Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shanda Nesimba Kuti Paradhiso Yokunamata Iwedzere Kunaka

Shanda Nesimba Kuti Paradhiso Yokunamata Iwedzere Kunaka

“Ndichakudza nzvimbo yetsoka dzangu.”ISA. 60:13.

NZIYO: 102, 75

1, 2. MuMagwaro echiHebheru, mashoko okuti “chitsiko chetsoka” anorevei?

JEHOVHA MWARI akati: “Matenga ndiwo chigaro changu choumambo uye nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu.” (Isa. 66:1) Achitaura ‘nezvechitsiko chetsoka’ dzake, akatiwo: “Ndichakudza nzvimbo yetsoka dzangu.” (Isa. 60:13) Anozviita sei? Uye isu tinofanira kuitei sezvo tichigara ‘pachitsiko chetsoka’ dzake?

2 Mashoko okuti “chitsiko chetsoka” anoshandiswawo muMagwaro echiHebheru achireva temberi yaishandiswa nevaIsraeri. (1 Mak. 28:2; Pis. 132:7) Mukuona kwaJehovha, temberi iyi yainge yakanaka chaizvo nokuti ndiyo yaiva muzinda wokunamata kwechokwadi panyika uye kuvapo kwayo kwaiita kuti Jehovha akudzwe.

3. Temberi huru yaJehovha chii, uye yakavapo riini?

3 Mazuva ano, muzinda wokunamata kwechokwadi hausisiri temberi chaiyo yepanyika. Asi kwava netemberi huru inokudza Jehovha kupfuura chivako chero chipi zvacho. Uhwu urongwa hunoita kuti vanhu vakwanise kuyananiswa naMwari pachishandiswa upristi hwaJesu Kristu uye chibayiro chake. Urongwa uhwu hwakatanga kushanda muna 29 C.E. pakabhabhatidzwa Jesu ndokuzodzwa kuva Mupristi Mukuru wetemberi huru yaJehovha.—VaH. 9:11, 12.

4, 5. (a) Pisarema 99 rinorondedzera sei chido chine vanamati vechokwadi vaJehovha? (b) Tinofanira kuzvibvunza mubvunzo upi?

4 Tinoonga chaizvo urongwa hwaMwari hwokunamata kwechokwadi. Tinoratidza kuti tinoonga Jehovha nokuudza vamwe nezvezita rake uye chipo chorudzikinuro chaakatipa. Zvinofadza chaizvo kuziva kuti mazuva ano kune vaKristu vechokwadi vanopfuura 8 000 000 vari kurumbidza Jehovha! Vanhu vari mune zvimwe zvitendero vane pfungwa dzisiridzo dzokuti vachazorumbidza Mwari kana vava kudenga, asi Zvapupu zvaJehovha zvose zvinoziva kuti zvinofanira kumurumbidza pano panyika, iye zvino.

5 Saka tinotevedzera zvaiitwa nevashumiri vakatendeka vaJehovha zviri pana Pisarema 99:1-3, 5. (Verenga.) Pisarema iroro rinoratidza kuti Mosesi, Aroni uye Samueri vakanyatsotsigira urongwa hwokunamata kwechokwadi panguva yavakararama. (Pis. 99:6, 7) Mazuva ano, hama dzakazodzwa dzichiri panyika dzinoshumira dzakatendeka muchivanze chepasi pano chetemberi huru dzisati dzaenda kudenga kunoshumira sevapristi pamwe naJesu. Mamiriyoni ‘emamwe makwai’ anorambawo achitsigira hama idzi. (Joh. 10:16) Kunyange zvazvo mapoka maviri aya aine tariro yakasiyana, ose anonamata Jehovha akabatana ari pachitsiko chetsoka dzaMwari. Asi mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri kunyatsotsigira urongwa hwaJehovha hwokunamata kwakachena here?’

KUZIVA VAYA VARI KUSHUMIRA PATEMBERI HURU YAMWARI

6, 7. Idambudziko ripi rakamuka panguva yevaKristu vokutanga uye chii chakazoitika mazana emakore akatevera?

6 Pasati papera makore 100 ungano yechiKristu yatangwa, kutsauka pakutenda kwainge kwataurwa kwakatanga. (Mab. 20:28-30; 2 VaT. 2:3, 4) Kubvira ipapo, zvaisava nyore kuziva kuti ndiani chaizvo aishumira patemberi huru yaMwari. Mazana emakore akatevera, Jehovha akazojekesa zvinhu achishandisa Mambo wake ainge achangogadzwa pachigaro, Jesu Kristu.

7 Pakazosvika gore ra1919, zvakanga zvava kunyatsooneka kuti ndivanaani vaifarirwa naJehovha uye vaimushumira patemberi yake. Vanhu ivavo vakanga vacheneswa mune zvokunamata kuitira kuti basa ravo riwedzere kufarirwa naMwari. (Isa. 4:2, 3; Mar. 3:1-4) Zvakaratidzwa muapostora Pauro mazana emakore ainge apfuura, zvakatanga kuzadziswa.

