Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAPUPU ZVAJEHOVHA VANHU VAKAITA SEI?

Tinowana Kupi Mari Yekuita Basa Redu Rekuparidza?

Tinowana Kupi Mari Yekuita Basa Redu Rekuparidza?

Gore negore tinoprinda nekuparadzira mazana emamiriyoni emaBhaibheri nezvinyorwa zvinoritsanangura. Tinovaka mahofisi edu munyika yose uye tine michina yokuprinda mabhuku munyika dzakasiyana-siyana. Zviuru zvakawanda zveungano zvinonamatira muzvivako zvakanaka asi zvisingashamisire zvinonzi Dzimba dzoUmambo. Mari yekushandisa pane zvose izvi inobva kupi?

Basa redu rinotsigirwa nemipiro inobviswa nevanhu pasina kumanikidzwa. (2 VaKorinde 9:7) Muna 1879, Nharireyomurindi yechipiri kubva pane yakatanga kubudiswa yakati: “Tinodavira kuti ‘Zion’s Watch Tower’ [sekudanwa kwayaiitwa mazuva iwayo] inotsigirwa naJEHOVHA, saka haisi kuzoita zvokupemha kana kuti kukumbira vanhu kuti vaitsigire.” Hatina kumbobvira tachinja panyaya iyoyo.

Mipiro inenge yabviswa inotumirwa kumahofisi edu emapazi kana kuti inokandwa mubhokisi remipiro rinowanika muImba yoUmambo imwe neimwe. Asi hatimbofi takabvisa chegumi kana kukumbira vanhu mari kana kuvachaja mari yebasa redu kana kuti mabhuku edu. Hatibhadharwe kuti tinoparidzira vanhu, tidzidzise muungano kana kuti patinobatsira pakuvaka nzvimbo dzokunamatira. Jesu akatotaura kuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mateu 10:8) Vashumiri vose vanoshanda pamahofisi edu ari munyika dzakasiyana-siyana nepamahofisi edu makuru kusanganisira vaya vari muDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, havabhadharwe.

“Kungofanana nezvose zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha, kubvisa mipiro haisi nyaya yekumanikidzwa, asi munhu mumwe nemumwe anozvisarudzira oga mari yaanoda kupa paadira.”—European Court of Human Rights, 2011

Mari yemupiro inoshandiswawo pakuyamura vanhu munguva dzenjodzi. VaKristu vepakutanga vakafara chaizvo pavakayamura vanhu vaitambudzika. (VaRoma 15:26) Nesuwo tinobatsira vaya vanenge vawirwa nenjodzi patinovavakira dzimba dzavo nepokunamatira uye patinovapa zvokudya, zvokupfeka nekuvarapisa.