Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Wakasimba Pakunamata Paunenge Uchishumira Mundima Yemumwe Mutauro

Ramba Wakasimba Pakunamata Paunenge Uchishumira Mundima Yemumwe Mutauro

“Ndakachengeta shoko renyu mumwoyo mangu.”—PIS. 119:11.

NZIYO: 142, 92

1-3. (a) Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, chii chatinofanira kunyanya kukoshesa? (b) Vanodzidza mumwe mutauro vanosangana nematambudziko api, uye izvozvo zvinoita kuti pave nemibvunzo ipi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

ZVIURU zveZvapupu zvaJehovha zviri kushanda nesimba pakuzadziswa kwezvakaratidzwa Johani zvekuti mashoko akanaka aziviswe “kumarudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu.” (Zvak. 14:6) Uri mumwe wevaya vari kudzidza mumwe mutauro here? Uri mumishinari kana kuti uri kushumira munyika inodiwa vaparidzi vakawanda here? Kana kuti wakatanga kupinda misangano neungano yemumwe mutauro munyika yako here?

2 Sevashumiri vaMwari, isu nemhuri dzedu tinofanira kunyanya kukoshesa ukama hwedu naJehovha. (Mat. 5:3) Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva zvinogona kuomera mubereki kuti anyatsodzidza ari ega nemhaka yekuwandirwa nezvekuita. Asi vaya vanoshumira mundima yemumwe mutauro vanosangana nemamwezve matambudziko.

3 Kuwedzera pakudzidza mutauro mutsva, vaya vanoshumira mundima yemumwe mutauro vanofanirawo kuva nechokwadi chekuti vanogara vachidya zvekudya zvekunamata zvakadzama. (1 VaK. 2:10) Vangazviita sei kana vasinganyatsonzwisisi mutauro unoshandiswa muungano yavanenge vari? Uye nei vabereki vechiKristu vachifanira kuva nechokwadi chekuti Shoko raMwari riri kusvika pamwoyo yevana vavo?

CHII CHINOGONA KUKANGANISA UKAMA HWEDU NAJEHOVHA?

4. Chii chinogona kutitadzisa kusimba pakunamata? Taura muenzaniso.

4 Kusanyatsonzwisisa Shoko raMwari mune mumwe mutauro kunogona kutitadzisa kusimba pakunamata. Mumakore ekuma400 B.C.E., Nehemiya akanetseka paakaona kuti vamwe vana vevaJudha vakanga vadzoka kubva kuBhabhironi vaisagona kutaura chiHebheru. (Verenga Nehemiya 13:23, 24.) Vana ava vakanga vasina kutenda muna Mwari nekuti vaisanyatsonzwisisa Shoko raMwari.—Neh. 8:2, 8.

5, 6. Vamwe vabereki vari kushumira mundima yemumwe mutauro vakaonei pavana vavo, uye izvozvo zvinokonzerwa nei?

5 Vamwe vabereki vechiKristu vari mundima yemumwe mutauro vakaona kuti kufarira kwaiita vana vavo chokwadi kwainge kwadzikira. Vana vacho vaisanyatsobatsirwa nezvinhu zvekunamata zvaidzidziswa paImba yeUmambo nekuti vaisanyatsonzwisisa zvaikurukurwa pamisangano. Pedro, [1] uyo akatama nemhuri yake kubva kuSouth America achienda kuAustralia anoti, “Kana tichitaura nezvezvinhu zvine chekuita nekunamata, zvinhu zvatinodzidza zvinofanira kunyatsosvika pamwoyo yedu.”—Ruka 24:32.

6 Patinoverenga zvinhu nemumwe mutauro, zvingasasvika pamwoyo sezvazvinoita mumutauro waamai. Uyewo, kusakwanisa kunyatsokurukura nevamwe nemumwe mutauro kunogona kunetesa pfungwa uye pakunamata. Saka patinenge tichiedza kuramba tiine chido chekushumira Jehovha mundima yemumwe mutauro, tinofanirawo kuchengetedza ukama hwedu naye hwakasimba.—Mat. 4:4.

VAKACHENGETEDZA UKAMA HWAVO NAJEHOVHA

7. VaBhabhironi vakaedza sei kuita kuti Dhanieri anyure mutsika dzechiBhabhironi uye muchitendero chavo?

7 Dhanieri neshamwari dzake pavakatapwa, vaBhabhironi vakavadzidzisa ‘mutauro wevaKadheya’ vachiedza kuvaita kuti vanyure mutsika dzechiBhabhironi. Uyewo jinda guru raiona nezvekudzidziswa kwavo rakavapa mazita echiBhabhironi. (Dhan. 1:3-7) Zita rakapiwa Dhanieri raiva nechekuita naBheri, mwari mukuru wevaBhabhironi. Mambo Nebhukadhinezari angangodaro aida kuti Dhanieri afunge kuti mwari wevaBhabhironi aiva nesimba pana Mwari waDhanieri, Jehovha.—Dhan. 4:8.

