Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uchitsigira Umambo hwaMwari

Ramba Uchitsigira Umambo hwaMwari

“Havasi venyika.”—JOH. 17:16.

NZIYO: 63, 129

1, 2. (a) Nei vaKristu vachifanira kutsigira Jehovha, uye tinofanira kuona sei nyaya yokupindira mumagakava enyika? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Vanhu vakawanda vari munyika vanotsigirei, asi izvozvo zvinogona kuguma nei?

VAKRISTU vechokwadi vanoziva kuti zvinokosha kuti varambe vakavimbika kuna Mwari uye kuti vasapindira mune zvenyika kunyange pakunenge kusina hondo. Nei vachidaro? Nokuti vakazvitsaurira kuna Jehovha vachimuvimbisa kuti vacharamba vachimuda, vachimutsigira uye vachimuteerera. (1 Joh. 5:3) Tinoda kutevedzera mitemo yaMwari pasinei nokuti tinogara kupi, takarerwa sei, tinobva kunyika ipi uye tine tsika dzakaita sei. Tinotsigira Jehovha noUmambo hwake kupfuura chero chinhu chipi zvacho. (Mat. 6:33) Izvozvo zvinoita kuti tisapindira mukurwisana uye mumagakava anoitwa munyika.—Isa. 2:4; verenga Johani 17:11, 15, 16.

2 Vanhu vakawanda vari munyika vanotsigira nyika dzavo, madzinza avo, tsika dzavo kana kuti matimu ebhora. Kutsigira zvinhu izvozvo kunoita kuti pave nemakwikwi, kuvengana uye dzimwe nguva kunotokonzera kufa kwevanhu. Magadzirisirwo anoitwa nyaya idzodzo nevanhu anogona kukanganisa isu kana mhuri dzedu uye hatina manzvengero atingazviita nokuti tinorarama munyika ine vanhu vakadaro. Mwari akatisika tichikwanisa kuziva kuti zvinhu zvaitwa nenzira yakarurama here kana kuti isina, saka zvinogona kutirwadza chaizvo kana hurumende dzikaita zvimwe zvinhu zvisina kunaka. (Gen. 1:27; Dheut. 32:4) Pakadaro tinoita sei? Zviri nyore chaizvo kuti tipedzisire tava nedivi ratinotsigira.

3, 4. (a) Nei vaKristu vasingapindiri mumagakava enyika? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

3 Hurumende dzinogona kukurudzira vanhu kuti vave nedivi ravanotsigira pakurwisana kunenge kuchiitika. SevaKristu vechokwadi, hatipindiri mumagakava enyika uye hatiendi kuhondo. (Mat. 26:52) Hatibvumi kufurirwa nenyika zvokuti tinopedzisira tava kuona sokuti zvimwe zvinhu zviri munyika yaSatani zviri nani pane zvimwe. (2 VaK. 2:11) Hatisi venyika, saka hatipindiri mumagakava ayo.—Verenga Johani 15:18, 19.

4 Kunyange zvakadaro, chivi chatiinacho chinogona kuita kuti vamwe vedu tiomerwe nokusiya mafungiro ataimbova nawo kare ekuona sokuti rumwe rudzi rwuri nani pane rumwe. (Jer. 17:9; VaEf. 4:22-24) Saka munyaya ino tichaona mazano anotibatsira kukunda mafungiro iwayo. Tichaonawo kuti tingadzidzisa sei pfungwa dzedu nehana yedu kuti zvitibatsire kuramba tichitsigira Umambo hwaMwari.

NEI TISINGATSIGIRI MAGAKAVA ANOITWA MUNYIKA?

5, 6. Jesu aiona sei vanhu vemarudzi akasiyana-siyana paaiva panyika uye nei aidaro?

5 Kana usiri kunyatsoziva zvokuita pamamiriro ezvinhu aunenge wasangana nawo, zvibvunze kuti, ‘Dai ari Jesu aizoitei?’ Jesu aigara munzvimbo yaiva nevanhu vaibva kwakasiyana-siyana. Vamwe vaibva kuJudhiya, kuGarireya, kuSamariya nekune dzimwewo nzvimbo. Nhoroondo dziri muBhaibheri dzinoratidza kuti paiva nokusawirirana pakati pevanhu ava. (Joh. 4:9) Paivawo nokusawirirana pakati pevaFarisi nevaSadhusi (Mab. 23:6-9), pakati pevateresi nevanhu (Mat. 9:11), uye pakati pevaya vainge vakadzidza kuzvikoro zvavanaRabhi nevakanga vasina kuenda kuzvikoro izvozvo. (Joh. 7:49) Munguva yaJesu, vaIsraeri vaitongwa nevaRoma uye vaRoma ivavo vaisafarirwa nevaIsraeri. Jesu aitsigira chitendero chechokwadi uye aiziva kuti ruponeso rwaibva nokuvaJudha, asi haana kumboita kuti vadzidzi vake vafunge kuti vaiva nani pane vamwe vanhu. (Joh. 4:22) Akatovakurudzira kuti vade munhu wose vachimuona semuvakidzani.—Ruka 10:27.

