Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Vanhu vaMwari vakatapwa riini neBhabhironi Guru?

Kutapwa uku kwakatanga mumakore ekuma100 C.E. kusvika muna 1919. Nei manzwisisiro ataiita agadziridzwa?

Uchapupu hwese huripo hunoratidza kuti utapwa uhwu hwakaguma muna 1919, uye kubva ipapo vaKristu vakazodzwa vakatanga kuunganidzwa muungano yakanga yatangwazve. Funga izvi: Umambo hwaMwari huchangobva kugadzwa kudenga muna 1914, vanhu vaMwari vakaedzwa uye vakanatswa mumakore akatevera acho. * (Mar. 3:1-4) Zvadaro, muna 1919, Jesu akagadza “muranda akatendeka, akangwara” pavanhu vaMwari vakacheneswa kuti avape zvokudya zvekunamata “panguva yakakodzera.” (Mat. 24:45-47) Gore iroro vanhu vaMwari vakatanga kudzokera kunyika yavo yekufananidzira yavakapiwa naMwari. Iyoyo ndiyo nguva yavakasunungurwa kubva muutapwa hwekufananidzira hwavakanga vari muBhabhironi Guru. (Zvak. 18:4) Asi vanhu vaMwari vakatapwa riini neBhabhironi Guru?

Kwemakore, taiti kutapwa uku kwakatanga muna 1918 uye taiti vanhu vaMwari vakava nhapwa dzeBhabhironi Guru kwenguva pfupi. Somuenzaniso, Nharireyomurindi yaMarch 15, 1992 yakati: ‘Sezvakangoitawo vanhu vaMwari vekare avo vakambotapwa ndokuendeswa kuBhabhironi, vashumiri vaJehovha vakambovawo nhapwa dzeBhabhironi Guru muna 1918.’ Asi kumwe kutsvakurudza kwakaitwa kunoratidza kuti utapwa uhwu hwakatanga kare chaizvo, gore ra1918 risati rasvika.

Somuenzaniso, ngatimboonai humwe uprofita hwakafanotaura nezvekutapwa uku uye kusunungurwa kwevanhu vaMwari. Uprofita uhwu huri pana Ezekieri 37:1-14. Ezekieri akaratidzwa bani rainge rakazara mapfupa. Jehovha akatsanangurira Ezekieri kuti mapfupa aya aimiririra “imba yose yaIsraeri.” Uprofita uhwu hwokudzorerwa kwevanhu vaMwari kunyika yavo hunonyanya kuzadziswa pana “Israeri waMwari.” (VaG. 6:16; Mab. 3:21) Ezekieri akazoona mapfupa aya achivazve mapenyu, pakava neuto guru revanhu. Izvi zvakanyatsofananidzira kumuka kwevanhu vaMwari pane zvokunamata kwakazoitika muna 1919! Asi uprofita uhwu hunoratidza sei kuti vanhu vaMwari vakanga vari nhapwa kwenguva yakareba?

Kutanga, mapfupa aya anonzi ‘akaoma’ kana kuti “akaoma kwazvo.” (Ezek. 37:2, 11) Izvi zvinoratidza kuti vanhu vacho vakanga vatova nenguva yakareba chaizvo vafa. Chechipiri, mapfupa acho aisazongoerekana ava noupenyu asi zvaizoitika zvishoma nezvishoma. Kwakatanga kunzwika ruzha kana kuti “kutinhira” uye “mapfupa akatanga kuswederana, pfupa rimwe nerimwe kune pfupa raro.” Pakabva pawedzerwa “madzira nenyama.” Zvadaro mapfupa, madzira nenyama zvakafukidzwa neganda. Uye ‘mhepo yokufema yakapinda mavari, vakatanga kurarama.’ Pakupedzisira, Jehovha akaita kuti vanhu ivavo vakanga vavazve vapenyu vagare munyika yavo. Zvose izvi zvaizotora nguva.—Ezek. 37:7-10, 14.

