Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Usatya. Ini Ndichakubatsira”

“Usatya. Ini Ndichakubatsira”

FUNGIDZIRA uchifamba mumugwagwa usiku. Unoerekana wanzwa kuti pane mumwe munhu ari kukutevera. Paunomira, munhu wacho anomirawo. Paunowedzera kukanda nhanho, munhu wacho anowedzerawo. Unotanga kumhanya wakananga pamba peshamwari yako. Shamwari yako painokuvhurira dhoo, wopinda mumba mayo, unobva watura befu.

Pamwe hauna hako kumbobvira wava mumamiriro ezvinhu akaita seiwayo, asi pane zvinhu zvinonetsa muupenyu zvinogona kukuita kuti utye kuti pane zvakaipa zvingangoitika kwauri. Semuenzaniso, une zvaunoita zvisina kunaka zvaunoda kurega asi uchiramba uchizvidzokorora here? Wava nenguva refu usingashandi here uye uchitsvaga watsvagazve basa asi usingariwani? Uri kunetseka nezvekukwegura uye kuzova nematambudziko eutano here? Kana kuti pane chimwe chinhu chiri kuita kuti ushungurudzike here?

Pasinei nedambudziko rauinaro, haungafari here kuva nemumwe munhu waunogona kuudzawo zvinokunetsa uye anogona kukupa rubatsiro paunenge uchida kubatsirwa? Une shamwari yepedyo yakadaro here? Ehe, unayo! Jehovha ndiye shamwari yakadaro kwauri, sezvaainge akangoita kuna Abrahamu, sezvinoratidzwa pana Isaya 41:8-13. Pavhesi 10 ne13, Jehovha anoudza vashumiri vake kuti: “Usatya, nokuti ndinewe. Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira. Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama. Nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’”

“NDICHARAMBA NDAKAKUBATA ZVAKASIMBA”

Mashoko iwayo haakusimbisi here? Fungidzira kuti ndiwe uri kuudzwa mashoko iwayo naJehovha. Pano hazvisi kunzi uri kufamba naJehovha makabatana maoko, kunyange zvazvo izvozvo zvichifadza kufunga nezvazvo. Kana muchifamba makabatana maoko, ruoko rwake rwerudyi runenge rwakabata ruboshwe rwako. Asi pano Jehovha anotambanudza ‘ruoko rwake rworudyi rwokururama’ uye anobata ruoko rwako rworudyi,” achiita seari kukudhonza kubva muzvinhu zvinoshungurudza zveupenyu. Paanenge achikudhonza, anokusimbisa nemashoko ekuti: “Usatya. Ini ndichakubatsira.”

Unoona Jehovha seShamwari uye saBaba vane rudo vanokubatsira paunenge uchishungurudzika here? Ane hanya newe, anoda kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka uye anoda chaizvo kukubatsira. Paunoomerwa neupenyu, Jehovha anoda kuti unzwe wakachengeteka nekuti anokuda chaizvo. Chokwadi iye “rubatsiro runowanika zviri nyore pakutambudzika.”—Pis. 46:1.

KUZVIPA MHOSVA YEZVIKANGANISO ZVAKAITIKA KARE

Vamwe vanozvishungurudza nemhaka yezvavaimboita kare uye havana chokwadi kuti Mwari akavakanganwira. Kana zviri izvo zviri kuitika kwauri, funga nezvemurume akanga akatendeka Jobho, uyo akabvuma ‘kukanganisa kwaakaita achiri muduku.’ (Job. 13:26) Munyori wemapisarema Dhavhidhi ainzwawo saizvozvo uye akateterera kuna Jehovha achiti: “Musayeuka zvivi zvandakaita ndichiri muduku uye kumukira kwangu.” (Pis. 25:7) Zvatiine chivi, tose ‘takatadza, tikakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.’—VaR. 3:23.

Mashoko ari muchitsauko 41 chaIsaya aitaurirwa vanhu vaMwari vemunguva dzekare. Vakanga vatadza chaizvo zvekuti Jehovha akasarudza kuvatonga nokuita kuti vatapwe vachiendeswa kuBhabhironi. (Isa. 39:6, 7) Kunyange zvakadaro, Mwari aifunga nezvenguva yaaizonunura vaya vaizopfidza vodzoka kwaari! (Isa. 41:8, 9; 49:8) Jehovha anoratidzawo mwoyo murefu wakadaro kune vaya vanoda kufarirwa naye.—Pis. 51:1.

Funga nezvemukomana anonzi Takuya, * uyo aiedza kukurira tsika yekuona zvinonyadzisira uye kuita bonyora. Aimbozvisiya asi nguva nenguva aizozvidzokorora. Ainzwa sei? “Ndainzwa sekuti handibatsiri chinhu, asi pandainyengetera kuna Jehovha ndichiteterera kuti andiregerere aindisimudza.” Jehovha aimusimudza sei? Vakuru vemuungano yaTakuya vakamuudza kuti avashevedze pese paaidzokorora kuzviita. Anoti: “Zvaisava nyore kuti ndivashevedze, asi pese pandaivataurira, vaindisimbisa.” Vakuru vakazoronga kuti mutariri wedunhu ashanyire Takuya. Mutariri wedunhu akamuudza kuti: “Handina kuuya pano zvemasanga. Ndauya nekuti vakuru vanga vachida kuti ndive pano. Vakusarudza kuti ushanyirwe.” Takuya anoti: “Ndini ndaitadza, asi Jehovha akasarudza kundibatsira achishandisa vakuru.” Takuya akafambira mberi kusvika pakuva piyona wenguva dzose uye iye zvino ava kushumira pahofisi yebazi. Sezvaakaita hama iyi, Mwari achakusimudza paunodonha.

