Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Endai Munoita Kuti Vanhu Vemarudzi Ose Vave Vadzidzi”

“Endai Munoita Kuti Vanhu Vemarudzi Ose Vave Vadzidzi”

Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza . . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”​MAT. 28:19, 20.

NZIYO: 141, 97

1, 2. Mashoko aJesu ari pana Mateu 24:14 anoita kuti tive nemibvunzo ipi?

PASINEI nekuti vanhu vanobvumirana nezvatinodzidzisa here kana kuti vanopikisa, vakawanda vanobvuma kuti seboka, Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvinozivikanwa nebasa rekuparidza. Unogona kunge wakambosangana nevamwe vanhu muushumiri, vakakuudza kuti kunyange zvazvo vasingabvumirani nezvatinodzidzisa, vanotiremekedza nemhaka yebasa redu. Sezvatinoziva, Jesu akagara ataura kuti mashoko akanaka eUmambo aizoparidzwa munyika yose inogarwa. (Mat. 24:14) Asi tinoziva sei kuti basa ratiri kuita riri kuzadzisa uprofita hwaJesu? Tinenge tichizvikudza here kana tikafunga kuti tisu tiri kuita basa iroro?

2 Vanhu vezvitendero zvakawanda vanofunga kuti vari kuparidza Evhangeri kana kuti mashoko akanaka. Asi kazhinji vanongoperera pakupupura kuti Mwari akavabatsira sei muupenyu, pakuparidza muchechi, kana kuti kuita mapurogiramu anobudiswa paTV kana kuti paIndaneti. Vamwe vanoti vanoita mabasa ekuyamura kana kuti vanobatsira panyaya dzekurapwa kwevanhu uye kuvawanisa dzidzo. Izvi zvinoratidza here kuti vari kutevedzera murayiro wakapiwa naJesu kuvadzidzi vake?

3. Maererano naMateu 28:19, 20 zvinhu zvipi zvina zvinofanira kuitwa nevateveri vaJesu?

3 Vadzidzi vaJesu vaifanira kungogara here, vachimirira kuti vanhu vauye kwavari? Kwete! Pashure pekunge amutswa, Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza . . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mat. 28:19, 20) Mashoko aya anoratidza kuti pane zvinhu zvina zvinofanira kuitwa. Tinofanira kuita vadzidzi, kuvabhabhatidza, uye kuvadzidzisa. Asi ndechipi chekutanga chatinofanira kuita? Jesu akati: “Endai”! Achitaura nezvemurayiro uyu, mumwe muongorori weBhaibheri akati: “Mutendi mumwe nemumwe anofanira ‘kuenda,’ kungava mhiri kwemugwagwa kana kuti mhiri kwemakungwa.”—Mat. 10:7; Ruka 10:3.

4. Basa rekuva “vabati vevanhu” rinosanganisirei?

4 Jesu aitaura kuti vateveri vake vaizoita mazvake mazvake here pabasa iri, kana kuti aireva kuti mashoko akanaka aizoparidzwa zvakarongeka? Sezvo munhu mumwe chete akanga asingazokwanisi kuparidza ‘kumarudzi ose,’ basa iri raifanira kuitwa nevanhu vakawanda vachishanda pamwe chete. Jesu akaratidza kuti izvozvo ndizvo zvaifanira kuitwa paakati vadzidzi vake vaizova “vabati vevanhu.” (Verenga Mateu 4:18-22.) Kubata hove kwaitaurwa naJesu pano kwakanga kusiri kuya kwekuti munhu anenge akagara hake akabata chirauro achimirira kuti hove idyire. Asi aitaura nezvekushandisa mambure okubatisa hove. Iri raiva basa raitoda kushanda nesimba uye dzimwe nguva raifanira kuitwa nevanhu vakawanda vachishanda pamwe chete.—Ruka 5:1-11.

5. Mibvunzo ipi mina inofanira kupindurwa, uye mhinduro dzacho dzinotibatsira sei?

5 Kuti tizive kuti ndivanaani vari kuparidza mashoko akanaka mazuva ano vachizadzisa uprofita hwaJesu, tinofanira kupindura mibvunzo mina inotevera:

  • Mashoko api anofanira kuparidzwa?

  • Chinangwa chedu ndechei patinoita basa rekuparidza?

  • Inzira dzipi dzinofanira kushandiswa pakuita basa iri?

  • Basa iri rinofanira kunge rakakura sei uye richiitwa kwenguva yakareba sei?

Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichatibatsira kuona kuti ndivanaani vari kuita basa iri rinoponesa vanhu, uye dzichaita kuti tive nechido chakasimba chekuramba takatendeka pakuita basa iri.—1 Tim. 4:16.

MASHOKO API ANOFANIRA KUPARIDZWA?

