Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Richiri Kuchinja Upenyu Hwako Here?

Bhaibheri Richiri Kuchinja Upenyu Hwako Here?

Shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu.”VAR. 12:2.

NZIYO: 61, 52

1-3. (a) Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinogona kutiomera kuchinja kunyange tatobhabhatidzwa? (b) Kana zviri kutiomera kurega tumwe tutsika mibvunzo ipi yatingava nayo? (Ona mifananidzo iri panotangira nyaya ino.)

KEVIN [1] paaidzidza Bhaibheri, hapana chimwe chaaida kunze kwekuva neukama hwepedyo naJehovha. Asi asati atanga kudzidza, akapedza makore akawanda achiita zvokubheja, kusvuta fodya, kudhakwa uye kushandisa madhiragi. Kuti afarirwe naMwari, Kevin aifanira kurega maitiro iwayo anorambidzwa neMagwaro. Kuvimba naJehovha uye kubvuma kushandurwa nesimba riri muShoko rake ndiko kwakamubatsira kuti achinje.—VaH. 4:12.

2 Kevin paakabhabhatidzwa akanga asisina here zvimwe zvinhu zvaaifanira kuchinja muupenyu hwake? Aiva nazvo. Aifanira kutoramba achishanda nesimba kuti avandudze unhu hwake semuKristu. (VaEf. 4:31, 32) Somuenzaniso, akaona kuti zvakanga zvisiri nyore kuti adzore hasha dzake. Akati, “Kudzora hasha dzangu kwaindiomera kupfuura kurega zvakaipa zvandaiita kare!” Kunyengetera nemwoyo wose uye kushingaira kudzidza Bhaibheri ndiko kwakabatsira Kevin kuti achinje unhu hwake.

3 Kungofanana naKevin, vakawanda vedu takachinja chaizvo upenyu hwedu tisati tabhabhatidzwa kuti huenderane nezvinodzidziswa neBhaibheri. Patakabhabhatidzwa, takatanga kuona zvimwewo zvinhu zvataifanira kuchinja muupenyu hwedu, kunyange zviya zvisingakurumidzi kuonekwa nevamwe, kuitira kuti tinyatsotevedzera Mwari naKristu. (VaEf. 5:1, 2; 1 Pet. 2:21) Somuenzaniso, zvimwe takaona kuti tine katsika kekungoshora vamwe, kutya vanhu, kana kuti kuita makuhwa tichitaura zvakaipa pamusoro pevamwe. Zviri kutiomera here kusiya katsika kacho? Kana zvakaoma, zvimwe ungazvibvunza kuti, ‘Kana ndakambokwanisa kurega zvinhu zvikuru zvakatoipa, sei zviri kundiomera kurega tunhu tudiki? Zvii zvimwe zvandingaita kuti Bhaibheri rirambe richichinja upenyu hwangu?’

ONA ZVINHU SEZVAZVIRI

4. Nei dzimwe nguva tichitadza kufadza Jehovha?

4 Isu tava kuziva Jehovha uye tinoda nemwoyo wose kuita zvinomufadza. Asi pasinei nekuti tinomuda sei, chivi chatakaberekwa tiinacho chinotitadzisa kuti tigare tichifadza Mwari. Tinonzwa sezvaiita muapostora Pauro uyo akanyora kuti: “Simba rokuda ririmo mandiri, asi simba rokuita zvakanaka harimo.”VaR. 7:18; Jak. 3:2.

5. Zvinhu zvipi zvatakachinja tisati tabhabhatidzwa, asi zvii zvinogona kuramba zvichitinetsa?

5 Takarega mabasa akaipa aizotitadzisa kuva nhengo dzeungano yechiKristu. (1 VaK. 6:9, 10) Asi tichiri vanhu vane chivi. (VaK. 3:9, 10) Saka hatingatarisiri kuti kana tabhabhatidzwa, kana kuti pashure pemakore akawanda tiri muchokwadi, hatizokanganisi kana kumbodzokorora tumwe tunhu twataiita kana kunetseka nepfungwa dzisina kunaka. Zvinhu zvakadaro zvinogona kumboramba zvichiitika kwemakore.

