Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngwarira Shamwari Dzakaipa Mumazuva Ano Okupedzisira

Ngwarira Shamwari Dzakaipa Mumazuva Ano Okupedzisira

“Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VAK. 15:33.

NZIYO: 73, 119

1. Tiri kurarama munguva ipi?

TIRI kurarama munguva yakaoma chaizvo. MuBhaibheri, nguva iyi yakatanga muna 1914, inonzi “mazuva okupedzisira.” Gore iroro risati rasvika, vanhu havana kumbobvira vasangana nemamiriro ezvinhu akaoma seatiri kusangana nawo ‘munguva dzino dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.’ (2 Tim. 3:1-5) Zvinhu zvichatowedzera kuipa nokuti Bhaibheri rakataura kuti “vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa.”—2 Tim. 3:13.

2. Vanhu vakawanda vari munyika vanovaraidzwa nezvinhu zvakaita sei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

2 Vanhu vakawanda vanovaraidzwa nekuona kana kuita zvinhu zvakadai sekurwisana, unzenza, zvemidzimu, nezvimwewo zvinoshorwa neBhaibheri. Somuenzaniso, kurwisana uye unzenza zvinowanzoratidzwa sezvinhu zvisina kuipa pazvinobudiswa paIndaneti, paTV, mumafirimu uye mumabhuku. Maitiro aimboonekwa seakaipa kare, iye zvino ava kutobvumirwa nomutemo mune dzimwe nzvimbo. Asi hazvirevi kuti Mwari ava kuona maitiro iwayo seakanaka.—Verenga VaRoma 1:28-32.

3. Vaya vanorarama vachitevedzera zvinotaurwa neMagwaro vanoonekwa sei nenyika?

3 Vateveri vaJesu vepakutanga vakanga vasingavaraidzwi nezvinhu zvakaipa. Tsika dzakanaka dzavaiva nadzo dzaiita kuti vashorwe nevanhu uye vatambudzwe. Muapostora Petro akataura nezvevaKristu ivavo achiti: “Zvamusingarambi muchifambidzana navo kusvikira manyura mumatope ezvakaipa kufanana navo, ivo vanoshamiswa uye vanoramba vachikutukai.” (1 Pet. 4:4) Mazuva ano, vaya vanorarama vachitevedzera zvinotaurwa naMwari vanovengwawo nenyika. Uyewo, vaya vose “vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.”—2 Tim. 3:12.

“USHAMWARI HWAKAIPA HUNOSHATISA TSIKA DZINOBATSIRA”

4. Nei tisingafaniri kuda nyika?

4 Magwaro anotaura kuti vaya vanoda kuita zvinodiwa naMwari havafaniri kuda nyika kana zvinhu zvinoitwa mairi. (Verenga 1 Johani 2:15, 16.) Satani Dhiyabhorosi, “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,” ndiye ari kutonga nyika. Anoshandisa masangano ezvitendero, ezvematongerwo enyika neezvokutengeserana uye zvinhu zvinoshandiswa nemasangano aya zvakadai semaTV neIndaneti, kuti anyengere vanhu. (2 VaK. 4:4; 1 Joh. 5:19) Saka sevaKristu, tinofanira kungwarira vanhu vatinoshamwaridzana navo. Shoko raMwari rinotinyevera kuti: “Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VaK. 15:33.

5, 6. Ndivanaani vatisingafaniri kushamwaridzana navo, uye nei?

5 Kuti tisashatisa tsika dzedu dzakanaka, hatifaniri kushamwaridzana nevaya vanoita zvakaipa. Izvi zvinosanganisira vaya vanozviti vanoshumira Jehovha asi vachityora mitemo yake nemaune. Kana vanhu ivavo vakaita chivi chakakura vorega kupfidza, hatifaniri kuramba tichishamwaridzana navo.—VaR. 16:17, 18.

6 Kana tikashamwaridzana nevanhu vasingateereri mitemo yaMwari, tinogona kupedzisira tava kuitawo zvakaipa tichida kuti vatifarire. Somuenzaniso, kana tikashamwaridzana nevanhu vanoita zvounzenza, tinogona kupedzisira tava mumuedzo wokuita unzenza. Izvozvo zvakatomboitika kune vamwe vaKristu vakazvitsaurira, uye vamwe vavo vakadzingwa nokuti vakanga vasingapfidzi. (1 VaK. 5:11-13) Kana vakasapfidza, vanogona kupedzisira vaita sezvakataurwa naPetro.—Verenga 2 Petro 2:20-22.

