Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mapfekero Ako Anoita Kuti Mwari Akudzwe Here?

Mapfekero Ako Anoita Kuti Mwari Akudzwe Here?

“Itai zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.”​—1 VAK. 10:31.

NZIYO: 34, 61

1, 2. Nei Zvapupu zvaJehovha zvichipfeka zvakanaka nguva dzose? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

“WAIONA vakawanda vaine mbatya dzinowanzopfekwa pamba kana kuti pakutandara, kunyanya pakwaipisa,” rakadaro rimwe bepanhau rekuNetherlands richitaura nezvemusangano wevatungamiriri vemachechi. “Izvi handizvo zviri pagungano reZvapupu zvaJehovha. . . . Vakomana nevarume vakapfeka mabhachi nematai, uyewo masiketi evasikana nevakadzi ane urefu . . . hwakanaka asi ari emazuva ano.” Zvechokwadi, zvinowanzotaurwa kuti veZvapupu zvaJehovha vanopfeka “nguo dzakagadzirwa zvakanaka vaine mwero nepfungwa dzakanaka . . . nenzira inokodzera [vaya] vanoti vanotya Mwari, naiwo mabasa akanaka.” (1 Tim. 2:9, 10) Muapostora Pauro aitaura nezvevakadzi, asi mashoko ake anoshandawo kuvarume vechiKristu.

2 Mapfekero akakodzera tinoakoshesa sevanhu vaJehovha, uyewo anokosheswa naMwari watinonamata. (Gen. 3:21) Zvinotaurwa neBhaibheri nezvemapfekero nekushambidzika zvinosiya pasina mubvunzo kuti Changamire wezvinhu zvose ane mapfekero aanoda kuti vanamati vake vechokwadi vaite. Saka hatifaniri kungofunga zvinotifadza chete patinosarudza zvekupfeka. Tinofanira kufungawo zvinofadza Changamire Ishe Jehovha.

3. Tinodzidzei panyaya yezvipfeko kubva paMutemo waMwari waakapa vaIsraeri?

3 Semuenzaniso, muMutemo waMwari wakapiwa vaIsraeri maiva nemirayiro yaizovachengetedza pazvinhu zvakaipa zvaiitwa nevanhu vaigara munyika dzakanga dzakavapoteredza. Mutemo wairatidza kuti Jehovha anovenga mbatya dzisinganyatsoratidzi musiyano pakati pemunhurume nemunhukadzi, idzo dzinopfekwa nevamwe vanhu mazuva ano. (Verenga Dheuteronomio 22:5.) Kubva pamurayiro wakataurwa naMwari nezvezvipfeko, tinonyatsoona kuti Mwari anosemeswa nezvipfeko zvinoita kuti varume varatidzike sevakadzi, vakadzi vaite sevarume, kana kuti zvinoita kuti zviome kusiyanisa murume nemukadzi.

4. Chii chingabatsira vaKristu kusarudza zvakanaka panyaya yekupfeka?

4 Shoko raMwari rine mazano anobatsira vaKristu kuti vaite zvisarudzo zvakanaka panyaya yekupfeka. Mazano aya anoshanda pasinei nekwavanogara, tsika dzavo, kana kuti mamiriro ekunze. Hatidi hedu kunyorerwa pasi zvitayera zvose zvembatya zvakakodzera uye zvisina. Panzvimbo pezvo, tinotungamirirwa nemazano ari muMagwaro, ayo anobvumira munhu kusarudza zvaanofarira. Ngationei mamwe mazano emuBhaibheri anogona kutibatsira kuziva kuti “zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana” ndezvipi pakusarudza zvekupfeka.​—VaR. 12: 1, 2.

“TINORATIDZA KUTI TIRI VASHUMIRI VAMWARI”

5, 6. Zvipfeko zvedu zvinofanira kunge zvichiita kuti vamwe vaite sei?

5 Muapostora Pauro akafemerwa kuti asimbise kukosha kwezano riri pana 2 VaKorinde 6:4. (Verenga.) Kuratidzika kwatinoita kunotaura zvakawanda nezvedu. Vanhu vakawanda vane zvavanofunga nezvedu zvichibva pane “zvinooneka nemaziso.” (1 Sam. 16:7) Saka sevashumiri vaMwari, tinonzwisisa kuti hatingopfeki chero zvatinofarira. Mazano atinowana muShoko raMwari anofanira kutibatsira kuti tisapfeka mbatya dzinobata, dzinoratidza zvakaita muviri, kana kuti dzinoita kuti vamwe vafunge zvebonde. Hapana anofanira kunetseka kana kumanikidzwa kutarisa kudivi nemhaka yezvatinenge takapfeka.

