Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyatsobatsirwa Nezvatinopiwa naJehovha

Nyatsobatsirwa Nezvatinopiwa naJehovha

Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe.”​ISA. 48:17.

NZIYO: 117, 114

1, 2. (a) Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei Bhaibheri? (b) Chikamu chipi chaunofarira muBhaibheri?

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinonyatsoda Bhaibheri. Rine mazano atinovimba nawo, rinotinyaradza uye rinoita kuti tive netariro. (VaR. 15:4) Hationi Bhaibheri sebhuku rakazara nepfungwa dzevanhu, asi tinoriona “sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.”​—1 VaT. 2:13.

2 Kazhinji tose tine zvikamu zveBhaibheri zvatinofarira. Vamwe vanofarira mabhuku eEvhangeri, ayo anotsanangura unhu hwakanaka chaizvo hwaJehovha, hunoratidzwa neMwanakomana wake. (Joh. 14:9) Vamwe vanofarira zvikamu zveBhaibheri zvine uprofita, zvakadai sebhuku raZvakazarurwa, iro rinoratidza “zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.” (Zvak. 1:1) Ndiani wedu asina kumbonyaradzwa neMapisarema kana kuti asina kumbowana zvidzidzo kubva mubhuku raZvirevo? Zvechokwadi Bhaibheri ibhuku rakanyorerwa vanhu vese.

3, 4. (a) Tinonzwa sei nezvemabhuku edu anobudiswa nesangano? (b) Ndezvipi zvimwe zvatinopiwa zvinobudiswa nesangano redu zvinenge zviine vanhu vazvakananga?

3 Kuda kwatinoita Bhaibheri kunoita kuti tidewo mabhuku edu nekuti anotaura zviri muShoko raMwari. Somuenzaniso, tinoda chaizvo zvekudya zvekunamata zvinenge zviri mumabhuku, mabhurocha, magazini nezvimwewo. Tinoziva kuti zvatinopiwa naJehovha izvi zvinotibatsira kuti tirambe takamuka pakunamata, tichinyatsowana zvekudya zvekunamata uye zvinoita kuti tive vanhu “vane kutenda” kwakasimba.—Tito 2:2.

4 Kuwedzera pamabhuku nezvimwewo zvinobudiswa kuti zvibatsire Zvapupu zvaJehovha zvese, kunewo zvimwe zvinobudiswa zviine vanhu vazvakanyanya kunanga. Somuenzaniso, panogona kubudiswa mabhuku kana kuti dzimwe nyaya dzinobatsira vechidiki uye dzimwe dzinobatsira vabereki vavo. Zvinhu zvakawanda zvinoprindwa uye zvinobudiswa pajw.org zvakaitirwa kuti zvibatsire vanhu vasiri Zvapupu. Zvekudya zvekunamata zvakawanda izvi zvinotiyeuchidza kuti Jehovha ari kuramba achizadzisa vimbiso yake yekuitira “marudzi ose mabiko ezvokudya zvine mafuta.”—Isa. 25:6.

5. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anokoshesa chii?

5 Vakawanda vedu tinogona kunge tichishuva kuti dai tiine nguva yakawanda yekuverenga Bhaibheri uye mabhuku edu. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anokoshesa zvatinoita kuti tinyatsoshandisa ‘nguva yedu zvakakodzera,’ patinogara tichiverenga Bhaibheri uye tichiridzidza tiri tega. (VaEf. 5:15, 16) Pamwe pacho tinogona kutora nguva yakati wandei tichiongorora zvimwe zvekudya zvekunamata zvatinowana kupfuura yatinotora pane zvimwe. Asi pane chimwe chinhu chatinofanira kungwarira. Chii ichocho?