6. Chii chinoita kuti uve nechivimbo chekuti mashoko ari kuparidzwa neZvapupu zvaJehovha ndiwo anofanira kuparidzwa?

6 Verenga Ruka 4:43. Jesu akaparidza “mashoko akanaka oUmambo,” uye anotarisira kuti vadzidzi vake vaitewo saizvozvo. Iboka ripi revanhu riri kuparidza mashoko iwayo ‘kumarudzi ose’? Mhinduro yacho iri pachena. Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zviri kuparidza mashoko iwayo. Kunyange vamwe vanhu vanotishora vanobvumirana nazvo. Somuenzaniso, mumwe mupristi aiva mumishinari akamboudza chimwe Chapupu kuti akanga agara munyika dzakawanda uye kuti akanga abvunza Zvapupu zvemunyika idzodzo kuti zvaiparidza nezvei. Akapiwa mhinduro yekutii? Mupristi wacho akati: “Vose vakapusa nokuti vakapindura zvakafanana vachiti: ‘Mashoko akanaka eUmambo.’” Asi havana ‘kupusa.’ Mhinduro yavakapa yakaratidza kuti vari kuparidza shoko rimwe chete, sezvinofanira kuitwa nevaKristu vechokwadi. (1 VaK. 1:10) Uye mashoko avaitaura anoenderana neari muNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha. Magazini iyi inowanikwa mumitauro 254 uye mwedzi wega wega panoprindwa anoda kusvika 59 000 000. Hapana imwe magazini inoprindwa kusvika ipapo pasi rose.

7. Tinoziva sei kuti vafundisi vemachechi anozviti ndeechiKristu havasi kuparidza mashoko chaiwo anofanira kuparidzwa?

7 Vafundisi vemachechi anozviti ndeechiKristu havasi kuparidza nezveUmambo hwaMwari. Pavanotaura nezveUmambo, vakawanda vanoti huri mumwoyo memuKristu. (Ruka 17:21) Havabatsiri vanhu kuti vanzwisise kuti Umambo hwaMwari ihurumende yekudenga uye kuti Jesu Kristu ndiye Mutongi wayo. Uyewo havaudzi vanhu kuti Umambo uhwu ndihwo huchagadzirisa matambudziko ese evanhu, uye kuti nekukurumidza huchabvisa zvakaipa zvese zviri panyika. (Zvak. 19:11-21) Asi vanosarudza zvavo kuyeuka Jesu paKrisimasi uye paIsita. Zvinoita sekuti havatombozivi zvichaitwa naJesu seMutongi mutsva wenyika. Sezvo vasingazivi mashoko avanofanira kuparidza, zvingatishamisa here kuti havaziviwo chinofanira kuita kuti vanhu vaite basa iri?

CHINANGWA CHEDU NDECHEI PATINOITA BASA REKUPARIDZA?

8. Vamwe vari kuparidza nechinangwa chipi chisina kunaka?

8 Chinangwa chekuita basa rekuparidza ndechei? Chinangwa hachisi chekutsvaga mari uye kuvaka zvivako zvinoshamisira. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mat. 10:8) Shoko raMwari harifaniri kushandiswa kutsvaga mari. (2 VaK. 2:17) Vaya vanoparidza havafaniri kuita basa iri nechinangwa chekuzvipfumisa. (Verenga Mabasa 20:33-35.) Pasinei nemurayiro uyu wakajeka, machechi akawanda anongofunga kutora mari kuvanhu kana kuti kuita zvirongwa zvekuti awane mari. Vanofanira kubhadhara vafundisi, nevamwewo vashandi vakawanda. Kazhinji kacho, vatungamiriri vemachechi anozviti ndeechiKristu vanopedzisira vapfuma chaizvo.—Zvak. 17:4, 5.

9. Chii chinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoita basa rekuparidza nechinangwa chakanaka?

9 Zvapupu zvaJehovha zvinoita sei panyaya dzemari?Basa razvo rinotsigirwa nemari inopiwa nevanhu vanenge vazvisarudzira vega kupa. (2 VaK. 9:7) Hapana munhu anokumbirwa kuti abvise mari padzimba dzeUmambo kana kuti pavanoita magungano. Asi mugore rapera chete, Zvapupu zvaJehovha zvakaparidza mashoko akanaka kwemaawa anosvika mabhiriyoni 1,93 uye zvaiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinopfuura 9 000 000 mwedzi wega wega zvisingabhadharisi. Chinoshamisa ndechekuti havabhadharwi nekuda kwebasa ravanoita uye vanobhadhara vega zvinhu zvavanoshandisa. Achitaura nezvebasa rinoitwa neZvapupu zvaJehovha, mumwe murume anoita zvekutsvakurudza akati: “Chinangwa chavo chikuru ndechekuparidza uye kudzidzisa. . . . Havana vafundisi, uye izvi zvinoita kuti vasashandisa mari yakawanda.” Saka chii chinoita kuti tiite basa iri? Tinozvipira tega kuita basa iri nekuti tinoda Jehovha uye tinoda muvakidzani. Kuzvipira kwatinoita kunozadzisa uprofita huri pana Pisarema 110:3. (Verenga.)

