Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kuti Uwedzere Kubatana Kwatakaita sevaKristu

Zvaungaita Kuti Uwedzere Kubatana Kwatakaita sevaKristu

‘Kubva kwaari, muviri wose unonyatsobatanidzwa pamwe chete uye unoitwa kuti ushandire pamwe chete.’—VAEF. 4:16.

NZIYO: 53, 107

1. Chii chatinoona pane zvakaitwa naJehovha naJesu uye pane zvaiitwa nevanhu vaMwari?

NYAYA yekubatana yakabvira kare. Mwanakomana waMwari wedangwe uyo anotaurwa nezvake seuchenjeri akati: “Ndaiva padivi [paJehovha] ndiri mhizha, uye ndakava munhu waaida kwazvo zuva nezuva.” (Zvir. 8:30) Jehovha neMwanakomana wake vakashanda pamwe chete pakusika zvinhu zvakasiyana-siyana zvatinoona. Uyewo vanhu vaMwari vakarambawo vachishanda pamwe chete vakabatana vachiita mabasa avaipiwa naMwari. Somuenzaniso, Noa akashanda pamwe chete nemhuri yake pakuvaka areka. VaIsraeri vaishandawo vakabatana pavaimisa tebhenekeri nokuiputsa kuti vaitakure vachifamba murenje. Vaibatanawo pakuridza zviridzwa nekuimba vachidairana zvinonyatsopindirana vachirumbidza Jehovha vari patemberi yake. Zvose izvi zvaibudirira nekuti paiva nekubatana.​—Gen. 6:14-16, 22; Num. 4:4-32; 1 Mak. 25:1-8.

2. (a) VaKristu vekutanga vaizivikanwa nechii? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

2 VaKristu vekutanga vaizivikanwawo nekushanda vakabatana vachizviisa pasi pomusoro wavo, Jesu Kristu. Muapostora Pauro akataura kuti kunyange zvazvo vaKristu vakazodzwa vaiva ‘nezvipo zvakasiyana-siyana,’ vachiita “ushumiri hwakasiyana-siyana” uye “mabasa akasiyana-siyana,” vose vaiva “muviri mumwe chete.” (Verenga 1 VaKorinde 12:4-6, 12.) Asi zvakadiniwo nemazuva ano? Tingaitei kuti tirambe tichiita basa rokuparidza mashoko akanaka takabatana? Uye tingaitawo sei kuti tirambe takabatana muungano uye mumhuri?

KUITA BASA ROKUPARIDZA TAKABATANA

3. Muapostora Johani akaratidzwei?

3 Gore ra100 C.E. parakanga rava kusvika, muapostora Johani akaratidzwa ngirozi nomwe, uye imwe neimwe yakaridza bhosvo. Ngirozi yechishanu payakaridza bhosvo rayo, Johani akaona “nyeredzi” ichidonha panyika ichibva kumatenga. “Nyeredzi” yacho yaiva nekiyi muruoko rwayo uye yakavhura gomba rakadzikadzika. Utsi hwakasviba kuti ndoo hwakatanga kubuda mugomba uye mhashu dzakawanda chaizvo dzakabudawo. Pane kuti dziparadze zvinomera zvepanyika, mhashu idzi dzokufananidzira dzinobhururuka dzichienda kuvanhu “vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.” (Zvak. 9:1-4) Johani ainyatsoziva kuti mhashu dzinoparadza sei zvinhu. Mumazuva aMosesi, mhashu dzakaparadza zvinomera zvose kuIjipiti. (Eks. 10:12-15) Mhashu dzakaonekwa naJohani dzinofananidzira vaKristu vakazodzwa avo vanozivisa mashoko ane simba emutongo unobva kuna Jehovha. Vakazodzwa ava vari kushanda pamwe nemamiriyoni evaKristu vane tariro yekurarama panyika. Kuparidza kwatiri kuita takabatana kuri kubatsira vanhu vakawanda kuti vabude muchitendero chenhema, vosunungurwa pana Satani.