6 Nei Jesu asina kutsigira maonero aiva nevaJudha vakawanda okuti vaiva nani pane mamwe marudzi? Nokuti iye naBaba vake havapindiri mumagakava enyika. Jehovha paakasika murume nomukadzi vokutanga achishandisa Mwanakomana wake, aiva nechinangwa chokuti vazadze nyika nemarudzi evanhu akasiyana-siyana. (Gen. 1:27, 28) Jehovha naJesu havaoni sokuti pane vanhu verumwe rudzi, nyika kana mutauro vari nani kupfuura vamwe. (Mab. 10:34, 35; Zvak. 7:9, 13, 14) Tinofanira kuvatevedzera.—Mat. 5:43-48.

7, 8. (a) VaKristu vanofanira kutsigira ani uye nei? (b) VaKristu vanoziva kuti chii chichagadzirisa matambudziko evanhu?

7 Nei tisingatsigiri hurumende dzevanhu? Nokuti tinotsigira utongi hwaJehovha. MuEdheni, Satani akataura kuti Jehovha akanga asingakodzeri kutonga vanhu. Saka munhu wose anofanira kusarudza kuti otsigira Mwari here kana kuti Satani. Unonyatsotsigira Jehovha here nokuteerera mitemo yake pane kuita zvinhu zvomusoro wako? Unoona Umambo hwake sokuti ndihwo chete huchabvisa matambudziko evanhu here, kana kuti unofunga kuti vanhu vanokwanisa kuzvitonga?—Gen. 3:4, 5.

8 Mapinduriro auchaita mibvunzo iyi acharatidzawo zvauchataura kana vanhu vakakubvunza paumire panyaya dzezvematongerwo enyika. Vanhu vanoita zvematongerwo enyika vava nenguva vachitsvaka kuti vogadzirisa sei nyaya dzinokonzera kupesana kwevanhu. Vanogona kunge vachizviita nemwoyo wose uye nevavariro yakanaka. Asi vaKristu vanoziva kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchagadzirisa matambudziko evanhu, hwoita kuti vanhu varuramisirwe. Tinofanira kusiyira nyaya yacho mumaoko aJehovha. Tinotevedzerawo zvatinoudzwa naJehovha muungano, pane kuita mazvake mazvake. Izvozvo ndizvo zvinoita kuti ungano ibatane.

9. Idambudziko ripi rakamuka muungano yeKorinde, asi muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vacho kuitei?

9 Muungano yeKorinde makamuka imwe nyaya yaipesanisa vanhu. Vamwe vaiva muKorinde vaiti: “Ini ndiri waPauro,” vamwe vachiti, “Ini ndiri waAporo,” vamwewo vachiti, “Ini ndiri waKefasi,” vamwezve vachiti, “Ini ndiri waKristu.” Pasinei nokuti chii chaiita kuti vave nemafungiro iwayo, muapostora Pauro haana kufara nazvo. Zvakanga zvava kuita sokuti ‘Kristu akakamuka.’ Mafungiro aiva nevaKristu ava aizogadziriswa sei? Pauro akavakurudzira kuti: “Zvino ndinokurayirai, hama, nezita raShe wedu Jesu Kristu kuti imi mose mutaure muchibvumirana, uye kuti hapafaniri kuva nokupesana pakati penyu, asi kuti munyatsobatanidzwa mupfungwa imwe chete nomukufunga kumwe chete.” Muungano yechiKristu mazuva ano hamutombofaniriwo kuva nokupesana.—1 VaK. 1:10-13; verenga VaRoma 16:17, 18.

