Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidza Kuti Unokoshesa ‘Chipo chaMwari Chisingarondedzereki’

Ratidza Kuti Unokoshesa ‘Chipo chaMwari Chisingarondedzereki’

“Mwari ngaaongwe nokuda kwechipo chake chepachena chisingarondedzereki.”​—2 VAK. 9:15.

NZIYO: 121, 63

1, 2. (a) ‘Chipo chaMwari chepachena chisingarondedzereki’ chinosanganisirei? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi munyaya ino?

JEHOVHA akatipa chipo chakakura chaizvo chinoratidza rudo rwake paakatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga panyika! (Joh. 3:16; 1 Joh. 4:9, 10) Muapostora Pauro akataura nezvechipo chacho achiti chinonzi ‘chipo chaMwari chepachena chisingarondedzereki.’ (2 VaK. 9:15) Nei akashandisa mashoko iwayo?

2 Pauro aiziva kuti chibayiro chaJesu Kristu ndicho chinoita kuti tive nechokwadi chekuti zvinhu zvose zvakanaka zvakavimbiswa naMwari zvichazadziswa. (Verenga 2 VaKorinde 1:20.) Saka ‘chipo ichi chepachena chisingarondedzereki’ hachingorevi kupiwa kwatakaitwa chibayiro cherudzikinuro chete. Chinosanganisirawo mutsa worudo waJehovha nezvinhu zvose zvakanaka zvaanotipa. Sevanhu, hatigoni kunyatsotsanangura chipo ichi chinoshamisa. Kupiwa kwatakaitwa chipo ichi kunofanira kuita kuti tinzwe sei? Uye chipo ichi chinofanira kuita kuti tiitei sezvatinogadzirira Chirangaridzo chorufu rwaKristu chichaitwa musi weChitatu, 23 March 2016?

CHIPO CHINOKOSHA CHATAKAPIWA NAMWARI

3, 4. (a) Unonzwa sei kana ukapiwa chipo? (b) Upenyu hwako hunogona kuchinja sei kana ukapiwa chipo chinokosha chaizvo?

3 Kana mumwe munhu akakupa chipo unofara chaizvo. Asi zvimwe zvipo zvatinopiwa zvinokosha chaizvo zvekuti zvinogona kuita kuti tichinje mararamiro edu. Somuenzaniso, ngatitii wakapara mhosva uye wapiwa mutongo werufu. Asi mumwe munhu wausingatombozivi anongoerekana ati ari kuda kutongerwa mhosva yako. Anobva atozvipira kukufira! Unonzwa sei nekuzvipira kwakadaro?

4 Zviri pachena kuti zvaunenge waitirwa nemunhu uyu zvichaita kuti ude kuchinja mararamiro ako. Pamwe zvaizoita kuti uwedzere kuda vamwe, kuvabatsira, uye kunyange kuregerera vaya vakakutadzira. Muupenyu hwako hwose unonzwa uchida kuratidza kuti unotenda zvawakaitirwa nemunhu iyeye.

5. Sei chipo cherudzikinuro chatakapiwa naMwari chichipfuura zvimwe zvipo zvose?

5 Asi zvatakaitirwa naJehovha paakatipa Kristu kuti atifire zvinopfuura nekure zviri mumuenzaniso watakurukura nezvawo. (1 Pet. 3:18) Ngationei kuti nei tichidaro? Tose tine chivi chakabva kuna Adhamu, uye mubayiro wechivi rufu. (VaR. 5:12) Rudo rwaJehovha rwakaita kuti atume Jesu panyika kuti “aravire rufu nokuda kwevanhu vose.” (VaH. 2:9) Asi chibayiro chaJesu chichatoita zvinopfuura ipapo! Chichaita kuti chivi icho chinokonzera rufu chibviswe zvachose. (Isa. 25:7, 8; 1 VaK. 15:22, 26) Vose vanotenda muna Jesu vachawana upenyu husingaperi vachifara uye vaine rugare. Vamwe vavo vachange vachitonga naJesu vari kudenga uye vamwe vacho vachange vari panyika vachitongwa neUmambo hwaMwari. (VaR. 6:23; Zvak. 5:9, 10) Chipo chatakapiwa naJehovha chinosanganisirawo mamwe makomborero api?

6. (a) Ndeapi makomborero echipo chaMwari aunotarisira? (b) Rudo rwaMwari runotibatsira kuti tiite zvinhu zvitatu zvipi?