6. Chii chinogona kutitadzisa kubatsirwa nezvimwe zvinhu zvatinopiwa naJehovha?

6 Kana tikasangwarira tinogona kutanga kufunga kuti zvimwe zvekudya zvekunamata zvatinopiwa hazvishandi kwatiri. Somuenzaniso, ko kana chimwe chikamu cheBhaibheri chichiita sekuti hachishandi kwatiri? Ko kana tisiri pavanhu vaifungwa nezvavo pakanyorwa rimwe bhuku? Tinoverenga zvinhu izvozvo tichingomhanya here kana kuti hatitombozviverengi zvachose? Kana tichidaro, tinenge tichizvinyima mashoko aigona kuzotibatsira chaizvo. Tingaitei kuti tisabatwa nemusungo uyu? Chinonyanya kukosha ndechekuti mumwe nemumwe wedu ayeuke kuti Mwari ndiye ari kutipa zvekudya zvekunamata izvozvo. Achishandisa muprofita Isaya, akati: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe.” (Isa. 48:17) Zvakanaka kuti tiongorore zvinhu zvitatu zvatingaita kuti tibatsirwe nezvikamu zvese zviri muBhaibheri uye tibatsirwe nezvekudya zvekunamata zvakasiyana-siyana zvatiinazvo.

ZVATINGAITA KUTI TIBATSIRWE NEKUVERENGA BHAIBHERI

7. Nei tichifanira kuverenga Bhaibheri tiine chido chekudzidza zvitsva?

7 Verenga uine chido chekudzidza zvinhu zvitsva. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira.” (2 Tim. 3:16) Zvimwe zvikamu zveBhaibheri pazvakanyorwa, zvainyorerwa munhu mumwe chete kana kuti boka revanhu. Ndokusaka tichifanira kuverenga Magwaro tiine chido chekuongorora zviri kutaurwa kuti tiwane zvidzidzo. Imwe hama yakati: “Pandinoverenga Bhaibheri, ndinoedza kuyeuka kuti nyaya imwe chete inogona kunge iine zvidzidzo zvakawanda. Kuyeuka izvi kunoita kuti ndide kutsvaga zvimwe zvidzidzo zvinenge zviri munyaya yacho kwete zviya chete zviri pachena.” Tisati tatanga kuverenga Shoko raMwari, zvakanaka kunyengetera kuti Jehovha atibatsire kuva nepfungwa dzinoda kudzidza zvimwe zvinhu uye kuti atipe uchenjeri kuti tikwanise kunzwisisa zvidzidzo zvaanoda kuti tiwane.—Ezra 7:10; verenga Jakobho 1:5.

Uri kunyatsobatsirwa nekuverenga kwaunoita Bhaibheri here? (Ona ndima 7)

8, 9. (a) Patinenge tichiverenga Bhaibheri, mibvunzo ipi yatingazvibvunza? (b) Zvinhu zvinodiwa kuti munhu akodzere kuva mukuru muungano zvinotiudzei nezvaJehovha?

8 Zvibvunze mibvunzo. Paunenge uchiverenga Bhaibheri, wana nguva yekumbomira wozvibvunza mibvunzo yakaita seiyi: ‘Izvi zvinondidzidzisei nezvaJehovha? Ndingashandisa sei zvandiri kuverenga izvi muupenyu hwangu? Ndingashandisa sei zvandiri kuverenga kuti ndibatsire vamwe?’ Kana tikafungisisa mibvunzo iyi, tichava nezvakawanda zvatinodzidza pakuverenga kwatinoita Bhaibheri. Somuenzaniso, funga zvinotaurwa neMagwaro kuti ndizvo zvinodiwa kuti munhu akodzere kuva mukuru wechiKristu. (Verenga 1 Timoti 3:2-7.) Sezvo vakawanda vedu tisingashumiri sevakuru, tinogona kufunga kuti zviri kutaurwa apa hazvishandi muupenyu hwedu. Asi kana tikafunga mhinduro dzatinogona kuva nadzo pamibvunzo inotevera tichaona kuti zvinotaurwa neMagwaro kuti ndizvo zvinodiwa kuti munhu akodzere kuva mukuru wechiKristu zvinogona kutibatsirawo munzira dzakasiyana-siyana.