Rudzi rwaIsraeri rwakatapwa kwenguva yakareba. Kutapwa uku kwakatanga muna 740 B.C.E. pakakundwa umambo hwaIsraeri hwokuchamhembe hwemadzinza gumi, vanhu vakawanda vakava nhapwa. Zvadaro, muna 607 B.C.E., Jerusarema rakaparadzwa, uye vanhu vemuumambo hwekumaodzanyemba hwaJudha vakatapwawo. Nguva iyi yeutapwa yakazoguma muna 537 B.C.E., pakadzokera vaJudha kunovakazve temberi, uye pavakatangazve kunamata kwakachena muJerusarema.

Zvataongorora muMagwaro aya zvinonyatsoratidza kuti vanhu vaMwari vanofanira kunge vakaita nguva yakareba vari muutapwa hweBhabhironi Guru, kwete nguva pfupi yaibvira muna 1918 ichiperera muna 1919. Nguva yeutapwa uhwu ndiyowo nguva yakakura masora ekufananidzira pamwe chete negorosi kana kuti “vanakomana voUmambo.” (Mat. 13:36-43) Panguva iyi vanhu vakatsauka pakutenda vakanga vakawanda chaizvo kupfuura vaKristu vechokwadi. Saka tingangoti ungano yechiKristu yakanga yava muutapwa hweBhabhironi Guru. Vanhu vaMwari vakava nhapwa pane imwe nguva gore ra100 C.E. rapfuura kusvikira pakazocheneswa temberi yaMwari munguva yemugumo.—Mab. 20:29, 30; 2 VaT. 2:3, 6; 1 Joh. 2:18, 19.

Munguva refu iyi yekutapwa kwevanhu vaMwari, vafundisi uye vezvematongerwo enyika avo vaida kuchengetedza zvigaro zvavo, vairambidza vanhu vavaitungamirira kuverenga Shoko raMwari. Dzimwe nguva, kuverenga Bhaibheri mumutauro wainzwisiswa nevakawanda yaitova mhosva. Vamwe vaipiswa padanda nenyaya iyoyo. Munhu wese aipikisana nezvaidzidziswa nevafundisi aiitirwa utsinye, saka izvi zvaitadzisa vanhu kunzwa Shoko raMwari.

Ko kudzorerwa kwekunamata kwechokwadi kwakaitika riini uye sei? Basa rekudzorera kunamata kwechokwadi raiitika zvishoma nezvishoma. Rakatanga ‘nekutinhira’ kwainzwika kwemazana emakore mazuva ekupedzisira asati asvika. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vakanga vatsauswa nechitendero chenhema, pane vamwe vanhu vainge vakatendeka vakaedza kumira zvakasimba vachitsigira kunamata kwechokwadi. Vamwe vavo vakatoedza kubudisa Bhaibheri mumitauro yainzwisiswa nevakawanda. Vamwewo vakaudza vamwe chokwadi chavainge vadzidza muShoko raMwari.

Zvadaro, makore ekuma1800 ava kunopera, Charles Taze Russell nevamwe vake vakashanda nesimba kuti vawane chokwadi cheBhaibheri. Zvaiita sekuti nyama neganda zvekufananidzira zviri kudzorerwa pamapfupa. Zion’s Watch Tower nezvimwe zvinyorwa, zvakabatsira vanhu vaitsvaka chokwadi kuti vachinzwisise. Nokufamba kwenguva, vanhu vaMwari vakasimbiswa nezvinhu zvakadai ‘sePhoto-Drama of Creation’ rakabudiswa muna 1914, uye bhuku rainzi The Finished Mystery rakabudiswa muna 1917. Pakupedzisira, muna 1919, vanhu vaMwari vakabva vazoitwa vapenyu mune zvekunamata, uyewo zvaiita sekuti vagariswa munyika yavo itsva. Vaya vane tariro yekurarama panyika vakazobatanawo nevaKristu ava vakazodzwa, vakava “uto rehondo guru guru kwazvo.”—Ezek. 37:10; Zek. 8:20-23. *