6 ‘Chipo chepachena chisingarondedzereki’ chatakapiwa naJehovha chinosanganisirawo kubviswa kwezvirwere, kuchinjwa kwenyika kuti ive paradhiso, uye kumutswa kwevakafa. (Isa. 33:24; 35:5, 6; Joh. 5:28, 29) Kupiwa kwatakaitwa chipo ichi kunoita kuti tide Jehovha neMwanakomana wake. Asi mubvunzo unoramba uripo ndewekuti, Rudo rwaMwari rwaakatiratidza runofanira kuita kuti tiitei? Ngatikurukurei kuti rudo rwaMwari rwunotibatsira sei kuti (1) tinyatsotevera tsoka dzaJesu Kristu, (2) tide hama dzedu, uye (3) tiregerere vamwe nemwoyo wose.

“RUDO RUNA KRISTU RUNOTIGOMBEDZERA”

7, 8. Rudo runa Kristu runofanira kuita kuti tinzwe sei, uye runoita kuti tide kuitei?

7 Chokutanga, tinofanira kuziva kuti nei tichifanira kuraramira Kristu Jesu. Muapostora Pauro akati: “Rudo runa Kristu runotigombedzera.” (Verenga 2 VaKorinde 5:14, 15.) Pauro aiziva kuti hatigoni kuraramira Kristu kana pasina chinotigombedzera kana kuti chinoita kuti tinzwe tichida kumuraramira. Kana tikanyatsonzwisisa zvatakaitirwa naJehovha, rudo rwake rwuchaita kuti tide kuraramira Kristu Jesu. Tinoratidza sei kuti tinoda kuraramira Kristu?

8 Vaya vanoda Jehovha vane chido chakasimba chekutevedzera muenzaniso waKristu, vachifamba sekufamba kwaaiita uye vachinyatsotevera tsoka dzake. (1 Pet. 2:21; 1 Joh. 2:6) Kana tichiteerera tinenge tichitoratidza kuti tinoda Mwari naKristu. Jesu akati: “Ane mirayiro yangu akaichengeta, iyeye ndiye anondida. Uyewo anondida achadiwa naBaba vangu, uye ndichamuda uye ndichazviratidza pachena kwaari.”—Joh. 14:21; 1 Joh. 5:3.

9. Tinofanira kungwarirei?

9 Mumwaka weChirangaridzo zvakanaka kuti tiongorore mararamiro edu. Zvibvunze kuti: ‘Zvii zvandiri kuita zvinoratidza kuti ndiri kutevera Kristu Jesu? Ndepapi pandingagadzirisa?’ Zvinokosha kuti tizviongorore nokuti nyika inoda kuti titevedzere zvainoita. (VaR. 12:2) Kana tikasangwarira, tinogona kupedzisira tava kutevedzera zvinoitwa nevanhu vari munyika vanozviti vakadzidza kana kuti vanhu vane mbiri panyaya dzemutambo nevamwewo vakakurumbira. (VaK. 2:8; 1 Joh. 2:15-17) Zvii zvatingaita kuti tisapedzisira tava kutevedzera vanhu vakadaro?

10. Mibvunzo ipi yatinogona kuzvibvunza mumwaka weChirangaridzo, uye mhinduro dzacho dzingatikurudzira kuitei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

10 Mumwaka weChirangaridzo tinogona kumboongorora zvatinopfeka, mafirimu atinoona, mimhanzi yatinoteerera, uye zviri mumafoni edu, makombiyuta, nematablet. Paunenge uchiongorora zvipfeko zvako zvose zvauinazvo mumba, zvibvunze kuti: ‘Kudai ndiri kuenda kunzvimbo inenge iina Jesu, handizonyari here kuti andione ndakapfeka izvi?’ (Verenga 1 Timoti 2:9, 10.) ‘Kana ndikapfeka izvi, vamwe vanokurumidza kuzviona here kuti ndiri muteveri waKristu?’ Pamafirimu atinoona uye mimhanzi yatinoteerera tinogonawo kuzvibvunza kuti: ‘Jesu aizogara pasi oonawo firimu iri kana kuteerera mimhanzi iyi here? Kudai aizondikumbira foni yangu kana tablet yangu, handizonyari here nezvirimo?’ Paunofunga nezvemavideo game aunofarira, zvibvunze kuti: ‘Ndaizoomerwa here nekutsanangurira Jesu kuti sei ndichinakidzwa nemitambo iyi?’ Kuda kwatinoita Jehovha kunofanira kuita kuti tirase chero chii zvacho chisina kukodzera munhu anonzi mudzidzi waKristu, pasinei nokuti zvingatiomera sei. (Mab. 19:19, 20) Patakazvitsaurira, takavimbisa kuti hatichazviraramiri asi tava kuraramira Kristu. Saka hatifaniri kuita kuti chimwe chinhu chititadzise kunyatsotevera tsoka dzaKristu.—Mat. 5:29, 30; VaF. 4:8.