KUNETSEKA NEZVEKUWANA CHEUVIRI

Kushaya mabasa kunoita kuti vakawanda vazvidye mwoyo. Vamwe vanopererwa nemabasa avo uye zvinovaomera kuti vawane zvimwe zvinovararamisa. Fungidzira kuti waizonzwa sei kudai waiti ukatsvaga basa apa worishaya, woedzazve pamwe zvoramba. Mumamiriro ezvinhu akadaro, vamwe vanobva vazviona sevasingabatsiri. Jehovha angakubatsira sei? Angasaita kuti ubve wawana basa rakanaka, asi anogona kukubatsira kuti uyeuke zvakataurwa naMambo Dhavhidhi, paakati: “Ndaimbova jaya, asi zvino ndakwegura, handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa zvachose, kana vana vake vachitsvaka zvokudya.” (Pis. 37:25) Jehovha anokukoshesa, uye ‘noruoko rwake rworudyi rwokururama’ anogona kukubatsira kuti uwane zvinhu zvinokosha kuti urambe uchimushumira.

Jehovha angakubatsira sei kana ukapererwa nebasa rako?

Sara, uyo anogara kuColombia, akaona kushanda kunoita simba raJehovha. Paaishandira imwe kambani hombe, aiva nebasa raimudyira nguva asi richibhadhara chaizvo. Aida kuwedzera basa raaiitira Jehovha, saka akasiya basa rake ndokutanga kupayona. Asi basa raaida risingamudyiri nguva rainetsa kuwana. Akavhura kashopu kemaice-cream asi zvishoma nezvishoma mari yakapera uye aifanira kukavhara. Sara anoti, “Ndakaomerwa neupenyu kwemakore matatu, asi ndichibatsirwa naJehovha ndakakwanisa kutsungirira.” Akadzidza kusiyanisa zvinhu zvinokosha nezvisingakoshi uye akadzidza kusazvidya mwoyo nezvezuva rinotevera. (Mat. 6:33, 34) Pava paya, kambani yaaimboshandira yakamufonera ichiti yaida kumupa basa raaimboita. Akataura kuti aizobvuma basa racho kana achizoshanda nguva shoma uye kana aizopiwa nguva yekuti aite zvinhu zvake zvekunamata. Kunyange zvazvo Sara asingachawani mari yakawanda sezvaaimboita, ari kukwanisa kuramba achipayona. Anoti munguva yese iyi akanyatsoona kushanda kunoita ruoko rwaJehovha.

KUWEDZERA KUZVIDYA MWOYO NEMHAKA YEKUKWEGURA

Chimwe chinonetsa vakawanda inyaya yekukwegura. Vakawanda pavanosvika pamakore ekurega basa vanonetseka kuti vachawana here mari inokwana kuti vararame zvakanaka kweupenyu hwavo hwese. Vanogonawo kunetseka nezvematambudziko eutano avangangosangana nawo sezvavanokwegura. Dhavhidhi anofanira kunge ari iye akateterera Jehovha kuti: “Musandirasa munguva yokukwegura; Musandisiya simba rangu parinenge rava kupera.”—Pis. 71:9, 18.

Saka, vashumiri vaJehovha vanganzwa sei vakachengeteka pavanokwegura? Vanofanira kuramba vachisimbisa kutenda kwavo muna Mwari, vachivimba kuti achavapa zvekurarama nazvo. Uye kana vakamborarama upenyu hwemutambarakede, vangatofanira kurerutsa upenyu hwavo vogutsikana nezvinhu zvishoma. Vangatoona kuti “kuva nezvokudya zvomuriwo” kuri nani uye kunogona kuchengetedza utano hwavo pane kuva “nenzombe yakakodzwa.” (Zvir. 15:17) Kana ukaisa pfungwa pakufadza Jehovha, achakupa zvekurarama nazvo kunyange paunenge wakwegura.

José naRose vaina Tony naWendy

Funga nezvaJosé naRose, avo vashumira Jehovha mubasa renguva yakazara kwemakore anopfuura 65. Kwemakore akawanda, vaifanira kuriritira baba vaRose, avo vaida munhu anovabatsira siku nesikati. Uyewo, José aifanira kutsungirira kuoparetwa kwaaitwa chirwere chekenza uye mishonga yaaipiwa. Jehovha akatambanudzira mhuri iyi ruoko rwake rwerudyi here? Hongu, akadaro. Asi akazviita sei? Akashandisa murume nemudzimai vanonzi Tony naWendy vaiva muungano kuti vavape pekugara. Tony naWendy vaida kuti imba yavo igarwe nemapiyona enguva dzose asingabhadhari rendi. Makore akanga apfuura, Tony paaiva kuchikoro aigara achiona José naRose nepahwindo vari muushumiri. Aivafarira nekuti aiona kushingaira kwavaiita, uye izvozvo zvakamukurudzira. Kuziva kuti José naRose vakanga vapa upenyu hwavo hwese kuna Jehovha kwakakurudzira Tony naWendy kuti vavatore vagare navo. Tony naWendy vava nemakore 15 vachibatsira José naRose, avo vava nemakore ekuma85. José naRose vanoona Tony naWendy sechipo chinobva kuna Jehovha.

Mwari ari kukutambanudzirawo ‘ruoko rwake rworudyi rwokururama.’ Uchatambanudzawo ruoko rwako here kuna Iye ari kukuvimbisa kuti: “Usatya. Ini ndichakubatsira”?

^ ndima 11 Mamwe mazita akachinjwa.