Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinotii?

Bhaibheri Rinotii?

Ndiani anonzi Dhiyabhorosi?

UNGATI Dhiyabhorosi  . . .

  • Ingirozi here?

  • Uipi huri mumwoyo memunhu here?

  • Chinhu chinongofungidzirwa nevanhu here?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Dhiyabhorosi akambotaura naJesu ‘achimuedza.’ (Mateu 4:1-4) Saka Dhiyabhorosi haasi chinhu chekufungidzira kana kuti uipi huri mumwoyo memunhu. Ingirozi yakaipa.

CHII CHIMWE CHATINODZIDZA MUBHAIBHERI?

  • Pakutanga Dhiyabhorosi aiva ngirozi tsvene asi “haana kumira zvakasimba muchokwadi.” (Johani 8:44) Akava murevi wenhema, akapandukira Mwari.

  • Dzimwe ngirozi dzakabatana naSatani pakupanduka.—Zvakazarurwa 12:9.

  • Dhiyabhorosi anopofumadza vanhu vakawanda kuti vasaziva kuti ariko.—2 VaKorinde 4:4.

Dhiyabhorosi anogona kuita kuti vanhu vaite zvaanoda here?

VAMWE VANHU VANOTI manyepo kuti Dhiyabhorosi anogona kuita kuti vanhu vaite zvaanoda, ukuwo vamwe vanotya kugarwa nemadhimoni. Unotiwo chii?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Dhiyabhorosi ari kutonga pasi rose, asi haagoni kuita kuti vanhu vose vaite zvaanoda.

CHII CHIMWE CHATINODZIDZA MUBHAIBHERI?

  • Dhiyabhorosi anoshandisa unyengeri kuti atsause vanhu vakawanda.—2 VaKorinde 11:14.

  • Dzimwe nguva vanhu vanogarwa nemadhimoni.—Mateu 12:22.

  • Uchibatsirwa naMwari, unogona kukunda ‘pakurwisana naDhiyabhorosi.’—Jakobho 4:7.