9 Izvi zvinondidzidzisei nezvaJehovha? Zvinhu zvinotariswa kuti munhu akodzere kuva mukuru zvinoratidza kuti Jehovha anoda kuti vaya vanogadzwa vave vanhu vanoita zvinhu maererano nezvaanoda. Anotarisira kuti vaite zvakanaka kuti vamwe vavatevedzere uye vachazozvidavirira kwaari pamabatiro avanoita ungano “yaakatenga neropa roMwanakomana wake.” (Mab. 20:28) Jehovha anoda kuti tinzwe takachengeteka tiri mumaoko evafudzi vadiki vaakagadza. (Isa. 32:1, 2) Saka zvinotaurwa neMagwaro kuti ndizvo zvinodiwa kuti munhu akodzere kuva mukuru wechiKristu zvinotiyeuchidza kuti Jehovha anonyatsotida.

10, 11. (a) Patinenge tichiverenga zvinotaurwa muMagwaro kuti ndizvo zvinoita kuti munhu akodzere kuva mukuru, tingazvishandisa sei muupenyu hwedu? (b) Tingashandisa sei pfungwa idzodzo kuti tibatsire vamwe?

10 Ndingashandisa sei zvandiri kuverenga izvi muupenyu hwangu? Murume akagadzwa anofanira kupota achizviongorora kuti aone kuti zvaari kuita zviri kuenderana here nezvinotarisirwa varume vakagadzwa, achitsvaka paanofanira kuvandudza. Hama iri ‘kutsvaka kuva mutariri’ inofanira kunyatsoongorora zvinonzi neMagwaro ndizvo zvinoita kuti ikodzere kuva mutariri, nekuti inofanira kuedza nepainogona napo kuti iite izvozvo. (1 Tim. 3:1) Asi muKristu mumwe nemumwe anogona kudzidzawo kubva pazvinhu zvinotaurwa mundima idzi nekuti zvakawanda zvacho zvinotarisirwa kuti zviitwe nevaKristu vese. Somuenzaniso, tese tinofanira kuva vanhu vanonzwisisa uye vane pfungwa dzakanaka. (VaF. 4:5; 1 Pet. 4:7) Vakuru pavanoratidza kuti ivo “mienzaniso kuboka,” tinogona kudzidza kwavari uye ‘kutevedzera kutenda kwavo.’—1 Pet. 5:3; VaH. 13:7.

11 Ndingashandisa sei zvandiri kuverenga kuti ndibatsire vamwe? Tinogona kushandisa zvinotariswa kuti muKristu akodzere kuva mutariri pakubatsira vatinodzidza navo Bhaibheri kana vanofarira kuti vaone kuti vakuru vari musangano reZvapupu zvaJehovha vakasiyana sei nevafundisi vemumachechi anozviti ndeechiKristu. Uyewo, tinogona kubva tafunga kushanda nesimba kuri kuita vakuru vemuungano yedu kuti zvitifambire zvakanaka. Kana tikafunga kuzvipira kwavanoita tinobva tawedzera kuremekedza “vaya vari kushanda nesimba” pakati pedu. (1 VaT. 5:12) Uyewo kuremekedza kwatinoita vatariri ava vanoshanda nesimba kunobva kwaitawo kuti vawedzere kufara.—VaH. 13:17.

12, 13. (a) Tichishandisa zvatinopiwa nesangano, tinogona kutsvakurudza zvinhu zvakaita sezvipi? (b) Taura muenzaniso unoratidza kuti kuongorora zvaiitika pakanyorwa chimwe chikamu cheBhaibheri kunogona kutibatsira kuwana zvidzidzo zvinenge zvisiri pachena.

12 Tsvakurudza. Tichishandisa zvatinopiwa nesangano, tinogona kutsvakurudza zvinhu zvakaita seizvi:

  • Ndiani akanyora chikamu ichi cheMagwaro?

  • Chikamu chacho chakanyorerwa kupi uye riini?

