Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Chii chaishamisa pane zvaiitwa naJesu kuvanhu vaiva nemaperembudzi?

VaJudha vekare vaitya chirwere chemaperembudzi aiitika makore iwayo. Chirwere ichi chaikuvadza tsinga dzemunhu zvisingagadzirisiki uye zvoita kuti aremare. Pakanga pasina aiziva mushonga wemaperembudzi. Saka vese vaiva nechirwere ichi vaifanira kugara kwavo vega, uye vaifanira kushevedzera kuti vamwe vazive kuti vane maperembudzi.—Revhitiko 13:45, 46.

Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaibva vazonyanyawo kuomesera vanhu vaiva nemaperembudzi netumitemo twavaiisa kuwedzera pane yakanga iri muMagwaro. Somuenzaniso, mitemo yavanarabhi yaiti vanhu vaifanira kutambira kure nemamita anenge 2 kubva pamunhu ane maperembudzi. Asi kana kuine mhepo vaiwedzera mamita aya kusvika ku45. Vamwe vaitevera dzidziso dzechiTalmud vaiti Magwaro paanoti munhu ane maperembudzi agare “kunze kwomusasa” aireva kuti ngaatobuda kunze kwemaguta akapoteredzwa nerusvingo. Saka mumwe rabhi paaiona munhu ane maperembudzi ari muguta aimutema nematombo achiti: “Ibva muno, unosvibisa vamwe.”

Jesu akanga akasiyana zvikuru nevanhu ava! Pane kuti adzinge vanhu vane maperembudzi, akatobata mumwe wavo achibva amuporesa.—Mateu 8:3.

Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaiti vanhu vanogona kurambana kana zvaita sei?

Gwaro rekurambana rekuma71/72 C.E.

Makore akatanga chiKristu nyaya yokurambana yaiita kuti vatungamiriri vechitendero vasawirirana. Saka rimwe zuva, vamwe vaFarisi vachida kunzwa kuti Jesu anotii, vakamubvunza kuti: “Zvinobvumirwa nomutemo here kuti murume arambe mudzimai wake nokuda kwechikonzero chero chorudzi rupi zvarwo?”—Mateu 19:3.

Mutemo waMosesi waibvumira murume kuti arambe mudzimai wake kana “aona chimwe chinhu chisina kunaka paari.” (Dheuteronomio 24:1) Panguva yaJesu, paiva nezvikoro zviviri zvavanarabhi vaiva nepfungwa dzakasiyana pakunzwisisa kwavaiita zvinoreva mutemo uyu. Chikoro chaShammai, icho chainyanya kusunga zvinhu, chaiti mutemo uyu unoreva kuti murume anogona kuramba mudzimai wake chete kana aita “unzenza,” kureva, upombwe. Chikoro chaHillel chaiti kana murume akatadza kuwirirana nemudzimai wake chero pachinhu chidiki-diki akasununguka kumuramba. Vaitoti murume aigona kuramba mudzimai wake kana akatadza kubika kana kuti akawana mumwe mukadzi waaiona seakanyanya kunaka.

Saka Jesu akapindura sei mubvunzo wevaFarisi? Akavabudira pachena kuti: “Munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve, akaroora mumwe, iye anoita upombwe.”—Mateu 19:6, 9.