4. Vanhu vaMwari vanofanira kuita basa ripi, uye vanofanira kuitei kuti vabudirire pabasa iri?

4 Vanhu vaJehovha vane basa rakakura rekuparidza “mashoko akanaka” pasi rose mugumo usati wasvika. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Izvi zvinosanganisira kukoka “munhu wose anonzwa nyota” kuti auye kuzonwa “mvura youpenyu asingatengi.” (Zvak. 22:17) Sezvo tiri muungano yechiKristu tingaita sei kuti tibudirire pakuita basa iri? Tinofanira ‘kunyatsobatanidzwa pamwe chete uye kushanda pamwe chete.’​—VaEf. 4:16.

5, 6. Kubatana kwedu kunooneka sei patinenge tichiparidza mashoko akanaka?

5 Kuti tiudze vanhu vakawanda mashoko akanaka oUmambo, tinofanira kuita basa racho zvakarongeka. Ndosaka tichipiwa mirayiridzo. Mirayiridzo yatinopiwa muungano dzedu inotibatsira kuti tishande takabatana. Tinotanga taita musangano webasa romumunda tisati taenda kunoudza vanhu mashoko oUmambo. Tinopawo vanhu mabhuku akawanda anovabatsira kunzwisisa Bhaibheri. Unobatanawo nevamwe here patinoudzwa kuti tiite mishandirapamwe yokuparidza? Kana uchidaro, unenge uchitoitawo zviri kuitwa nemamiriyoni eZvapupu ari kuzivisa mashoko ‘engirozi iri kubhururuka nepakati pedenga’ inotaurwa pana Zvakazarurwa 14:6.

6 Tinofara chaizvo patinoona mushumo webasa redu wemunyika yose wabatanidzwa muBhuku Regore. Fungawo nezvekubatana kwatinoita patinokoka vanhu kumagungano edu emunharaunda nemamwewo magungano makuru. Pamagungano aya, tinoteerera hurukuro dzemuMagwaro dzinobaya mwoyo uye tinoona mitambo nemienzaniso inokurudzira. Zvose izvi zvinotikurudzira kuti tishumire Mwari nezvose zvatiinazvo. Kuyeuka rufu rwaJesu kunotibatanidzawo. Kuonga kwatinoita mutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa uye kuteerera kwatinoita mirayiro yatinoudzwa naJesu, kunoita kuti tiungane gore negore musi waNisani 14, zuva ranyura, tichiyeuka rufu rwaJesu. (1 VaK. 11:23-26) Munhu wose anobvumirwa kuuya kuChirangaridzo. Mavhiki mashoma chisati chaitwa, tinoedza kukoka vanhu vose vomundima yeungano yedu kuti vazobatana nesu pakuyeuka rufu rwaJesu.

7. Kushanda takabatana kunotibatsira kuitei?

7 Mhashu kana iri yega haina zvakawanda zvainoparadza. Kana munhu achishandawo ari ega, haagoniwo kuparidzira vanhu vose. Asi kana tichishanda takabatana, tinogona kubatsira mamiriyoni evanhu kuti arumbidze Jehovha uye amukudze. Zvisinei, tinewo zvimwe zvatinogona kuita kuti tirambe takabatana sevanhu vaMwari.

KUBATANA MUUNGANO

8, 9. (a) Pauro akashandisa muenzaniso wei paaidzidzisa vaKristu kuti varambe vakabatana? (b) Tingaiteiwo kuti ungano irambe yakabatana?

8 Pauro akanyorera vaKristu vokuEfeso tsamba achitaura nezvekurongeka kwaifanira kuita ungano yacho uye akataura kuti vose vaiva muungano vaifanira ‘kukura muzvinhu zvose.’ (Verenga VaEfeso 4:15, 16.) Chii chichabatsira mumwe nomumwe wedu kuti aite izvozvo? Pauro akashandisa muenzaniso wezvakaita muviri womunhu paaidzidzisa vaKristu kuti ungano inofanira kunge yakabatana, iri pasi pomusoro wayo, Jesu Kristu. Muapostora wacho akataura nezvekushanda pamwe chete “pachishandiswa mapfundo ose anopa zvinodiwa.” Tose zvedu, tingava vakuru kana vadiki, vakasimba kana kuti vanonetseka neutano, tingaitei kuti ungano irambe yakabatana uye isimbe?

