Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Paridza Mashoko Akanaka Omutsa Usina Kukodzera Kuwanwa

Paridza Mashoko Akanaka Omutsa Usina Kukodzera Kuwanwa

‘Pupurira kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.’MAB. 20:24.

NZIYO: 101, 84

1, 2. Muapostora Pauro akaratidza sei kuti aionga mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari?

MUAPOSTORA Pauro aigona kutaura nemwoyo wose kuti: “Mutsa [waMwari] usina kukodzera kuwanwa waakandiitira hauna kuva mutsa usina zvaunobatsira.” (Verenga 1 VaKorinde 15:9, 10.) Pauro ainyatsoziva kuti mutsa waMwari waakaratidzwa ainge asina kuushandira uye aisakodzera kuuwana nekuti aimbotambudza vaKristu.

2 Ava pedyo nekufa, Pauro akanyorera Timoti waaishanda naye kuti: “Ndinoonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, nokuti akaona kuti ndakatendeka nokundipa ushumiri.” (1 Tim. 1:12-14) Ushumiri hwacho hwaiva hupi? Pauro akaudza vakuru veungano yeEfeso zvaibatanidzwa paushumiri hwacho achiti: “Handioni mweya wangu sounokosha kwandiri, kudai ndikangopedza basa rangu noushumiri hwaShe Jesu hwandakagamuchira, kuti ndipupurire kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.”Mab. 20:24.

3. Pauro akapiwa ushumiri hupi hunokosha? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 “Mashoko akanaka” api akaparidzwa naPauro aibudisa pachena mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha? Akaudza vaKristu vekuEfeso kuti: “Makanzwa nezvoutariri hwomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari hwandakapiwa nokuda kwenyu.” (VaEf. 3:1, 2) Pauro akanga atumwa kuti aparadzire mashoko akanaka kuvanhu vakanga vasiri vaJudha kuitira kuti naivowo vave pakati pevaya vakadanwa kuti vave naKristu muhurumende yaMesiya. (Verenga VaEfeso 3:5-8.) Kushingaira kwaiita Pauro pakuparidza kunopa vaKristu varipo iye zvino muenzaniso wekutevedzera uye kwakaratidza kuti mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari waakaratidzwa hauna kuva mutsa “usina zvaunobatsira.”

MUTSA USINA KUKODZERA KUWANWA WAMWARI UNOKUKURUDZIRA HERE?

4, 5. Nei tichigona kutaura kuti “mashoko akanaka oumambo” ndiwo mashoko akanaka “omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari”?

4 Mumazuva ano ekupedzisira, vanhu vaJehovha vakapiwa basa rekuparidza “mashoko akanaka oumambo . . . munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mat. 24:14) Mashoko atinoparidza ndiwo “mashoko akanaka omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari” nekuti makomborero ose atinotarisira kuzowana Umambo pahuchange huchitonga anouya kwatiri kuburikidza nemutsa waJehovha, uyo unoratidzwa pachishandiswa Kristu. (VaEf. 1:3) Mumwe nemumwe wedu ari kutevedzerawo Pauro here pakuratidza kuonga mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha kuburikidza nekushingaira muushumiri?—Verenga VaRoma 1:14-16.

5 Munyaya yakapfuura, takadzidza kuti sevatadzi tinobatsirwa sei nemutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha munzira dzakawanda. Saka tine chikwereti kuvanhu vose chekuvazivisa kuti Jehovha ari kuratidza sei rudo rwake rwakavimbika uye kuti mumwe nemumwe wavo anobatsirwa sei narwo. Ndezvipi zvimwe zvinobatanidzwa pamutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari zvatinofanira kubatsira vamwe kuti vanzwisise?

PARADZIRA MASHOKO AKANAKA ECHIBAYIRO CHERUDZIKINURO

6, 7. Patinoudza vanhu nezverudzikinuro, tinenge tichiparadzira sei mashoko akanaka omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari?

