Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | MWARI ANOONA SEI HONDO?

Mwari Aiona Sei Hondo Kare Kare?

Mwari Aiona Sei Hondo Kare Kare?

Pane vamwe vanhu vakambodzvinyirirwa. Vakanyengetera kakawanda kuna Mwari kuti avanunure, asi haana kuvanunura panguva iyoyo. Vanhu vacho vaIsraeri, uye vaiva vanhu vaMwari kare kare. Vaidzvinyirirwa nevaIjipiti vaiva nesimba. (Eksodho 1:13, 14) VaIsraeri vakamirira kwemakore kuti Mwari avanunure pakudzvinyirirwa nevaIjipiti. Asi nguva yekuti Mwari avanunure yakazosvika. (Eksodho 3:7-10) Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari pachake akarwisa vaIjipiti. Akaonesa vaIjipiti nhamo nematambudziko akatevedzana airwadza, ndokuparadza mambo wavo neuto rake muGungwa Dzvuku. (Pisarema 136:15) Jehovha akarwira vanhu vake, achiratidza kuti aiva “murume wehondo, akashinga.”—Eksodho 15:3, 4.

Kurwisa kwakaita Mwari vaIjipiti kunoratidza kuti haangoti chose chinonzi hondo chakaipa. Pane dzimwe nguva aitoudza vanhu vake vaIsraeri kuti varwe hondo. Somuenzaniso, akamboudza vaIsraeri kuti varwise vaKenani, avo vaiita zvakashata. (Dheuteronomio 9:5; 20:17, 18) Akaudza Dhavhidhi, Mambo weIsraeri kuti arwise vaFiristiya avo vaiva neudzvinyiriri. Mwari akatoudza Dhavhidhi kuti aifanira kuvarwisa sei kuti akunde.—2 Samueri 5:17-25.

Nyaya idzi dzemuBhaibheri dzinoratidza kuti Mwari aiita kuti dzimwe hondo dzirwiwe kuti adzivirire vanhu vake vaIsraeri pazvinhu zvakaipa uye pakudzvinyirirwa. Aiitawo izvi, kuti kunamata kwakachena kurambe kuripo. Asi pane pfungwa nhatu dzinokosha nezvehondo idzodzo dzaitungamirirwa naMwari. Ngatimbodzionai.

  1. MWARI PACHAKE NDIYE AISARUDZA KUTI NDIANI AIZORWA MUHONDO DZACHO. Pane imwe nguva, Mwari akaudza vaIsraeri kuti: “Hamuzofaniri henyu kurwa.” Sei akadaro? Nokuti Mwari ndiye aizovarwira. (2 Makoronike 20:17; 32:7, 8) Akaita izvi kakawanda, sepaya pambotaurwa kwatangira nyaya ino. Pane dzimwe nguva Mwari akaudza vanhu vake vemuIsraeri kuti varwe dzimwe hondo, idzo dzaiita kuti vatore uye vachengetedze Nyika Yakapikirwa.—Dheuteronomio 7:1, 2; Joshua 10:40.

  2. MWARI PACHAKE NDIYE AISARUDZA KUTI HONDO DZACHO DZAIZORWIWA RIINI. Vashumiri vaMwari vaifanira kumirira kuti nguva yaMwari yekurwisa vanhu vaiita zvakaipa uye vaivadzvinyirira ikwane. Saka vaisafanira kutanga hondo kusvikira nguva yaMwari yasvika. Kana vaizotanga hondo vega, Mwari aizovatsamwira. Bhaibheri rinoratidza kuti vaIsraeri pavairwa hondo vasina kubvumirwa naMwari, zvinhu zvaiwanzovaipira. *

  3. Kunyange zvazvo Mwari akarwisa vaKenani, pane vamwe vaakaponesa, vakadai saRakabhi nemhuri yake

    MWARI HAAFARIRI KUTI VANHU VAFE, KUSANGANISIRA VAKAIPA. Jehovha Mwari ndiye tsime roupenyu uye ndiye akasika vanhu. (Pisarema 36:9) Saka haafari paanoona vanhu vachifa. Asi zvinosuwisa kuti pane vamwe vanhu vanotoronga kudzvinyirira uye kutouraya vamwe. (Pisarema 37:12, 14) Kuti amise zvinhu zvakaipa izvozvo, dzimwe nguva Mwari aiita kuti vanhu vakaipa varwiswe. Asi panguva yose iyoyo yaaiita kuti vaIsraeri varwe hondo idzodzo, akaramba ari Mwari ane “ngoni” uye “anononoka kutsamwa” pamabatiro aaiita vanhu vaidzvinyirira vaIsraeri. (Pisarema 86:15) Somuenzaniso, akatopa mutemo wekuti kana vaIsraeri vava kuda kurwisa guta, vaifanira “kurizivisawo mashoko orugare,” kuti vape vanhu vemo mukana wekuchinja mafungiro avo, kuti parege kuva nehondo. (Dheuteronomio 20:10-13) Ipapo Mwari aitoratidza kuti haafariri ‘rufu rwomunhu akaipa, asi anoda kuti munhu akaipa atendeuke panzira yake, oramba achirarama.’—Ezekieri 33:11, 14-16. *

Kubva pane zvatataura, taona kuti kare kare, Mwari aiona hondo senzira yakakodzera yekupedza udzvinyiriri uye zvinhu zvakaipa. Asi Mwari pachake ndiye aisarudza kuti hondo idzodzo dzaizorwiwa naani uye riini, kwete vanhu. Ndizvo here kuti Mwari airwa hondo dzeutsinye achida kuteura ropa? Kwete. Anotovenga zvekurwa. (Pisarema 11:5) Ko maonero aiita Mwari hondo akazochinja panguva yakatanga Mwanakomana wake Jesu Kristu ushumiri hwake pasi pano here?

^ ndima 7 Somuenzaniso, pane imwe nguva vaIsraeri vakakundwa nevaAmareki nevaKenani pashure pekunge vatanga hondo asi ivo varambidzwa naMwari. (Numeri 14:41-45) Pashure pemakore akawanda izvi zvaitika, Mambo Josiya uyo ainge akatendeka akamhanyirira kutanga hondo asina kubvumirwa naMwari, uye hondo iyoyo ndiyo yakamuuraya.—2 Makoronike 35:20-24.

^ ndima 8 VaIsraeri havana kuzivisa mashoko orugare vasati varwa nevaKenani. Sei vasina? Nekuti vaKenani vakanga vapiwa makore 400 ekuti vasiye zvakaipa zvavaiita. Panguva yakauya vaIsraeri kuzovarwisa, vaKenani vakanga vachiri kungoita zvakaipa vasingadi kuchinja. (Genesisi 15:13-16) Saka vaifanira kuparadzwa vose. Asi vaya vakabvuma kusiya zvakaipa havana kuurayiwa.—Joshua 6:25; 9:3-27.