Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iyi Ndiyo Nzvimbo Yedu Yokunamatira

Iyi Ndiyo Nzvimbo Yedu Yokunamatira

“Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”—JOH. 2:17.

NZIYO: 127, 118

1, 2. (a) Vashumiri vaJehovha vekare vaishandisa nzvimbo dzipi pakunamata? (b) Jesu aiona sei temberi yaMwari yaiva muJerusarema? (c) Tichakurukurei munyaya ino?

KUBVIRA kare, vashumiri vaMwari vaiva nenzvimbo dzavainamatira. Abheri anofanira kunge akashandisa atari paakapa Mwari zvinopiwa zvake. (Gen. 4:3, 4) Noa, Abrahamu, Isaka, Jakobho naMosesi, vakavaka atari. (Gen. 8:20; 12:7; 26:25; 35:1; Eks. 17:15) VaIsraeri vakagadzira tebhenekeri varayirwa naJehovha. (Eks. 25:8) Jehovha akazovarayira kuti vavake temberi. (1 Madz. 8:27, 29) VaJudha pavakadzoka kubva kuBhabhironi kwavainge vari nhapwa, vaigara vachiungana mumasinagogi. (Mako 6:2; Joh. 18:20; Mab. 15:21) VaKristu vepakutanga vaiungana mudzimba dzevamwe vaKristu. (Mab. 12:12; 1 VaK. 16:19) Mazuva ano, vanhu vaJehovha pasi rose vanoungana muDzimba dzoUmambo kuti vadzidziswe uye vanamate.

2 Jesu aida chaizvo temberi yaJehovha yaiva muJerusarema uye aiikoshesa chaizvo. Kuda kwaaiita temberi iyi kwakayeuchidza vadzidzi vake mashoko emunyori wepisarema okuti: “Kushingairira imba yenyu kwandipedza.” (Pis. 69:9; Joh. 2:17) Hapana Imba yoUmambo inganyatsonzi “imba yaJehovha” sezvairehwa nemashoko aya paaishandiswa achireva temberi yaiva muJerusarema. (2 Mak. 5:13; 33:4) Kunyange zvakadaro, tinofanira kuremekedza chaizvo nzvimbo dzedu dzatinonamatira. Munyaya ino tichataura mazano ari muBhaibheri anotibatsira kuona kuti tinofanira kuva neunhu hwakaita sei patinenge tiri paDzimba dzoUmambo. Tichakurukurawo kuti tinofanira kudzibata sei uye kuti tingabatsirawo sei kuti dzivakwe. *

KUREMEKEDZA MISANGANO YEDU

3-5. Chinangwa cheImba yoUmambo ndechei, uye kuziva izvi kunofanira kuita kuti tione sei misangano yedu yatinoita ipapo?

3 Imba yoUmambo inzvimbo inoungana vanhu kuti vanamate Jehovha. Pazvokudya zvokunamata zvatinopiwa naJehovha, tinewo misangano yatinoita vhiki nevhiki paImba yoUmambo. Pamisangano iyi tinokurudzirwa uye tinopiwa mirayiridzo naJehovha achishandisa sangano rake. Iropafadzo yakakura chaizvo kukokwa naJehovha neMwanakomana wake kuti tizodya “patafura yaJehovha” vhiki nevhiki. Tinofanira kuramba tichikoshesa kukokwa uku kwatakaitwa.—1 VaK. 10:21.

4 Jehovha anokoshesa chaizvo nguva idzodzo dzokunamata uye kukurudzirana kwatinoita zvokuti akafemera muapostora Pauro kuti atikurudzire kuti tisarega kuungana nevamwe. (Verenga VaHebheru 10:24, 25.) Tingati here tiri kuremekedza Jehovha kana tichirovha misangano pasina chikonzero chine musoro? Patinonyatsogadzirira misangano uye patinopindura pamisangano iyi, tinenge tichitoratidza kuti tiri kutenda Jehovha.—Pis. 22:22.

5 Zvatinoita kana tiri pamisangano uye mabatiro atinoita imba yedu yoUmambo, zvinofanira kuratidza kuti tinoremekedza Jehovha. Tinoda kuti maitiro edu aratidze kuti tinoremekedza zita raMwari iro rinowanzonge rakanyorwa paImba yoUmambo.—Enzanisa na1 Madzimambo 8:17.

