Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Munofanira Kutsungirira”

“Munofanira Kutsungirira”

PASHURE pekunge Anita * abhabhatidzwa semumwe weZvapupu ZvaJehovha, murume wake akatanga kuratidza kuti aisazvifarira zvachose. Anita anoti: “Aindirambidza kuenda kumisangano, uye akanga asingatodi kunzwa ndichitaura zita raMwari. Kungotaura zita rokuti Jehovha kwaiita kuti murume wangu ashatirwe zvisingaiti.”

Chimwe chakanga chakanyanya kuomera Anita kwaiva kudzidzisa vana vake nezvaJehovha. Anoti, “Ndaitorambidzwa kunamata Jehovha ndiri pamba pangu. Ndaisakwanisa kuenda nevana vangu kumisangano, kana kudzidza navo murume wangu achiona.”

Sezvataona pane zvakaitika kuna Anita, kushorwa nevemumhuri kunogona kuita kuti zviomere muKristu kuramba akatendeka. Izvi zvingaitikawo kana muKristu akarwara kwenguva refu, akafirwa nemwana kana newaakaroorana naye, kana kuti mumwe wemumhuri yake akasiya Jehovha. Saka chii chingabatsira muKristu kuti arambe akatendeka kuna Jehovha?

Kuri kuti wasangana nemiedzo yakadaro, waizoita sei? Muapostora Pauro akati: “Munofanira kutsungirira.” (VaH. 10:36) Asi ndezvipi zvingakubatsira kutsungirira?

KUNYENGETERA UCHIVIMBA NAJEHOVHA

Kunyengetera tichivimba naMwari ndicho chimwe chezvinhu zvikuru zvinotipa simba rekutsungirira miedzo. Chimbofunga muenzaniso uyu. Mamwe masikati uri musi weMuvhuro, mhuri yaAna yakawirwa nedambudziko. Murume wake waainge agara naye kwemakore 30 akangoerekana afa. Ana anoti: “Akaenda kubasa asi haana kuzombodzoka. Aingova nemakore 52 chete.”

Chii chakabatsira Ana kutsungirira? Akatanga kuenda kubasa uye izvi zvakamubatsira nokuti basa rake raiita kuti aise pfungwa dzake dzose pariri, asi akaramba achingorwadziwa. Anoti: “Ndakaudza Jehovha zvose zvaiva mumwoyo ndichiteterera kuti andibatsire kutsungirira dambudziko iri.” Jehovha akapindura minyengetero yake here? Ana ane chokwadi chekuti yakapindurwa. Anoti: “Rugare rwunobva kuna Mwari chete ndirwo rwakandinyaradza rwukaita kuti ndive nepfungwa dzakagadzikana. Ndine chokwadi chekuti pachamutswa vakafa, Jehovha achamutsawo murume wangu.”—VaF. 4:6, 7.

“Munzwi womunyengetero” akavimbisa kuitira vashumiri vake chero chinenge chichidiwa kuti varambe vakatendeka kwaari. (Pis. 65:2) Handizvo here kuti vimbiso iyi inosimbisa kutenda? Inogonawo kukubatsira kutsungirira.

MISANGANO YECHIKRISTU INOTISIMBISA

Jehovha anosimbisa vanhu vake achishandisa ungano yechiKristu. Somuenzaniso ungano yekuTesaronika payaitambudzwa zvakanyanya, Pauro akakurudzira vaKristu ivavo kuti, “rambai muchinyaradzana nokuvakana, sezvamuri kutoita chaizvo.” (1 VaT. 2:14; 5:11) VaKristu vemuTesaronika vaibatsirana uye rudo rwavaiva narwo rwakaita kuti vabatane. Izvi zvakaita kuti vakunde muedzo wacho. Zvavakaita pakutsungirira zvinotidzidzisa chimwe chinhu chakanaka chinogona kutibatsira kuti titsungirire mazuva ano.

