Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVINHU ZVINOITA KUTI TIZVIDYE MWOYO

Kuzvidya Mwoyo Nekuti Upenyu Hunenge Huri Pangozi

Kuzvidya Mwoyo Nekuti Upenyu Hunenge Huri Pangozi

“Pandinonzwa sairini, hana yangu inotanga kurova uye ndinobva ndamhanya kunohwanda muimba inodzivirira pamabhomba,” anodaro Alona. “Kunyange pandinenge ndiri imomo, ndinenge ndichingonetseka. Asi zvinotonyanya pandinenge ndiri kunze ndisina pekuhwanda. Rimwe zuva, ndichifamba mumugwagwa, ndakatanga kuchema uku ndichizarirwa. Ndakaita maawa ndisati ndagadzikana. Sairini yakabva yatangazve kurira.”

Alona

Hondo haisiriyo yoga inoisa upenyu hwedu pangozi. Somuenzaniso, paunoziva kuti iwe pachako kana kuti hama yako yaunoda yabatwa nechirwere chinouraya, zvinogona kukuvhundutsa. Uyewo vamwe vanotya ramangwana ravo. Vanenge vachinetseka kuti, ‘Pachakura vana vedu nevazukuru nyika ichange yaita sei? Kuchange kuine hondo here, kuparwa kwemhosva, kukanganiswa kwezvakatipoteredza, kuchinja kwemamiriro ekunze uye zvirwere zvinokurumidza kupararira?’ Tingaita sei kuti tisazvidye mwoyo nezvinhu zvakadai?

Munhu ane njere anoziva kuti zvinhu zvakaipa zvinototi zviitike, saka “anoona dambudziko ovanda.” (Zvirevo 27:12) Sezvo tichizvichengetedza kuti tigare tiine utano hwakanaka, panewo zvatinogona kuita kuti tisanyanye kuzvidya mwoyo. Kana tikavaraidzwa nekuona zvinhu zvechisimba uye nhau dzakazara zvinotyisa, zvichaita kuti isu nevana vedu tiwedzere kuzvidya mwoyo. Kurega kuona zvinhu izvi hakurevi kuti tinoramba kuti zviriko. Mwari haana kusika pfungwa dzedu kuti dzigare dzichifunga zvinhu zvakaipa. Tinofanira kugara dzichifunga ‘zvinhu zvose zvechokwadi, zvakarurama, zvakachena, uye zvinodiwa.’ Patinofunga zvinhu izvi, “Mwari worugare” achatipa rugare rwemwoyo nepfungwa.—VaFiripi 4:8, 9.

ZVAKAKOSHA KUNYENGETERA

Tikava nekutenda kwechokwadi, tichakunda kuzvidya mwoyo. Bhaibheri rinotikurudzira kuva “vakasvinurira kunyengetera.” (1 Petro 4:7) Tinogona kukumbira Mwari kuti atibatsire uye atipe uchenjeri neushingi hwekuti tikwanise kutsungirira, tiine chivimbo chekuti “anotinzwa pamusoro pezvinhu zvose zvatinokumbira.”—1 Johani 5:15.

Aine murume wake, Avi

Bhaibheri rinotsanangura kuti “mutongi wenyika ino” haasi Mwari asi ndiSatani. Rinotaura kuti “nyika yose iri musimba reakaipa.” (Johani 12:31; 1 Johani 5:19) Saka Jesu akaratidza kuti Satani ariko zvechokwadi paakatidzidzisa kuti tinyengetere kuna Jehovha tichiti: “Tinunurei pane akaipa.” (Mateu 6:13) Alona anoti, “Sairini painotanga kurira, ndinokumbira Jehovha kuti andibatsire kuti ndisanyanya kutya. Uyewo, murume wangu anondifonera, onyengetera neni. Kunyengetera kunobatsira chaizvo.” Ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri kuti: “Jehovha ari pedyo navose vaya vanodana kwaari, navose vanodana kwaari zvechokwadi.”—Pisarema 145:18.

RAMANGWANA REDU RICHANGE RAKADINI?

MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” (Mateu 6:10) Umambo hwaMwari huchabvisa zvachose kuzvidya mwoyo kwose kunokanganisa utano hwedu. Mwari achapa simba kuna Jesu, “Muchinda woRugare,” kuti agumise “hondo kusvikira kumugumo wenyika.” (Isaya 9:6; Pisarema 46:9) “[Mwari] achatonga pakati pemarudzi mazhinji, . . . Havazosimudzirani mapakatwa, rudzi norudzi, uyewo havazodzidzizve kurwa. . . . Hapana angazovadederesa.” (Mika 4:3, 4) Mhuri dzichange dzichifara. “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo.” (Isaya 65:21) “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24.

Mazuva ano, pasinei nekuti tingaita zvose zvatinogona kuti tizvidzivirire pamatambudziko, hapasi pose patinogona kunzvenga “zviitiko zvisingafanoonekwi” kana kuti zvinhu zvinongoerekana zvaitika. (Muparidzi 9:11) Patova nemazana emakore hondo, chisimba uye zvirwere zvichiuraya vanhu vakanaka. Ramangwana revanhu ivavo vasina mhosva rakamira sei?

Mamiriyoni evanhu ivavo achamutswa. Nhamba yevanhu ivavo inongozivikanwa naMwari chete. Iye zvino, Mwari anovaona sevanhu vakarara, uye haavakanganwi, kusvikira pachasvika zuva rekuti ‘vose vari mumakuva vayeukwe, vobuda.’ (Johani 5:28, 29) Bhaibheri rinotipa tariro parinotaura nezverumuko richiti: “Tariro iyi tinayo sechinhu chinotsigisa mweya, ndeyechokwadi uye yakasimba.” (VaHebheru 6:19) Uye Mwari “akapa vimbiso kuvanhu vose pakuti akamumutsa [Jesu] kubva kuvakafa.”—Mabasa 17:31.

Iye zvino, kunyange vaya vari kuedza kufadza Mwari vari kusanganawo nezvinovadya mwoyo. Paul, Janet, naAlona vari kukwanisa kukunda kuzvidya mwoyo nekuti vanonyengetera kuti vaswedere pedyo naMwari, uye vanosimbisa kutenda kwavo nezvinovimbiswa neBhaibheri nezveramangwana. Sezvaakaita kuvanhu ava, “Mwari anopa tariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare rwose nokuda kwokutenda kwenyu.”—VaRoma 15:13.