Zvataongorora zvinonyatsoratidza kuti vanhu vaMwari vakaitwa nhapwa dzeBhabhironi Guru pakatanga kuwanda vanhu vakatsauka pakutenda, mumakore ekuma100 C.E. Iyi yaiva nguva yerima, kungofanana nepanguva iya vaIsraeri pavaiva muutapwa. Kunyange zvazvo vanhu vaMwari vakambova nhapwa kwemazana emakore, iye zvino tinofara chaizvo kuti tiri kurarama munguva yakataurwa kuti vaya “vane njere vachapenya sechiedza” uye “vazhinji vachazvigeza” uye “vachanatswa”!—Dhan. 12:3, 10.

Satani paaiedza Jesu akatoenda naye patemberi chaiyo here?

Hatingagoni kuti hongu kana kuti kwete. Mabhuku edu aimboti Satani akaenda naJesu patemberi chaiyo uye pamwe pacho aiti akaita zvekumuratidza chiratidzo.

Chimbofunga zvinotaurwa neBhaibheri. Mateu akafemerwa kunyora nezvenyaya iyi yaJesu achiti: “Dhiyabhorosi akabva aenda naye [Jesu] muguta dzvene, akamumisa pamusoro porusvingo rwetemberi” kana kuti panzvimbo yakakwirira kupfuura dzose patemberi. (Mat. 4:⁠5) Ruka akanyorawo nezvenyaya imwe chete iyi achiti: “Zvino akaenda naye kuJerusarema, akamumisa pamusoro porusvingo rwetemberi.”​—⁠Ruka 4:⁠9.

Kare mabhuku edu aiti Jesu anogona kunge asina kuendeswa kuchivako chaicho chetemberi. Somuenzaniso Nharireyomurindi yaMarch 1, 1961 yakatsanangura kuti: “Hazvingaiti kuti titi zvinhu zvese zviri munyaya yekuedzwa kwaJesu ari murenje zvakanyatsoitika sezvazviri chaizvo. Hapana gomo rakakura zvekuti munhu anogona kukwira oona ‘umambo hwose hwenyika uye kubwinya kwahwo.’ Saka zvine musoro kuti titiwo Satani haana kuenda naJesu ‘kuguta dzvene’ chairo uye haana ‘kumumisa pamusoro porusvingo rwetemberi’ chaiyo. Kumuendesa kutemberi hakusi iko kwaizoita kuti muedzo iwoyo uve nesimba.” Asi mamwe magazini eNharireyomurindi akazobudiswa aitaura kuti kudai Kristu akabvuma kuita zvakataurwa naSatani angadai akatofa, zvichiratidza kuti vakanga vatoenda patemberi chaipo.

Vamwe vanoti sezvo Jesu akanga asiri muRevhi, akanga asingabvumirwi kumira pamusoro penzvimbo tsvene yetemberi. Saka zvaifungidzirwa kuti Jesu haana ‘kuendwa naye’ kutemberi chaiko asi akaita zvekuoneswa chiratidzo. Izvi zvakafanana nezvakanga zvaitika kumuprofita Ezekieri mazana emakore akanga apfuura.​—⁠Ezek. 8:​3, 7-​10; 11:​1, 24; 37:​1, 2.

Zvisinei, kana Jesu akaedzwa achingoita zvekuoneswa chiratidzo, panova nemibvunzo inotevera:

  • Waiva muedzo chaiwo here kana kuti waingova wekufungidzira?

  • Kana Satani akanga amboedza Jesu kuti achinje matombo chaiwo kuti ave chingwa chaicho uye akanga amboedza Jesu achida kuti atomunamata kamwe chete, hazvingagoniwo here kunzi Satani aida kuti Jesu atozviwisira pasi chaipo achibva patemberi?

Ukuwo, kana Jesu akamira pamusoro petemberi chaiyo, panomuka mimwe mibvunzo:

  • Jesu akamira pamusoro penzvimbo tsvene here achityora Mutemo?

  • Jesu akasvika sei kuJerusarema achibva kurenje?

Kuongororazve nyaya iyi kunotibatsira kuti tione zvimwe zvinogona kupindura mibvunzo miviri yekupedzisira.