6 Kana takapfeka zvakachena, zvine mwero, uye takanyatsoshambidzika, vanhu vanotiremekedza sevashumiri vaChangamire Ishe Jehovha. Vanogonawo kuda kunamata Mwari watinonamata. Zvipfeko zvedu zvinoitawo kuti sangano ratinomiririra rionekwe zvakanaka nevanhu. Izvozvo zvinogona kuita kuti vamwe vateerere mashoko anoponesa atinoparidza.

7, 8. Ndepapi pazvinonyanya kukosha kuti tipfeke zvakakodzera?

7 Tichiitira Mwari wedu mutsvene, hama nehanzvadzi dzedu, uye vanhu vari mundima medu, tinofanira kupfeka zvipfeko zvinoita kuti mashoko atinoparidza aremekedzwe uye zvinoita kuti Jehovha akudzwe. (VaR. 13:8-10) Izvozvo zvinokosha kunyanya patinenge tichiita zvinhu zvekunamata, zvakadai sekupinda misangano yechiKristu kana kuita basa rekuparidza. Tinofanira kupfeka “nenzira inokodzera [vanhu] vanoti vanotya Mwari.” (1 Tim. 2:10) Asi zvimwe zvipfeko zvakakodzera kune dzimwe nzvimbo zvinogona kunge zvisina kukodzera kune dzimwe. Nokudaro, vanhu vaJehovha pasi rose pavanosarudza zvipfeko, vanofungawo tsika dzekwavanogara kuitira kuti vasagumbura vamwe.

Mapfekero ako achaita kuti Mwari waunomiririra aremekedzwe here? (Ona ndima 7, 8)

8 Verenga 1 VaKorinde 10:31. Patinopinda magungano, mbatya dzedu dzinofanira kunge dzakakodzera uye dziine mwero pane kuti dziratidze zvitayera zvakanyanyisa zvinogona kunge zvichifarirwa nevakawanda munyika. Kunyange patinopinda kana kubuda mumahotera, uyewo patinombotandara zvikamu zvegungano zvisati zvatanga kana kuti zvapera, tinoda kudzivisa kupfeka kweuyanga. Izvozvo zvichaita kuti tifarire kutaura kuti tiri Zvapupu zvaJehovha uye tichanzwa takasununguka kuparidza patinowana mukana.

9, 10. Nei Rugwaro rwaVaFiripi 2:4 ruchifanira kutibatsira pakusarudza zvipfeko?

9 Verenga VaFiripi 2:4. Nei vaKristu vachifanira kufungawo kuti mbatya dzavo dzinoita kuti vavanonamata navo vanzwe sei? Chimwe chikonzero ndechekuti vanhu vaMwari vanoshanda nesimba kuti vateerere nyevero iri muBhaibheri inoti: “Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu.” (VaK. 3:2, 5) Hatingadi kuti vatinonamata navo vaomerwe nekuteerera nyevero iyoyo. Hama nehanzvadzi dzakasiya zvekuita unzenza dzinogona kunge dzichiri kurwisa zvido zvakaipa. (1 VaK. 6:9, 10) Hatingadi kuti kurwa kwadziri kuita kuwedzere kuoma.

10 Patinenge tiri pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu, mapfekero edu anofanira kubatsira pakuita kuti vari muungano vave netsika dzakachena. Ndizvo zvatinofanira kuita pasinei nekuti tiri pamisangano kana kuti pane imwewo nzvimbo. Tine rusununguko rwekusarudza zvekupfeka. Kunyange zvakadaro, tose tinofanira kupfeka mbatya dzisingaiti kuti vamwe vaomerwe nekuramba vakachena pane zvavanofunga, zvavanotaura uye zvavanoita. (1 Pet. 1:15, 16) Rudo rwechokwadi “haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo.”​—1 VaK. 13:4, 5.

ZVIPFEKO ZVINOKODZERA NGUVA NENZVIMBO YACHO

11, 12. Zvii zvatinofanira kufunga nezvazvo patinosarudza zvipfeko?

