Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidza Rudo Paunenge Uchiedza Kuyanana Nevamwe

Ratidza Rudo Paunenge Uchiedza Kuyanana Nevamwe

Muchengete rugare pakati penyu.”​MAKO 9:50.

NZIYO: 39, 77

1, 2. Inyaya dzipi dzekusawirirana kwevanhu dzinotaurwa muna Genesisi, uye dzakanyorerwei?

WAKAMBOFUNGA here nezvenyaya dzekusawirirana kwevanhu dzinotaurwa muBhaibheri? Chimbofunga zvinotaurwa muzvitsauko zviri kwekutanga muna Genesisi. Kaini akauraya Abheri (Gen. 4:3-8); Rameki akauraya mukomana akanga amurova (Gen. 4:23); vafudzi vaAbrahamu (Abramu) vakanetsana nevaRoti (Gen. 13:5-7); Hagari akashora Sara (Sarai), uye Sara akabva atsamwira Abrahamu (Gen. 16:3-6); Ishmaeri airwisana nevanhu vese uye vanhu vese vairwisana naye.​—Gen. 16:12.

2 Nei Bhaibheri richitaura nezvenyaya idzi dzekusawirirana kwevanhu? Chimwe chikonzero ndechekuti dzinobatsira vanhu vane chivi kudzidza kuti nei vachifanira kuva nerugare. Uye dzinotibatsirawo kuona kuti tingava sei nerugare nevamwe. Tinobatsirwa nekuverenga nyaya idzi dzemuBhaibheri dzevanhu vakasanganawo nematambudziko atinogona kusangana nawo. Tinodzidza kuti zvavakaita kuti vave nerugare zvakavabatsira sei uye kuti isu tingavatevedzera sei muupenyu hwedu. Saka zvese izvi zvinotibatsira kuona kuti ndezvipi zvatinofanira kuita uye zvatisingafaniri kuita kana tatadza kuwirirana nevamwe.​—VaR. 15:4.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Nyaya ino ichataura kuti nei vashumiri vaJehovha vachifanira kuyanana kana vatadzirana uye kuti zvii zvavangaita kuti vabudirire pakuita izvozvo. Uyewo, ichataurawo pfungwa dziri muMagwaro dzinovabatsira kuti vave nerugare kana vasiri kuwirirana uye kuti vave neukama hwakanaka nevavakidzani vavo uye naJehovha Mwari.

NEI VASHUMIRI VAMWARI VACHIFANIRA KUYANANA KANA VATADZIRANA?

4. Mafungiro api akapararira munyika, uye zviri kuguma nei?

4 Satani ndiye honzeri yekuvengana uye kupesana kwevanhu. MuEdheni, Satani akati munhu anogona kusarudza ega zvakanaka nezvakaipa, uye anofanira kuita izvozvo asingatungamirirwi naMwari. (Gen. 3:1-5) Mafungiro akadaro ari kunyatsooneka kana tikatarisa zviri kuitika munyika. Munyika makazara nevanhu vanoda kuzvimiririra uye izvozvo zviri kuita kuti vapedzisire vava kudada, kuzvikudza, uye kuita makwikwi. Munhu anotevedzera mafungiro aya anenge achitotsigira zvakataurwa naSatani kuti munhu anogona kuita zvaanoda kunyange zvichikuvadza vamwe vanhu. Kuita izvozvo kunokonzera kunetsana. Uye tinofanira kuyeuka kuti “munhu asingatani kutsamwa anomutsa kukakavara, uye munhu anoda hasha anodarika kazhinji.”—Zvir. 29:22.

5. Jesu akadzidzisa sei vanhu kuti vagadzirise kusawirirana?

5 Zvakadzidziswa naJesu zvakanga zvakasiyana nezvakataurwa naSatani. Jesu akadzidzisa vanhu kuti vatsvake rugare, kunyange kana vachiona sekuti hazvisi nyore kuti vadaro. MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akataura mazano akanaka chaizvo anobatsira kana vanhu vasiri kuwirirana kana kuti pakamuka nyaya inogona kuita kuti vanetsane. Somuenzaniso, akakurudzira vadzidzi vake kuti vave vanyoro, vaite kuti pave nerugare, vasava vanhu vane hasha, vakurumidze kuyanana nevamwe, uye kuti vade vavengi vavo.—Mat. 5:5, 9, 22, 25, 44.

6, 7. (a) Nei zvichikosha kuti tikurumidze kukanganwira vamwe? (b) Vashumiri vose vaJehovha vanofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi?

