Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Nei Jesu Akatambura Ndokufa?

Nei Jesu Akatambura Ndokufa?

‘Chivi chakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu rwakapinda nechivi.’—VaRoma 5:12.

Kana ukabvunzwa kuti, “Unoda kurarama nekusingaperi here” unotii? Vanhu vakawanda vanogona kutaura kuti vanoda, asi vanofunga kuti izvozvo hazvife zvakaitika. Vanoti kufa kwagara kunongoitika nokuti ndiwo magumo edu tose.

Asi ngatitii mubvunzo wacho unopindurudzwa zvobva zvanzi, “Unoda kufa here?” Kazhinji vanhu vakawanda vanopindura kuti aiwa. Izvi zvinoratidzei? Pasinei nematambudziko atinotarisana nawo, tinongoda kurarama nekuti takaberekwa takadaro. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akasika vanhu vaine chido chekurarama. Rinototi “akaisawo nguva isingagumi mumwoyo mavo.”​—Muparidzi 3:11.

Asi chokwadi chiripo ndechekuti iye zvino vanhu havasi kurarama nekusingaperi. Saka chii chakaita kuti zvidaro? Uye Mwari ane zvaakaita here kuti agadzirise dambudziko racho? Bhaibheri rine mhinduro dzinonyaradza uye dzinotiudza zvakaita kuti Jesu atambure kusvika pakufa.

NEI VANHU VACHIFA?

Zvitsauko zvitatu zvekutanga zvebhuku reBhaibheri raGenesisi zvinotiudza kuti Mwari akaita kuti vanhu vekutanga Adhamu naEvha vave nemukana wekurarama upenyu husingaperi, uye akavaudza zvavaizofanira kuita kuti vawane upenyu ihwohwo. Tinobva taudzwa nezvekutadza kwavakaita kuteerera Mwari ndokurasikirwa nemukana iwoyo. Nyaya yacho inotaurwa zviri nyore zvekuti vakawanda vanokurumidza kuiona sengano. Asi sezvakaita mabhuku eEvhangeri, bhuku raGenesisi rine uchapupu hunoratidza kuti zviri mariri zvakanyatsoitika. *

Adhamu paakatadza kuteerera zvakaguma nei? Bhaibheri rinopindura richiti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) Adhamu paasina kuteerera Mwari akabva ava nechivi. Izvi zvakaita kuti arasikirwe nemukana wekurarama nekusingaperi uye akazofa. Sezvo tiri vana vake, tinoberekwa tiine chivi. Ndokusaka tichirwara, tichikwegura uye tichifa. Kungofanana nemwana anogona kutodza vabereki vake pane zvimwe zvinhu, ndizvo zvakaita chivi chatiinacho chakabva kuna Adhamu. Asi Mwari ane zvaakaita here kuti agadzirise dambudziko racho?

MWARI AKAZVIGADZIRISA SEI?

Mwari akaita urongwa hwekuti vana vaAdhamu, vavezve nemukana wakaraswa naAdhamu wekurarama nekusingaperi. Mwari akazviita sei izvozvo?

Pana VaRoma 6:23 Bhaibheri rinoti, “Mubayiro wechivi ndirwo rufu.” Izvi zvinoreva kuti rufu runokonzerwa nechivi. Adhamu akafa nokuti akaita chivi. Nesuwo tiri vatadzi, ndosaka tichiwana mubayiro wechivi, rufu. Tinoberekwa tiine chivi nokuti Adhamu naEvha vakatadza. Mwari akaratidza rudo rwake nekutuma Mwanakomana wake, Jesu, kuti atinunure ‘pamubayiro wechivi.’ Jesu anotinunura sei?

Rufu rwaJesu rwunoita kuti pave nemukana wekuwana upenyu hunofadza husingaperi

Kusateerera kwemunhu mumwe chete ainge asina chivi, Adhamu, kwakakonzera chivi nerufu kwatiri. Saka kuti tinunurwe parufu paidiwa munhu asina chivi aikwanisa kuteerera kusvika pakufa. Bhaibheri rinotaura nezvazvo richiti: “Vazhinji zvavakaitwa vatadzi nokuda kwokusateerera kwomunhu mumwe chete, saizvozvowo nokuda kwokuteerera kwomunhu mumwe chete vazhinji vachaitwa vakarurama.” (VaRoma 5:19) Jesu ndiye “munhu mumwe chete” akateerera. Akabva kudenga, akararama semunhu asina chivi, ndokutifira. * Izvi zvinoita kuti Mwari atione sevanhu vakarurama uye zvinotipa mukana wekurarama upenyu husingaperi.