6, 7. (a) Chii chinoita kuti tikwanise kuva shamwari dzaJehovha pasinei nekuti tine chivi? (b) Nei tisingafaniri kuzeza kukumbira Jehovha kuti atikanganwire?

6 Chivi chatakaberekwa tiinacho hachifaniri kutitadzisa kuva neushamwari naJehovha kana kuti kuramba tichimushumira. Funga izvi: Jehovha paakatisarudza kuti tive shamwari dzake, aiziva kuti dzimwe nguva tine zvimwe zvinhu zvataizokanganisa. (Joh. 6:44) Sezvo Mwari achiziva patinokanganisa uye achiziva zviri mumwoyo medu, ainyatsoziva kuti ndezvipi zvaizoramba zvichitinetsa kurega. Uye aiziva kuti taizokanganisa dzimwe nguva. Asi izvi hazvina kutadzisa Jehovha kuti atisarudze kuva shamwari dzake.

7 Rudo ndirwo rwakaita kuti Mwari atipe chipo chinokosha chaizvo. Akatuma mwanakomana wake waanoda kuti ape upenyu hwake sechibayiro chorudzikinuro. (Joh. 3:16) Kana tikapfidza, tokumbira Jehovha kuti atiregerere achishandisa chibayiro ichi chinokosha chaizvo, tinogona kuva nechivimbo chokuti ushamwari hwedu naye hunoramba hwakasimba. (VaR. 7:24, 25; 1 Joh. 2:1, 2) Tinofanira here kuzeza kutora matanho anoita kuti tibatsirwe nerudzikinuro nekuti tinonzwa sekuti hatina kuchena kana kuti tine chivi? Hatifaniri kumbodaro. Kana tikadaro tinenge tichiita sekuti tiri kuramba kugeza maoko edu nemvura asi iwo akasviba. Ngatiyeukei kuti rudzikinuro rwakavapo kuti rubatsire vatadzi vanenge vapfidza. Saka tinoonga chaizvo chipo ichi cherudzikinuro nekuti tava kukwanisa kuva neushamwari naJehovha kunyange zvazvo tiine chivi.—Verenga 1 Timoti 1:15.

8. Nei tichifanira kurwisa chido chekuita zvakaipa?

8 Hatizorambi hedu tichizvipembedza tichiita zvinhu zvisina kunaka. Kuti ushamwari hwedu naJehovha huwedzere kusimba, tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tinyatsotevedzera Mwari naKristu toita zvavanofarira. (Pis. 15:1-5) Tinofanirawo kudzora chido chekuita zvakaipa, kunyange kutochibvisa zvachose. Pasinei nekuti tichangobhabhatidzwa kana kuti tava nemakore tiri muchokwadi, tinofanira ‘kuramba tichiruramiswa.’—2 VaK. 13:11.

9. Tinoziva sei kuti tinokwanisa kuramba tichipfeka unhu hutsva?

9 Tinofanira kuramba tichishanda nesimba kuti ‘tiruramiswe,’ tova ‘neunhu hutsva.’ Pauro akayeuchidza vaainamata navo kuti: “Munofanira kubvisa unhu hwekare hunotsinhirana nowaimbova mufambiro wenyu uye hunoodzwa maererano nokuchiva kwahwo kunonyengera; asi kuti munofanira kuitwa vatsva musimba rinoita kuti pfungwa dzenyu dzishande, uye munofanira kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEf. 4:22-24) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “munofanira kuitwa vatsva” rinoratidza kuti kupfeka unhu hutsva chinhu chinoramba chichiitwa. Izvi zvinokurudzira chaizvo nekuti tinovimbiswa kuti pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tichishumira Jehovha, tinogona kuramba tichishanda nesimba kuti tive vaKristu vari nani, tova neunhu hutsva. Chokwadi Bhaibheri rinogona kuramba richichinja upenyu hwedu.

NEI ZVISIRI NYORE?

10. Tinofanira kuitei kuti tirambe tichichinja tichibatsirwa neShoko raMwari, uye mibvunzo ipi yatingabvunza?

10 Tinofanira kushanda nesimba kana tichida kuti Shoko raMwari rirambe richitichinja. Asi nei tichifanira kushanda nesimba? Kana Jehovha achikomborera zvatinoedza kuita, kufambira mberi kwedu pakunamata hakufaniri kuva nyore here? Jehovha haagoni here kutibvisira pfungwa dzisina kunaka dzatinombova nadzo obva aita kuti tive neunhu hwakanaka hwaanoda kuti tive nahwo asi tisina hedu kumbonyanya kushanda nesimba?