8. Chii chakabatsira Dhanieri kuti arambe akasimba pakunamata paaigara kune imwe nyika?

8 Kunyange zvazvo Dhanieri aipiwa zvekudya zveumbozha kubva pane zvaidyiwa namambo, “akatsunga mumwoyo make kuti aisazozvisvibisa” nezvekudya izvozvo. (Dhan. 1:8) Akaramba akasimba pakunamata paakanga ari mutorwa mune imwe nyika nekuti airamba achidzidza zvinyorwa zvitsvene mururimi rwaamai vake. (Dhan. 9:2) Ndokusaka pashure pemakore 70 ari muBhabhironi, akanga achiri kuzivikanwa nezita rake rechiHebheru.—Dhan. 5:13.

9. Sezvinoratidzwa muPisarema 119, Shoko raMwari rakabatsira sei munyori wepisarema racho?

9 Munyori wePisarema 119 akawana simba kubva muShoko raMwari rekuti aite zvakasiyana nevamwe. Aifanira kutsungirira kusekwa nevamwe vaiva mudare ramambo. (Pis. 119:23, 61) Kunyange zvakadaro, akabvumira kuti shoko raMwari rinyatsosvika pamwoyo pake.—Verenga Pisarema 119:11, 46.

RAMBA WAKASIMBA PAKUNAMATA

10, 11. (a) Tinofanira kuva nechinangwa chei patinodzidza Shoko raMwari? (b) Tingazadzisa sei chinangwa chedu? Taura muenzaniso.

10 Kunyange zvazvo tingava nezvakawanda zvekuita pakunamata uye pakutsvaga zvekurarama nazvo, tese tinofanira kuva nenguva yekudzidza tiri tega uye yekunamata semhuri. (VaEf. 5:15, 16) Asi chinangwa chedu hachifaniri kuva chekungopedza mapeji akawanda kana kungowana mhinduro dzekuzopa pamisangano. Tinoda kuva nechokwadi chekuti tabvumira Shoko raMwari kuti risvike pamwoyo yedu uye risimbise kutenda kwedu.

11 Kuti tiite izvi, patinenge tichidzidza tinofanira kuva pakati nepakati, tichifunga zvinobatsira vamwe uye zvinotibatsirawo pakunamata. (VaF. 1:9, 10) Tinofanira kuziva kuti patinogadzirira ushumiri, misangano, kana hurukuro, isu vacho tingasashandisa zvatinenge taverenga. Semuenzaniso, mubiki wemuhotera anogona kuravira chikafu chaanenge achibika, asi haangararami nezvishoma izvozvo zvaanongoravira. Kana achida kuramba aine utano hwakanaka, anofanira kuzvibikira chikafu chinovaka muviri. Saizvozvowo, tinofanira kushanda nesimba kuti tidye zvekudya zvekunamata zvakakwana zvinotivaka.

12, 13. Nei vakawanda vari kushumira kune dzimwe nyika vachiona zvichibatsira kuti vagare vachidzidza Shoko raMwari mururimi rwaamai?

12 Vakawanda vevaya vari kushumira kune dzimwe nyika vanoona kuti zvinobatsira kugara vachidzidza Bhaibheri ‘mumutauro wavo.’ (Mab. 2:8) Kunyange mamishinari anotozivawo kuti kana ari kune imwe nyika, zvinhu zvishoma zvaanonzwisisa pamisangano handizvo zvega zvinoita kuti arambe akasimba pakunamata.

13 Alain, uyo ava nemakore anenge 8 achidzidza chiPersian, anoti: “Pandinogadzirira misangano muchiPersian, kazhinji ndinonyanya kufunga nezvemutauro wacho. Sezvo pfungwa dzangu dzichinyanya kungova pakunzwisisa mutauro wacho, zvekudya zvekunamata zvandinenge ndichiverenga hazvinyatsonditi dyoo pamwoyo. Ndokusaka ndichironga kuti ndigare ndiine nguva yekudzidza Bhaibheri nemamwe mabhuku mururimi rwaamai.”

ITAI KUTI CHOKWADI CHISVIKE PAMWOYO YEVANA VENYU

14. Vabereki vanofanira kuva nechokwadi chei, uye nei vachifanira kudaro?

14 Zvakanaka kuti vabereki vechiKristu vave nechokwadi chekuti Shoko raMwari rapinda mupfungwa nemwoyo yevana vavo zvishoma nezvishoma. Pashure pekushumira kune imwe nyika kwemakore anopfuura matatu, Serge nemudzimai wake Muriel, vakaona kuti mwanakomana wavo aiva nemakore 17 akanga asisafariri zvinhu zvekunamata. “Kuparidza nemumwe mutauro kwaimusvota, nepo aimbofarira kuparidza mumutauro wake wechiFrench,” anodaro Muriel. Serge anoti, “Patakaona kuti izvi zvaitadzisa mwanakomana wedu kukura pakunamata, takasarudza kudzokera kuungano yataimbopinda nayo.”