6 Zvese zvatinoita pakushumira Mwari, kungava kunyengetera, kupinda misangano, kuenda muushumiri, kana zvimwewo, hazvina zvazvinobatsira kana tisingadi kuva nerugare nevamwe. (Mako 11:25) Kana tisingakanganwiri vanotitadzira hatigoni kuva shamwari dzaMwari.—Verenga Ruka 11:4; VaEfeso 4:32.

7 MuKristu mumwe nemumwe anofanira kunyatsofungisisa ozviongorora kuti anoregerera vamwe here uye kuti anoda here kuva nerugare nevamwe. Unoregerera nemwoyo wose vaunonamata navo here? Unonzwa wakasununguka here kuwadzana navo kunyange zvazvo wakambogumburwa navo? Jehovha anotarisira kuti vashumiri vake varegererane. Kana hana yako ichikuudza kuti une zvauri kufanira kugadzirisa panyaya iyi, nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire. Baba vedu vekudenga vachanzwa minyengetero iyoyo uye vachakupindura.—1 Joh. 5:14, 15.

UNOGONA KUNGOSIYA NYAYA YACHO HERE?

8, 9. Tingaita sei kana mumwe munhu akatigumbura?

8 Vanhu vese vakaberekwa vaine chivi, saka zvichatoitika kuti mumwe munhu ataure kana kuita chimwe chinhu chichakugumbura. Hatigoni kuzvidzivisa. (Mup. 7:20; Mat. 18:7) Kana izvozvo zvikaitika uchaita sei? Chimbofunga zvakaitika: Rimwe zuva zvimwe Zvapupu pazvainge zvakaungana zvichitandara, dzimwe hama mbiri dzakakwaziswa neimwe hanzvadzi uye imwe hama yacho haina kufarira makwazisiro acho. Hanzvadzi yacho payakaenda, hama iya yakanga isina kufara yakatanga kugunun’una pamusoro pezvakanga zvataurwa nehanzvadzi iyi. Asi imwe hama yacho yakayeuchidza uya akanga agumbuka kuti hanzvadzi iyi yakanga yava nemakore 40 ichishumira Jehovha yakavimbika mumamiriro ezvinhu akaoma. Saka hama iyi yaiva nechokwadi chekuti hanzvadzi yacho yakanga isina chinangwa chekuvagumbura. Pashure pekufungisisa mashoko acho, uya akanga agumbuka akabva ati kune mumwe wake, “Uri kutaura chokwadi.” Saka nyaya yacho yakabva yangoperawo.

9 Izvi zvinotidzidzisei? Tinodzidza kuti zviri kumunhu mumwe nemumwe kuti asarudze zvaachaita kana pakaitika zvinhu zvinogona kuita kuti asawirirana nevamwe. Munhu ane rudo anofukidza tunhu tudiki tunokanganiswa nevamwe. (Verenga Zvirevo 10:12; 1 Petro 4:8.) Jehovha anoziva kuti ‘zvakatinakira’ kuti ‘tiregerere kudarika.’ (Zvir. 19:11; Mup. 7:9) Saka kana ukaona sekuti mumwe munhu akubata zvisina kunaka unofanira kutanga wazvibvunza kuti: ‘Handigoni here kungosiyana nenyaya yacho? Ndinofanira kutoiita nyaya hombe here?’

10. (a) Imwe hanzvadzi yakaita sei vanhu pavakataura zvakaipa nezvayo? (b) Ipfungwa ipi yomuMagwaro yakabatsira hanzvadzi iyi kuti isaramba ichinetseka?

10 Zvinogona kukuomera kuti ungonyarara kana vamwe vanhu vachishora zvaunoita. Chimbofunga zvakaitika kune mumwe piyona watichati Lucy. Vanhu vaitaura zvakaipa pamusoro peushumiri hwake uye mashandisiro aanoita nguva yake. Lucy akarwadziwa nazvo, ndokuenda kunotaura nehama dzakasimba pakunamata. Anoti: “Mazano avakandipa omuMagwaro akandibatsira kuti ndisanyanye kufunga zvaitaurwa nevamwe uye kuti ndiise pfungwa pana Jehovha sezvo ari iye anokosha kupfuura vose.” Lucy akakurudzirwa nekuverenga Mateu 6:1-4. (Verenga.) Mavhesi aya akamuyeuchidza kuti aifanira kuva nechinangwa chekufadza Jehovha. Akataurawo kuti, “Kunyange kana vamwe vakataura zvinhu zvakaipa nezvebasa rangu, ndinongoramba ndichifara nekuti ndinoziva kuti ndiri kuedza kuita zvinhu zvose zvandinoziva kuti zvichaita kuti Jehovha andifarire.” Zvose izvi zvakaita kuti Lucy asaramba achifunga zvakaipa zvinotaurwa nevanhu.

