Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ukateerera Yambiro Unogona Kupona!

Ukateerera Yambiro Unogona Kupona!

MUSI wa26 December, 2004, kuchitsuwa cheSimeulue, icho chiri nechekuchamhembe kweSumatra kuIndonesia, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru. Vanhu vose vakanga vari kumahombekombe vakabva vatarisa kugungwa. Mvura yakatanga kufamba ichidzokera mugungwa kupfuura zvainosimboita. Munhu wese akabva atanga kumhanyira kumakomo achishevedzera kuti “Smong! Smong!” zvinoreva kuti tsunami mumutauro weko. Pasati papera maminitsi 30, mvura yemugungwa yakadzoka kumahombekombe iine simba ikaparadza dzimba dzakawanda.

Simeulue Island ndiyo yakatanga kurohwa netsunami iyoyo. Asi pavanhu 78 000 vanogara ikoko, 7 chete ndivo vakafa. Chii chakaita kuti pasafa vanhu vakawanda? * Vanhu vepachitsuwa ichi vane chirevo chekuti: ‘Kana nyika ikadengenyeka, mvura yemugungwa ikadzokera mukati, tizira kumakomo, nekuti pasina nguva mvura iyoyo ichauya kumahombekombe.’ Vachidzidza kubva pane zvakaitika kare, vanhu vekuSimeulue vakakwanisa kuziva kuti tsunami inenge yava kuuya nekungotarisa zvinenge zvichiita gungwa. Kucherechedza zviratidzo kwakavaponesa.

Bhaibheri rinotaura kuti kuri kuuya “kutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino . . . uyewo hakuzoitikizve.” (Mateu 24:21) Asi izvi hazvirevi kuti vanhu vachaparadza pasi rino nemabasa avanoita anoratidza kuti havakendengi kana kuti pane njodzi ichangoitika yoga yoparadza pasi rose. Chinoita kuti tidaro ndechekuti Mwari anoda kuti pasi rigare riripo nariini. (Muparidzi 1:4) Asi Mwari ndiye achaita kuti kutambudzika kukuru uku kuitike kuti ‘aparadze vaya vanoparadza nyika.’ Apa ndipo pachaperera uipi hwose nekutambura. (Zvakazarurwa 11:18; Zvirevo 2:22) Upenyu huchange hwava kunakidza.

Panoitika kudengenyeka kwenyika, tsunami, kana kuti panoputika makomo, panofa vakarurama nevakaipa, asi Mwari paachaparadza vakaipa haazoparadzi vanhu vasina mhosva. Bhaibheri rinoti, “Mwari rudo.” Mwari uyo ane zita rekuti Jehovha, anovimbisa kuti “vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (1 Johani 4:8; Pisarema 37:29) Asi ungaita sei kuti upone pakutambudzika kukuru, wowana makomborero akavimbiswa naMwari? Hezvino zvaunofanira kuita: Teerera yambiro!

CHERECHEDZA KUCHINJA KURI KUITA ZVINHU MUNYIKA

Hatigoni kuziva zuva chairo richapera uipi hwose uye kutambura, nekuti Jesu akati: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga.” Kunyange zvakadaro, Jesu akatiudza kuti “rambai makarinda.” (Mateu 24:36; 25:13) Chii chatinofanira kutarisira? Bhaibheri rakagara rataura kuti zvinhu zvinenge zvakamira sei munyika Mwari asati aunza mugumo. Sekuziva kwakaita vagari vekuSimeulue kuti tsunami yakanga ichiuya pavakaona zvakangoerekana zvava kuita gungwa, nesuwo tinogona kuziva kuti mugumo wava pedyo kana tikacherechedza kuchinja kunenge kuchiita zvinhu munyika. Bhokisi riri munyaya ino rinoratidza zvimwe zvinhu zvinotaurwa muBhaibheri zviri kuitika.