6 Munyika ino ine vanhu vanoita chero zvavada, vanhu havachaoni kuipa kwekuita zvivi, saka vakawanda havazivi kuti vanoda rudzikinuro. Panguva imwe chete, vazhinji vava kuona kuti upenyu hwekungoita chero zvavada hahuiti kuti vave nemufaro wechokwadi. Vakawanda havanzwisisi kuti chivi chii, chinotikanganisa sei, uye kuti tinofanira kuitei kuti tisunungurwe muuranda hwechivi kutozosvikira vataura neZvapupu zvaJehovha. Vaya vane mwoyo yakatendeseka vanozorodzwa pavanodzidza kuti rudo rwaJehovha nemutsa wake zvakaita kuti atume Mwanakomana wake panyika kuti atidzikinure kubva muchivi uye rufu rwachinokonzera.—1 Joh. 4:9, 10.

7 Achitaura nezveMwanakomana anodiwa waJehovha, Pauro akanyora kuti: “Tinosunungurwa norudzikinuro neropa [raJesu] pachishandiswa iye, chokwadi, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, maererano noukuru hwomutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa.” (VaEf. 1:7) Chibayiro cherudzikinuro chaKristu ndihwo uchapupu hwakakura kupfuura humwe hwose hwekuti Mwari anotida uye chinoratidza kukosha kwemutsa Wake usina kukodzera kuwanwa. Tinozorodzwa chaizvo nekudzidza kuti kana tikatenda muchibayiro chaJesu, tichakanganwirwa zvivi zvedu uye hana dzedu dzichacheneswa. (VaH. 9:14) Zvechokwadi aya ndiwo mashoko akanaka ekuudzawo vamwe!

BATSIRA VANHU KUTI VAVE NEUKAMA NAMWARI

8. Nei zvichikosha kuti vanhu vane chivi vayananiswe naMwari?

8 Ibasa redu kuzivisa vamwe kuti vanogona kuva neukama hwakanaka neMusiki wavo. Kana vanhu vasati vava kutenda muchibayiro chaJesu, Mwari anovaona sevavengi vake. Muapostora Johani akanyora kuti: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu, asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.” (Joh. 3:36) Zvinofadza kuti chibayiro chaKristu chinoita kuti tikwanise kuyananiswa naMwari. Pauro akati: “Maimbova makaparadzaniswa uye muri vavengi vaMwari nokuti pfungwa dzenyu dzakanga dziri pamabasa akanga akaipa, zvino iye akayananisazve achishandisa muviri wenyama waiyeye norufu rwake.”—VaK. 1:21, 22.

9, 10. (a) Kristu akapa hama dzake dzakazodzwa basa ripi? (b) ‘Vemamwe makwai’ vanobatsira sei hama dzavo dzakazodzwa?

9 Kristu akapa hama dzake dzakazodzwa dziri panyika “ushumiri hwokuyananisa,” sekutaura kwakaita Pauro. Achitsanangura izvi, Pauro akanyorera vaKristu vakazodzwa vepakutanga kuti: “Zvinhu zvose zvinobva kuna Mwari, uyo akazviyananisa nesu achishandisa Kristu, akatipa ushumiri hwokuyananisa, hwokuti Mwari akanga achizviyananisa nenyika achishandisa Kristu, asingavaverengeri kudarika kwavo, uye akatironzesa shoko rokuyananisa. Naizvozvo tiri nhume dzinomiririra Kristu, sokunge kuti Mwari akanga achiteterera achishandisa isu. Sevamiririri vaKristu tinokumbira kuti: ‘Yananiswai naMwari.’”—2 VaK. 5:18-20.

10 ‘Vemamwe makwai’ vanoona kubatsira hama dzavo dzakazodzwa pakuita ushumiri uhwu seropafadzo. (Joh. 10:16) Vachishumirawo sezvinoita nhume dzaKristu, ndivo vari kuita zvakawanda pabasa rekudzidzisa vanhu chokwadi cheBhaibheri uye kuvabatsira kuti vave neukama naJehovha. Ichi chikamu chinokosha chebasa rekupupurira kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.