  • Zvii zvinokosha zvaiitika pakanyorwa rimwe bhuku reBhaibheri?

Kuziva zvese izvi kunogona kutibatsira kuti tiwane zvidzidzo zvisiri nyore kuona.

13 Somuenzaniso, funga zviri pana Ezekieri 14:13, 14, patinoverenga kuti: “Kana nyika ikanditadzira nokuita kwayo zvisina kutendeka, ini ndichaitambanudzirawo ruoko rwangu, ndoityorera tsvimbo dzinoiswa zvingwa zvakaita serin’i, uye ndichaitumira nzara, ndoparadza vanhu nezvipfuwo zviri mairi. ‘Kudai varume vatatu ava, Noa, Dhanieri naJobho vaiva mairi, vaizonunura mweya yavo nokuda kwokururama kwavo,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.” Kana tikatsvakurudza, tinodzidza kuti chikamu ichi chaEzekieri chakanyorwa munenge mugore ra612 B.C.E. Panguva iyoyo, Noa naJobho vakanga vava nemazana emakore vafa uye Mwari akanga achiri kuyeuka kutendeka kwavo. Asi Dhanieri akanga achiri mupenyu. Jehovha paakati akanga akarurama sezvakanga zvakaita Noa naJobho, zvimwe Dhanieri wacho akanga ava pedyo nekusvitsa makore 20 kana kuti achangoti pfuurei. Tinodzidzei? Tinodzidza kuti Jehovha anoona uye anokoshesa vashumiri vake vose vakatendeka kusanganisira vaya vanenge vachiri vadiki.—Pis. 148:12-14.

BATSIRWA NEZVINYORWA ZVAKASIYANA-SIYANA

14. Zvinhu zvakabudisirwa vechiduku zvinovabatsira sei, uye vamwe vangabatsirwawo sei nazvo? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

14 Sekubatsirwa kwatinoitwa nekudzidza zvese zviri muShoko raMwari, tinobatsirwawo nezvekudya zvekunamata zvese zvatinowana. Ngatimboongorora zvimwe zvacho. Zvevechidiki. Mumakore achangobva kupfuura takabudisa zvinhu zvakawanda zvevechidiki. [1] Zvimwe zvacho zvinoitirwa kuvabatsira kuti vakurire miedzo kuchikoro kana kuti matambudziko avanosangana nawo pakuyaruka. Tose tingabatsirwa sei nekuverenga nyaya dzakadaro? Patinodziverenga, tinoyeuchidzwa nezvezvinhu zviri kusangana nevechidiki vakatendeka. Izvi zvinoita kuti tikwanise kuvabatsira uye kuvakurudzira.

15. Nei zvakanaka kuti vaKristu vakura vafarire kuverenga nyaya dzakanyorerwa vechiduku?

15 Matambudziko akawanda anotaurwa nezvawo munyaya dzinobudisirwa vechidiki haasangani nevechidiki chete. Tose zvedu tinofanira kutsigira zvatinotenda, kuzvidzora, kuramba kuita zvakaipa zvinoitwa nevezera redu, kuramba kushamwaridzana nevanhu vanoita zvakaipa uye kusavaraidzwa nezvinhu zvakaipa. Nyaya idzi nedzimwe dzakawanda dzinowanikawo muzvinyorwa zvevachiri kuyaruka. VaKristu vakura vanofanira kunzwa sekuti vari kuitwa sevana here kana vakanzi vaverenge mabhuku akanyorerwa vechidiki? Kwete! Kunyange zvazvo nyaya dzacho dzakanyorwa nenzira inofadza vechidiki, mashoko acho anobva muchokwadi chisingachinji cheBhaibheri, uye tese zvedu tinogona kubatsirwa nezvinhu izvi zvinobva kuna Jehovha.