Kuva neushamwari hwepedyo nevari muungano kunogona kutibatsira kuti tiite “zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe.” (VaR. 14:19) Izvi zvinotokosha chaizvo patinenge tichitambudzika. Pauro akawirwa nematambudziko akawanda, asi Jehovha akamupa simba rekutsungirira. Dzimwe nguva Jehovha aisimbisa Pauro achishandisa vaainamata navo. Somuenzaniso, Pauro paakanyorera ungano yeKorose achitaura nemazita vanhu vaikwazisa ungano yacho, akati vanhu ivavo “vakava ruyamuro runondisimbisa.” (VaK. 4:10, 11) Kuda kwavaiita Pauro kwakaita kuti vamunyaradze uye vamusimbise paaitambudzika. Zvimwe pane vamwe vari muungano yenyu vakatombokukurudzira uye vakakusimbisa seizvi.

KUSIMBISWA NEVAKURU

Mwari akatipawo vakuru muungano yechiKristu kuti vatisimbise. Varume ava vakasimba pakunamata vanogona kuita “senzvimbo yokuvanda mhepo nenzvimbo yokuvanda dutu rine mvura, sehova dzemvura panyika isina mvura, somumvuri weibwe guru panyika yafa nenyota.” (Isa. 32:2) Mashoko aya anozorodza zvechokwadi! Uri kushandisa here urongwa uhwu hunoratidza kuti Jehovha anotida? Kukurudzirwa uye kusimbiswa nevakuru kuchakubatsira kutsungirira.

Hazvirevi hazvo kuti vakuru vanoita zvishamiso. Vanewo chivi uye “vanhu vasina simba” sesu. (Mab. 14:15) Asi pavanoteterera vachitaura nezvedu kuna Jehovha, munyengetero iwoyo une simba. (Jak. 5:14, 15) Imwe hama yekuItaly yava nemakore akawanda ichitsungirira chirwere chetsandanyama chinonzi muscular dystrophy, yakati: “Rudo rwandinoratidzwa nehama uye kundishanyira kwadzinogara dzichiita kuri kundibatsira kutsungirira.” Batsirwa zvizere nevakuru vatakapiwa naJehovha achiratidza kuti anotida.

GARA UCHIITA ZVINHU ZVEKUNAMATA

Pane zvimwe zvatinogona kuita kuti titsungirire. Chimwe chacho ndechekugara tichiita zvinhu zvekunamata. Chimbofunga zvakaitika kuna John ane makore 39 uyo akabatwa rudzi rwekenza isingawanzobata vakawanda. Anobvuma kuti: “Ndainzwa sokuti zvaisafanira kudaro nokuti ndainge ndichiri mudiki.” Panguva iyi mwanakomana waJohn aiva nemakore matatu chete. John anoti, “Izvi zvaireva kuti mudzimai wangu aifanira kuriritira mwana wedu ukuwo achindipepa, achiona kuti ndaonana navanachiremba.” Kurapwa kwaiitwa John kwaimusiya arukutika, achingoda kurutsa. Izvi handizvo chete zvainetsa. Baba vaJohn vakabatwa nechirwere chisingarapiki uye vaida munhu wemumhuri anovapepa.

John nemhuri yake vakatsungirira sei mamiriro ezvinhu akaoma kudai? Anoti, “Pasinei nekuti ndainzwa ndakaneta sei, ndaiva nechokwadi kuti mhuri yedu yaita zviri papurogiramu yedu yekunamata. Taipinda misangano yose, taibuda muushumiri vhiki nevhiki, uye taigara tichiva nekunamata kwemhuri kunyange pazvainge zvakaoma.” John akaona kuti kana munhu akaramba akasimba pakunamata anokwanisa kutsungirira chero dambudziko ringauya. Ane here zvaangada kuudza vaya vanewo matambudziko ari kuvanetsa? Anoti: “Panopera kutya kwaunenge uchimboita pakutanga, unosiya pfungwa dziye dzinokunetsa, Jehovha okupa simba uye oratidza kuti anokuda. Jehovha anogona kukusimbisa, sezvaakandiitawo.”

Hapana mubvunzo kuti kana tichibatsirwa naMwari, tinogona kutsungirira miedzo kana kuti mamiriro ezvinhu akaoma atingasangana nawo iye zvino kana kuti mune ramangwana. Ngatinyengeterei kuna Jehovha tichiratidza kuti tinovimba naye, ngativei neushamwari hwakasimba nevari muungano, ngatibvumei kusimbiswa nevakuru vechiKristu, uye ngatigarei tichitevedzera purogiramu yedu yekunamata. Patinodaro tinenge tichiita zvakataurwa naPauro paakati: “Munofanira kutsungirira.”

^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa.