Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kushanda Nesimba Kuti Utevedzere Kukura kwaKristu Here?

Uri Kushanda Nesimba Kuti Utevedzere Kukura kwaKristu Here?

‘Iva nomwero wokukura kwakazara kwaKristu.’—VAEF. 4:13.

NZIYO: 69, 70

1, 2. MuKristu wose anofanira kushanda nesimba kuti akure pachii? Taura muenzaniso.

KANA amai vachida kutenga michero pamusika, hapasi pose pavanosarudza yakanyanya kukura kana kuti yakanyanya kuchipa. Michero yavanonyanya kuda ndeiya yakaibva, inonaka, inonhuwirira, uye inovaka muviri. Saka vanosarudza michero yakanyatsosvika.

2 Kana munhu achinge afambira mberi zvokusvika pakuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa, ukama hwake naMwari hunoramba huchisimba. Chinangwa chake ndechekuva muKristu akakura kungofanana nemuchero unenge wanyatsosvika. Kukura kwatiri kutaura nezvako hakusi kukura muzera, asi kukura pakunamata. Muapostora Pauro aida kuti vaKristu vomuEfeso vakure pakunamata. Akavakurudzira kuti vashande nesimba kuti vasvike ‘pakubatana mukutenda nomuzivo yakarurama pamusoro poMwanakomana waMwari, vova munhu akura zvakakwana, ane mwero wokukura kwakazara kwaKristu.’—VaEf. 4:13.

3. Ungano yaiva muEfeso yakafanana papi neungano dzeZvapupu zvaJehovha mazuva ano?

3 Pauro paakanyora tsamba yake, ungano yokuEfeso yakanga yatova nemakore yaumbwa. VaKristu vakawanda vaiva muungano iyi vakanga vakura pakunamata. Asi kwakanga kuchinewo vamwe vaifanira kushanda nesimba kuti vakure pakunamata. Mazuva ano, muungano dzeZvapupu zvaJehovha munewo vanhu vakaita sevaiva muungano yeEfeso. Kune hama nehanzvadzi dzakawanda dzava nemakore dzichishumira Mwari uye iye zvino dzakura pakunamata. Asi kunewo vamwe vasati vasvika pachidanho ichocho. Somuenzaniso, gore negore kune vanhu vakawanda chaizvo vari kubhabhatidzwa. Izvi zvinoratidza kuti kune vamwe vachiri kufanira kushanda nesimba kuti vakure pakunamata. Ko iwe uri papi?—VaK. 2:6, 7.

MUKRISTU ANGAITEI KUTI AKURE PAKUNAMATA?

4, 5. VaKristu vakakura pakunamata vanogona kunge vakasiyana pachii, asi vose vakafanana papi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

4 Paunenge uchisarudza michero yakaibva pamusika, unoona kuti kuibva kwayo kunosiyana-siyana. Asi yose inenge iine zvimwe zvinhu zvinoratidza kuti yakaibva. Izvi ndizvo zvakangoitawo vaKristu vakakura pakunamata. Vanogona kunge vakasiyana pamarererwo, utano hwavo, zera uye nyika dzavanobva. Kunyange unhu hwavo netsika zvinogona kunge zvakatosiyana. Asi vanhu vose vanokura pakunamata vanopedzisira vava neunhu hunoratidza kuti vava vanhu vakuru panyaya dzokunamata. Ndehupi humwe unhu hwacho?

5 Mushumiri waJehovha akakura pakunamata anorarama achitevedzera Jesu uyo ‘akatisiyira muenzaniso kuti tinyatsotevera tsoka dzake.’ (1 Pet. 2:21) Ndechipi chinhu chakanzi naJesu ndicho chinonyanya kukosha? Akati munhu anofanira kuda Jehovha nomwoyo wake wose nomweya wake wose nepfungwa dzake dzose uyewo anofanira kuda muvakidzani wake sezvaanozviita. (Mat. 22:37-39) MuKristu akakura pakunamata anoedza kurarama achitevedzera zano iroro. Upenyu hwake hunoratidza kuti anonyanya kukoshesa ushamwari hwake naJehovha uye anoda vamwe chaizvo.

VaKristu vakura muzera vanoratidza kuzvininipisa sezvaiita Kristu pavanotsigira hama dzechiduku dzinenge dzava kutungamirira (Ona ndima 6)

6, 7. (a) Ndehupi humwe unhu hunoratidzwa nemuKristu akakura pakunamata? (b) Mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti chii?

6 MuKristu akakura pakunamata haangogumiri pakuratidza rudo asi anoratidzawo humwe unhu hunokosha hwunoumba chibereko chomudzimu waMwari. (VaG. 5:22, 23) Unhu uhwu hunosanganisira unyoro, kuzvidzora uye mwoyo murefu. Unhu ihwohwo hunogona kumubatsira kuti atsungirire matambudziko uye arambe aine tariro paanosangana nezvinhu zvinorwadza. Paanenge achidzidza ari oga, anoramba achitsvaka mazano omuMagwaro anogona kumubatsira kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. Saka zvisarudzo zvaanoita zvinoratidza kuti akura pakunamata. Somuenzaniso, anoteerera zvaanoudzwa nehana yake yakadzidziswa neBhaibheri. Anoratidza kuti anozvininipisa nokuti anobvuma kuti nguva dzose nzira dzaJehovha nemitemo yake ndizvo zvakarurama kupfuura mafungiro ake. * Anoshanda nesimba mubasa rokuparidza mashoko akanaka uye anobatsirawo kuti muungano muve nokubatana.

7 Pasinei nokuti tava nenguva yakareba sei tichishumira Jehovha, mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Pane here zvimwe zvinhu muupenyu hwangu zvandinofanira kugadzirisa kuitira kuti ndinyatsotevera tsoka dzaJesu, ndokura pakunamata?’

“ZVOKUDYA ZVIKUKUTU NDEZVEVANHU VAKURU”

8. Jesu aiziva Magwaro uye aianzwisisa zvakadii?

8 Jesu Kristu ainyatsonzwisisa Shoko raMwari. Kunyange paaiva nemakore 12, akatokurukura nyaya dzomuMagwaro nevadzidzisi mutemberi. “Vose vaya vakanga vachimuteerera vakaramba vachishamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake.” (Ruka 2:46, 47) Paakanga ava kuita ushumiri hwake, Jesu aipindura vanhu vaimushora achishandisa Shoko raMwari zvokuti vaishaya romuromo.—Mat. 22:41-46.

9. (a) Munhu anoda kukura pakunamata anofanira kuva nepurogiramu yakaita sei yokudzidza Bhaibheri? (b) Chinangwa chokudzidza Bhaibheri ndechei?

9 MuKristu anoda kukura pakunamata anotevedzera Jesu nokuita zvose zvaanogona kuti anzwisise Bhaibheri. Anogara achiongorora chokwadi chakadzama chiri muBhaibheri nokuti anoziva kuti “zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru.” (VaH. 5:14) Saka zviri pachena kuti muKristu akakura pakunamata anoda kuva nezivo “yakarurama pamusoro poMwanakomana waMwari.” (VaEf. 4:13) Wakaronga kuverenga Bhaibheri zuva nezuva here? Une purogiramu yokudzidza uri woga here uye unoita zvose zvaunogona here kuti uite kunamata kwemhuri vhiki yoga yoga? Paunenge uchidzidza Shoko raMwari, tsvaka mazano ari mariri achakubatsira kuti unyatsonzwisisa mafungiro aJehovha uye manzwiro ake. Zvadaro, edza kushandisa mazano acho pane zvaunosarudza muupenyu. Izvozvo zvichaita kuti ushamwari hwako naJehovha huwedzere kusimba.