7. Ndivanaani vanofanira kuva shamwari dzedu dzepedyo?

7 Tinofanira kubata zvakanaka munhu wose kunyange vaya vasingatevedzeri mitemo yaMwari, asi hatifaniri kuita kuti vave shamwari dzedu dzepedyo. Saka zvakaipa kuti mumwe weZvapupu zvaJehovha asina kuroora kana kuroorwa adanane nemunhu asina kuzvitsaurira kuna Mwari uye asingateereri mitemo yake. Kufarirwa naJehovha kunokosha chaizvo kupfuura kufarirwa nevanhu vasingararami zvinoenderana nemitemo yake. Shamwari dzedu dzepedyo dzinofanira kuva dziya dzinoita zvinodiwa naMwari. Jesu akati: “Munhu wose anoita kuda kwaMwari, iyeyu ndiye munun’una wangu nehanzvadzi naamai.”—Mako 3:35.

8. Kushamwaridzana nevanhu vakaipa kwakakanganisa sei vaIsraeri?

8 Kushamwaridzana nevanhu vakaipa kwakaita kuti vaIsraeri vapinde mumatambudziko. Jehovha paakavanunura muIjipiti mavaiva varanda achivaendesa kuNyika Yakapikirwa, akavanyevera nezvevanhu vaigara munyika iyoyo achiti: “Usakotamira vanamwari vavo kana kuti kunyengetedzwa kuti uvashumire, usagadzira chero chinhu chipi zvacho chakaita semabasa avo, asi chokwadi uvawisire pasi, uputse shongwe dzavo tsvene. Munofanira kushumira Jehovha Mwari wenyu.” (Eks. 23:24, 25) VaIsraeri vakawanda havana kuteerera zvakataurwa naMwari. (Pis. 106:35-39) Ndokusaka Jesu akazovaudza kuti: “Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.” (Mat. 23:38) Jehovha akaramba vaIsraeri, uye akabva atanga kukomborera ungano yechiKristu yainge ichangotangwa.—Mab. 2:1-4.

NGWARIRA ZVAUNOVERENGA UYE ZVAUNOONA

9. Nei zvinhu zvakawanda zvinobudiswa pazvinhu zvakadai semaTV nezvimwewo zvichigona kutikanganisa?

9 Zvinhu zvakawanda zvinobudiswa pamaTV, paIndaneti uye mumabhuku, zvinogona kukanganisa ukama hwedu naJehovha. Zvinhu izvozvo hazvisimbisi kutenda kwedu muna Jehovha nezvipikirwa zvake. Asi zvinoita kuti tipedzisire tava kuvimba nenyika yaSatani yakaipa. Saka tinofanira kunyatsongwarira kuti tisaverenga kana kuona zvinhu zvinoita kuti tipedzisire tava kuda ‘zvinhu zviri munyika.’—Tito 2:12.

10. Chii chichaitika kuzvinhu zvakaipa zvinobudiswa mumabhuku uye muzvimwewo zvinhu?

10 Munguva pfupi iri kuuya kuchange kusisina zvinhu zvakaipa zvinobudiswa mumaTV, mumabhuku nepaIndaneti. Zvose zvichaparara pachaparadzwa nyika yaSatani. Shoko raMwari rinoti: “Nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Joh. 2:17) Munyori wepisarema akanyorawo kuti: “Vanoita zvakaipa vachaparadzwa.” Akabva awedzera kuti: “Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.” Vachagara kwenguva yakareba sei? “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pis. 37:9, 11, 29.