6. Vamwe vanhu vakati chii nezvedzimba dzedu dzoUmambo nevaya vanopinda misangano ipapo? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

6 Kuremekedza kwatinoita nzvimbo dzatinonamatira kunowanzoonekwa nevanhu vasiri Zvapupu. Somuenzaniso, mumwe murume wokuTurkey akati: “Ndakashamiswa chaizvo nokuchena uye kurongeka kwainge kwakaita zvinhu paImba yoUmambo. Vanhu vaivapo vainge vakapfeka zvakanaka, vainyemwerera uye vakandikwazisa noushamwari. Izvi zvakandibaya mwoyo chaizvo.” Murume wacho akatanga kupinda misangano nguva dzose uye pasina nguva, akabhabhatidzwa. Mune rimwe guta kuIndonesia, imwe ungano yakakoka vanhu vomunharaunda uye vakuru vakuru vehurumende kuti vazoona Imba yoUmambo yakanga yava kuda kutsaurirwa. Meya weguta racho akauyawo. Akabayiwa mwoyo nemavakirwo eimba yacho uye kugadzirwa zvakanaka kwainge kwakaitwa chivanze chacho. Meya wacho akati, “Kuchena kwakaita imba iyi kunoratidza kuti mune kutenda kwakasimba.”

Zvatinoita zvinogona kuratidza kuti hatiremekedzi Mwari (Ona ndima 7, 8)

7, 8. Vose vanopinda misangano yechiKristu vanofanira kufunga nezvei?

7 Unhu hwedu uye mapfekero edu zvinofanira kuratidza kuti tinoremekedza Mwari uyo anotikoka kumisangano yechiKristu. Asi hatifaniri kubva tazonyanyisa. Kunyange zvazvo vamwe vachizoita sevanogadza tumitemo twavo panyaya yekuti tinofanira kuzvibata sei patinenge tiri pamisangano yechiKristu, zvakaonekwa kuti kune vamwe vanozoita sevari kumba kwavo asi ivo vari paImba yoUmambo. Ichokwadi kuti Jehovha anoda kuti vashumiri vake nevamwewo vanhu vatinenge takoka kumisangano vanzwe vakasununguka. Asi hatidiwo kuita chimwe chinhu chingaita kuti misangano yedu ishaye ruremekedzo. Saka hatifaniri kupfeka zvisina kukodzera, kana kuita zvimwe zvinhu zvakadai sokutumirana mameseji, kutaura-taura, uye kudya panguva yemisangano. Vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo kuti vazive kuti paImba yoUmambo hapasi pokumhanya-mhanya kana kutambira.—Mup. 3:1.

8 Jesu paakaona vanhu vachiita zvokutengeserana mutemberi yaMwari, akatsamwa chaizvo akavadzingira kunze. (Joh. 2:13-17) Dzimba dzedu dzoUmambo inzvimbowo dzokunamata kwakachena uye ndipo patinodzidziswa naJehovha. Saka zvinhu zvose zvisinei nekunamata hazvifaniri kuitirwa paImba yoUmambo.—Enzanisa naNehemiya 13:7, 8.

KUTSIGIRA KUVAKWA KWEDZIMBA DZOUMAMBO

9, 10. (a) Vanhu vaJehovha vari kukwanisa sei kuvaka Dzimba dzoUmambo uye zvakaguma nei? (b) Urongwa hupi hwuri kubatsira chaizvo ungano dzisina mari yokuvaka Dzimba dzoUmambo?

9 Pasi rose, vanhu vaJehovha vari kushanda nesimba vachibatsira pakuvakwa kweDzimba dzoUmambo. Basa rokudhirowa mapurani, kuvaka uye kugadziridza Dzimba dzoUmambo, riri kuitwa nevanhu vanozvipira. Izvi zvakaguma nei? Kubva musi wa1 November 1999, takavaka nzvimbo dzokunamatira dzinopfuura 28 000 pasi rose. Izvi zvinoreva kuti mumakore 15 apfuura, taipedza kuvaka Dzimba dzoUmambo dzinenge shanu zuva roga roga.