Ivai nechokwadi chekuti shoko raMwari rasvika pamwoyo yevana venyu (Ona ndima 14, 15)

15. (a) Zvii zvingaita kuti vabereki vadzokere kuungano yemutauro unonyatsonzwisiswa nevana vavo? (b) Dheuteronomio 6:5-7 inopa zano rekutii kuvabereki?

15 Zvii zvingaita kuti vabereki vadzokere kuungano yemutauro unonyatsonzwisiswa nevana vavo? Chekutanga, vanofanira kuona kuti vane nguva nezvinhu zvakakwana here zvinodiwa pakudzidzisa vana vavo kuti vade Jehovha, panguva imwe chete vachivadzidzisa mumwe mutauro. Chechipiri, vanogona kuona kuti vana vavo havachafariri zvekunamata kana kuti havachafariri kuramba vari mundima yemumwe mutauro yavanenge vari. Mumamiriro ezvinhu akadaro, vabereki vechiKristu vanogona kufunga zvekudzokera kuungano yemutauro unonzwisiswa nevana vavo kusvikira vana vavo vadzika midzi muchokwadi.—Verenga Dheuteronomio 6:5-7.

16, 17. Vamwe vabereki vari mundima yemumwe mutauro vakakwanisa sei kudzidzisa vana vavo zvinhu zvekunamata?

16 Asiwo vamwe vabereki vakawana nzira dzekudzidzisa vana vavo mumutauro waamai vachiramba vachipinda misangano neungano kana kuti neboka remumwe mutauro. Vamwe baba vanonzi Charles vane vanasikana vatatu vane makore ari pakati pe9 ne13 vanopinda neboka remutauro wechiLingala. Vanoti: “Takasarudza kuitisa vana vedu zvidzidzo zveBhaibheri uye kuita kunamata kwemhuri mumutauro wedu. Asi tinodzidzirawo zvatichazotaura muushumiri kana pamisangano uye tinoita mitambo muchiLingala kuitira kuti vana vedu vadzidze mutauro uyu patinenge tichimbofara.”

Shanda nesimba pakudzidza mumwe mutauro uye edza kupindurawo pamisangano (Ona ndima 16, 17)

17 Vamwe baba vanonzi Kevin vane vanasikana vaviri, mumwe ane makore mashanu nemumwe ane masere, vakatora matanho ekuvabatsira sezvo vanenge varasikirwa nezvimwe zvinhu pamisangano inoitwa nemumwe mutauro. Vanoti: “Ini nemudzimai wangu tinodzidza nevanasikana vedu muchiFrench, rurimi rwaamai. Takarongawo kupinda misangano yechiFrench kamwe chete pamwedzi, uye tinopinda magungano mumutauro wedu patinenge tiri pazororo.”

18. (a) Izano ripi riri pana VaRoma 15:1, 2 rinogona kukubatsirai kusarudza zvakanyanya kunakira vana venyu? (b) Vamwe vabereki vakataura mazano api? (Ona mamwe mashoko.)

18 Zvinosiyirwa mhuri imwe neimwe kuti isarudze kuti ndezvipi zvinonyatsobatsira vana kuti vasimbe pakunamata. [2] (VaG. 6:5) Muriel ambotaurwa nezvake anoti iye nemurume wake vaifanira kurega kuita zvavaida ivo pachavo kuitira kuti mwanakomana wavo abatsirwe pakunamata. (Verenga VaRoma 15:1, 2.) Serge anofunga kuti vakaita chisarudzo chakanaka. Anoti: “Kubva patakadzokera kuungano yeFrench, mwanakomana wedu akafambira mberi pakunamata ndokubhabhatidzwa. Iye zvino ava piyona wenguva dzose. Ava kutofungawo nezvekudzokera kuboka remumwe mutauro!”

ITA KUTI SHOKO RAMWARI RISVIKE PAMWOYO WAKO

19, 20. Tingaratidza sei kuti tinoda Shoko raMwari?

19 Nerudo rwake, Jehovha akaita kuti Shoko rake Bhaibheri riwanike mumazana emitauro kuitira kuti ‘vanhu vemarudzi ose vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.’ (1 Tim. 2:4) Anoziva kuti vanhu vanogona kunyatsogutsa zvavanoda pakunamata kana vakaverenga pfungwa dzake mumutauro unosvika pamwoyo yavo.

20 Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, tinofanira kugara tichidya zvekudya zvekunamata zvakadzama. Kana tikadzidza Magwaro mumutauro unosvika pamwoyo yedu, tichaita kuti isu nemhuri dzedu tirambe takasimba pakunamata uye ticharatidza kuti tinokoshesa Shoko raMwari.—Pis. 119:11.

^ [1] (ndima 5) Mazita akachinjwa.

^ [2] (ndima 18) Kuti uwane mazano eBhaibheri anogona kubatsira mhuri yenyu, ona nyaya inoti “Kurera Vana Munyika Isiri Yako—Zvinetso Zvacho Nemibayiro,” iri muNharireyomurindi yaOctober 15, 2002.