11. Mwari anopa sei vanhu vake zvokudya zvokunamata?

11 Nyika yaSatani pairi kubudisa zvinhu zvakaipa, sangano raJehovha riri kubudisa mashoko anotikurudzira kuti tive neunhu hunotibatsira kuti tizorarama nokusingaperi. Jesu paainyengetera kuna Jehovha, akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Joh. 17:3) Baba vedu vokudenga vari kushandisa sangano ravo kuti vatipe zvokudya zvokunamata zvakawanda chaizvo, zvinoita kuti tisimbise ukama hwedu navo. Takakomborerwa chaizvo kuva nezvinhu zvinotsigira kunamata kwechokwadi zvakadai semagazini, mabhurocha, mabhuku, mavhidhiyo uye jw.org. Sangano raJehovha rinorongawo misangano inoitwa vhiki nevhiki muungano dzinopfuura 110 000 dziri munyika yose. Pamisangano iyoyo nepamagungano, tinoongorora mazano eBhaibheri anotibatsira kusimbisa kutenda kwedu muna Mwari nezvipikirwa zvake.—VaH. 10:24, 25.

ROORA KANA KUTI ROORWA “MUNASHE CHETE”

12. Zano romuBhaibheri rokuti roora kana kuti roorwa “munaShe chete” rinorevei?

12 MuKristu anoda kuroora kana kuroorwa anotofanira kunyanya kungwarira vanhu vaanoshamwaridzana navo. Shoko raMwari rinoti: “Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi. Nokuti kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chine mugove wei nerima?” (2 VaK. 6:14) Bhaibheri rinonyevera vashumiri vaMwari vari kutsvaka munhu wokuroorana naye kuti varoore kana kuroorwa “munaShe chete.” Mashoko okuti “munaShe chete,” anoreva kuti vanofanira kungoroorana nemushumiri waJehovha akazvitsaurira ndokubhabhatidzwa, anorarama zvinoenderana neMagwaro. (1 VaK. 7:39) Kana ukaroorana nemunhu akadaro anoda Jehovha, munhu iyeye achakubatsira kuti urambe wakavimbika kuna Jehovha.

13. Mutemo upi wakapiwa vaIsraeri nezvewanano?

13 Jehovha anoziva zvakanakira vashumiri vake, uye agara achivaudza maonero aanoita wanano. Ona mutemo wakajeka waakapa vaIsraeri achishandisa Mosesi. Jehovha akavanyevera nezvemarudzi akanga akapoteredza ayo akanga asingamushumiri achiti: “Usaroorerana navo. Usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, uye usatorera mwanakomana wako mwanasikana wake. Nokuti achatsausa mwanakomana wako kuti arege kunditevera, uye vachashumira vamwe vanamwari; Jehovha achakutsamwirai kwazvo, uye achakurumidza kukutsakatisai.”—Dheut. 7:3, 4.

14, 15. Chii chakaitika kuna Soromoni paasina kuteerera Jehovha?

14 Soromoni mwanakomana waDhavhidhi paakanga achangotanga kutonga, akanyengetera kuna Mwari achikumbira uchenjeri uye akapiwa uchenjeri hwakawanda. Mambo Soromoni akatanga kuzivikanwa semutongi akachenjera uye nyika yaaitonga yaibudirira chaizvo. Mambokadzi weShebha paakamushanyira, akatotaura kuti: “Handina kutenda mashoko acho kusvikira ndauya kuti maziso angu aone; uye tarirai! ndakanga ndisina kuudzwa kunyange hafu yazvo. Uchenjeri hwenyu nokubudirira zvinopfuura zvinhu zvandainzwa.” (1 Madz. 10:7) Asi zvakazoitika kuna Soromoni zvinotipa chidzidzo chezvinogona kuitika kana munhu akasateerera mutemo waMwari wekuti tisaroorana nemunhu asingatendi.—Mup. 4:13.

15 Pasinei nezvose zvaakanga aitirwa naJehovha, Soromoni haana kuteerera mutemo waMwari wokuti akanga asingafaniri kuroora vakadzi vemamwe marudzi akanga asingashumiri Jehovha. Soromoni “aida madzimai mazhinji okune dzimwe nyika” uye akapedzisira ava nemadzimai 700 nevarongo 300. Chii chakazoitika? Paakanga akwegura, madzimai ake akanga asingashumiri Jehovha akatsausa “mwoyo wake kuti atevere vamwe vanamwari, . . . [uye] Soromoni akatanga kuita zvakaipa pamberi paJehovha.” (1 Madz. 11:1-6) Kushamwaridzana nevanhu vakanga vasingadi Jehovha kwakaita kuti Soromoni apedzisire asisashumiri Jehovha. Zvakaitika kuna Soromoni inyevero yakasimba kumuKristu wose angangodaro achifunga nezvekuroorana nemunhu asingadi Jehovha.