11. (a) Kuda kwatinoita Jehovha naJesu kunoita kuti tishande sei mubasa redu rekuparidza? (b) Rudo runoita kuti tibatsire sei vamwe vari muungano?

11 Kuda kwatinoita Jesu kunoitawo kuti tishande nemweya wose pakuita basa rekuparidza uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20; Ruka 4:43) Mumwaka weChirangaridzo tinogona kushanda semapiyona ebetsero kwemaawa 30 kana 50. Zvii zvaungaitawo kuti ukwanise kupayona? Vamwe sekuru vane makore 84 avo vakafirwa nemudzimai, vaifunga kuti havakwanisi kuita upiyona hwebetsero nemhaka yezera uye utano husina kunaka. Asi vakabatsirwa nemapiyona ekwavaigara. Mapiyona acho aivatakura nemota uye akasarudza ndima yakanyatsokodzera yekuti sekuru ava vashande. Izvi zvakaita kuti vakwanise kusvitsa maawa avo 30. Unogonawo here kubatsira mumwe ari muungano menyu kuti aitewo basa iri rinonakidza reupiyona hwebetsero mumwaka weChirangaridzo? Vamwe vedu tingatadza kuita upiyona hwebetsero, asi tinogonawo kuwedzera zvatinoita mubasa raJehovha. Kana tikaita izvi, ticharatidza kuti tiri kukurudzirwa nerudo runa Kristu sezvakaitwa Pauro. Zvii zvimwe zvatinonzwa tichida kuita nemhaka yekuziva rudo rwaMwari?

TINOFANIRA KUDANANA

12. Rudo rwaMwari runoita kuti tiitei?

12 Chechipiri rudo rwaMwari rwunoita kuti tide hama dzedu. Muapostora Johani aizviziva saka akanyora kuti: “Vadiwa, kana Mwari akatida zvakadai, saka isu tinosungirwawo kuti tidanane.” (1 Joh. 4:7-11) Saka kana tichida kuti Mwari atide tinotofanira kuda hama dzedu. (1 Joh. 3:16) Ndezvipi zvatingaita kuti tiratidze kuti tinoda hama dzedu?

13. Zvii zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti aida vanhu?

13 Chimbofunga zvakaitwa naJesu. Paaiita ushumiri hwake pasi pano, akaratidza kuti aida vanhu vakaderera. Aibatsirawo vaya vakanga vakaremara, mapofu, matsi, uye mbeveve. (Mat. 11:4, 5) Jesu aifarira kudzidzisa vanhu vaida kudzidza nezvaMwari, avo vaionekwa nevatungamiriri vechitendero chechiJudha ‘sevanhu vakatukwa.’ (Joh. 7:49) Aivada chaizvo uye aishanda nesimba kuti avabatsire.—Mat. 20:28.

Unogona here kubatsira imwe hama kana kuti hanzvadzi yakura, muushumiri? (Ona ndima 14)

14. Zvii zvaunogona kuita kuti uratidze kuti unoda hama dzako?

14 Mumwaka weChirangaridzo unogona kutevedzera Jesu pakuratidza rudo kuhama nehanzvadzi dzemuungano yenyu. Uchatoona kuti vamwe vachabatsirwa nezvaunenge uchiita. Pamwe muungano yenyu munogona kunge muine hama nehanzvadzi dzakura dzinoda kubatsirwa. Unogona kumbovashanyira here? Unogona here kuvaunzirawo chekudya, kuvabatsira mamwe mabasa epamba, kuvatakura pamunenge muchienda kumisangano, kana kuenda navo kunoparidza? (Verenga Ruka 14:12-14.) Rudo rwaMwari ngarwuite kuti tiratidze hama dzedu kuti tinodzida.

RATIDZA HAMA NEHANZVADZI DZAKO NGONI

15. Tinofanira kuzivei?

15 Chechitatu, rudo rwaJehovha runofanira kuita kuti tiregerere hama nehanzvadzi dzedu. Tese tiri vana vaAdhamu saka takaberekwa tiine chivi uye mubayiro wechivi, rufu. Hakuna kana munhu anogona kuti, “Ini handidi rudzikinuro.” Kunyange mushumiri waMwari akatendeka, anotoda kubatsirwa nemutsa waJehovha usina kukodzera kuwanwa watakaratidzwa pachishandiswa Kristu. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuziva kuti akaregererwa chikwereti chakakura chaizvo. Nei izvi zvichikosha? Mhinduro yacho tinoiwana mune mumwe mufananidzo wakataurwa naJesu.

