Pakatosara zvimwe zvokudya zvaikwana tswanda 12!

10. Chii chichaitika kudambudziko reurombo munguva pfupi iri kuuya?

10 Mazuva ano mamiriyoni evanhu anoshaya zvokurarama nazvo nemhaka yehurumende dzine uori. Kunyange dzimwe hama dzedu hadzina zvokudya zvinonyatsodzikwanira. Asi nguva yokuti vanhu vanoteerera Mwari vararame munyika isina uori neurombo yava pedyo. Kudai uine simba, waizosiya vanhu vachitambura here? Mwari Wemasimbaose ane simba uye chido chokugadzirisa matambudziko evanhu. Nguva yokuti aite izvozvo yava pedyo chaizvo!—Verenga Pisarema 72:16.

11. Nei uine chivimbo chokuti munguva pfupi iri kuuya Kristu achatonga nyika yose, uye izvi zvinoita kuti ude kuitei?

11 Jesu paaiva panyika, akaita zvishamiso munzvimbo duku uye akazviita kwemakore matatu nehafu chete. (Mat. 15:24) Asi sezvo ava Mambo, munguva pfupi iri kuuya achatonga nyika yose. (Pis. 72:8) Zvishamiso zvaJesu zvinoita kuti tive nechivimbo chokuti anoda kushandisa simba rake kuti atiitire zvinhu zvakanaka. Kunyange zvazvo tisina simba rokuita zvishamiso, tinogona kuratidza vanhu uprofita huri muShoko raMwari rakafemerwa, hunoratidza kuti tichava noupenyu hwakanaka munguva yemberi. SeZvapupu zvaJehovha, tinoziva zvichaitika mune ramangwana, saka tinonzwa tiine chikwereti chokupawo vamwe zivo iyoyo inokosha yatinayo. (VaR. 1:14, 15) Dai kufungisisa izvozvo kukaita kuti tive nechido chokuudza vamwe mashoko akanaka oUmambo.—Pis. 45:1; 49:3.

SIMBA ROKUDZORA ZVINHU ZVAKASIKWA

12. Nei tiine chokwadi chokuti Jesu anonyatsoziva zvakaita nyika nezvinhu zvipenyu zviri mairi?

12 Mwari paakasika nyika nezvose zviri mairi, Jesu aiva padivi pake achishanda ‘semhizha.’ (Zvir. 8:22, 30, 31; VaK. 1:15-17) Saka Jesu anonyatsoziva masikirwo akaitwa nyika nezvinhu zvipenyu zvose zviri mairi. Anogona kudzora zvinhu zviri panyika uye kuzvishandisa nenzira inoita kuti zvisakonzera njodzi.

Chii chinokubaya mwoyo pamashandisiro aiita Jesu simba rake? (Ona ndima 13, 14)

13, 14. Taura muenzaniso unoratidza kuti Kristu ane simba rokudzora zvinhu zvakasikwa.

13 Jesu paaiva panyika, akaratidza kuti “isimba raMwari” paakadzora zvinhu zvakadai semhepo nemvura. Funga zvaakaita vadzidzi vake pavakaona sokuti vava kuda kuparadzwa nedutu. (Verenga Mako 4:37-39.) Mumwe muongorori weBhaibheri akataura kuti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “dutu” pana Mako 4:37 rinoreva mhepo ine simba guru. Anotiwo rinoreva mhepo inenge yakabatana nemakore matema, mipande nemvura zhinji uye dutu racho rinosiya raparadza zvinhu. Nhoroondo yaMateu inoti dutu iri rakakonzera ‘kusagadzikana kukuru mugungwa.’—Mat. 8:24.

14 Fungidzira zviri kuitika: Kristu aparara nokuneta nokuti aswera achiparidza. Mafungu ari kurovera pachikepe zvine simba zvokuti mvura inotanga kupinda mukati. Asi pasinei neruzha rwedutu iri uye kukandwa-kandwa kuri kuitwa chikepe chacho, Jesu anoramba akarara. Nyama dzake dziri kuda kumbozorora. Vadzidzi vanotya uye vanomutsa Jesu votanga kushevedzera vachiti: “Tava kuda kuparara!” (Mat. 8:25) Jesu anobva amuka, oudza mhepo yacho negungwa kuti: “Shii! Nyarara!” (Mako 4:39) Chii chinoitika? ‘Kudzikama kukuru kunovapo.’ Chokwadi, Jesu ane simba guru!