16. Izano ripi romuMagwaro rinoshanda kumushumiri waMwari anenge aine mumwe wake asingatendi?

16 Ngatitii pane murume nemudzimai vasingatendi, zvoitika kuti mumwe wavo ova Chapupu chaJehovha. Pakadaro Bhaibheri rinotii? Rinoti: “Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa.” (1 Pet. 3:1) Mashoko iwayo anotaura nezvemadzimai echiKristu, asi anoshandawo kumurume anova mushumiri waJehovha asi aine mudzimai asingatendi. Zano reBhaibheri riri pano nderokuti: Iva murume kana kuti mudzimai akanaka, uye tevedzera mitemo yaMwari inotaura nezvewanano. Kune varume nemadzimai vakawanda vakagamuchira chokwadi pashure pekunge vaona mumwe wavo achinja nokuti akatevedzera zvinodiwa naMwari.

SHAMWARIDZANA NEVANODA JEHOVHA

17, 18. Chii chakaita kuti Noa uye vaKristu vepakutanga vapone pakaparadzwa vanhu vakanga vasingadi Mwari?

17 Shamwari dzakaipa dzinoshatisa tsika dzakanaka, asi shamwari dzakanaka dzinoita kuti munhu aite zvinhu zvakanaka. Noa uyo aigara munyika yaiva nevanhu vakaipa, haana kumbobvira afunga zvekushamwaridzana navo. Panguva iyoyo, “Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji panyika uye zvose zvaidiwa nepfungwa dzomwoyo wake zvakanga zvakangoipa nguva dzose.” (Gen. 6:5) Mwari akafunga zvokuparadza nyika iyoyo yakanga yakaipa nemafashamo. Asi “Noa akanga ari munhu akarurama. Akanga asina mhosva pakati pevanhu venguva yake. Noa akafamba naMwari wechokwadi.”—Gen. 6:7-9.

18 Zviri pachena kuti Noa haana kumboedza kushamwaridzana nevanhu vakanga vasingadi Mwari. Iye nevamwe vanhu vanomwe vemumhuri yake, vakanga vakabatikana nokuita basa ravakanga vapiwa naMwari raisanganisira kuvaka areka. Noa aivawo “muparidzi wokururama.” (2 Pet. 2:5) Kuparidza kwaiita Noa, kuvaka kwaaiita areka uye kushamwaridzana nemhuri yake, kwakaita kuti arambe achifadza Jehovha. Izvi zvakaita kuti Noa nemhuri yake vapone pakaitika Mafashamo. Tose zvedu takabva kuvanhu ivavo, saka tinofanira kutenda kuti vakateerera Jehovha vakarega kushamwaridzana nevanhu vakaipa. VaKristu vepakutanga havanawo kushamwaridzana nevanhu vakanga vasingadi Mwari. Izvi zvakaita kuti vapone pakaparadzwa Jerusarema muna 70 C.E.—Ruka 21:20-22.

Patinoshamwaridzana nevanhu vatinonamata navo, tinenge tichitoravira nyika itsva (Ona ndima 19)

19. Tinofanira kuitei kuti tifarirwe naMwari?

19 Sevanamati vaJehovha, tinofanira kutevedzera Noa nemhuri yake uye vaKristu vepakutanga. Tinofanira kuramba takaparadzana nenyika ino yakaipa, totsvaka shamwari dzinovaka pakati pemamiriyoni ehama nehanzvadzi dzedu. Kuramba tiri pedyo nevaya vanotungamirirwa neuchenjeri hwaMwari kuchatibatsira kuti tirambe ‘takamira zvakasimba mukutenda’ munguva dzino dzakaoma. (1 VaK. 16:13; Zvir. 13:20) Uyewo kana tikangwarira vanhu vatinoshamwaridzana navo mumazuva ano okupedzisira, zvimwe tichatoona kuguma kwenyika ino yakaipa topinda munyika itsva yaJehovha yakarurama iyo yava pedyo chaizvo.