10. Muapostora Pauro akashandisa muenzaniso upi kuratidza kuti muKristu haafaniri kupindira mune zvematongerwo enyika?

10 Pauro akayeuchidza vaKristu vakazodzwa kuti vaiva vagari vokumatenga uye vaisafanira kuisa pfungwa dzavo pazvinhu zviri panyika. (VaF. 3:17-20) * Vaifanira kuita senhume dzinomiririra Kristu. Nhume kana kuti vamiririri vokune imwe nyika havapindiri mune zvematongerwo enyika dzavanenge vachishandira. Vanotsigira hurumende dzokumusha kwavo. (2 VaK. 5:20) VaKristu vane tariro yokurarama pasi pano vanotongwawo noUmambo hwaMwari, saka hazvina kukodzera kuti vapindire mune zvematongerwo enyika.

ZVIDZIDZISE KUTSIGIRA JEHOVHA

11, 12. (a) Chii chingaita kuti muKristu aomerwe nokuramba achitsigira Umambo hwaMwari? (b) Imwe hanzvadzi yakasangana nedambudziko ripi, uye yakaita sei kuti irikunde?

11 Munyika dzakawanda, vanhu vanowanzobatanidzwa nokuti vanenge vaine nhoroondo imwe chete, tsika dzakafanana, nemutauro mumwe chete, uye vanotodada nazvo. Pakadaro, vaKristu vanotofanira kudzidzisa pfungwa dzavo nehana dzavo kuti vazive zvokuita panomuka nyaya dzinoda kuti varatidze kuti havana divi ravanotsigira. Vangazviita sei?

12 Funga nezvaMirjeta * anogara mune imwe nzvimbo yaimbonzi Yugoslavia. Paaikura aidzidziswa kuti aifanira kuvenga vanhu vokuSerbia. Paakadzidza kuti Jehovha haasaruri uye kuti Satani ndiye anoita kuti pave nokusawirirana pakati pemarudzi, Mirjeta akashanda nesimba kuti achinje mafungiro ake. Asi mamwe marudzi omunzvimbo yaanogara paakatanga kurwisana, Mirjeta akatangazve kuvenga vanhu vokuSerbia zvokuti aiomerwa nokuvaparidzira. Asi haana kubva angopeta maoko achifunga kuti ruvengo rwaakanga ava narwo rwaizongopera rwoga. Akakumbira Jehovha kuti amubatsire kukunda dambudziko iroro uyewo kuti aite zvakawanda muushumiri okwanisa kupayona. Akati: “Ndakaona kuti kuisa pfungwa paushumiri kunondibatsira chaizvo. Pandinenge ndiri muushumiri, ndinoedza kutevedzera unhu hwaJehovha, uye ndakaona pfungwa dzisina kunaka dzandaiva nadzo dzichipera zvishoma nezvishoma.”

13. (a) Chii chakaita kuti Zoila arwadziwe, asi akaita sei? (b) Tinodzidzei pane zvakaitika kwaari?

13 Fungawo nezvaZoila. Anobva kuMexico, asi iye zvino ava kupinda neimwe ungano iri kuEurope. Akataura kuti dzimwe hama dzomuungano yavo idzo dzaibva kuLatin America, dzakambotaura dzichizvidza nyika yaanobva, tsika dzevanhu vekumusha kwake kunyange mimhanzi yavo. Dai uriwe waizoita sei? Kana ari Zoila zvakamubata-bata. Asi zvinofadza kuti akakumbira Jehovha kuti amubatsire kuti asaramba akagumbuka. Tinofanira kuziva kuti vamwe vedu vanogona kugumbuka kana tikataura zvakashata nezvekwavanobva. Saka hatitombodi kutaura kana kuita chimwe chinhu chingaita kuti zvioneke sokuti vamwe vanhu vari nani pane vamwe. Hatidiwo kukonzera kupesana pakati pehama dzedu dzechiKristu kana vamwewo vanhu.—VaR. 14:19; 2 VaK. 6:3.

14. VaKristu vangadzidzisa sei pfungwa dzavo nehana dzavo kuti vaone vanhu semaonerwo avanoitwa naJehovha?

14 Marererwo ako akaita kuti uone sokuti nyika yako kana kuti nzvimbo yaunobva iri nani pane dzimwe here? Uchiri kufunga saizvozvo here? VaKristu havafaniri kuda nyika yavo zvokuti vanopedzisira vava kutarisira vamwe vanhu pasi. Asi ungaita sei kana ukaona kuti unotarisira pasi vanhu vokune dzimwe nyika, vedzimwe tsika, vomumwe mutauro kana kuti vorumwe rudzi? Zvingakubatsira chaizvo kana ukafungisisa kuti Jehovha anoona sei vanhu vanodada nenyika yavo kana kuti vane rusaruraganda. Unogona kutsvakurudza nyaya dzerudzi urwu paunenge uchidzidza woga kana kuti pakunamata kwemhuri. Zvadaro, nyengetera kuna Jehovha uchimukumbira kuti akubatsire kuti uone vanhu semaonero aanovaita.—Verenga VaRoma 12:2.

