Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Zvakaipa zvinokonzerwa naani?

Ndiani aida kuti Jesu aite zvakaipaMateu 4:8-10

Vanhu vagara vachida kuva vakatendeseka, kugarisana nevamwe zvakanaka uye kubatsira vamwe. Saka sei kakawanda tichiona vanhu vachirwisana, vachidzvinyirirana uye vachiitirana utsinye? Tinogara tichinzwa nhau dzezvinhu zvinotyisa. Pane ari kukonzera kuti vanhu vaite zvakaipa here?—Verenga 1 Johani 5:19.

Vanhu vakasikwa vachingoda kuita zvakaipa here? Kwete, Jehovha Mwari akasika vanhu nomufananidzo wake, vachikwanisa kutevedzera rudo rwaainarwo. (Genesisi 1:27; Jobho 34:10) Akavasikawo vachikwanisa kusarudza zvavanoda. Vabereki vedu vokutanga vakaramba kutevedzera Mwari pavakasarudza kuita zvakaipa, ndokuva vatadzi. Saka pfungwa dzekungoda kuita zvakaipa dzatiinadzo dzakabva kwavari.—Verenga Dheuteronomio 32:4, 5.

Zvakaipa zvichapera here?

Mwari anoda kuti tirwise pfungwa dzekuda kuita zvakaipa. (Zvirevo 27:11) Saka anotidzidzisa zvatingaita kuti tisatadza uye kuti tiwane mufaro wechokwadi. Zvisinei, panguva ino hatigoni kunyatsotevedzera Mwari zvakakwana pakuratidza rudo.—Verenga Pisarema 32:8.

Kunyange zvazvo zvakaipa zviri kwose kwose, Mwari ari kumbozvibvumira kwenguva pfupi, kuti vanhu vose vaone matambudziko anokonzerwa nezvinhu zvakaipa. (2 Petro 3:7-9) Asi pasina nguva, nyika ichange yazara nevanhu vanofara vanoteerera Mwari.—Verenga Pisarema 37:9-11.