Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinotii?

Bhaibheri Rinotii?

Chii chinonzi Umambo hwaMwari?

VAMWE VANOTI Umambo hwaMwari huri mumwoyo memunhu, vamwewo vanoti zviri kuitwa nevanhu kuti panyika pave nerugare ndizvo zvichaunza Umambo hwaMwari. Unotiwo kudii?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. . . . Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu [hwevanhu].” (Dhanieri 2:44) Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?

  •  Umambo hwaMwari hunotonga huri kudenga.​—Mateu 10:7; Ruka 10:9.

  •  Mwari anoshandisa Umambo hwake kuti kuda kwake kuitwe panyika nekudenga.​—Mateu 6:10.

Umambo hwaMwari huchauya riini?

UNGATI KUDII?

  •  Hapana anoziva

  •  Manje manje

  •  Hahusi kuzombouya

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mateu 24:14) Kana mashoko akanaka anyatsoparidzwa, Umambo hunobva hwauya, hwobvisa zvinhu zvakaipa zviri kuitika.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?

  •  Hapana anonyatsoziva kuti Umambo hwaMwari huchauya riini.​—Mateu 24:36.

  •  Uprofita huri muBhaibheri hunoratidza kuti Umambo hwava pedyo kuuya.​—Mateu 24:3, 7, 12.