Ichokwadi kuti zvimwe zviri mubhokisi racho zvakamboitika kare, asi kwete sezvazviri kuita mazuva ano. Jesu akati patinoona “zvinhu zvose izvi,” tinobva taziva kuti mugumo wava pedyo. (Mateu 24:33) Imbozvibvunza kuti, ‘Ndiriini zvinhu zvose izvi zvatsanangurwa (1) pazvakaitika pasi rose, (2) pazvakaitika panguva imwe chete, uye (3) pazvakabva pakuipa zvichienda pakuipisisa?’ Hapana mubvunzo kuti zviri kutoitika iye zvino.

MWARI ANORATIDZA KUTI ANOTIDA

Mumwe aimbova mutungamiriri wenyika yeUnited States akati, “Michina inoyambira vanhu . . . inoita kuti vapone.” Pashure petsunami yemuna 2004, nharaunda yakaparadzwa yakaiswa muchina unoyambira vanhu kuitira kuti vakawanda vasazorasikirwa neupenyu kana ikazoitika zvakare. Saizvozvowo, Mwari akaita kuti tipiwe yambiro mugumo usati wasvika. Bhaibheri rakagara rataura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”​—Mateu 24:14.

Gore rapera, Zvapupu zvaJehovha zvakaita maawa anopfuura mabhiriyoni 1,9 zvichiparidza mashoko akanaka munyika 240, mumitauro inopfuura 700. Uhwu uchapupu hwakakura hunoratidza kuti mugumo wava pedyo. Zvapupu zvaJehovha zvinoda vanhu, saka zvinoshanda nesimba pakuvayambira nezvezuva raJehovha rekutonga iro rava pedyo zvikuru. (Mateu 22:39) Kuudzwa kwauri kuitwa mashoko aya eyambiro kunoratidza kuti Jehovha anokuda. Yeuka kuti, Mwari haana “waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Uchateerera here yambiro iyi kuti uratidze kuti unotenda rudo rwauri kuratidzwa naMwari?

TIZIRA KUSINA NJODZI!

Yeuka kuti vagari vekuSimeulue vakatizira kumakomo pavakangoona mvura ichifamba ichidzokera mugungwa; havana kumirira kuti idzoke kumahombekombe. Kutiza kwavakaita kwakavaponesa. Kuti upone pamugumo uri kuuya, unofanirawo kuona zvekuita nguva ichiripo. Unofanira kuitei? Muprofita Isaya akafemerwa kunyora mashoko anofadza anotaura nezvekukokwa kuri kuitwa vanhu ‘mumazuva okupedzisira’ atiri kurarama. Mashoko acho anoti: “Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha . . . Achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.”​—Isaya 2:2, 3.

Kana ukaenda pamusoro pegomo unoona zvinenge zvichiitika uye unenge uri pasina ngozi. Saizvozvowo, kudzidza Bhaibheri kuri kubatsira mamiriyoni evanhu pasi rose kuti vazive nzira dzaMwari, vochinja mararamiro avo. (2 Timoti 3:16, 17) Pavanoita izvi, vanotanga kufamba “mumakwara” aMwari uye anotanga kuvafarira nekuvachengetedza.

Uchabvumawo here kudzidza nezvaMwari wochengetwa naye mumazuva ano akaoma? Tinokukurudzira kuti uongorore zvinotaurwa neBhaibheri ‘nezvemazuva okupedzisira’ zviri mubhokisi riri munyaya ino. VeZvapupu zvaJehovha vekwaunogara vanoda kukubatsira kunzwisisa magwaro arimo uye kuti ungaashandisa sei. Unogonawo kuwana mhinduro dzemibvunzo yako kana ukaenda panzvimbo yedu yepaIndaneti, www.pr418.com. Enda pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA.

^ ndima 3 Tsunami iyi yemuna 2004 yakauraya vanhu vanopfuura 220 000​—uye iyi ndiyo tsunami yakauraya vanhu vakawanda kupfuura dzose dzakamboitika.