Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuonga Mutsa Usina Kukodzera Kuwanwa waMwari

Kuonga Mutsa Usina Kukodzera Kuwanwa waMwari

“Tose takagamuchira . . . mutsa usina kukodzera kuwanwa pamusoro pomumwe mutsa usina kukodzera kuwanwa.”JOH. 1:16.

NZIYO: 95, 13

1, 2. (a) Tsanangura mufananidzo waJesu wemuridzi wemunda wemizambiringa. (b) Nyaya yacho inobudisa sei pachena chinonzi rupo uye mutsa usina kukodzera kuwanwa?

MURIMI WEMAZAMBIRINGA akaenda kumusika mangwanani kuti anotsvaga vanhu vaizoshanda mumunda make. Varume vaakawana vakabvumirana nemari yaakati aizovapa. Kunyange zvakadaro, murimi wacho aida vamwe vashandi. Saka akaramba achidzokera kumusika zuva rose achitsvaga vamwe varume, uye aivavimbisa mari yakaenzana neye vekutanga kunyange zvazvo aivapa basa atova masikati chaiwo. Ava manheru, akaunganidza vashandi vese kuti avape mari dzavo, uye akavapa mari yakaenzana pasinei nekuti vakanga vashanda maawa akawanda kana kuti awa imwe chete. Vakanga vatanga kupiwa basa pavakazviona, vakanyunyuta. Murimi akavapindura kuti: ‘Hamuna kubvumirana nemari yandataura here? Handina kodzero yekupa vashandi vangu vese zvandinoda here? Kana kuti muri kuita shanje nekuti ndine rupo here?’—Mat. 20:1-15.

2 Mufananidzo waJesu unotiyeuchidza “mutsa usina kukodzera kuwanwa” waJehovha uyo unowanzotaurwa muBhaibheri. (Verenga 2 VaKorinde 6:1.) Vaya vakanga vashanda kweawa imwe chete vaiita sevasina kukodzera kuwana mari yakakwana, asi muridzi wemunda akavaratidza mutsa wakakura chaizvo. Achitaura nezveshoko rinoreva “mutsa usina kukodzera kuwanwa,” iro rinoshandurwa mune mamwe maBhaibheri akawanda richinzi “nyasha,” mumwe muongorori weBhaibheri akati: “Shoko iri rinongoreva chipo chepachena uye chisina kukodzera kuwanwa, kana kuti chinhu chinopiwa munhu asi asina kuchishandira.”

CHIPO CHIKURU CHAJEHOVHA

3, 4. Nei Jehovha akaratidza vanhu mutsa usina kukodzera kuwanwa, uye akauratidza sei?

3 Magwaro anotaura ‘nezvechipo chepachena chomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.’ (VaEf. 3:7) Nei Jehovha achipa ‘chipo ichi chepachena’ uye anochipa sei? Dai tainyatsogona kuita zvose zvinodiwa naJehovha, tingadai takakodzera kuwana mutsa wake. Asi hatizvigoni. Ndosaka Mambo Soromoni akanyora kuti: “Hapana munhu akarurama panyika anoramba achiita zvakanaka asingatadzi.” (Mup. 7:20) Muapostora Pauro akataurawo pfungwa iyoyo paakati: “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari,” uye “mubayiro wechivi ndirwo rufu.” (VaR. 3:23; 6:23a) Rufu ndirwo rwatakakodzera kuwana.

4 Zvisinei, Jehovha akaratidza rudo kuvanhu vane chivi kuburikidza nekuvaitira mutsa usina kukodzera kuwanwa wakakura chaizvo. Chipo chikuru kupfuura zvose chaakapa ‘ndechemwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga,’ uyo waakatuma panyika kuti azotifira. (Joh. 3:16) Pauro akanyora nezvaJesu kuti parizvino “akapfekedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuti iye akafa, kuti nomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari aravire rufu nokuda kwevanhu vose.” (VaH. 2:9) Saka “chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu ndihwo upenyu husingaperi.”—VaR. 6:23b.

5, 6. Chii chichaitika kana tikatongwa (a) nechivi? (b) nemutsa usina kukodzera kuwanwa?