8, 9. ‘Iparadhiso’ ipi yakaonekwa naPauro?

8 Zvakaratidzwa Pauro zvinowanikwa pana 2 VaKorinde 12:1-4. (Verenga.) Pauro akaratidzwa zvinhu zvinoshamisa chaizvo zvaizozadziswa mune ramangwana. ‘Iparadhiso’ ipi yaakaona paakatorwa “akaendeswa kudenga rechitatu”? Paradhiso iyi inogona kureva Paradhiso ichava panyika munguva pfupi iri kuuya. (Ruka 23:43) Inogona kureva paradhiso yokunamata iripo iye zvino iyo ichazonyatsozadziswa munyika itsva. Inogona kurevawo “paradhiso yaMwari” kana kuti mamiriro ezvinhu akanaka ari kudenga.—Zvak. 2:7.

9 Saka nei Pauro akataura kuti akanga anzwa “mashoko asingatauriki ayo asingabvumirwi nomutemo kuti munhu ataure”? Nokuti nguva yokuti atsanangure zvinhu izvi zvinoshamisa zvaainge aona, yakanga isati yasvika. Asi iye zvino Jehovha ava kutibvumira kutaura nezvemakomborero ane vanhu vake.

10. Paradhiso yokunamata netemberi huru yaMwari zvakasiyana papi?

10 Tinowanzotaura nezveparadhiso yokunamata. Paradhiso iyoyo chii? Inoreva rugare rwatinarwo naMwari uyewo nehama dzedu. Rugare urwu rwunongowanikwa pakati pevanhu vaJehovha chete. Asi hatifaniri kufunga kuti paradhiso yokunamata netemberi huru yaMwari zvinoreva chinhu chimwe chete. Temberi huru yaMwari inoreva urongwa hwake hwokunamata kwechokwadi. Paradhiso yokunamata inoita kuti zvinyatsova pachena kuti ndevapi vanofarirwa naMwari uye vari kumushumira mazuva ano mutemberi yake.—Mar. 3:18.

11. Iropafadzo ipi yatiinayo mazuva ano?

11 Zvinofadza chaizvo kuziva kuti kubva muna 1919, Jehovha akabvumira vanhu vane chivi kuti vashande naye pakuita kuti panyika pave neparadhiso yokunamata, vachiisimbisa uye vachiita kuti iwedzere kukura. Uri kubatsirawo here pabasa iri rinofadza? Unokoshesa here ropafadzo iyi yokushanda naJehovha uchiita kuti ‘nzvimbo yetsoka dzake’ ikudzwe?

JEHOVHA ARI KUITA KUTI SANGANO RAKE RIWEDZERE KUNAKA

12. Tinoziva sei kuti mashoko ari pana Isaya 60:17 ari kuzadziswa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

12 Kuchinja kunoshamisa kuri kuita zvinhu muchikamu chepanyika chesangano raJehovha kwakafanotaurwa pana Isaya 60:17. (Verenga.) Vechiduku kana kuti vaya vachiri vatsva muchokwadi vakaverenga nezvekuchinja uku kwezvinhu kana kuti vakanzwa vamwe vachitaura nezvazvo. Asi kune hama nehanzvadzi dzakatoona kuchinja uku kuchiitika. Ndokusaka vaine chivimbo chakasimba chokuti Jehovha ari kutungamirira sangano rake achishandisa Mambo wedu, Jesu. Tose zvedu tine chivimbo ichocho. Kuvateerera pavanenge vachitaura zvavakaona zvichiitika, kuchasimbisa kutenda kwako uye kuchaita kuti uwedzere kuvimba naJehovha.

13. Pisarema 48:12-14 inoratidza kuti tinofanira kuitei?

13 Pasinei nokuti tava nenguva yakareba sei tiri muchokwadi, tinofanira kuudza vamwe nezvesangano raJehovha. Kuva neparadhiso yokunamata munyika ino ine vanhu vakaipa, vane uori uye vasina rudo, chitori chishamiso chaicho. Zvinhu zvinoshamisa zviri kuitika musangano raJehovha, kana kuti “Ziyoni,” uye chokwadi nezveparadhiso yokunamata, zvinofanira kupfuudzwa ‘kuzvizvarwa zvomunguva yemberi.’—Verenga Pisarema 48:12-14.

14, 15. Zvinhu zvipi zvakachinja musangano kuma1970, uye zviri kubatsira sei?

14 Vakwegura vari muungano dzedu vakanyatsoona kuchinja kwakaita marongerwo ezvinhu musangano raJehovha uko kwakaita kuti chikamu chepanyika chesangano rake chiwedzere kunaka. Vanoyeuka ungano padzaiva nemuranda weungano pasati pava nedare revakuru, nyika padzaiva nemuranda webazi pasati pava neDare Rebazi, uye mirayiridzo payaipiwa napurezidhendi weWatch Tower Society kwete neDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo hama idzi dzaibatsirwa nedzimwe hama dzakatendeka, hama imwe chete ndiyo yaiita zvisarudzo muungano, pamahofisi emapazi uye pamahofisi edu makuru. Kuma1970 zvinhu zvakachinja. Basa rekutungamirira rakanga rava kuitwa nemapoka evakuru kwete nemunhu mumwe chete.