16, 17. (a) Tinodzidzei pamuenzaniso wakataurwa naJesu wamambo nevaranda? (b) Pashure pekufungisisa chidzidzo chiri muenzaniso waJesu, watsunga kuitei?

16 Jesu akataura nezvemuranda akaregererwa chikwereti chakakura chaizvo namambo chematarenda 10 000 kana kuti madhinari 60 000 000. Asi muranda iyeye akatadza kuregerera mumwewo muranda waakanga akweretesa madhinari 100. Mambo akaviruka nehasha paakanzwa kuti muranda waakanga aregerera akatadza kuregerera mumwe wake. Mambo akati: “Muranda akaipa, ndakakudzimira chikwereti chako chose chiya, pawakanditeterera. Waisafanirawo here, kunge wakanzwira ngoni muranda uyu akaita sewe, sokukunzwirawo ngoni kwandakaita?” (Mat. 18:23-35) Ngoni dzaakanga anzwirwa namambo dzaifanira kumuita kuti aregererewo mumwe muranda akaita saiye. Saka isu tinofanira kuitawo sei nerudo uye mutsa zvatakaratidzwa naJehovha?

17 Mumwaka weChirangaridzo tinogona kuzviongorora kuti hapana here munhu watiine chigumbu naye. Kana ukaona kuti une wawakagumbukira, ndiyo nguva yekuti utevedzere Jehovha uyo “akagadzirira kukanganwira.” (Neh. 9:17; Pis. 86:5) Kana tichionga kuregererwa kwatakaitwa naJehovha chikwereti chedu chakakura, ticharegererawo vamwe nemwoyo wose. Mwari haagoni kutida kana kutiregerera kana tisingadi vamwe uye tisingavaregereri. (Mat. 6:14, 15) Patinoregerera munhu hazvirevi kuti zvaakatiitira hazvina kutirwadza asi kumuregerera kunoita kuti tigare tichifara.

18. Rudo rwaMwari rwakabatsira sei imwe hanzvadzi kuti iratidze mwoyo murefu kune imwe hanzvadzi?

18 Kazhinji hazvisi nyore ‘kushivirira’ kana kuti kuratidza mwoyo murefu kuhama nehanzvadzi dzedu. (Verenga VaKorose 3:13, 14; VaEfeso 4:32.) Somuenzaniso, imwe hanzvadzi isina kuroorwa inonzi Lily yaizvipira kubatsira imwe chirikadzi inonzi Carol. [1] Lily aipota achitakura Carol nemota achimuendesa kwaanenge achida kuenda. Aimuitira mamwe mabasa, uye aimubatsira mune zvimwe zvinhu zvakawanda. Kunyange zvazvo Lily aiita zvose izvi, Carol aigara achingomushora uye maitiro ake aiita kuti zviome kumubatsira. Asi Lily akaisa pfungwa dzake pazvinhu zvakanaka zvaiitwawo naCarol. Akaramba achibatsira Carol kwemakore akati wandei kusvikira paakazonyanya kurwara ndokufa. Pasinei nekuoma kwazvakanga zvakaita kubatsira Carol, Lily anoti, “Ndiri kutarisira kuzoonana naCarol paachamutswa. Ndiri kuda kuzoonana naye asisina chivi chatiinacho.” Saka rudo rwaMwari runogona kuita kuti tiratidze mwoyo murefu kuhama nehanzvadzi dzedu uye runoita kuti titarisire kuzorarama panguva yekuti vanhu vose vanenge vasisina chivi zvachose.

19. ‘Chipo chaMwari chepachena chisingarondedzereki’ chichaita kuti uite sei?

19 Tinofara kuti Jehovha akatipa ‘chipo chepachena chisingarondedzereki.’ Ngatisambofa takarerutsa chipo ichi chinokosha. Mumwaka uno weChirangaridzo, ngatifungisisei zvose zvatakaitirwa naJehovha naJesu. Rudo rwavo ngarwuite kuti tinyatsotevera tsoka dzaJesu, tiratidze rudo kuhama dzedu, uye tiregerere hama dzedu nemwoyo wose.

^ [1] (ndima 18) Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.