15. Mwari Wemasimbaose akaratidza sei kuti ane simba pazvinhu zvakasikwa?

15 Simba rina Kristu rinobva kuna Jehovha, saka tinoziva kuti hapana chinotadzisa Mwari Wemasimbaose ane simba pazvinhu zvakasikwa. Funga nezvemienzaniso inotevera. Mafashamo asati aitika, Jehovha akati: “Kwasara mazuva manomwe chete kuti ndinayise mvura panyika kwemazuva makumi mana nousiku makumi mana.” (Gen. 7:4) Pana Eksodho 14:21, tinoverengawo kuti: “Jehovha akatanga kudzorera shure gungwa achishandisa mhepo yokumabvazuva ine simba.” Uye pana Jona 1:4, tinoverenga kuti: “Jehovha akatuma mhepo huru pagungwa, pagungwa pakava nemhepo huru ine mvura; uye ngarava yacho yakanga yava kuda kuparadzwa.” Zvinonyaradza kuziva kuti Jehovha ane simba pazvinhu zvakasikwa. Saka zviri pachena kuti ramangwana renyika rakanaka, nokuti ichange iri mumaoko aJehovha.

16. Nei zvichitinyaradza kuziva kuti Musiki wedu neMwanakomana wake wedangwe vane simba rokudzora zvinhu zvakasikwa?

16 Tinonyaradzwa kana tikafungisisa nezvesimba guru rine Musiki wedu ‘nemhizha yake,’ Jesu Kristu. Kristu paanenge achitonga kwemakore 1 000, vanhu vose vanenge vari panyika vachagara vakachengeteka. Kunenge kusisina njodzi dzinongoitika dzoga. Vanhu vanenge vasingachatyiri kuti vanogona kukuvadzwa nemadutu, matsunami, kuputika kwemakomo, kana kuti kudengenyeka kwenyika. “Tende raMwari” rinenge rava pakati pevanhu, saka kunenge kusisina njodzi dzinongoitika dzoga idzo dzinouraya kana kuremadza vanhu. (Zvak. 21:3, 4) Tine chokwadi chokuti Jesu achashandisa simba raakapiwa naMwari kudzora zvinhu zvakasikwa paanenge achitonga kwemakore ane churu.

TEVEDZERA MWARI NAKRISTU IYE ZVINO

17. Ndeipi imwe nzira yatingatevedzera nayo Mwari naKristu iye zvino?

17 Ichokwadi kuti hatina simba rokudzivisa njodzi dzinongoitika dzoga sezvinoita Jehovha naJesu. Asi tinoshandisa sei simba ratinaro? Imwe nzira ndeyokuita zvinotaurwa pana Zvirevo 3:27. (Verenga.) Hama dzedu padzinosangana nematambudziko, tinogona, kudzinyaradza, kudzibatsira uye kudzisimbisa pakunamata. (Zvir. 17:17) Somuenzaniso, kana dzikawirwa nenjodzi dzinongoitika dzoga, tinogona kudzibatsirawo nezvimwe zvinhu zvadzinoda. Inzwa zvakataurwa neimwe chirikadzi payaitenda zvayakaitirwa pashure pokunge rimwe dutu raparadza imba yayo. Yakati: “Ndinotenda chaizvo kuti ndiri musangano raJehovha. Hama dzakandibatsira nezvinhu zvandaida, asi chandinonyanya kutenda ndechokuti ndakabatsirwa pakunamata.” Imwewo hanzvadzi isina kuroorwa yakanetseka chaizvo imba yayo payakaparadzwa nedutu. Payakabatsirwa padambudziko iri yakati: “Hazvitsananguriki! Ndiri kutadza kunyatsotaura manzwiro andiri kuita . . . Makaita henyu Jehovha!” Tinofara chaizvo kuti hama nehanzvadzi dzedu dzine hanya chaizvo nezvinodiwa nevamwe. Chinotonyanya kutifadza ndechokuti Jehovha naJesu Kristu vane hanya chaizvo nesu.

18. Chii chinokubaya mwoyo pamashandisiro aiita Jesu simba rake?

18 Jesu paaiita ushumiri hwake akaratidza kuti “isimba raMwari.” Asi chinangwa chake chaiva chei paaishandisa simba rake? Hapana patinombomuona achishandisa simba rake kuti aonekwe nevanhu kana kuti achiita zvakamunakira. Chokwadi, zvishamiso zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti anoda vanhu. Tichakurukura izvozvo munyaya inotevera.