9 Tinofanira kuzviisa pasi uye kuremekedza vakuru avo vakagadzwa naJesu kuti vatungamirire ungano. (VaH. 13:7, 17) Dzimwe nguva hazvisi nyore kuti tidaro. Asi tinogona kukumbira Mwari kuti atibatsire. Mudzimu wake mutsvene unogona kutibatsira kuti titsigire nemwoyo wose zvinorongwa neungano. Saka kana dzimwe nguva tichimbonzwa sokuti hatidi kuteerera zvinenge zvarongwa muungano, tinofanira kufunga kuti kana tikazvininipisa toteerera zvichabatsira sei kuti ungano ibatane. Uyewo izvi zvichaitawo kuti tose tiwedzere kudanana.

10. Vashumiri vanoshumira vanobatsira sei kuti ungano ibatane? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

10 Vashumiri vanoshumira vanoshanda nesimba chaizvo kuti ungano irambe yakabatana. Pasinei nezera ravo, vanozvipira kuita mabasa anobatsira vose muungano. Somuenzaniso, vanoita kuti tive nemabhuku akakwana okushandisa muushumiri uye pavanoita izvozvo vanenge vachitobatsirawo vakuru. Uyewo, vanogara vachichenesa uye kugadzira zvinenge zvafa paImba yoUmambo, uye vanogamuchira vanhu vanenge vauya kumisangano yedu. Patinotsigira hama idzi, tinenge tichitobatsirawo kuti ungano irambe yakabatana.​—Enzanisa naMabasa 6:3-6.

11. Vechidiki vangabatsirawo sei kuti ungano yavo ibatane?

11 Kune dzimwe hama dzakawanda dzakasimba pakunamata dzava nemakore dzichiita mabasa muungano. Asi pamwe nemhaka yokukura, dzinenge dzisingachakwanisi kuita zvakawanda sezvadzaimboita. Hama dzechidiki dzichine simba dzinogona kubatsira. Kunyange zvazvo hama idzi dzisati dzava neunyanzvi, dzinogona kudzidziswa kuti dzizoita mabasa akawanda muungano. Zvinofadza chaizvo kana vashumiri vanoshumira vakashanda nesimba kuti vakodzere kuva vakuru. (1 Tim. 3:1, 10) Vamwe vakuru vechidiki vakafambira mberi kusvika vatova mubasa redunhu, vachishumira hama nehanzvadzi muungano dzakawanda. Tinoonga chaizvo kuzvipira kunoita hama dzechidiki.​—Verenga Pisarema 110:3; Muparidzi 12:1.

KUBATANA MUMHURI

12, 13. Chii chingabatsira vose vari mumhuri kuti vaite zvinhu vakabatana?

12 Iye zvino ngatimbokurukurai kuti tingaitei kuti tive vakabatana mumhuri. Vakawanda vakaona kuti kugara vachiita Kunamata Kwemhuri vhiki yega yega kunoita kuti vose vari mumhuri vawedzere kudanana. Panguva iyi inonakidza, tinoisa pfungwa dzedu pazvinhu zvekunamata uye izvozvo zvinoitawo kuti tiwedzere kubatana mumhuri. Mhuri inogonawo kugadzirira zvaichaita muushumiri uye izvi zvinovabatsira kuti vave vaparidzi vane unyanzvi. Kana vanhu vose vari mumhuri vakakurukura Shoko raMwari pamwe chete vanowedzera kubatana nokuti vose vanenge vachiratidza kuti vanoda Mwari mumwe chete, uye vanoda kuita kuda kwake.

Kunamata Kwemhuri kunoita kuti vose vari mumhuri vawedzere kudanana (Ona ndima 12, 15)

13 Vakaroorana vangaitei kuti varumbidze Jehovha vari pamwe chete? Kana vose vari vaviri vachishumira Jehovha vakatendeka, vanogona kufara chaizvo mumba mavo uye vanobatana. MuBhaibheri tinoverenga nezvevanhu vaidanana chaizvo vakadai saAbrahamu naSara, Isaka naRibheka, uye Erikana naHana. Izvi ndizvo zvatinofanira kuitawo. (Gen. 26:8; 1 Sam. 1:5, 8; 1 Pet. 3:5, 6) Kana tikadaro, mhuri yedu ichanyatsobatana uye zvichatiswededza pedyo naBaba vedu vokudenga.​—Verenga Muparidzi 4:12.