PAUSINGAGONI KUNGOSIYA NYAYA YACHO

11, 12. (a) MuKristu anofanira kuita sei kana achifunga kuti imwe hama “ine chigumbu” naye? (b) Tinodzidzei pakugadzirisa kwakaita Abrahamu dambudziko rakanga ramuka? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

11 “Tose tinokanganisa kazhinji.” (Jak. 3:2) Ngatitii waona kuti imwe hama yakagumburwa nezvakataura kana kuti zvawakaita. Unofanira kuita sei? Jesu akati: “Kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve norugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako.” (Mat. 5:23, 24) Uchitevedzera zvakataurwa naJesu unofanira kutaura nehama yako. Chinangwa chako hachisi chekuratidza hama yako kuti naiyowo ine mhosva, asi ndechekubvuma zvawakakanganisa uye kuita kuti pave nerugare. Kuva nerugare nehama dzako ndiko kunokosha chaizvo.

12 Nyaya yemuBhaibheri inoratidza vamwe vashumiri vaMwari vakagadzirisa dambudziko raigona kuita kuti vasawirirane, ndeiya yambotaurwa nezvayo yaAbrahamu naRoti, mwana wemukoma wake. Varume ava vaiva nezvipfuwo uye vafudzi vavo vangangodaro vakapopotedzana pamusoro penyaya yemafuro. Abrahamu aiva nechido chekuti pave nerugare, saka akaita kuti Roti atange kusarudza kwaaizoda kunogara nemhuri yake. (Gen. 13:1, 2, 5-9) Uyu muenzaniso wakanaka chaizvo watinogona kutevedzera! Abrahamu akatsvaka rugare, kwete zvakangomunakira. Abrahamu akazotambura here nekuti akanga arega Roti achitanga kusarudza? Kwete. Roti achangobva kuenda, Jehovha akavimbisa Abrahamu makomborero akawanda chaizvo. (Gen. 13:14-17) Mwari haazobvumiri vashumiri vake kuti varambe vachirwadziwa nekuti vanenge vasarudza kutevedzera zvaanoda uye vachiratidza rudo pavanenge vachiedza kuyanana nevamwe. [1]

13. Mumwe mutariri akaita sei paakaudzwa mashoko anobaya, uye tinodzidzei?

13 Chimbofunga muenzaniso wemazuva ano. Imwe hama, iyo yakanga ichangobva kugadzwa kuva mutariri werimwe dhipatimendi repagungano yakafonera imwe hama ichiikumbira kuti vashande vese mudhipatimendi racho. Asi hama iyi yakanga yafonerwa yakataura mashoko anorwadza kumutariri uyu uye yakabva yakata foni. Yakanga yakatsamwira mumwe aimbova mutariri wedhipatimendi iri. Mutariri mutsva uyu haana kugumburwa nemashoko anobaya akataurwa nehama iyi asiwo akaona kuti haafaniri kungosiya nyaya yacho. Papera awa imwe chete, mutariri uyu akafonerazve hama iya, akataura kuti vakanga vasati vamboonana, uye akakumbira kuti vaonane vagadzirise pamwe chete zvakaita kuti vanetsane neaimbova mutariri wedhipatimendi racho. Papera vhiki, vaviri ava vakaonana paImba yoUmambo. Pashure pekunyengetera vakataura kweinenge awa uye hama iyi yakaudza mutariri uyu nyaya yayo. Mutariri uyu akanyatsoteerera zvese zvaitaurwa nehama iyi, ndokuiratidzawo pfungwa dzemuMagwaro dzinobatsira uye vakazoparadzana vava kuwirirana. Hama iya yakazozvipira pagungano uye inotenda mutariri uyu nekuti akataura nayo zvine unyoro nemutsa.

UNOFANIRA KUUDZA VAKURU HERE?

14, 15. (a) Zano riri pana Mateu 18:15-17 rinofanira kushandiswa papi? (b) Jesu akataura matanho api matatu, uye chinangwa chedu pakutora matanho aya chinofanira kuva chei?