5 Nei tiine chivi uye tichifa? Bhaibheri rinotaura kuti nemhaka yekutadza kwaAdhamu “rufu rwakava mambo” pavana vake. (VaR. 5:12, 14, 17) Zvisinei, tinofara kuti tinokwanisa kusarudza kuti tisatongwazve nechivi kana kuva pasi pacho. Kuburikidza nekuratidza kutenda muchibayiro cherudzikinuro chaKristu, tinozviisa pasi pekutonga kwemutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha. Sei? “Uko chivi chakawanda, mutsa usina kukodzera kuwanwa wakawandawo. Kuti zvidini? Kuti chivi norufu zvazvakava mambo, mutsa usina kukodzera kuwanwa uvewo mambo nokuda kwokururama kuti pave noupenyu husingaperi nokuna Jesu Kristu.”—VaR. 5:20, 21.

6 Kunyange zvazvo tichiramba tiri vatadzi, tinofanira kuramba kutongwa nechivi muupenyu hwedu. Kana tikakurirwa nechivi, tichakumbira Jehovha kuti atikanganwire. Pauro akanyevera vaKristu kuti: “Chivi hachifaniri kuva tenzi pamuri, zvamusiri pasi pomutemo asi pasi pomutsa usina kukodzera kuwanwa.” (VaR. 6:14) Saka tinotongwa nemutsa usina kukodzera kuwanwa. Zvinoguma nei? Pauro akataura kuti: “Mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari . . . [unotirayiridza] kuti tirambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari nokuchiva kwenyika uye kuti tirarame nepfungwa dzakanaka nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino.”—Tito 2:11, 12.

MUTSA USINA KUKODZERA KUWANWA “UNORATIDZWA NENZIRA DZAKASIYANA-SIYANA”

7, 8. Zvinorevei kuti mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha “unoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana”? (Ona mifananidzo iri panotangira nyaya ino.)

7 Muapostora Petro akanyora kuti: “Maererano nokugamuchira chipo kwakaita mumwe nomumwe, chishandisei pakushumirana sevatariri vakanaka kwazvo vomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari unoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana.” (1 Pet. 4:10) Izvozvo zvinorevei? Zvinoreva kuti Jehovha anogona kutibatsira kuti titsungirire chero miedzo yatingasangana nayo. (1 Pet. 1:6) Jehovha achagara achitipa zvatinoda kuti tikunde miedzo yacho.

8 Chokwadi, mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha unoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana. Muapostora Johani akanyora kuti: “Tose takagamuchira kubva pane zvaazere nazvo, iwo mutsa usina kukodzera kuwanwa pamusoro pomumwe mutsa usina kukodzera kuwanwa.” (Joh. 1:16) Kuratidzwa kunoitwa mutsa waJehovha nenzira dzakasiyana-siyana kunoita kuti tiwane makomborero akawanda. Ndeapi mamwe acho?

9. Tinobatsirwa sei nemutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha, uye tingaratidza sei kuti tinoonga mutsa iwoyo?

9 Kuregererwa zvivi zvedu. Mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha unoita kuti tiregererwe zvivi zvedu kana tikapfidza uye tikaramba tichishanda nesimba kuti tirwise chido chekuita zvakaipa. (Verenga 1 Johani 1:8, 9.) Ngoni dzaMwari dzinofanira kutiita kuti timuonge uye timukudze. Achinyorera vamwe vaKristu vakazodzwa, Pauro akati: “[Jehovha] akatinunura pasimba rerima, akatipinza muumambo hwoMwanakomana wake waanoda, anoshandiswa kutisunungura norudzikinuro, iko kukanganwirwa kwezvivi zvedu.” (VaK. 1:13, 14) Kuregererwa zvivi zvedu kunovhura mukana wekuwana mamwe makomborero akawanda.

10. Mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari unoita kuti tive nechii?

10 Kuva nerugare naMwari. Nemhaka yechivi chatiinacho, takaberekwa tiri vavengi vaMwari. Pauro akazvibvuma paakati: “Patakanga tiri vavengi, takayananiswa naMwari nokuda kworufu rwoMwanakomana wake.” (VaR. 5:10) Kuyananiswa uku kunoita kuti tive nerugare naMwari. Pauro akaratidza kuti ropafadzo iyi ine painobatana nemutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha paaitaura nehama dzaKristu dzakazodzwa achiti: “Zvino zvatakanzi takarurama nokuda kwokutenda, ngativei norugare naMwari nokunaShe wedu Jesu Kristu, watakapindawo naye nokutenda muuyu mutsa usina kukodzera kuwanwa watimire mauri zvino.” (VaR. 5:1, 2) Ichi chikomborero chakakura!