INZIRA DZIPI DZINOFANIRA KUSHANDISWA?

Tinoparidza kwese kunowanikwa vanhu (Ona ndima 10)

10. Jesu nevadzidzi vake vaiparidza sei mashoko akanaka?

10 Jesu nevadzidzi vake vakashandisa nzira dzipi pakuparidza mashoko akanaka? Vaienda kunotsvaka vanhu kwese kwavaiwanikwa, mungava munzvimbo dzinowanikwa veruzhinji kana kuti mudzimba dzavo. Basa rekuparidza raisanganisira kutsvaka vakakodzera paimba neimba. (Mat. 10:11; Ruka 8:1; Mab. 5:42; 20:20) Nzira iyi yekuparidza zvakarongeka inoratidza kuti hapana aisarurwa.

11, 12. Zvinoitwa nemachechi anozviti ndeechiKristu pakuparidza mashoko akanaka, zvakasiyana papi nezvinoitwa nevanhu vaJehovha?

11 Ko machechi anozviti ndeechiKristu ari kutevedzera here zvaiitwa naJesu nevadzidzi vake? Kazhinji vanhu vemachechi iwayo vanosiyira basa rekuparidza kuvafundisi vavo nekuti ndivo vanobhadharwa. Pane kuti vave “vabati vevanhu,” vafundisi vemachechi anozviti ndeechiKristu vanoita sekuti vanongoda kuchengetedza vanhu vavainavo chete. Ndizvo hazvo kuti dzimwe nguva vafundisi vanogona kuedza kukurudzira vanhu vavo kuti vaite basa rehuevhangeri. Somuenzaniso, gore ra2001 richangotanga, Pope John Paul II akanyora tsamba achiti: “Kwemakore, ndaigara ndichiudza vanhu kuti vaite huevhangeri hutsva. Uye nanhasi ndichiri kuda kuti mudaro . . . Tinofanira kuva nechido chakasimba sechaiva naPauro, uyo akataura kuti: ‘Ndine nhamo kana ndikasaparidza Evhangeri.’” Pope John Paul II akazoenderera mberi achiti basa iri “harifaniri kusiyirwa vamwe vanhu vane ‘unyanzvi’ asi rinofanira kuitwa neVanhu vaMwari vese.” Asi vangani vakaita zvaakataura?

12 Zvakadini neZvapupu zvaJehovha? Ndizvo zvega zviri kuparidza kuti Jesu akatanga kutonga saMambo muna 1914. Sezvakarayirwa naJesu, Zvapupu zvinokoshesa chaizvo basa rekuparidza. (Mako 13:10) Bhuku rinonzi Pillars of Faith—American Congregations and Their Partners rinoti: “Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa basa rokuparidza kudarika zvimwe zvinhu zvose.” Achitorera pane zvakataurwa nechimwe Chapupu munyori webhuku racho akaenderera mberi achiti: “Vanoedza kubatsira vanhu vavanoona vaine nzara, vakasurukirwa, uye vane utano husina kunaka, . . . asi havambokanganwi kuti basa ravo guru nderokuudza vanhu mashoko eBhaibheri pamusoro pekuguma kwenyika kuri kuuya uye zvavanofanira kuita kuti vapone.” Zvapupu zvaJehovha zviri kuramba zvichiparidza mashoko iwayo, zvichishandisa nzira dzaishandiswa naJesu nevadzidzi vake.

BASA IRI RINOFANIRA KUNGE RAKAKURA SEI UYE RICHIITWA KWENGUVA YAKAREBA SEI?

13. Basa rekuparidza rinofanira kunge rakakura sei?

13 Jesu akatsanangura kuti basa rekuparidza mashoko akanaka raizoitwa “munyika yose inogarwa.” (Mat. 24:14) Vadzidzi vanofanira kubva kuvanhu “vemarudzi ose.” (Mat. 28:19, 20) Izvi zvinoratidza kuti basa iri rinofanira kuitwa munyika yose.

14, 15. Chii chinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kuzadzisa uprofita hwaJesu hwekuparidza munyika yose? (Ona mifananidzo iri panotangira nyaya ino.)