10 Pane zvakawanda zviri kuitwa kuti Dzimba dzoUmambo dzivakwe kwose kwadzinenge dzichidiwa. Urongwa uhwu tinohuita tichitevedzera zano romuMagwaro rokuti vaya vane zvakawanda vabatsirewo vane zvishoma kuti pave “nezvinhu zvakaenzana.” (Verenga 2 VaKorinde 8:13-15.) Iye zvino dzimwe ungano dzava neDzimba dzoUmambo dzakanaka. Kudai pasina urongwa uhwu, zvimwe ungano idzi dzaisazombokwanisa kuzvivakira dzoga.

11. Dzimwe hama dzakati chii padzakavakirwa Imba yoUmambo uye zvadzakataura zvinoita kuti unzwe sei?

11 Imwe ungano yokuCosta Rica yakabatsirwa neurongwa uhwu yakanyora kuti: “Patinenge takamira pamberi peImba yoUmambo, tinofunga kuti tiri kurota. Imba yedu yakanaka yakatora mazuva 8 chete ichivakwa! Kudai pasina kuti Jehovha akatikomborera, uye kudai pasina urongwa hwesangano rake uye kubatsirwa kwatakaitwa nehama dzedu, tingadai tisina kumbokwanisa kuita izvi. Nzvimbo iyi yokunamatira tinoiona sechipo chinokosha chaizvo chatakapiwa naJehovha. Tiri kufara chaizvo.” Tinobayiwa mwoyo patinonzwa mashoko akadaro okuonga Jehovha. Uye kuziva kuti hama dzedu dziri munyika dzakasiyana-siyana dzava neDzimba dzoUmambo, kunoita kuti tifare chaizvo. Iri ibasa raJehovha, nokuti kana Dzimba dzoUmambo dzangopera kuvakwa, dzinowanzozara nevanhu vanoda kuziva chokwadi nezveMusiki wedu ane rudo.—Pis. 127:1.

12. Ungabatsirawo sei kuti Dzimba dzoUmambo dzivakwe?

12 Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinonakidzwa chaizvo padzinobatsira panovakwa Imba yoUmambo. Pasinei nokuti tinogona kubatsira panovakwa Imba yoUmambo kana kuti hatikwanisi, tose tinogona kutsigira nokupa mari yezvipo. Vanhu vaMwari vekare vaipa zvipo kuti nzvimbo dzokunamatira dzivakwe. Tinopawo zvipo tichitevedzera muenzaniso wavo uye izvi zvinoita kuti Jehovha akudzwe.—Eks. 25:2; 2 VaK. 9:7.

KUCHENESA IMBA YOUMAMBO

13, 14. Mazano api ari muMagwaro anotibatsira kuti tiite kuti imba yedu yoUmambo igare yakachena?

13 Kana Imba yoUmambo yavakwa, inofanira kugara yakachena ichiratidza kuti Mwari watinonamata ndiMwari akarongeka. (Verenga 1 VaKorinde 14:33, 40.) Bhaibheri rinoratidza kuti kuva vatsvene uye kuchena pakunamata zvinofambidzana neutsanana. (Zvak. 19:8) Saka kana tichida kufarirwa naMwari, tinofanirawo kuva neutsanana.

14 Kana imba yedu yoUmambo yakachena, tinonzwa takasununguka kukoka vanhu vanofarira kumisangano yedu tiine chokwadi chokuti zvayakaita zvinoenderana nemashoko akanaka atinovaudza. Vachaona kuti tinonamata Mwari mutsvene uyo achaita kuti nyika ive paradhiso munguva pfupi iri kuuya.—Isa. 6:1-3; Zvak. 11:18.

15, 16. (a) Nei dzimwe nguva zvisiri nyore kuita kuti Imba yoUmambo igare yakachena, asi nei tichifanira kuichenesa? (b) Ungano yenyu yakaronga sei kuchenesa Imba yoUmambo, uye mumwe nomumwe wedu ane ropafadzo yei?