Kuti tirambe tichitsigira Jehovha, tinofanira kumuteerera pasinei nezvingataurwa kana kuti zvingaitwa nevanhu (Ona ndima 15, 16)

15, 16. (a) Tinofanira kutarisira kuti vamwe vachaita sei patinoramba tichitsigira Mwari? (b) Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti varambe vachitsigira Jehovha?

15 Sevashumiri vaJehovha, mumwe nomumwe wedu achasangana nemamiriro ezvinhu okuti anofanira kuratidza kuti akasiyana nevamwe, vangava vokubasa, vaanodzidza navo kuchikoro, vavakidzani, voukama kana kuti vamwewo vanhu. (1 Pet. 2:19) Hatifaniri kushamiswa kana vanhu vakativengera izvozvo nokuti Jesu akatinyevera kuti ndizvo zvaizoitika. Vakawanda vanotipikisa havanzwisisi kuti nei muKristu asingafaniri kuva nekwaakarerekera. Asi nyaya iyi yakakosha chaizvo kwatiri.

16 Kuti tirambe tichitsigira Jehovha, tinofanira kumuteerera pasinei nezvingataurwa kana kuti zvingaitwa nevanhu. (Dhan. 3:16-18) Kutya munhu kunogona kubata vanhu vemazera ose, asi vechiduku ndivo vanonyanya kuomerwa nokuita zvakasiyana nezvinenge zvichiitwa nevamwe. Kana vana venyu vachinetseka nenyaya dzakadai sokusaruta mureza kana kuti kubatanidzwa mumhemberero dzenyika, musanonoka kuvabatsira. Shandisai nguva yamunoita Kunamata Kwemhuri kuti mubatsire vana venyu kuti vazive maonero aJehovha panyaya idzi kuitira kuti vave noushingi hwokutsigira zvatinotenda. Vabatsirei kuti vataure zvavanotenda nenzira yakajeka uye neruremekedzo. (VaR. 1:16) Kuti zvivaitire nyore, imi wacho munogona kutanga kunotaura nevadzidzisi vavo nezvenyaya idzi.

FADZWA NEZVINHU ZVOSE ZVAKASIKWA NAJEHOVHA!

17. Mafungiro api atisingafaniri kuva nawo uye nei?

17 Tinoda zvinhu zvomunyika yatakakurira zvakadai setsika, mutauro uye zvokudya. Asi hatifaniri kungoona sokuti zvedu ndizvo zvinopfuura zvevamwe vose. Jehovha akasika zvinhu zvakasiyana-siyana kuti tinakidzwe nazvo. (Pis. 104:24; Zvak. 4:11) Saka tinodirei kusimbirira kuti zvedu chete ndizvo zviri pamberi?

18. Tichakomborerwa sei kana tikatevedzera maonero aJehovha?

18 Mwari anoda kuti vanhu vemarudzi ose vasvike pakuva nezivo yakarurama yechokwadi uye kuti vawane upenyu husingaperi. (Joh. 3:16; 1 Tim. 2:3, 4) Kana tikabvumawo zvinotaurwa nevamwe, kunyange zvakasiyana nezvedu, tichanakidzwa noupenyu uye ticharamba takabatana nehama nehanzvadzi dzedu. Tinotsigira Jehovha saka hatipindiri mumagakava enyika. Pakati pedu hapatombofaniri kuva nemunhu ane kwaanotsigira muzvinhu zvinoitwa nenyika. Tinovenga kudada uye makwikwi akazara munyika yaSatani. Tinotenda chaizvo kuti Jehovha akatidzidzisa kuva vanhu vanoda rugare uye vanozvininipisa. Manzwiro edu akafanana neemunyori wepisarema uyo akati: “Tarirai! Zvakanaka sei uye zvinofadza sei kuti hama dzigare pamwe chete dzakabatana!”—Pis. 133:1.

^ ndima 10 Firipi yaitongwa neRoma. Zvinoita sokuti vamwe vaiva muungano yeFiripi vakapiwa mvumo yokuva zvizvarwa zveRoma uye izvi zvinofanira kunge zvaiita kuti vave nekodzero dzaisava nedzimwe hama dzavo.

^ ndima 12 Mamwe mazita akachinjwa.