10. MuKristu akakura pakunamata anobatsirwa sei nezivo yaainayo?

10 MuKristu akakura pakunamata anoziva kuti haafaniri kungogumira pakuva nezivo chete. Anofanirawo kuda zvinhu zvaanodzidza muShoko raMwari. Imwe nzira yaanoratidza nayo rudo irworwo ndeyokuita zvinodiwa naJehovha pane kuita zvido zvake. Uyewo, zviri pachena kuti muKristu wacho anenge atoshanda nesimba kuti ‘abvise’ unhu hwekare. Paanoita izvozvo, anopfeka unhu hwakafanana nehwaKristu, uhwo “hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (Verenga VaEfeso 4:22-24.) Bhaibheri rakanyorwa nevanhu vaitungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari. Saka muKristu paanenge achiwedzera kuva nezivo yeShoko raMwari uye kuda mitemo yake, anenge achitobvumira mwoyo wake nepfungwa dzake kuti zvitungamirirwe nomudzimu mutsvene. Izvozvo zvinomubatsira kuti akure pakunamata.

KUBATANIDZWA PAMWE CHETE

11. Jesu airarama nevanhu vakaita sei paaiva panyika?

11 Jesu paaiva panyika, aigara nevanhu vane chivi kunyange zvazvo iye akanga asina chivi. Vabereki vake uye hama dzake vaivawo nechivi. Kunyange vaapostora vake vaimbopindwa nekapfungwa kekuda chinzvimbo kaiva nevamwe vanhu panguva iyoyo. Somuenzaniso, usiku hwokupedzisira Jesu asati aurayiwa, pakava “nenharo huru pakati pavo pamusoro pokuti ndiani wavo aiita somukuru pane vose.” (Ruka 22:24) Asi Jesu aiziva kuti vateveri vake vaizokura pakunamata vopedzisira vava ungano yakabatana kunyange zvazvo vaiva nechivi. Usiku ihwohwo, Jesu akavanyengeterera kuti vabatane. Akakumbira Baba vake vokudenga kuti vadzidzi vake “vose vave vamwe,” sokuva pamwe kwaainge akaita naBaba vake.—Joh. 17:21, 22.

12, 13. (a) VaEfeso 4:15, 16, inoratidza sei kuti tinofanira kubatsirawo kuti ungano ibatane? (b) Imwe hama yakaitei kuti ibatsirewo kuti ungano ibatane?

12 Mushumiri waJehovha akakura pakunamata anobatsira kuti ungano ibatane. (Verenga VaEfeso 4:1-6, 15, 16.) SevaKristu, chinangwa chedu ndechokuti ‘tinyatsobatanidzwa pamwe chete’ kana kuti tishande takabatana. Shoko raMwari rinoratidza kuti tinofanira kuva vanhu vanozvininipisa kuti tibatane. Saka kunyange kana muKristu akakura pakunamata akatadzirwa nemumwe munhu ari muungano, anozvininipisa oita zvose zvaanogona kuti ungano irambe yakabatana. Unoita sei kana mumwe muKristu ari muungano akaita chimwe chinhu chisina kunaka? Ko kana uriwe watadzirwa unoita sei? Unobva warega kutaura naye here kana kuti unoedza kugadzirisa ukama hwako naye? MuKristu akakura pakunamata anoedza kugadzirisa dambudziko rinenge ramuka.

13 Funga nezveimwe hama inonzi Uwe. Yaiwanzogumburwa nokukanganisa kunoita vamwe vaKristu. Saka yakafunga kushandisa Bhaibheri uye bhuku raInsight on the Scriptures kuti idzidze nezveupenyu hwaDhavhidhi. Nei yakasarudza kudzidza nezvaDhavhidhi? Uwe anoti: “Dhavhidhi aiitirwa zvakaipa nevamwe vashumiri vaMwari. Somuenzaniso, Mambo Sauro akaedza kumuuraya, vamwe vanhu vaida kumutema nematombo, uye kunyange mudzimai wake chaiye akamuzvidza. (1 Sam. 19:9-11; 30:1-6; 2 Sam. 6:14-22) Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akaramba achida Jehovha. Dhavhidhi aivawo munhu anokanganwira, saka ndakaonawo kuti ndaifanira kushanda nesimba kuti ndimutevedzere. Zvandakadzidza zvakachinja maonero andaiita kukanganisa kunoitwa nevandinonamata navo. Handicharambi ndichingofunga nezvekukanganisa kunoitwa nevamwe. Asi ndinoita zvose zvandinogona kuti ndibatsirewo kuti ungano ibatane.” Unoitawo zvose zvaunogona kuti ungano ibatane here?

