Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaKristu vanofanira kushandisa hana yavo yakadzidziswa neBhaibheri pane zvavanenge vachiita nevashandi vehurumende

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Chii chingabatsira vaKristu kuti vazive kana zvakakodzera kupa vashandi vehurumende zvipo kana kuti mari yekuvatenda?

Pane zvinhu zvinofanira kufungwa nezvazvo panyaya iyi. VaKristu vanofanira kuva vakatendeseka. Vanofanira kuteerera mitemo yehurumende painenge isingapesani nemitemo yaJehovha. (Mat. 22:21; VaR. 13:1, 2; VaH. 13:18) Vanoedzawo kuremekedza tsika nemaonero evanhu vekwavanogara uye vanoedzawo ‘kuda muvakidzani wavo sezvavanozviita.’ (Mat. 22:39; VaR. 12:17, 18; 1 VaT. 4:11, 12) Kushandisa pfungwa dziri muMagwaro aya kunogona kubatsira vaKristu vari munyika dzakasiyana-siyana pamaonero avanoita zvipo kana kuti mari yekutenda.

Munzvimbo dzakawanda, munhu haatarisirwi kupa vashandi vehurumende chimwe chinhu kuti awane chinhu chaaine kodzero yekuwana. Vashandi ivavo vanoita mabasa avo vachibhadharwa nehurumende, uye havakumbiri kana kutarisira kupiwa mari nevanhu, kuwedzera pane yavanotambira. Munyika dzakawanda, mutemo unoti kana vashandi vehurumende vaine basa ravanenge vaita, havafaniri kutambira chimwe chinhu chine ukoshi kana kuti kuita zvekukumbira, pasinei nekuti vaita basa racho zvichinyatsoenderana nemutemo. Kana vakatambira chipo chakadaro vanenge vachinzi vapiwa chiokomuhomwe, kunyange zvazvo vachizoita basa ravo zviri pamutemo. Saka zviri pachena kuti pakadaro muKristu haafaniri kupa vashandi vehurumende chipo kana kuti mari yekutenda.

Zvisinei, munyika dzisina mitemo yakadaro kana kuti maisinganyanyi kutevedzerwa, vashandi vehurumende havaoni sekuti pane chakaipa nekupiwa chipo kana kuti mari yekutenda. Mune dzimwe nyika, vashandi vehurumende vanoshandisa zvinzvimbo zvavo kuti vapiwe mari kana kuti vaitirwe zvimwe zvinhu nevanhu vavanofanira kubatsira, uye kana vasina kupiwa chipo, havaiti basa ravo. Saka vanhu vanochatisa, vanopa mapemiti ekuvaka, vanobhadharisa mari dzemitero nevamwewo vemuhurumende, vanotoda kutanga vapiwa mari kuti vaite basa ravo. Kana vakasapiwa mari yekutenda, vashandi vehurumende vangaita kuti zviome kuti munhu aitirwe zvinhu zvaaine kodzero yekuitirwa, kana kuti hapana chinotombofamba. Mune imwe nyika, zvinotonzi vanhu vanoita basa rekudzima moto havatangi kuudzima kusvikira vapiwa mari svinu.

Dzimwe nguva, zvinogona kunge zvakakodzera kupa munhu chipo chekutenda basa raanenge akuitira zviri pamutemo

Munzvimbo dzinonyanya kuitwa zvatichangobva kutaura, vamwe vanoona sekuti zvakaoma kuti urege kupa mari yekutenda. Mumamiriro ezvinhu akadaro, muKristu anogona kuona mari yacho semari yekuwedzera yaari kuchajwa kuti aitirwe basa zviri pamutemo. Asi munzvimbo dzinoitwa uori zvakanyanya, muKristu anofanira kungwarira kuti asatadza kuona muganhu wezvinobvumirwa naMwari nezvaasingabvumiri. Kupa munhu mari yekutenda kuti akupe zvinhu zvaunofanira kuwana zviri pamutemo kwakasiyana nekupa munhu mari kuti akuitire zvinhu asi achityora mutemo. Munharaunda dzakazara uori, vamwe vanhu vanobhadhara mushandi wehurumende kuti vaitirwe basa ravasina kukodzera kuitirwa, kana kuti vanopa mupurisa kana mumwe mushandi wemuhurumende mari kuti vasabvisiswa faindi yemhosva yavanenge vapara. Saka zviri pachena kuti hazvina kukodzera kuti tipe munhu chimwe chinhu kuti atiitire chinhu chisiri pamutemo, uyewo hazvina kukodzera kutambira chimwe chinhu kuti tiitire munhu zvinhu zvisiri pamutemo. Hwese hunongova uori.—Eks. 23:8; Dheut. 16:19; Zvir. 17:23.

Vachiteerera hana yavo yakadzidziswa neBhaibheri, vaKristu vakawanda vakasimba pakunamata havanzwi vakasununguka kubvisa mari yekutenda inenge ichidiwa nevashandi vehurumende. Vanoona sekuti kuita izvozvo kunotokurudzira uori. Saka havabvumi zvachose kupa chipo kana kuti mari yekutenda.