Kutanga, mumwe purofesa anonzi D. A. Carson anoti shoko rechiGiriki rekuti hi·e·ron’, rakashandurwa kuti “temberi” muna Mateu uye muna Ruka “rinogona kunge richitaura nezvenzvimbo yacho yese yepatemberi, kwete nzvimbo tsvene yega.” Saka Jesu akanga asingafaniri hake kumira pamusoro penzvimbo tsvene chaipo. Somuenzaniso, aigona kumira pakona yaiva nechekumaodzanyemba kwetemberi. Kubva ipapo kusvika pasi mumupata une rukova weKidroni paiva pakadzika mamita 137. Pakona iyoyo pakanga paine denga rakanga rakati sandara, riine karusvingo kanodzivirira uye ndipo pakanga pakakwirira kupfuura mamwe mativi ese etemberi. Munyori wezvakaitika kare ainzi Josephus akataura kuti kana munhu akamira pamusoro ipapo otarisa pasi “ainzwa dzungu” nekuti pakanga pakareba chaizvo. Jesu aigona kumira panzvimbo iyi nekuti paibvumirwa kunyange munhu akanga asiri muRevhi.

Asi kana Jesu akasvika kutemberi achibva kurenje, angangodaro akasvikako sei? Hatinyatsozivi kuti izvi zvakaitika sei. Bhaibheri hariratidzi kuti Jesu akatora nguva yakareba sei ari murenje uye kuti akanga ari papi pacho murenje imomo. Jesu anogona kunge akafamba netsoka achienda kuJerusarema kunyange zvazvo zvaigona kumutorera nguva. Nyaya yacho hairatidzi kuti Jesu akaramba ari murenje panguva yese yaaiedzwa. Asi inongotaura kuti akaendeswa kuJerusarema.

Ngatimbofungai nezvepaya pakaedzwa Jesu achiratidzwa “umambo hwose hwenyika.” Zviri pachena kuti haana kuona umambo hwose hwenyika nemaziso ake nekuti hapana gomo rakakura zvekuti munhu anokwanisa kukwira ohuona hwose. Saka Satani anogona kunge akaita kuti Jesu aone umambo hwose hwenyika, sekuona kwatinoita zvinhu zvekune dzimwe nyika paTV. Kunyange zvazvo Satani angangodaro akashandisa chiratidzo pamuedzo uyu, paakazoudza Jesu kuti ‘angomunamata kamwe chete,’ kwaitova kunamatwa chaiko kwaaida. (Mat. 4:​8, 9) Saka zvinogonawo kunzi pamuedzo wekuti Jesu azviwisire pasi kubva patemberi, Satani aida kuti Jesu atozviwisira pasi chaipo, uye izvi zvaigona kuita kuti afe. Kudai akaita zvekuratidzwa chiratidzo, pamwe uyu waisazova muedzo wakaoma.

Sezvataurwa pakutanga hatinyatsozivi kuti chii chaicho chakaitika panyaya iyi. Saka hatigoni kuramba kuti Jesu anogona kunge akatoenda kuJerusarema akamira pamusoro petemberi. Asi chatiine chokwadi nacho ndechekuti Jesu akaedzwa naSatani, uye pamuedzo mumwe nemumwe akaramba kutsauswa naDhiyabhorosi.

^ ndima 1 Pana Ezekieri 37:1-14 uye pana Zvakazarurwa 11:7-12, panotaura nezvekudzorerwa kwekunamata kwechokwadi kwakaitika muna 1919. Zvisinei, uprofita hwaEzekieri 37:1-14 hunotaura nezvekudzorerwa kwekunamata kwechokwadi kwevanhu vaMwari vose kwaizoitika pashure penguva refu chaizvo vari nhapwa. Asi Zvakazarurwa 11:7-12 inotaura nezvekumutswazve pane zvekunamata kweboka duku rehama dzakazodzwa dzaizotungamirira pashure pekunge dzambomiswa kuita basa kwenguva pfupi.