SARUDZA SHAMWARI PAVANHU VANOITA ZVINODIWA NAMWARI

14. Jesu akasarudza vanhu vakaita sei kuti vave shamwari dzake?

14 Jesu Kristu aifarira vanhu. Varume, vakadzi, vakwegura, kunyange vana vainzwa vakasununguka kana vaina Jesu. Asi paaisarudza shamwari dzake dzepedyo, aisangosarudza munhu wese wese. Akaudza vaapostora vake vakatendeka kuti: “Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai.” (Joh. 15:14) Saka shamwari idzi akadzisarudza pavateveri vake vakatendeka uye pane vaya vaishumira Jehovha nemwoyo wose. Unosarudzawo here shamwari dzako pavanhu vanoshumira Jehovha nemwoyo wose? Nei zvichikosha kuti udaro?

15. Vechiduku vangabatsirwa sei nokushamwaridzana nevaKristu vakakura pakunamata?

15 Michero yakawanda inoibva zvakanaka kana ichiwana zuva. Rudo rwehama nehanzvadzi dzedu rwakafananawo nezuva pakuti rwunokubatsira kuti ukure pakunamata. Zvichida uri wechiduku ari kuda kusarudza zvokuita muupenyu. Kana ukashamwaridzana nevaKristu vava nenguva yakareba vachishumira Jehovha uye vanoita kuti muungano muve nokubatana, unenge uchiratidza kuti wakachenjera. VaKristu ivavo vanogona kunge vakasangana nematambudziko muupenyu uye vanogona kunge vaine zvavakatsungirira vachishumira Jehovha. Vanogona kukubatsira kusarudza zvinhu zvakanaka zvaungaita muupenyu. Kushamwaridzana nehama nehanzvadzi idzodzo kunogona kukubatsira kuti usarudze nokuchenjera uye ukure pakunamata.—Verenga VaHebheru 5:14.

16. Imwe hanzvadzi yechiduku yakabatsirwa sei nevamwe vaKristu vakura?

16 Somuenzaniso, Helga anoyeuka kuti paaiva mugore rake rokupedzisira kuchikoro, vamwe vomukirasi make vaitaura zvavaida kuzoita muupenyu. Vakawanda vavo vaiti vaida kuzoenda kuyunivhesiti kuti vazowana mabasa akanaka. Helga akataura nyaya yacho neshamwari dzake dzomuungano mavo. Anoti: “Vakawanda vacho vaiva vakuru kwandiri uye vakandibatsira chaizvo. Vakandikurudzira kuita basa renguva yakazara. Ndakabva ndatanga kupayona uye ndakaita basa iri kwemakore mashanu. Iye zvino papfuura makore akawanda uye ndiri kufara chaizvo kuti ndakashandisa upenyu hwangu ndichiri muduku mubasa raJehovha. Handimbozvidembi.”

17, 18. Kukura pakunamata kunotibatsira sei?

17 Kana tikatevedzera muenzaniso waJesu, tichakura pakunamata. Ushamwari hwedu naJehovha huchawedzera kusimba uye chido chedu chokumushumira chichawedzerawo. Kana mushumiri waMwari anyatsokura pakunamata, anenge ava kukwanisa kunyatsoshumira Jehovha. Jesu akakurudzira vateveri vake kuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka uye vakudze Baba venyu vari kumatenga.”—Mat. 5:16.

18 Sezvataona, muKristu akakura pakunamata anogona kubatsira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muungano. Uyewo, kukura pakunamata ikoko kunoonekwa nemashandisiro aanoita hana yake yaakapiwa naMwari. Hana yedu ingatibatsira sei kuti tiite zvisarudzo nokuchenjera? Uye tingaremekedza sei zvinenge zvasarudzwa nevamwe vaKristu vachitungamirirwa nehana dzavo? Izvi ndizvo zvatichakurukura munyaya inotevera.

^ ndima 6 Somuenzaniso, hama dzakura muzera dzinogona kukumbirwa kuti dzichisiya dzimwe ropafadzo uye kuti dzitsigire hama dzechiduku dzinenge dzapiwa ropafadzo idzodzo.