UDZA VAMWE MASHOKO AKANAKA EKUTI MWARI ANONZWA MINYENGETERO

11, 12. Nei ari mashoko akanaka kuti vanhu vazive kuti vanogona kunyengetera kuna Jehovha?

11 Vanhu vakawanda vanoti kunyengetera kunoita kuti vanzwe zvakanaka, asi havanyatsobvumi kuti Mwari anonzwa minyengetero yavo. Vanofanira kuziva kuti Jehovha ndiye “Munzwi womunyengetero.” Munyori wemapisarema Dhavhidhi akanyora kuti: “Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi ose vachauya kwamuri. Zvinhu zvine chokuita nokukanganisa zvava nesimba kundipfuura. Imi muchafukidza kudarika kwedu.”—Pis. 65:2, 3.

12 Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Kana mukakumbira chimwe chinhu muzita rangu, ndichachiita.” (Joh. 14:14) Zviri pachena kuti paakati “chimwe chinhu” aireva chero chii zvacho chinoenderana nekuda kwaJehovha. Johani anotiudza kuti: “Ichi ndicho chivimbo chatiinacho kwaari, kuti, zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye anotinzwa.” (1 Joh. 5:14) Zvinofadza chaizvo kubatsira vanhu kuti vanzwisise kuti munyengetero hausi wekungoita kuti vanzwe zviri nani asi inzira yekusvika “kuchigaro choumambo [chaJehovha] chomutsa usina kukodzera kuwanwa.” (VaH. 4:16) Kana tikavadzidzisa kuti vanofanira kunyengetera sei, kuna ani uye kuti vanofanira kunyengeterera chii, tinovabatsira kuswedera pedyo naJehovha uye kuti vawane nyaradzo panguva dzekutambudzika.—Pis. 4:1; 145:18.

MUTSA USINA KUKODZERA KUWANWA MUNYIKA ITSVA

13, 14. (a) Vakazodzwa vachava neropafadzo dzipi dzakazonaka mune ramangwana? (b) Vakazodzwa vachaitira vanhu basa ripi rinoshamisa?

13 Mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha uchashandawo munyika itsva. Achitaura nezveropafadzo yakakura chaizvo iyo Mwari akapa vane 144 000, avo vanodanwa kuti vatonge pamwe chete naKristu muUmambo hwake hwekudenga, Pauro akati: “Mwari, uyo ane ngoni zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru rwaakatida narwo, akaita kuti tive vapenyu pamwe naKristu, kunyange patakanga takafa mukudarika—imi makaponeswa nomutsa usina kukodzera kuwanwa—uye akatimutsa pamwe chete akatigarisa pamwe chete munzvimbo dzokudenga tiri pamwe naKristu Jesu, kuti mumamiriro ezvinhu epanguva inouya pfuma inopfuura zvinhu zvose yomutsa wake usina kukodzera kuwanwa iratidzwe munyasha dzake kwatiri isu tiri pamwe naKristu Jesu.”—VaEf. 2:4-7.

14 Zvakaoma kuti tifungidzire zvinhu zvinoshamisa izvo Jehovha akachengetera vaKristu vakazodzwa pavachagara pazvigaro zveUmambo kuti vatonge naKristu kudenga. (Ruka 22:28-30; VaF. 3:20, 21; 1 Joh. 3:2) Jehovha acharatidza “pfuma inopfuura zvinhu zvose yomutsa wake usina kukodzera kuwanwa” zvikurukuru kuvaKristu ivavo vakazodzwa. Vachaumba “Jerusarema idzva,” mwenga waKristu. (Zvak. 3:12; 17:14; 21:2, 9, 10) Vachashanda naJesu ‘pakurapa marudzi,’ uye vachabatsira vanhu kuti vasunungurwe pachivi nerufu uye vachavaita kuti vave vanhu vakakwana.—Verenga Zvakazarurwa 22:1, 2, 17.