Kuratidzwa kwemutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari:Ropafadzo yekunzwa mashoko akanaka(Ona ndima 11)

11. Vakazodzwa vanoita sei kuti “mamwe makwai” ave akarurama?

11 Kuitwa vakarurama. Tose tinoberekwa tiri vanhu vasina kururama. Asi muprofita Dhanieri akafanotaura kuti panguva yemugumo, vaya “vane njere,” kureva vakazodzwa vachiri panyika, ‘vaizoita kuti vazhinji vave vakarurama.’ (Verenga Dhanieri 12:3.) Kuburikidza nebasa ravo rekuparidza uye kudzidzisa, vari kuita kuti mamiriyoni ‘emamwe makwai’ ave akarurama pamberi paJehovha. (Joh. 10:16) Kunyange zvakadaro, izvi zvinongokwanisika pachishandiswa mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha. Pauro akataura kuti: “Vari kunzi vakarurama pachishandiswa mutsa [waMwari] usina kukodzera kuwanwa nokusunungurwa norudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu, sechipowo zvacho chepachena.”—VaR. 3:23, 24.

Chikomborero chemunyengetero(Ona ndima 12)

12. Munyengetero unobatana papi nemutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari?

12 Kusvika pachigaro chaMwari mumunyengetero. Achishandisa mutsa wake usina kukodzera kuwanwa, Jehovha anoita kuti tive nechikomborero chekusvika pachigaro chake chekudenga mumunyengetero. Pauro anotodana chigaro chaJehovha kuti “chigaro choumambo chomutsa usina kukodzera kuwanwa” uye anotikurudzira kuti tisvike kwachiri “norusununguko rwokutaura.” (VaH. 4:16a) Jehovha akatipa ropafadzo iyi kuburikidza neMwanakomana wake, uyo “anoita kuti tive norusununguko urwu rwokutaura uye anoita kuti tikwanise kusvika kuna Mwari nechivimbo nokutenda kwedu maari.” (VaEf. 3:12) Kukwanisa kutaura naJehovha mumunyengetero chiratidzo chemutsa wake usina kukodzera kuwanwa.

Kubatsirwa panguva yakakodzera (Ona ndima 13)

13. Mutsa usina kukodzera kuwanwa ungatibatsira sei “panguva yakakodzera”?

13 Kuwana rubatsiro panguva yakakodzera. Pauro akatikurudzira kuti tinyengetere kuna Jehovha takasununguka, “kuti tinzwirwe ngoni uye tiitirwe mutsa usina kukodzera kuwanwa kuti tibatsirwe panguva yakakodzera.” (VaH. 4:16b) Tinogona kuteterera kuti Jehovha atibatsire chero panguva yatinenge tanangana nemuedzo kana kuti nedambudziko muupenyu hwedu. Kunyange zvazvo tisina kukodzera kupindurwa naye, Mwari anowanzotipindura achishandisa vamwe vaKristu “kuti tive vakashinga kwazvo tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?’”—VaH. 13:6.

14. Mwoyo yedu inobatsirwa sei nemutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha?

14 Kuwana nyaradzo yemwoyo yedu. Chikomborero chikuru chatinowana kuburikidza nemutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha ndechekunyaradzwa kwemwoyo unenge uchishungurudzika. (Pis. 51:17) Pauro akanyorera vaKristu vaitambudzwa muTesaronika kuti: “Ishe wedu Jesu Kristu naMwari Baba vedu, vakatida isu, vakatipa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka nomutsa usina kukodzera kuwanwa, ngavanyaradze mwoyo yenyu nokukusimbisai.” (2 VaT. 2:16, 17) Zvinonyaradza chaizvo kuziva nezvekudiwa kwatinoitwa naJehovha pamusana pemutsa wake wakakura.

15. Mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari unoita kuti tive netariro yei?

15 Kuva netariro yekurarama nokusingaperi. Sezvo tiri vatadzi, hatigoni kuva netariro kana tisingabatsirwi naJehovha. (Verenga Pisarema 49:7, 8.) Asi Jehovha anotipa tariro yakanaka zvikuru. Jesu akavimbisa vateveri vake kuti: “Izvi ndizvo zvinodiwa naBaba vangu, kuti munhu wose anoona Mwanakomana otenda maari ave noupenyu husingaperi.” (Joh. 6:40) Zvechokwadi, tariro yeupenyu husingaperi chipo, uye chipo ichi kuratidzwa kwemutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari. Pauro, uyo ainzwisisa pfungwa iyoyo, akati: “Mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari unounza ruponeso kuvanhu vemarudzi ose wakaratidzwa pachena.”—Tito 2:11.

USASHANDISA ZVISIRI IZVO MUTSA USINA KUKODZERA KUWANWA WAMWARI

16. Vamwe vaKristu vepakutanga vaishandisa sei zvisiri izvo mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari?

16 Kunyange zvazvo mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha uchiita kuti tiwane makomborero akawanda, hatifaniri kufunga kuti haana basa nezvakaipa zvatingaita. Pakati pevaKristu vepakutanga, paiva nevamwe vakaedza ‘kuchinja mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari . . . kuti vazvipembedze kuita mufambiro wounzenza.” (Jud. 4) VaKristu ava vakanga vasina kutendeka vaifunga kuti vaigona kuita chivi vachiti Jehovha aizovaregerera. Zvakatonyanya kushata ndezvekuti vaitoda kukwezva dzimwe hama kuti dzibatane navo pakuita zvakaipa. Kunyange mazuva ano, chero munhu anoita izvozvo ‘anotsamwisa mudzimu womutsa usina kukodzera kuwanwa.’—VaH. 10:29.

17. Petro akapa zano ripi rakasimba?

17 Mazuva ano, Satani ari kunyengera vamwe vaKristu kuti vafunge kuti Jehovha ane ngoni zvekuti haazovarangi kana vakaita havo zvivi. Asi kunyange zvazvo achida kuregerera vatadzi vanenge vapfidza, anotarisira kuti tirwise chaizvo chido chedu chokuita zvakaipa. Akafemera muapostora Petro kuti anyore kuti: “Naizvozvo, imi vadiwa, zvamunofanoziva izvi, chenjererai kuti murege kutsauswa navo nokukanganisa kwevanhu vanozvidza mutemo, mowa pakusimba kwenyu. Aiwa, asi rambai muchikura mumutsa usina kukodzera kuwanwa uye zivo pamusoro paIshe uye Muponesi wedu Jesu Kristu.”—2 Pet. 3:17, 18.

MUTSA USINA KUKODZERA KUWANWA UNOITA KUTI PAVE NEBASA

18. Sezvo Jehovha akatiitira mutsa usina kukodzera kuwanwa, zvii zvatinofanira kuita?

18 Sevanhu vanoonga mutsa waJehovha waanotiratidza, tinotova nechikwereti chekuti tishandise zvipo zvedu pakukudza Mwari uye pakubatsira vamwe. Tingazviita sei? Pauro anopindura kuti: “Saka, zvatiine zvipo zvakasiyana maererano nomutsa usina kukodzera kuwanwa watakaitirwa . . . kana huri ushumiri, ngativei paushumiri uhwu; kana ari uya anodzidzisa, ngaave pakudzidzisa kwake; kana ari uya anorayira, ngaave pakurayira kwake; . . . uya anoratidza ngoni, ngaazviite nomufaro.” (VaR. 12:6-8) Mutsa usina kukodzera kuwanwa watinoratidzwa naJehovha unoita kuti tione kuti tinofanira kugara tichiita ushumiri hwechiKristu, tichidzidzisa vamwe Bhaibheri, tichikurudzira vamwe vaKristu, uye tichiregerera chero vangatitadzira.

19. Ibasa ripi ratiinaro richaongororwa munyaya inotevera?

19 Sevanhu vanoonga kudiwa kwatinoitwa naMwari, tinofanira kunzwa tichida kuita zvose zvatinogona ‘kuti tipupurire kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.’ (Mab. 20:24) Basa iri richanyatsoongororwa munyaya inotevera.