11-13. Nei Mwari achitarisira kuti tishande nesimba kuti tikunde chido chekuita zvakaipa?

11 Patinofunga magadzirirwo akaitwa matenga, tinonyatsoona kuti Jehovha ane simba guru. Somuenzaniso, akasika zuva, iro rine simba rinoshamisa. Pasekondi yega yega, zuva rinobudisa chiedza chakawanda chaizvo uye rinenge richipisa chaizvo. Asi kachikamu kadiki diki kechiedza uye kekupisa kwarinoita ndiko kanongodiwa panyika kuti zvinhu zvose zviripo zvirambe zviri zvipenyu. (Pis. 74:16; Isa. 40:26) Jehovha anopawo chikamu chesimba rake kuvashumiri vake vari panyika pavanenge vachirida. (Isa. 40:29) Saka kana achida hake, Mwari anogona kutipa simba rekuti tikunde zvido zvakaipa zvose tisingaiti zvekutamburira kana kuti tisingaiti zvekutanga tadzidza kubva pane zvatinenge takanganisa. Asi hazvisirizvo zvaanoita. Nei asingadaro?

12 Jehovha akatipa chipo chinoshamisa chaizvo chekukwanisa kusarudza zvatinoda. Patinosarudza kuita kuda kwaMwari uye patinoshanda nesimba kuti tiite kuda kwake, tinenge tichiratidza kuti tinoda Jehovha zvakadzama uye kuti tinoda kuita zvinomufadza. Tinenge tichiratidzawo kuti tinotsigira uchangamire hwake. Satani akashora kodzero yaJehovha yokuva changamire, saka kushanda nesimba uye kuzvipira kwatinoita kutsigira uchangamire hwaJehovha, kunoratidza kuti tinoonga chaizvo Baba vedu vokudenga vane mutsa. (Job. 2:3-5; Zvir. 27:11) Kana tikashanda nesimba kuti tikurire zvido zvakaipa zvatiinazvo kunyange zvazvo zvisiri nyore kuti tidaro, tinenge tichiratidza kuti takavimbika kuna Jehovha uye kuti tinotsigira uchangamire hwake.

13 Ndokusaka Jehovha achitiudza kuti ‘tishingaire nemwoyo wose’ kuti tive neunhu hwaanoda. (Verenga 2 Petro 1:5-7; VaK. 3:12) Anotarisira kuti tishande nesimba kuti tikwanise kudzora mafungiro edu uye manzwiro edu. (VaR. 8:5; 12:9) Saka kana tikadaro, tinonyatsonzwa kugutsikana patinoona kuti Bhaibheri richiri kuchinja upenyu hwedu.

ITA KUTI SHOKO RAMWARI RIRAMBE RICHIKUCHINJA

14, 15. Zvii zvatingaita kuti tive neunhu hunodiwa naJehovha? (Ona bhokisi rakanzi “ Bhaibheri Uye Kunyengetera Zvakachinja Upenyu Hwavo.”)

14 Tingaitei kuti tiwedzere kuva neunhu hunodiwa naJehovha uye kuti timufadze? Pane kungosarudza tega zvatinoda kuchinja, tine zvimwewo zvatinofanira kuita. Tinofanira kuramba tichishanda nesimba tichitevedzera mirayiro yaMwari, nekuti pana VaRoma 12:2 panoti: “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” Achishandisa Shoko rake uye mudzimu mutsvene, Jehovha anotibatsira kuti tizive uye tiite kuda kwake, tochinja upenyu hwedu kuti huenderane nezvaanoda. Tinofanirawo kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kufungisisa Magwaro atinenge taverenga uye kunyengetera tichikumbira mudzimu mutsvene. (Ruka 11:13; VaG. 5:22, 23) Patinobvuma kutungamirirwa nemudzimu waMwari, toita kuti mafungiro edu aenderane neaJehovha ari muShoko rake, zvatinofunga, zvatinotaura uye zvatinoita zvinowedzera kumufadza. Kunyange zvikadaro, tinofanira kuramba takangwarira kuti tisaita zvinhu zvisina kunaka zvinodiwa nemwoyo yedu.—Zvir. 4:23.