15 Kugadziridzwa uku kwakabatsira here? Hongu kwakabatsira. Nei? Nokuti kwaibva pakuwedzera kunzwisisa kwatainge tava kuita maitirwo aiitwa zvinhu kare sezvinotaurwa neMagwaro. Pane kuti munhu mumwe chete aite zvisarudzo zvose, boka revakuru ndiro rinoita zvisarudzo, uye sangano rinobatsirwa chaizvo neunhu hwakanaka hune vakuru vose kana kuti “zvipo zviri varume,” zvatakapiwa naJehovha.—VaEf. 4:8; Zvir. 24:6.

Jehovha ari kupa vanhu vari kwose kwose mashoko avari kuda chaizvo (Ona ndima 16, 17)

16, 17. Unonyanya kufarira kugadziridzwa kupi kuchangobva kuitwa musangano raJehovha uye nei uchidaro?

16 Fungawo nezvokuyevedza kwava kuita mabhuku edu, kuchinjwa kwakaitwa zvinobudiswamo uye nzira dzatinoshandisa kuaparadzira. Patinenge tiri muushumiri, tinonakidzwa chaizvo nokupa vanhu mabhuku edu anoyevedza uye anovabatsira muupenyu hwavo. Fungawo nezvekushandisa kwatiri kuita nzira dzokufambisa mashoko dziriko mazuva ano. Somuenzaniso, tiri kushandisa jw.org kuti tiparadzire chokwadi. Patinoshandisa nzira idzi, tinenge tichiratidza kuti Jehovha anoda kuti vanhu vari kwose kwose vanzwe mashoko avari kuda chaizvo asi vachiashaya.

17 Tinoongawo kugadziridzwa kwakaitwa misangano yedu kuti tive nemanheru oKunamata Kwemhuri kana kuti tiwane nguva yakawanda yokudzidza tiri toga. Uye tinoongawo kugadziridzwa kwakaitwa purogiramu dzemagungano edu. Tinowanzotaura kuti magungano edu ari kuwedzera kunakidza gore negore. Uye tinofara chaizvo patinofunga nezvekudzidziswa kwatiri kuitwa nezvikoro zvedu zveBhaibheri zvakawanda. Kuchinja kwose uku kunoratidza kuti Jehovha ndiye ari kutungamirira sangano rake. Anoramba achiita kuti sangano rake uye paradhiso yokunamata yatiinayo iye zvino zviwedzere kunaka.

ZVAUNGAITAWO KUTI PARADHISO YOKUNAMATA IWEDZERE KUYEVEDZA

18, 19. Tingaitei kuti paradhiso yokunamata iwedzere kunaka?

18 Jehovha akatikomborera chaizvo nokuita kuti tibatsirewo kuti paradhiso yedu yokunamata iwedzere kunaka. Tinoita izvi patinoshingaira kuparidza mashoko akanaka oUmambo uye patinoita kuti vamwe vanhu vavewo vadzidzi. Pose patinobatsira mumwe munhu kusvika abhabhatidzwa, tinenge tatoitawo kuti paradhiso yedu yokunamata iwedzere kukura.—Isa. 26:15; 54:2.

19 Tinogonawo kubatsira kuti paradhiso yedu yokunamata iwedzere kuyevedza kana tikashanda nesimba kuti tivandudze unhu hwedu sevaKristu. Izvi zvichaita kuti vanhu vawedzere kuyemura paradhiso iyi. Vanhu vanoyemura zivo yeBhaibheri yatiinayo, asi kakawanda kacho tsika dzedu uye rugare rwatiinarwo ndizvo zvinoita kuti vatorwe mwoyo nesangano raMwari zvoita kuti vauye kuna Mwari naKristu.

Unogona kubatsirawo kuti paradhiso yedu yokunamata iwedzere kukura (Ona ndima 18, 19)

20. Sezvinotaurwa pana Zvirevo 14:35, tinofanira kuva nechido chei?

20 Jehovha naJesu vanofanira kunge vachifara chaizvo pavanoona kunaka kwakaita paradhiso yedu yokunamata. Mufaro watinawo iye zvino patinoshanda nesimba kuti paradhiso iyi iwedzere kunaka, unongova nzwisa yemufaro watichava nawo patichange tava kushanda tichiita kuti nyika ino ive paradhiso. Ngatirambei tichifunga mashoko ari pana Zvirevo 14:35 okuti: “Mambo anofadzwa nomushandi ane njere.” Dai tikagara tichiratidza uchenjeri sezvatinoshanda nesimba kuti paradhiso yedu yokunamata iwedzere kunaka.