Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | PAUNOFIRWA NEMUNHU WAUNODA

Kunyaradza Vanenge Vafirwa

Kunyaradza Vanenge Vafirwa

Pane here pawakamboshaya kuti wonyaradza sei munhu wepedyo ainge afirwa nehama yake? Dzimwe nguva chinoita kuti tidaro ndechekuti tinenge tisina chokwadi kuti toitei kana kuti totaurei. Asi pane zvinhu zvatinogona kuita kuti tibatsire.

Kazhinji chinenge chichingodiwa kuva nemunhu wacho wotaura mashoko akadai seekuti: “Ndine urombo chaizvo.” Mutsika dzakawanda munhu anogona kuratidza kuti ari kunzwira tsitsi anenge afirwa nekumumbundira kana kuti kumupuruzira zvinyoro nyoro paruoko. Kana munhu wacho achida kutaura, teerera uchiratidza kunzwisisa kurwadziwa kwaari kuita. Chimwe chinonyanya kukosha pakubatsira mhuri inenge yafirwa kuita mabasa avanenge vasingakwanisi kuita akadai sekubika, kuchengeta vana kana kubatsira pane zvinenge zvichida kuitwa parufu. Kuita izvi kunopfuura kutaura chero mashoko api zvawo atingataura ekunyaradza.

Nekufamba kwenguva unogona kunzwa uchida kutaura zvinhu zvakanaka zvaiitwa nemufi uye zvakamboitika zvinofadza. Kukurukura izvozvo kunogona kuita kuti munhu anenge afirwa anzwe zviri nani. Funga nezvaPam, uyo akafirwa nemurume wake Ian makore 6 akapfuura. Anoti: “Dzimwe nguva vanhu vanondiudza zvinhu zvakanaka zvaiitwa naIan zvandaisatomboziva, uye izvozvo zvinoita kuti mwoyo wangu unyevenuke.”

Vaongorori vanotaura kuti vanhu vazhinji vanonyanya kubatsirwa mazuva avanenge vachangofirwa, asi pasina nguva vanokanganwika nekuti hama neshamwari dzinenge dzatanga kubatikanazve neupenyu hwadzo. Saka pashure pekunge shamwari yafirwa, edza kugara uchitaura nayo. * Vanhu vakawanda vanenge vafirwa vanoda chaizvo kuitirwa izvi nokuti zvinoita kuti kurwadziwa kwavanenge vachiita kuite nani.

Funga zvakaitika kuna Kaori, mumwe musikana wekuJapan uyo akafirwa naamai vake uye pashure pegore nemwedzi mitatu ndokubva afirwa zvakare nemukoma wake. Izvi zvakamurwadza chaizvo. Asi shamwari dzake hadzina kumusiya. Dzakaramba dzichimubatsira. Mumwe mukadzi wechikuru anonzi Ritsuko, akaudza Kaori kuti aida kuva shamwari yake. Kaori anoti: “Kutaura chokwadi, handina kuzvifarira. Ndaisada kuti mumwe munhu atore nzvimbo yaamai vangu uye hapana wandaifunga kuti aigona kudaro. Asi zvandaiitirwa naRitsuko zvakaita kuti ave shamwari yangu yepedyo. Vhiki rega rega taienda tese kunoparidza uye kumisangano yechiKristu. Aindikoka kuti ndizonwa tii naye, aindiunzira zvekudya uye aigara achinditumira tsamba nemakadhi. Zvandakadzidza kuna Ritsuko zvakandibatsira chaizvo.”

Patova nemakore 12 kubva pakafa amai vaKaori, uye iye zvino iye nemurume wake vari kuita nguva yakawanda vachiparidza nezveUmambo hwaMwari. Kaori anoti “Ritsuko achiri kuratidza kuti ane hanya neni. Pandinodzokera kumba, ndinowanzomushanyira uye anondikurudzira chaizvo.”

Mumwe akaramba achibatsirwa nevamwe ndiPoli, mumwe weZvapupu zvaJehovha anogara muCyprus. Poli aiva nemurume ane mutsa ainzi Sozos. Sozos aiva mutariri muungano yechiKristu uye aiwanzokoka nherera nechirikadzi kumba kwake kuti vadye pamwe chete vachitandara havo. (Jakobho 1:27) Zvinorwadza kuti Sozos akafa nebundu remuuropi aine makore 53. Poli anoti: “Ndakarasikirwa nemurume wangu akavimbika wandakanga ndagara naye kwemakore 33.

Ita zvimwe zvinhu kuti ubatsire vanhu vanenge vafirwa

Pashure perufu rwacho, Poli akatamira kuCanada nemwanakomana wake mudiki Daniel akanga aine makore 15. Vava ikoko vakatanga kupinda misangano neimwe ungano yeZvapupu zvaJehovha. Poli anoti: “Vanhu vemuungano yacho vaisaziva zvakanga zvaitika kwatiri uye kuti zvinhu zvainge zvakatiomera sei. Asi izvozvo hazvina kuita kuti varege kutaura nesu vachitinyaradza nemashoko emutsa uye kutibatsira nezvataida. Izvi zvaibatsira chaizvo sezvo mwanakomana wangu akanga asisina baba. Vaya vaitungamirira muungano vairatidza kuti vainyatsoda Daniel. Mumwe aitoona kuti pese pavainotandara neshamwari kana kuti pavainotamba bhora aienda naDaniel.” Iye zvino Daniel naamai vake havachanyanyi kunetseka.

Pane zvakawanda zvatinogona kuita kuti tibatsire uye tinyaradze vanenge vachichema. Bhaibheri rinotinyaradzawo nezvakanaka zvarinotivimbisa nezveramangwana.

^ ndima 6 Vamwe vakatomaka pakarenda yavo musi wakafirwa munhu wacho kuti vazoyeuka nguva yavanogona kumunyaradza paanenge achinyanya kunetseka. Vanogona kuita izvi kana mazuva acho asvika.