15 Vanhu vane maonero akasiyana-siyana emacheneserwo anofanira kuitwa Imba yoUmambo. Maonero avo anoenderana nemarererwo avakaitwa. Vamwe vanogara munzvimbo dzine huruva kana kuti dzine migwagwa isina tara uye inoita madhaka. Vamwewo vanoomerwa nokuwana mvura yakakwana uye zvinhu zvinoshandiswa pakuchenesa. Pasinei nekuti tinogara kupi uye kuti vanhu vekwatinogara vanoona sei nyaya youtsanana, dzimba dzedu dzoUmambo dzinofanira kugara dzakachena sezvo dziine zita raJehovha uye dziri idzo dzatinonamatira.—Dheut. 23:14.

16 Kana tichida kuti Imba yoUmambo igare yakachena, tinofanira kuva vanhu vakarongeka. Dare revakuru rinofanira kuva nechokwadi chokuti pane purogiramu yokuchenesa Imba yoUmambo uye pane zvinhu zvakakwana zvokushandisa kuitira kuti igare ichiratidzika zvakanaka. Mamwe mabasa okuchenesa anoda kugara achiitwa panopera misangano, asi mamwe anoda kuitwa pano neapo. Saka zvinoda kunyatsoronga kuitira kuti pasava nezvimwe zvinhu zvinosiyiwa pakuchenesa Imba yoUmambo. Munhu wose ari muungano ane ropafadzo yokubatsirawo pabasa iri.

KUGADZIRIDZA NZVIMBO YEDU YOKUNAMATIRA

17, 18. (a) Tinodzidzei pamabatiro aiita vanhu vaJehovha temberi? (b) Nei Dzimba dzoUmambo dzichifanira kugara dzichiratidzika zvakanaka?

17 Vashumiri vaJehovha vanogarawo vachigadziridza nzvimbo dzavo dzokunamatira. Mambo Jehoashi weJudha akarayira vapristi kuti vatore mari yaibviswa nevanhu voishandisa pakugadziridza ‘nzvimbo dzakatsemuka dzeimba yaJehovha, papi nepapi pavaiwana pakatsemuka.’ (2 Madz. 12:4, 5) Papfuura makore 200, Mambo Josiya akashandisawo mari yaibviswa nevanhu kuti agadziridze temberi.—Verenga 2 Makoronike 34:9-11.

18 Mahofisi emapazi akataura kuti vanhu havawanzokoshesa nyaya yokugadziridza Dzimba dzoUmambo nezvimwe zvinhu zvinoshandiswapo. Zvimwe chikonzero chacho ndechokuti munyika idzodzo munongova nevanhu vashoma vane ruzivo rwokuita basa racho kana kuti hama hadzina mari yokuti dziite basa racho. Pasinei nokuti chikonzero chacho chingava chei, kana Imba yoUmambo ikasagadziridzwa, inopedzisira isingacharatidziki zvakanaka zvokuti vanoiona vanotanga kutaura zvakaipa nezvezita raJehovha. Asi kana ungano ikaita zvose zvainogona kuti Imba yoUmambo irambe yakanaka, Jehovha acharumbidzwa uye mari yezvipo inobviswa nevatinonamata navo haizopambadzwi.

Imba yoUmambo inofanira kugara ichicheneswa uye ichigadziridzwa (Ona ndima 16, 18)

19. Uchaitei kuratidza kuti unoremekedza nzvimbo dzatinoshandisa pakunamata Jehovha?

19 Imba yoUmambo yakatsaurirwa kuna Jehovha. Saka haisi yemunhu kana kuti yeungano, pasinei nokuti yakanyoreswa muzita raani. Sezvataona munyaya ino, mazano ari muBhaibheri anotibatsira kuti tive nemaonero akanaka enzvimbo dzedu dzokunamatira. Tinoremekedza Jehovha, saka tinoremekedzawo misangano yedu uye Imba yoUmambo. Tinopa mari yezvipo kuti dzimwe Dzimba dzoUmambo dzivakwe, uye tinoshanda nesimba kuti dzigare dzakachena uye dzichiratidzika zvakanaka. Kana tikatsigira basa iri, tinoratidza kuti tinoshingairira nzvimbo yaJehovha yokunamata kwakachena sezvakaita Jesu.—Joh. 2:17.

^ ndima 2 Kunyange zvazvo nyaya ino ichinyanya kutaura nezveDzimba dzoUmambo, mazano arimo anoshandawo kuDzimba Dzemagungano nedzimwewo nzvimbo dzatinonamatira Jehovha.