Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | NDIANI ANGAKUNYARADZA?

Kunyaradzwa Mumatambudziko

Kunyaradzwa Mumatambudziko

Matambudziko anouya nenzira dzakasiyana-siyana. Munyaya ino hatisi hedu kuzotaura nezvematambudziko ese, asi tichaongorora matambudziko 4 atambotaura nezvawo. Verenga unzwe kuti vanhu ivavo vakanyaradzwa sei naMwari pasinei zvapo nekuti matambudziko avaiva nawo ainge akasiyana.

PAUNOPERERWA NEBASA

“Ndakadzidza kubvuma kuita chero basa rainge ramuka, uye takanga tisisatengi chese chese chatada.”—Jonathan

Seth * anoti, “Ini nemudzimai wangu takapererwa nebasa panguva imwe chete. Takaita makore maviri tichibatsirwa neveukama uye tichiitawo tumwe tumabasa. Mudzimai wangu Priscilla, akapedzisira aora mwoyo uye ava kunzwa sekuti haabatsiri chinhu.

“Chii chakatibatsira kutsungirira? Priscilla aigara achifunga zviri pana Mateu 6:34. Jesu akati tisazvidya mwoyo nezvamangwana, nekuti zuva rimwe nerimwe rine matambudziko aro. Uye kugara achinyengetera kwakamubatsira kuti arambe akashinga. Iniwo ndakanyaradzwa naPisarema 55:22. Sezvakaitwa nemunyori wepisarema iri, ndakakanda mutoro wangu pana Jehovha, uye akandibatsira. Ndava kuenda kubasa, asi tinoedza kuti tisava nezvinhu zvakawanda muupenyu sezvakataurwa naJesu pana Mateu 6:20-22. Uye chinotonyanya kukosha ndechekuti izvi zvakaita kuti tiwedzere kudanana uye kuda Mwari.”

Mumwewo anonzi Jonathan anoti, “Pakabhuroka bhizinesi rekumba kwedu, ndakatanga kunetseka kuti taizorarama sei. Upfumi hwenyika pahwakanga husina kugadzikana, zvose zvatainge tashandira kwemakore 20 zvakaparara. Takatanga kunetsana nemudzimai wangu nenyaya yemari. Kunyange kutenga nechikwereti kwakanga kusisaiti, nekuti taitya kurambirwa.

“Takabatsirwa neShoko raMwari nemudzimu wake mutsvene kuita zvisarudzo zvakanaka. Ndakadzidza kubvuma kuita chero basa rainge ramuka, uye takanga tisisatengi chese chese chatada. Tiri Zvapupu zvaJehovha, uye vatinonamata navo vakatibatsirawo. Vakaita kuti tisambozvitarisira pasi uye vakatibatsira zvinhu pazvainge zvanyanya kutiomera.”

IMBA PAINOPARARA

Raquel anoti, “Pandakasiyiwa nemurume wangu, ndakarwadziwa uye ndakaita hasha. Ndakanga ndisisina kana mufaro. Asi ndakaswedera pedyo naMwari, uye akandinyaradza. Pandainyengetera kwaari mazuva ose, zvaiita kuti mwoyo wangu ugadzikane. Zvinoita sekuti akarapa mwoyo wangu wainge wakuvara.

“Bhaibheri rakandibatsira kuti ndisaramba ndakatsamwa uye ndisachengeta chigumbu. Ndakabatsirwa nezvakataurwa naPauro pana VaRoma 12:21 paakati: ‘Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.’

“Pane nguva yekuona chimwe chinhu ‘secharasika.’ . . . Iye zvino ndatova nezvimwe zvinangwa muupenyu.”—Raquel

“Imwe shamwari yangu yakandibatsira kuona kuti ndinofanira kuenderera mberi neupenyu. Yakandiratidza Muparidzi 3:6 uye yakandiudza zvinyoronyoro kuti pane nguva yekuona chimwe chinhu ‘secharasika.’ Zvakanga zvisiri nyore kubvuma asi zvakatondibatsira. Iye zvino ndatova nezvimwe zvinangwa muupenyu.”

Elizabeth anotiwo, “Imba yako painoparara, unotoda kubatsirwa nevamwe. Zuva nezuva ndaibatsirwa nemumwe mukadzi wandaiwirirana naye. Aichema neni, aindinyaradza, uye akaita kuti ndione kuti ndichiriwo munhu. Ndinonyatsoona kuti Jehovha akamutuma kuti andibatsire kuti ndisanyanya kushushikana.”