14 Ngatimboonai kuti Zvapupu zvaJehovha zvakazadzisa sei uprofita hwaJesu hwekuti basa rekuparidza raizoitwa munyika yose. MuUnited States mune vafundisi vemachechi akasiyana-siyana vanosvika 600 000, asi Zvapupu zvaJehovha zviri munyika iyi zvinopfuura 1 200 000. Pasi rose chechi yeRoma ine mapristi anoti pfuurei 400 000. Chifunga nezvenhamba yeZvapupu zviri kuita basa rekuparidza Umambo zvichishandisa Bhaibheri. Pasi rose, Zvapupu zvinopfuura mamiriyoni 8 zvinozvipira kuparidza munyika 240. Iri ibasa rinoshamisa chaizvo, rinoita kuti Jehovha arumbidzwe uye akudzwe!—Pis. 34:1; 51:15.

15 SeZvapupu zvaJehovha, tine chido chekuparidza mashoko akanaka kuvanhu vakawanda mugumo usati wasvika. Izvi zvinoita kuti tishandure uye tibudise mabhuku anotsanangura Bhaibheri akawanda kupfuura zvinoitwa nevamwe vose. Mamiriyoni emabhuku, magazini, maturakiti, uye mapepa ekukoka vanhu kugungano nekuChirangaridzo, zvese zviri kupiwa vanhu vasingabhadhariswi. Takabudisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvinobatsira kudzidza Bhaibheri mumitauro inopfuura 700. MaBhaibheri anopfuura mamiriyoni 200 eShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene akabudiswa mumitauro inopfuura 130. Gore rakapera, takaprinda mabhuku anotsanangura Bhaibheri anosvika mabhiriyoni 4,5. Nzvimbo yedu yepamutemo yepaIndaneti yava kuwanikwa mumitauro inopfuura 750. Pane here rimwe boka rechitendero riri kuita basa iri kusvika ipapo?

16. Chii chinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvine mudzimu waMwari?

16 Basa iri rakafanotaurwa raizoitwa kwenguva yakareba sei? Jesu akati basa iri remunyika yose raizoramba richiitwa mumazuva ekupedzisira, uye ‘zvadaro kuguma kwaizosvika.’ Nderipi rimwe boka rechitendero riri kuenderera mberi nekuparidza mashoko akanaka eUmambo mumazuva ano ekupedzisira, anokosha chaizvo munhoroondo yevanhu? Vamwe vatinosangana navo muushumiri vanogona kuti: “Imimi muri kuita basa rekuparidza, asi isu tine mudzimu mutsvene.” Asi kutsungirira kwatinoita tiri mubasa iri hakuratidzi here kuti tine mudzimu waMwari? (Mab. 1:8; 1 Pet. 4:14) Dzimwe nguva vanhu vezvimwe zvitendero vanomboedza kuita zvinogara zvichiitwa neZvapupu zvaJehovha asi kazhinji vanokundikana. Vamwe vanoita avanoti mabasa oumishinari kwenguva pfupi vobva vadzokera kune zvavagara vachiita. Vamwe vanogona kumboedza kuenda paimba neimba asi chii chavanenge vachiparidza? Mhinduro yemubvunzo uyu inonyatsoratidza kuti havasi kuita basa rakatangwa naKristu.

NDIVANAANI VARI KUPARIDZA MASHOKO AKANAKA MAZUVA ANO?

17, 18. (a) Chii chinoita kuti tive nechokwadi chekuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo zviri kuparidza mashoko akanaka eUmambo mazuva ano? (b) Chii chinoita kuti tikwanise kuramba tichiita basa iri?

17 Saka ndivanaani vari kuparidza mashoko akanaka eUmambo mazuva ano? Tinogona kutaura nechivimbo kuti: “Zvapupu zvaJehovha!” Asi chii chinoita kuti tive nechivimbo chakadaro? Nekuti tiri kuparidza mashoko anofanira kuparidzwa, mashoko akanaka eUmambo. Tinoenda kuvanhu, saka tisu tiri kushandisa nzira dzaishandiswa naJesu. Chinoita kuti tiite basa iri ndechokuti tinoda Jehovha uye muvakidzani. Hatiite basa iri kuti tizvipfumise. Uye basa redu riri kuitwa munyika yose, zvekuti vanhu vakawanda vanobva mumarudzi ose uye mitauro vari kubatsirwa. Uye ticharamba tichiita basa iri tisinganeti, gore negore, kusvikira mugumo wasvika.

18 Tinofara chaizvo nebasa guru riri kuitwa nevanhu vaMwari munguva ino iri kuitika zvinhu zvakawanda. Asi chii chiri kuita kuti tikwanise kuita basa rose iri? Muapostora Pauro anopindura mubvunzo uyu mutsamba yaakanyorera vaFiripi: “Mwari ndiye, ari kushanda mamuri kuti mude uye muite zvinomufadza.” (VaF. 2:13) Dai tose tikaramba tichibatsirwa nesimba raBaba vedu vane rudo sezvatinoita zvose zvatinogona kuti tiite ushumiri hwedu zvizere.—2 Tim. 4:5.