14 Nyaya dzakawanda dzinokonzera kupesana pakati pevaKristu dzinogona kugadziriswa nevanenge vatadzirana vacho vasina havo kuudza vamwe uye izvozvo ndizvo zvavanofanira kuita. Zvisinei, Jesu akataura kuti pane dzimwe nyaya dzingada kuudzwa ungano. (Verenga Mateu 18:15-17.) Asi chii chinofanira kuitwa kana mutadzi wacho akaramba kuteerera hama yake, zvapupu uye ungano? Anofanira kubatwa “somunhu wemamwe marudzi uye somuteresi.” Mazuva ano tinoti munhu akadaro anofanira kudzingwa. Danho iri rinoratidza kuti ‘kutadza’ kwacho kwanga kusiri kuya kwekuti vanhu vanenge vanetsana pakanyaya kadiki diki. Asi ndekuya (1) kunogona kugadziriswa nevanhu vakanganisirana vari vega uyewo (2) kunenge kwakakura zvekuti munhu anodzingwa kana vasina kuwirirana. Zvivi zvakadaro zvinogona kusanganisira kubiridzira munhu kana kutaura zvakaipa nezvake zvekuti vamwe vanopedzisira vasisamuone zvakanaka. Matanho matatu akataurwa naJesu anongoshanda chete kana chivi chacho chichibatanidza zvinhu zviviri zvataurwa pamusoro apa. Kutadza kwacho kwaisasanganisira zvivi zvakaita seupombwe, ungochani, kutsauka pakutenda, kunamata zvidhori, kana kuti zvimwe zvivi zvakakura zvinotofanira kuiswa mumaoko evakuru veungano.

Zvingatoda kuti utaurirane nehama yako kanopfuura kamwe chete kuitira kuti uiwane (Ona ndima 15)

15 Jesu paakataura nezvezano iri chinangwa chake chaiva chekuti hama ibatsirwe zvine rudo. (Mat. 18:12-14) Chekutanga, munofanira kuedza kugadzirisa nyaya yacho muri mega. Zvingatoda kuti mutaurirane nemutadzi wacho kanopfuura kamwe chete. Kana zvaramba, taura nemunhu akukanganisira uine zvapupu zvinoziva nyaya yacho kana kuti uine vamwe vanhu vanogona kukubatsira kuona kana paine zvakaipa zvakaitwa. Kana vakakubatsira kugadzirisa nyaya yacho, unenge “wawana hama yako.” Nyaya inofanira kuzosvika kuvakuru kana mamboedza kakawanda kubatsira mutadzi wacho asi zvichiramba.

16. Chii chinoratidza kuti kutevedzera zano rakataurwa naJesu kunoshanda uye kunoratidza rudo?

16 Hazviwanzoitiki kuti pamuke nyaya dzinoita kuti vaKristu vatore matanho ose matatu ari pana Mateu 18:15-17. Izvi zvinokurudzira chaizvo nekuti vaKristu vari kukwanisa kugadzirisa nyaya dzacho vasati vasvika padanho rekuti mutadzi asingapfidzi anofanira kubviswa muungano. Kakawanda mutadzi anoona mhosva yake ogadzirisa. Munhu anenge atadzirwa angaona kuti haasisina hake chikonzero chekupa mutadzi wacho mhosva uye angasarudza kumuregerera. Mashoko aJesu anoratidza kuti ungano haifaniri kukurumidza kupindira kana paine vanhu vasiri kuwirirana. Vakuru vangazopindira kana matanho maviri okutanga atorwa uye kana paine uchapupu hwakasimba hunonyatsoratidza zvakaitika zvacho.

17. Tichawana makomborero api kana ‘tikatsvaka kuva nerugare’ nevamwe?

17 Kana nyika ino yakaipa ichiripo, vanhu vacharamba vaine chivi uye vachitadzirana. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana, anokwanisawo kudzora muviri wake wose.” (Jak. 3:2) Kuti tiyanane nehama dzedu, tinofanira ‘kunyatsotsvaka rugare, torutevera’ nemwoyo wose. (Pis. 34:14) Tikava vanhu vanoita kuti pave nerugare tichava neukama hwakanaka nevamwe vaKristu uye tichaita kuti muungano muve nekubatana. (Pis. 133:1-3) Kupfuura zvose tichava neukama hwepedyo naJehovha, “Mwari anopa rugare.” (VaR. 15:33) Makomborero iwayo anowanikwa nevaya vanoratidza rudo pavanenge vachiedza kuyanana nevamwe.

^ [1] (ndima 12) Vamwe vanhu vakakwanisa kuyanana nevamwe ndiJakobho naIsau (Gen. 27:41-45; 33:1-11); Josefa nevakoma vake (Gen. 45:1-15); uye Gidhiyoni nevaEfremu. (Vat. 8:1-3) Unogonawo kufunga nezvevamwe vanhu vakanyorwa muBhaibheri vakaitawo izvozvo.