16. Mabhuku edu anobatsirawo vechidiki kuti vaitei?

16 Mabhuku edu haagumiri pakubatsira vechidiki kuti vakunde matambudziko, asi anovabatsirawo kuti vakure pakunamata uye vaswedere pedyo naJehovha. (Verenga Muparidzi 12:1, 13.) Kunyange vaKristu vakura vanobatsirwawo. Somuenzaniso, Mukai! yaJuly 2009 yaiva nenyaya inoti, “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndingaita Sei Kuti Ndinakidzwe Nokuverenga Bhaibheri?” Nyaya yacho yakapa mazano akati kuti uye yaiva nebhokisi raigona kuchekwa rochengetwa kuti rishandiswe pakuverenga Bhaibheri. Vanhu vakuru vakabatsirwawo here nenyaya yacho? “Kuverenga Bhaibheri kwaindiomera,” vakadaro vamwe amai. “Ndakafarira mazano ari munyaya iyi, uye ndiri kushandisa bhokisi randakacheka raivamo. Iye zvino ndava kunakidzwa nekuverenga Bhaibheri. Ndinonyatsoona kuti mabhuku eBhaibheri anopindirana seshinda dzinobudisa chirukwa chakanaka. Handisati ndambonakidzwa zvakadai nekuverenga Bhaibheri.”

17, 18. Tingabatsirwa sei nekuverenga zvinhu zvakanyorerwa veruzhinji? Taura muenzaniso.

17 Zvinhu zvinonyorerwa veruzhinji. Kubva muna 2008 tange tiine magazini yeNharireyomurindi yokudzidza, iyo yakanyanya kuitirwa Zvapupu zvaJehovha. Ko magazini edu anonyorerwa veruzhinji? Tingabatsirwawo here nekuaverenga? Chimbofunga muenzaniso uyu: Fungidzira kuti mumwe musi, hurukuro yavose isati yatanga unoona mumwe munhu wawakakoka auya kuImba yoUmambo. Zviri pachena kuti unofara. Mukurukuri paanenge achipa hurukuro yake, unenge uchifunga nezvemunhu uyu wawakakoka. Unotanga kufunga kuti zvaari kunzwa zvinogona kumubatsira sei. Saka panopera hurukuro yacho unobva wawedzera kunzwisisa nyaya yanga ichitaurwa.

18 Tinogona kunzwawo saizvozvo patinoverenga mabhuku anonyorerwa veruzhinji. Semuenzaniso, muNharireyomurindi yevoruzhinji munenge muine nyaya dzemuBhaibheri dzakanyorwa zvekuti vanhu vasiri Zvapupu vanokwanisa kudzinzwisisa. Manyorerwo iwayo ndiwo anoitwawo nyaya dzakawanda dzinobudiswa pajw.org, dzakadai sedziya dziri muzvikamu zvakanzi “Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa” uye “Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa.” Patinoverenga zvese izvi, tinowedzera kukoshesa chokwadi chatagara tichiziva. Uye tinogona kutodzidzawo dzimwe nzira dzekuzotsanangura nadzo zvatinotenda patinenge tava muushumiri. Ndizvo zvimwe chetewo neMukai! iyo inogara ichisimbisa kutenda kwatinoita kuti Mwari ariko. Inotibatsirawo kudzidza kuti tingadzivirira sei zvatinotenda.—Verenga 1 Petro 3:15.

19. Tingaratidza sei kuti tinoonga Jehovha pamusana pezvaanotipa?

19 Zviri pachena kuti Jehovha ari kutipa zvinhu zvakawanda kuti tirambe takasimba pakunamata. (Mat. 5:3) Ngatirambei tichishandisa zvinhu zvese zvatiinazvo zvaanotipa. Kana tikadaro tinenge tichiratidza kuti tinotenda Jehovha uyo anotidzidzisa kuti tibatsirwe.—Isa. 48:17.

^ [1] (ndima 14) Zvinhu zvakadaro zvinosanganisira Mibvunzo Inobvunza Vechiduku​—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1 ne2, uye nyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti,” dzava kubuda paIndaneti chete.