14. Kana murume wako kana kuti mudzimai wako asiri kushumira Jehovha, ungaitei kuti imba yenyu irambe yakasimba?

14 VaKristu havafaniri kusungwa pajoko nevasingatendi. (2 VaK. 6:14) Asi zvakadiniwo nehama nehanzvadzi dzedu dziri mumhuri mune vamwe vasiri Zvapupu? Vamwe vashumiri vaMwari vakazodzidza chokwadi varoora kana kuroorwa, uye mumwe wavo haasi Chapupu. Asi kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kunobatsira kuti mumhuri muve nerugare. Izvozvo zvinotoda kuti uite zvose zvaunogona kuti murambe makabatana asi usingasiyi zvaunotenda. Izvi zvingasava nyore, asi chimbofunga zvakanaka zvinogona kuzoitika. Kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kunogonawo kuoma kana wawakaroorana naye akasiya ungano. Izvi ndizvo zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Mary. Iye nemurume wake David vaishumira Jehovha vari pamwe chete asi makore anenge 25 akapfuura David akarega kupinda misangano. Mary akaramba achienda kumisangano nekumagungano uye airamba achishandisa zvinotaurwa neBhaibheri mumhuri yake, kusanganisira kudzidzisa vana vavo 6 nezvaJehovha. Vana pavakakura ndokubva pamba, Mary akatanga kusurukirwa. David akazotanga kuverenga magazini aiuya naMary. Nokufamba kwenguva, David akatanga kupinda misangano uye kamuzukuru kake kaiva nemakore 6 kaimubatira pokugara. Kana David asina kuuya, kamuzukuru kaya kaiti, “Sekuru, hamuna kuuya kumisangano nhasi.” Iye zvino David ari kufara kushumira Jehovha uye Mary ari kufara chaizvo kuti vava kushumira Jehovha semhuri.

15. VaKristu vava nenguva varoorana vangabatsira sei vechidiki?

15 Tichifunga nezvekurwiswa kuri kuitwa mhuri naSatani mazuva ano, zvinokosha kuti vashumiri vaMwari vose varambe vakabatana mumhuri. Pasinei nokuti wava nenguva yakareba sei uri muwanano, funga kuti ndezvipi zvaungataura kana kuti zvaungaita kuti usimbise imba yako. Vaya vava nenguva varoorana vanogonawo kubatsira vasati vava nenguva varoorana vari muungano panyaya iyi. Munogona kupota muchivakoka kuti muite navo kunamata kwemhuri. Pavanouya kumba kwenyu, vachaona kuti kuratidzana rudo kunokosha chaizvo pasinei nokuti vanhu vava nenguva yakareba sei vari muwanano.​—Tito 2:3-7.

“NGATIKWIREI KUGOMO RAJEHOVHA”

16, 17. Vose vanoshumira Mwari vakabatana vari kutarisirei?

16 Fungidzira zvaiitwa nevaIsraeri vachirumbidza Jehovha pamitambo yavaiita patemberi yake muJerusarema. Vanofanira kunge vaigadzirira rwendo rwacho, vobatsirana pavaifamba uye vozonamata vari pamwe chete vasvika patemberi. Kuti zvose izvi zvibudirire, vaifanira kushanda pamwe chete vakabatana. (Ruka 2:41-44) Sezvatinofamba takananga kunyika itsva, tinofanira kunyatsobatana uye kushanda pamwe chete. Izvi zvinotoda kuti tigare tichishanda nesimba. Zvii zvaunofunga kuita kuti uwedzere pane zvawagara uchiita panyaya iyi?

17 Funga nezvemakomborero atichawana. Takatosiyana nevanhu vari munyika ino yakaipa vasina kubatana uye vanogara vachingonetsana. Tiri kuona kuzadziswa kwemashoko akaprofitwa naIsaya uye Mika ekuti vanhu vaMwari vari kukwira “kugomo raJehovha.” (Isa. 2:2-4; verenga Mika 4:2-4.) Zvechokwadi ndisu chete tiri kunamata Jehovha maererano nezvaanoda ‘mumazuva ano okupedzisira.’ Asi munguva yemberi tichatowedzera kufara vanhu vose vari panyika pavachanyatsobatana vachishanda pamwe chete.