CHII CHAKAITA KUTI JESU ATAMBURE NDOKUFA?

Nei Jesu aifanira kufa kuti izvi zviitike? Mwari Wemasimbaose aisakwanisa here kupa murayiro wekuti vana vaAdhamu vararame nekusingaperi? Hapana mubvunzo kuti Mwari aiva nesimba rekuita izvozvo. Asi kuita izvi kwaizopesana nemutemo wake wekuti mubayiro wechivi rufu. Mutemo uyu waisagona kungosendekwa parutivi kana kungochinjwa kuti zvinhu zvireruke. Mutemo wacho unoratidza kuti Mwari anotonga zvakarurama.​—Pisarema 37:28.

Kudai Mwari asina kuita zvaienderana nemutemo waakanga apa panyaya iyi, vanhu vaisazova nechokwadi chekuti achatonga zvakanaka here dzimwe nyaya. Somuenzaniso aizotonga zvakarurama here pakusarudza kuti ndevapi pavana vaAdhamu vanokodzera kuwana upenyu husingaperi? Vanhu vaigona kuzovimba naye here kuti anozadzisa zvaakavimbisa? Kutonga zvakarurama kwakaitwa naMwari kuti atiponese kunotipa chivimbo chekuti acharamba achiita zvakarurama.

Mwari akashandisa chibayiro chaJesu kuti ape vanhu mukana wekuti vararame upenyu husingaperi muParadhiso panyika. Ona mashoko aJesu ari pana Johani 3:16 anoti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” Saka chikuru chatinoona pakufa kwaJesu ndechekuti Mwari anoda vanhu chaizvo. Tinoonawo zvakare kuti Mwari anotonga zvakarurama.

Asi nei Jesu aifanira kutambura uye kufa zvinorwadza zvakadaro sekurondedzerwa kwazvinoitwa mumabhuku eEvhangeri? Nemhaka yekuti Jesu akaramba akatendeka kusvikira pakufa, akanyatsoratidza kuti Dhiyabhorosi aitaura nhema paakati vanhu havarambi vakatendeka kana vari mumatambudziko. (Jobho 2:4, 5) Mashoko iwayo anogona kunge akaita seechokwadi sezvo Satani ainge afurira Adhamu, uyo akanga asina chivi, kuti atadze. Asi Jesu uyo akanga asina chivi sezvakanga zvakaita Adhamu asati atadza, akaramba akatendeka pasinei nekutambura zvikuru. (1 VaKorinde 15:45) Saka Jesu akaratidza kuti kudai Adhamu aida hake aigona kunge akateerera Mwari. Jesu akatisiyira muenzaniso wekuti titevedzere nekutsungirira kwaakaita muedzo. (1 Petro 2:21) Mwari akapa Mwanakomana wake Jesu, mubayiro wekuva neupenyu husina magumo, nekuti akateerera zvakakwana.

RUFU RWAKE RWUNOKUBATSIRA SEI?

Rufu rwaJesu rwakanyatsoitika. Munhu wese ane mukana wekuwana upenyu husingaperi. Unoda kurarama nekusingaperi here? Jesu akaratidza zvatinofanira kuita paakati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”​—Johani 17:3.

Vabudisi vemagazini ino vanokukumbira kuti udzidze nezvaJehovha, Mwari wechokwadi, uye nezveMwanakomana wake, Jesu Kristu. VeZvapupu zvaJehovha vari kwaunogara vachafara kukubatsira kuita izvozvo. Unogonawo kuwana mashoko anobatsira ukaenda panzvimbo yedu yepaIndaneti, www.pr418.com.

^ ndima 8 Ona chikamu chakanzi The Historical Character of Genesis,” mubhuku rinonzi Insight on the Scriptures,” peji 922, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 13 Mwari paakatamisa upenyu hweMwanakomana wake kubva kudenga huchienda mudumbu raMariya, zvakaita kuti Mariya ave nepamuviri, uye mudzimu mutsvene waMwari wakadzivirira Jesu kuti asatora chivi kubva kuna Mariya.​—Ruka 1:31, 35.