Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | PAUNOFIRWA NEMUNHU WAUNODA

Kushungurudzika Kwakaipa Here?

Kushungurudzika Kwakaipa Here?

Wati wamborwara kwenguva pfupi here? Zvimwe wakakurumidza kupora zvekuti wakabva watokanganwa nezvazvo. Izvi zvakasiyana nezvinoita kushungurudzika. Dr Alan Wolfelt mubhuku rake rinonzi Healing a Spouse’s Grieving Heart akanyora kuti: “Kushungurudzika hakumboperi.” Akawedzerawo kuti: “Kufamba kunenge kuchiita nguva uye kubatsirwa kwaunenge uchiitwa nevamwe kunoita kuti unzwe zviri nani.”

Chimbofunga zvakaitwa naAbrahamu paakafirwa nemudzimai wake. Mumutauro wakashandiswa kunyora Bhaibheri pakutanga zvinonzi, “Abrahamu akatanga kuchema Sara achisvimha misodzi.” Shoko rokuti “akatanga” rinoratidza kuti Abrahamu akatora nguva achirwadzirwa. * Mumwewo ndiJakobho, uyo akanyeperwa akatanga kufunga kuti mwanakomana wake Josefa akanga aurayiwa nechikara. Akaita “mazuva mazhinji” achishungurudzika uye vemumhuri make havana kukwanisa kumunyaradza. Papera makore akati kuti, Jakobho akanga achiri kushungurudzika nerufu rwaJosefa.​—Genesisi 23:2; 37:34, 35; 42:36; 45:28.

Abrahamu akarwadziwa pakafa mudzimai wake waaida Sara

Mazuva ano izvi ndizvo zvinoitawo vaya vanenge vafirwa nehama yepedyo. Ngatimboonai mienzaniso miviri.

  • “Murume wangu, Robert, akashaya musi wa9 July 2008. Mangwanani emusi wakaitika tsaona yakamuuraya akanga abva pamba senguva dzose. Sezvataigara tichiita pataipedza kudya kwemangwanani asati aenda kubasa, takatsvodana, tikambundirana uye mumwe nemumwe akabva audza mumwe kuti ‘ndinokuda.’ Iye zvino atova makore 6 asi ndichiri kungorwadziwa. Handifungi kuti marwadzo angu ekufirwa naRob achazombopera.”​—Gail, ane makore 60.

  • “Kunyange zvazvo patopfuura makore 18 kubva pakashaya mudzimai wangu, ndichiri kumufunga uye zvichiri kundirwadza. Pandinongoona chinhu chakasikwa chinoyevedza, ndinobva ndatanga kumufunga uye nechomumwoyo ndinotanga kufungidzira kufara kwaaizoita kudai ari kuona zvandinenge ndichionawo.”​—Etienne, ane makore 84.

Sezvataona kana munhu akafirwa anotorwadziwa uye anoshungurudzika kwenguva refu. Kushungurudzika kwatinoita kwakasiyana, saka hazvina kunaka kuti munhu atonge zvinoitwa nemumwe paanowirwa nedambudziko. Uyewo hatifaniri kuzvipa mhosva kana tichiona sokuti kurwadziwa kwedu kunenge kwakanyanyisa. Chii chingatibatsira patinenge tichishungurudzika?

^ ndima 4 Isaka mwanakomana waAbrahamu, akamboshungurudzikawo kwenguva refu. Sezviri kuratidzwa munyaya yakanzi “Tevedzera Kutenda Kwavo” iri mumagazini ino, Isaka akanga achiri kushungurudzika nerufu rwaamai vake, Sara, makore matatu pashure pekunge vafa.​—Genesisi 24:67.