Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | NDIANI ANGAKUNYARADZA?

Tose Tinoda Kunyaradzwa

Tose Tinoda Kunyaradzwa

Unoyeuka pawakambodonha uchiri mudiki here? Pamwe wakakuvara ruoko kana kuti wakakuzvuka ibvi. Unoyeuka here kuti amai vako vakakunyaradza sei? Zvimwe vakatanga vachenesa chironda chacho, vachibva vazochisunga nebhandeji. Wakachema, asi pavakakumbundira vachitaura mashoko anokunyaradza, wakabva wanzwa zviri nani. Pawaiva mudiki, waiti ukachema, pane munhu aiva pedyo kuti akunyaradze.

Asi patinenge tichikura, upenyu hunowedzera kuoma. Matambudziko atinosangana nawo anoitawo achikura, uye zvinenge zvava kunetsa kuwana angatinyaradza. Chinotorwadza ndechekuti matambudziko evanhu vakuru, haasi nyore kugadzirisa sezvinoitwa evana vadiki. Chimbofunga izvi.

  • Wakambopererwa nebasa here? Murume anonzi Julian anoti paakadzingwa basa, zvakamushamisa akasara achinetseka. Aishushikana kuti, ‘Ndichachengeta sei mhuri yangu? Ndanga ndava nemakore ndichishandira kambani iyi, asi sei yazondirasa kudai?’

  • Zvimwe uri kurwadziwa chaizvo nekuti imba yako yakaparara. Raquel anoti, “Pandakatizwa nemurume wangu mwedzi 18 yakapfuura, ndakasara ndisina kana mufaro. Ndakanzwa sekuti mwoyo wangu wainge wachekwa nepakati. Ndaiti uku ndiri kushushikana mupfungwa, uku muviri wangu uchirwadza. Ndainetseka kuti ndichararama sei.”

  • Zvimwe une chirwere chisingadi kupora. Dzimwe nguva unogona kumbofunga sezvakaita Jobho, uyo akanga ava kusema upenyu hwake. Achirwadziwa akati: “Handingadi kurarama nokusingagumi.” (Jobho 7:16) Zvimwe unombonzwa sezvakaita murume anonzi Luis, ane makore anopfuura 80, uyo akati, “Dzimwe nguva ndinombofunga kuti chandiri kumirira chete kufa.”

  • Kana kuti unogona kunge wakafirwa uye uchida kunyaradzwa. Robert anoti, “Mwana wangu paakafira mune imwe tsaona yendege, pakutanga handina kuzvibvuma. Zvadaro, ndakazorwadziwa zvisingaiti. Sekutaura kunoita Bhaibheri, marwadzo acho akafanana nekubayiwa nebakatwa refu.”—Ruka 2:35.

Robert, Luis, Raquel, naJulian vakawana akavanyaradza panguva yavaishungurudzika. Vakanyaradzwa nemunyaradzi anopfuura vose, Mwari Wemasimbaose. Anotinyaradza sei? Achakunyaradzawo here?