11 Vashumiri vaMwari pavanosarudza zvekupfeka, vanofunga nezvekuti “chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa.” (Mup. 3:1, 17) Zvinonzwisisika kuti zvatinopfeka zvinoenderana nemamiriro ekunze uye kuchinja kwemwaka. Zvinoenderanawo nekusiyana-siyana kwemamiriro ezvinhu. Asi zvinodiwa naJehovha hazvichinji panochinja mamiriro ekunze.​—Mar. 3:6.

12 Munzvimbo dzinopisa, zvinogona kuoma kuti tive nechokwadi chekuti mapfekero edu anoremekedzeka uye ane mwero achiratidza kuti tasarudza zvakanaka. Nokudaro, hama nehanzvadzi dzedu dzinofara nazvo kana tikarega kupfeka mbatya dzinonyanya kubata kana kuti dzisingabati hadzo asi dzichiratidza zvakaita muviri wedu. (Job. 31:1) Uyewo patinenge tichitandara tiri panzvimbo dzakadai semahombekombe egungwa kana kuti paswimming pool, zvipfeko zvatinotuhwina nazvo zvinofanira kuva nemwero. (Zvir. 11:2, 20) Kunyange zvazvo vakawanda munyika vachipfeka zvekutuhwina nazvo zvinosiya munhu achiita kunge akashama, isu vashumiri Jehovha tinonyanya kufunga nezvekuita kuti Mwari mutsvene watinoda akudzwe.

13. Nei zano riri pana 1 VaKorinde 10:32, 33 richifanira kutibatsira pakusarudza zvipfeko?

13 Pane rimwe zano rinokosha rinotibatsira pakusarudza zvipfeko zvakakodzera. Tinofanira kufunga nezvehana dzevamwe, pasinei nekuti tinonamata navo here kana kuti kwete. (Verenga 1 VaKorinde 10:32, 33.) Hatifaniri kupfeka mbatya dzinogona kukanganisa hama nehanzvadzi dzedu uyewo vanhu vasingashumiri Jehovha. Pauro akanyora kuti, “Mumwe nomumwe wedu ngaafadze muvakidzani wake muzvinhu zvakanaka kuti iye avakwe.” Akabva apa chikonzero chacho achiti: “Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza.” (VaR. 15:2, 3) Jesu aikoshesa kuita kuda kwaMwari uye kubatsira vamwe kupfuura kuita zvakamunakira. Saka ticharega kupfeka dzimwe mbatya dzatingada asi dzichigona kuita kuti vanhu vasada kuteerera zvatinenge tichiparidza.

14. Vabereki vangadzidzisa sei vana vavo kuti vaite kuti Mwari akudzwe nemapfekero avo?

14 Vabereki vechiKristu vane basa rekudzidzisa mhuri dzavo kuti dzishandise mazano eBhaibheri. Izvi zvinosanganisira kuva nechokwadi chekuti ivo nevana vavo vari kuedza nepavanogona napo kufadza mwoyo waMwari kuburikidza nekuva nemwero pamapfekero nekushambidzika. (Zvir. 22:6; 27:11) Vabereki vanogona kubatsira vana vavo kuti varemekedze Mwari mutsvene wavanonamata kuburikidza nekuva muenzaniso wakanaka kuvana vavo uye nekuvapa mirayiridzo inoshandisika. Zvakanaka kuti vabereki vadzidzise vana vavo kuti zvipfeko zvakanaka zvinowanikwa sei uye kupi. Vana havafaniri kusarudza mbatya nemhaka chete yekuti ndidzo dzavanofarira asiwo vanofanira kusarudza mbatya dzinozoita kuti vakwanise kumiririra Jehovha Mwari.

SHANDISA NEKUCHENJERA RUSUNUNGUKO RWAKO RWEKUSARUDZA

15. Chii chinogona kutibatsira pakusarudza zvipfeko?

15 Shoko raMwari rine mazano anogona kutibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka zvinozoita kuti Mwari akudzwe. Kunyange zvakadaro, tinopfeka zvatinofarira. Zvatinofarira zvinosiyana-siyana uye ndizvo zvakaitawo mawaniro atinoita mari. Asi tinofanira kugara tichipfeka zvipfeko zvakachena, zvine mwero, zvinoenderana nezvatinenge tichiita, uye zvinoenderana nekwatinogara.