VaKristu vakasimba pakunamata vanoziva kuti kupa munhu mari kuti vaitirwe zvinhu zvisiri pamutemo chinotova chiokomuhomwe, asi pamwe pacho mamiriro ezvinhu ekwavanogara kana kuti manzwiro avo zvinogona kuvabvumira kupa munhu mari kuti avaitire basa zviri pamutemo kana kuti vasanonotswa pasina chikonzero. Vamwe vaKristu vanopa zvipo kuna vanachiremba navanamukoti, vachitenda kurapwa mahara kwavanenge vaitwa muchipatara cheveruzhinji. Vanonzwa vakasununguka kuita izvozvo kana vapedza kurapwa, kwete vasati, kuitira kuti pasava nepfungwa yekuti vari kupa munhu mari yechiokomuhomwe kana kuti yekukumbira kuti vabatwe zvakasiyana nevamwe varwere.

Hatikwanisi hedu kutaura zvese zvinogona kuitika munyika dzakasiyana-siyana. Pasinei nekuti zvinhu zvakamira sei kwavanogara, pavanosarudza zvavachaita, vaKristu vanofanira kuita zvinhu zvinovasiya vaine hana yakanaka. (VaR. 14:1-6) Havafaniri kuita zvinhu zvisiri pamutemo. (VaR. 13:1-7) Havafaniri kuita chero chinhu chinoita kuti zita raJehovha rizvidzwe kana kuti chinogumbura vamwe. (Mat. 6:9; 1 VaK. 10:32) Uye zvavanosarudza zvinofanira kuratidza kuti vanoda muvakidzani.—Mako 12:31.

Ungano inogona kuratidza sei kufara kwayo kana pakapiwa chiziviso chekuti mumwe munhu adzorerwa?

Muchitsauko 15 chebhuku raRuka, tinowana mufananidzo wakataurwa naJesu wemurume aiva nemakwai 100. Pakarasika gwai rimwe chete murume wacho akasiya 99 musango akaenda kunotsvaga rakanga rarasika “kusvikira ariwana.” Jesu akaenderera mberi achiti: “Zvino kana ariwana anoriisa pamapfudzi ake, ofara. Kana asvika kumba anoshevedza shamwari dzake nevavakidzani vake, achiti kwavari, ‘Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu ranga rarasika.’ ” Jesu akapedzisa achiti: “Saizvozvo ndinokuudzai kuti kuchava nomufaro mukuru kudenga pamusoro pomutadzi mumwe chete anopfidza kupfuura kufarirwa kunoitwa vakarurama makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe vasina chikonzero chokupfidza.”​—⁠Ruka 15:​4-7.

Ruka 15:​1-3 inoratidza kuti Jesu akataura mashoko aya kuti agadzirise mafungiro evanyori nevaFarisi, avo vaimutsoropodza kuti aiwadzana nevateresi nevatadzi. Jesu akati kudenga kunova nemufaro mutadzi paanopfidza. Izvi zvinoita kuti tive nemubvunzo wekuti: ‘Sezvo kudenga kuchiva nemufaro, panyika hapafaniriwo kuva nemufaro here kana mutadzi apfidza, atendeuka uye agadzirira tsoka dzake nzira dzakarurama?’​—⁠VaH. 12:⁠13

Kana mumwe munhu akadzorerwa muungano, tine chikonzero chakanaka chekufara. Munhu wacho achafanira kuramba akaperera kuna Mwari, asi aifanira kupfidza kuti adzorerwe uye tinofara kuti akapfidza. Saizvozvowo, hapana chakaipa kana vateereri vakaerekana vaombera maoko zvine mutsigo vakuru pavanozivisa kuti mumwe munhu adzorerwa.

Chii chingangodaro chaiita kuti mvura yedziva reBhetizata raiva muJerusarema ‘ibvongodzeke’?

Vamwe vanhu vaigara muJerusarema panguva yaJesu vaifunga kuti dziva reBhetizata raigona kuporesa vanhu mvura yaro payainge “yabvongodzwa.” (Joh. 5:​1-⁠7) Saka vanhu vaida kuporeswa vaiungana padziva racho.

Zvinonzi vaJudha vaienda kudziva reBhetizata kunogeza kuti vacheneswe maererano netsika dzavo. Mvura yacho payaidzikira, yaiwedzerwa neyaichengetwa mune rimwe dziva rainge rakabatana naro. Ongororo yakaitwa panzvimbo iyi yakaratidza kuti madziva maviri aya ainge akapatsanurwa nemudhuri. Mudhuri wacho waiva negedhi raigona kuvhurwa kuti mvura iyerere nekamukoto ichipinda nechemuzasi medziva raigezerwa. Zviri pachena kuti mvura yaipinda ichimhanya ndiyo yaiita kuti pamusoro pedziva racho pabvongodzeke.

Zvinokosha kuzivawo kuti Johani 5:​4, iyo yaiti ngirozi yaibvongodza mvura yacho, haiwaniki muzvinyorwa zvekare zvechiGiriki zvinokosheswa chaizvo, zvakadai seCodex Sinaiticus yakanyorwa kumakore ekuma300 C.E. Zvisinei, Jesu paaiva padziva reBhetizata, akaporesa murume akanga ava nemakore 38 achirwara. Murume wacho akaporeswa pakarepo asina kana kumbopinda mudziva racho.