Zvakanakawo kuti uchengete uye kuti upote uchiverenga magwaro nedzimwe nyaya dzakambobuda dzinotaura kuti ungakunda sei maitiro asina kunaka anokunetsa (Ona ndima 15)

15 Kuwedzera pakuverenga Bhaibheri zuva nezuva, tinofanira kudzidza Shoko raMwari tichibatsirwa nemabhuku anobudiswa nesangano redu tiine chinangwa chokutevedzera unhu hunoshamisa huna Jehovha. Vamwe vakaona zvichibatsira kuti vachengete uye kuti vapote vachiverenga magwaro nedzimwe nyaya dzakabuda mumagazini eNharireyomurindi neMukai! kunyanya dziya dzinovabatsira kuti vave neunhu hwechiKristu kana kuti vakwanise kukunda chido chekuita zvakaipa.

16. Nei tisingafaniri kuora mwoyo kana tisiri kukwanisa kuchinja nekukurumidza?

16 Kana uchiita seuri kunonoka kufambira mberi, yeuka kuti zvinotora nguva. Kuvandudza unhu hwechiKristu kunoramba kuchiitwa. Sezvatinoedza kuita kuti Bhaibheri rirambe richichinja upenyu hwedu, tinofanira kuva nemwoyo murefu. Pakutanga tingatofanira kunyatsozvidzidzisa kuti tiite zvinonzi neMagwaro zvakanaka. Asi nekufamba kwenguva, kufunga uye kuita zvinhu maererano nezvinodiwa naMwari kunogona kuzova nyore nekuti mafungiro edu nemaitiro edu zvinenge zvichiwedzerawo kuenderana nezvinodiwa naJehovha Mwari.—Pis. 37:31; Zvir. 23:12; VaG. 5:16, 17.

RAMBA UCHIFUNGA MAKOMBORERO ARI MBERI

17. Kana takavimbika kuna Jehovha, tinotarisira kuwanei mune ramangwana?

17 Vashumiri vaJehovha vakavimbika vachawana ropafadzo yekumushumira nekusingaperi vasisina chivi. Panguva iyoyo kuratidza unhu hunodiwa naMwari kunenge kwava nyore, uye kunenge kwava kufadza nguva dzose. Asi kunyange iye zvino tiri kukwanisa kunamata Mwari wedu ane rudo nekuti akatipa chipo cherudzikinuro. Tinogona kumunamata kunyange tiine chivi, kana tikaramba tichishanda nesimba kuti Shoko rake ritichinje.

18, 19. Tingava sei nechokwadi chekuti Bhaibheri rine simba rekuramba richichinja upenyu hwedu?

18 Kevin, uyo ambotaurwa nezvake, akashanda nesimba kuti akwanise kudzora hasha dzake. Akafungisisa zvaaiverenga, akashandisa zvinotaurwa neBhaibheri, akabvuma mazano uye kubatsirwa kwaaiitwa nevamwe vaKristu. Pashure pemakore mashoma, Kevin akachinja zvinoshamisa chaizvo. Akazogadzwa kuva mushumiri anoshumira uye iye zvino ava nemakore 20 achishumira semukuru muungano. Kunyange zvakadaro, anonyatsoona kuti anofanira kuramba akangwarira kuti asadzokorora zvaaimboita.

19 Zvakaitika kuna Kevin zvinoratidza kuti Bhaibheri rinobatsira vanhu vaMwari kuti varambe vachichinja upenyu hwavo. Saka ngatisamboneta kubvumira Shoko raMwari kuti rirambe richitichinja uye richiita kuti tive neushamwari hwepedyo naJehovha. (Pis. 25:14) Patinoona Jehovha achikomborera zvatinoedza kuita, tinonyatsova nechokwadi chekuti Bhaibheri rinogona kuramba richichinja upenyu hwedu.—Pis. 34:8.

^ [1] (ndima 1) Zita rakachinjwa.