16. Nei kutsvaga uye kupfeka mbatya dzakakodzera kuri kushandira zviripo?

16 Tinofanira kubvuma kuti hazvisi nyore nguva dzose kuita chisarudzo chinoratidza pfungwa dzakanaka. Zvitoro zvakawanda zvinongotengesa mbatya dzinonyanya kufarirwa nevakawanda, saka zvinogona kutora nguva nesimba rakawanda kutsvaga masiketi, madhirezi nemabhurauzi ane mwero kana kuti masutu nematirauzi asingabati. Asi vatinonamata navo vachaona kuti taedza chaizvo kutsvaga zvipfeko zvakanaka uye zvakakodzera. Uye mufaro watinowana pakuita kuti Baba vedu vekudenga vakudzwe unotsiva kuomerwa kwatingaitwa patinopfeka nenzira inoita kuti vakudzwe.

17. Zvii zvinogona kuita kuti hama ichengete ndebvu kana kusadzichengeta?

17 Zvakakodzera here kuti hama dzichengete ndebvu? Mutemo waMosesi waida kuti varume vachengete ndebvu. Zvisinei, vaKristu havasi pasi peMutemo waMosesi uyewo havasungirwi kuuchengeta. (Revh. 19:27; 21:5; VaG. 3:24, 25) Mune dzimwe tsika, ndebvu dzakanyatsochekererwa dzinogona kugamuchirika kana kuremekedzeka, uye dzingasaita kuti vanhu varambe kuteerera mashoko eUmambo. Dzimwe hama dzakagadzwa dzinotova nadzo. Kunyange zvakadaro, dzimwe hama dzingasarudza kusachengeta ndebvu. (1 VaK. 8:9, 13; 10:32) Mune dzimwe tsika kana kuti nzvimbo vanhu havawanzochengeti ndebvu uye hazvigamuchiriki kuti Zvapupu zvaJehovha zvive nadzo. Kana hama iine ndebvu, izvozvo zvinogona kuita kuti Mwari asakudzwa uye inenge iine chainopomerwa.​—VaR. 15:1-3; 1 Tim. 3:2, 7.

18, 19. Mika 6:8 inotibatsira sei sezvatinoedza kuita kuti mapfekero edu afadze Mwari?

18 Tinoonga chaizvo kuti Jehovha haatiremedzi nekutidonongodzera mitemo inotaura nezvemapfekero nekushambidzika kwedu. Asi anotibvumira kushandisa rusununguko rwedu rwekusarudza kuti mumwe nemumwe wedu asarudze zvine musoro, achitungamirirwa nemazano emuMagwaro. Saka kunyange mapfekero nekushambidzika kwedu zvinogona kuratidza kuti tinoda ‘kuva nemwero pakufamba naMwari wedu.’​—Mika 6:8.

19 Tinobvuma kuti Jehovha akachena uye mutsvene uye kuti ndiye ega anokwanisa kutitungamirira zvakanaka. Kana tichida kuva nemwero uye kuzvininipisa tinofanira kuita maererano nezvaanoda. Kuva nemwero kunosanganisirawo kuremekedza manzwiro uye maonero evamwe. Saka ‘tinova nemwero pakufamba naMwari wedu’ kuburikidza nekuita kuti upenyu hwedu huenderane nezvaanoda uye kufungawo kuti vamwe vanonzwa sei nezvatinenge takapfeka.

20. Mapfekero uye kushambidzika kwedu kunofanira kuita kuti vamwe vaite sei?

20 Zvipfeko zvatinosarudza kupfeka zvinofanira kuita kuti vanhu vasambofunga chimwe chinhu kunze kwekuti tiri vanamati vaJehovha. Hama nehanzvadzi dzedu uye vamwewo vanhu vanofanira kuona kuti takakodzera kumiririra Mwari wedu akarurama. Zvaanoda zvakanaka zvikuru, uye tinoedza nepatinogona napo kuzvitevedzera tichifara. Tinofanira kurumbidza hama nehanzvadzi dzinoratidzika zvakanaka uye dzinozvibata zvakanaka, zvichiita kuti vanhu vane mwoyo yakanaka vawane mashoko eBhaibheri anopa upenyu uye vakudze Jehovha. Kusarudza neuchenjeri zvatinopfeka kucharamba kuchipa rukudzo kuna Iye anopfeka “kukudzwa nokubwinya.”​—Pis. 104:1, 2.