15, 16. Munguva yemberi, Jehovha acharatidza sei mutsa wake usina kukodzera kuwanwa kune “mamwe makwai”?

15 Pana VaEfeso 2:7 tinoverenga kuti mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari ucharatidzwa “mumamiriro ezvinhu epanguva inouya.” Hapana mubvunzo kuti munyika itsva yaJehovha vanhu vachawana “pfuma inopfuura zvinhu zvose yomutsa wake usina kukodzera kuwanwa.” (Ruka 18:29, 30) Kumutswa kwevanhu kubva “mumakuva” kuchava kumwe kuratidzwa kwakakura chaizvo kwemutsa waJehovha unoshamisa. (Job. 14:13-15; Joh. 5:28, 29) Varume nevakadzi vakatendeka avo vakafa Kristu asati afa sechibayiro, pamwe chete ‘nevemamwe makwai’ vanofa mumazuva ekupedzisira, vachaitwa vapenyu kuti vaenderere mberi nekushumira Jehovha.

16 Vanhu vanosvika mamiriyoni vakafa vasingazivi Mwari vachamutswawo. Vachapiwa mukana wekuzviisa pasi peuchangamire hwaJehovha. Johani akanyora kuti: “Ndakaona vakafa, vakuru nevaduku, vamire pamberi pechigaro choumambo, uye mipumburu yakavhurwa. Asi mumwe mupumburu wakavhurwa; ndiwo mupumburu woupenyu. Vakafa vakatongwa nezvinhu zviya zvakanga zvakanyorwa mumipumburu maererano nemabasa avo. Gungwa rakabudisa vaya vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye vakatongwa mumwe nomumwe maererano nemabasa ake.” (Zvak. 20:12, 13) Zviri pachena kuti vaya vachamutswa vachafanira kudzidza kuita zvinodiwa naMwari zviri muBhaibheri. Kuwedzera pane izvozvo, vachafanira kutevedzera mirayiridzo mitsva inobatsira ichange iri “mumipumburu,” ichiratidza zvinodiwa naJehovha pakurarama munyika itsva. Kubudiswa pachena kwezvichange zviri mumipumburu iyi kuchava kumwe kuratidzwa kwemutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha.

RAMBA UCHIPARADZIRA MASHOKO AKANAKA

17. Chii chatinofanira kuramba tichiyeuka patinoita basa rekuparidza?

17 Tinofanira kuparidza mashoko akanaka eUmambo kupfuura zvatagara tichiita nokuti mugumo wava pedyo! (Mako 13:10) Hapana mubvunzo kuti mashoko akanaka anobudisa pachena mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha. Tinofanira kuramba tichiyeuka izvi patinoita basa redu rekuparidza. Chinangwa chedu patinoparidza ndechekukudza Jehovha. Tinogona kuita izvi nekuudza vanhu kuti makomborero ese atinovimbiswa kuwana munyika itsva anoratidza mutsa waJehovha unoshamisa.

Shingairai pakuparidza “sevatariri vakanaka kwazvo vomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.”—1 Pet. 4:10(Ona ndima 17-19)

18, 19. Tinoita sei kuti mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha ukudzwe?

18 Patinoparidzira vamwe, tinogona kutsanangura kuti Umambo hwaKristu pahunenge hwava kutonga, vanhu vachabatsirwa nekushandiswa kuchaitwa chibayiro cherudzikinuro zvakazara uye kuti zvishoma nezvishoma vachasvika pakuva vanhu vasina chivi. Bhaibheri rinoti: “Zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” (VaR. 8:21) Izvi zvichaitika chete kuburikidza nemutsa waJehovha unoshamisa.

19 Tine ropafadzo yekuudza munhu wose anoda kuteerera vimbiso iri pana Zvakazarurwa 21:4, 5 inoti: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Uye Jehovha, uyo agere pachigaro choumambo anoti: “Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Anotiwo: “Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” Patinoshingaira kuudza vamwe mashoko aya akanaka, tinoita kuti mutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha ukudzwe!