PAUNENGE UCHIRWARA KANA KUTI WAKWEGURA

“Pandinopedza kunyengetera, ndinonyatsonzwa kuti Mwari ari kundipa simba.”—Luis

Luis, ambotaurwa munyaya yekutanga, ane chirwere chemwoyo, uye akatombopotsa afa kaviri kese. Ava kuita maawa 16 pazuva ari paoxygen. Anoti: “Ndinogara ndichinyengetera kuna Jehovha. Pandinopedza, ndinonyatsonzwa kuti ari kundipa simba. Munyengetero unondibatsira kutsungirira nekuti ndine kutenda uye ndinoziva kuti anondida.”

Vamwe mbuya vanonzi Petra, vane makore ekuma80 vanoti, “Ndinoda kuita zvakawanda asi handichakwanisi. Simba rangu riri kuramba richiita shoma uye ndava kutorarama nemapiritsi. Ndinowanzofunga nezvaJesu paakakumbira Baba vake kuti dai zvaiita, abvisirwe dambudziko raaizosangana naro. Asi Jehovha akamupa simba uye ndizvo zvaari kuitawo kwandiri. Munyengetero ndiwo unondibatsira mazuva ose uye unoita kuti ndinzwe zviri nani.”—Mateu 26:39.

Julian ava nemakore anoda kusvika 30 aine chirwere chemultiple sclerosis. Anoti, “Ndaimbova shefu asi iye zvino ndava kugara muwiricheya. Asi upenyu hwangu hune chinangwa nekuti ndinozvipira kubatsira vamwe. Kuva nerupo kunoita kuti usaramba uchifunga nhamo dzako, uye Jehovha anotibatsira patinenge tichitambudzika sekuvimbisa kwaanotiita. Sekutaura kwakaita muapostora Pauro, neniwo ndinoti: ‘Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.’”—VaFiripi 4:13.

PAUNOFIRWA

Antonio anoti, “Baba vangu vaitozvifambirawo zvavo vachibva vatsikwa nemota. Vakaita mazuva 5 vari pakoma, vachibva vazoshaya uye pakutanga ndakatadza kuzvibvuma. Asi hapana zvandaikwanisa kuita. Ndaizvishingisa pandaiva namhamha, asi ndaizochema ndava ndega. Ndaingoramba ndichizvibvunza kuti, ‘Asi sei zvakadai zvaitika?’

“Ndakaramba ndichikumbira Jehovha kuti andinyaradze uye andipe rugare. Ndakapedzisira ndava kunzwa zviri nani. Ndakayeuka kuti Bhaibheri rinoti “zviitiko zvisingafanoonekwi” zvinowira munhu wese. Sezvo Mwari asinganyepi, ndine chokwadi chekuti ndichazoonazve baba vangu pavachamutswa.”—Muparidzi 9:11; Johani 11:25; Tito 1:2.

“Kunyange zvazvo mwana wedu akafira mutsaona yendege, hatifi takakanganwa nguva dzataimbofara naye.”—Robert

Robert, ambotaurwa, anofungawo saizvozvo. Anoti: “Ini nemudzimai wangu tainyengetera kuna Jehovha, zvikaita kuti tive nerugare rwepfungwa rwunotaurwa pana VaFiripi 4:6, 7. Ndorwakatibatsira kutaura nevatori venhau nezvetariro yatiinayo yekuti vakafa vachamutswa. Kunyange zvazvo mwana wedu akafira mutsaona yendege, hatifi takakanganwa nguva dzataimbofara naye. Tinoedza kuisa pfungwa dzedu pakunakidzwa kwataiita pamwe chete.

“Vamwe vatinonamata navo pavakatiudza kuti vakationa tichinyatsotaura zvatinotenda takadzikama paTV, takavaudza kuti minyengetero yaipiwa nevamwe ndiyo yakatibatsira. Ndinonyatsoona kuti Jehovha ndiye aituma vanhu ava kuzotinyaradza.”

Sezvataurwa mumienzaniso iyi, Mwari anogona kunyaradza vanhu pasinei nekuti vane matambudziko akaita sei. Angakwanisawo here kukunyaradza? Ehe, uye hazvinei nekuti une dambudziko rakaita sei. * Wadii kunyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire? Ndiye “Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VaKorinde 1:3.

^ ndima 5 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

^ ndima 23 Kana uchida kubatsirwa kuswedera pedyo naMwari kuti akunyaradze, taura neZvapupu zvaJehovha kana kuti nyorera kuhofisi yavo iri pedyo newe.