Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unochengetedza “Uchenjeri Hunobatsira” Here?

Unochengetedza “Uchenjeri Hunobatsira” Here?

ZVINONZI paiva nemumwe mukomana aiva murombo aigara mumusha waiva kure netaundi. Vanhu vaibva mumataundi vaimuseka nokuti vaifunga kuti akapusa. Paiuya vashanyi, vamwe vemumusha macho vaimuita rombe pamberi peshamwari dzavo. Vaimutambidza mari mbiri, yakati kurei yesirivha neimwe diki yegoridhe yaikosha kupfuura yesirivha kakapetwa kaviri. Vaibva vati “Sarudza yaunoda.” Mukomana wacho aibva asarudza mari yesirivha obva atiza.

Rimwe zuva mumwe mushanyi akabvunza mukomana wacho achiti, “Hauzivi here kuti mari yegoridhe inokosha kupfuura yesirivha kakapetwa kaviri?” Mukomana wacho akanyemwerera ndokuti, “Ndinozviziva.” Mushanyi wacho akamubvunza kuti, “Saka nei uchitora mari yesirivha? Kana ukatora yegoridhe unova nemari yakapetwa kaviri!” Mukomana wacho akati, “Asi kana ndikatora mari yegoridhe vanhu vacharega kuita mutambo wacho neni. Munoziva here kuti ndakatora mari yesirivha yakawanda sei?” Kamukomana kemunyaya iyoyo kakaratidza chimwe chinhu chinogona kubatsira vanhu vakuru—uchenjeri hunobatsira.

Bhaibheri rinoti: “Chengetedza uchenjeri hunobatsira nemano okufunga. Ipapo uchafamba wakachengeteka panzira yako, uyewo tsoka yako haizogumburwi.” (Zvir. 3:21, 23) Saka zvinotichengetedza kana tikaziva chinonzi “uchenjeri hunobatsira” uye kuti tingahushandisa sei. Zvinotibatsira kuti tisagumburwa pakunamata uye kuti “tsoka” yedu irambe yakatsiga.

CHII CHINONZI UCHENJERI HUNOBATSIRA?

Uchenjeri hunobatsira hwakasiyana nezivo uye kunzwisisa. Munhu ane zivo anounganidza mashoko echokwadi. Munhu anonzwisisa anogona kuona kuti chimwe chokwadi chakabatana papi nechimwe. Munhu ane uchenjeri anokwanisa kubatanidza zivo nekunzwisisa ozvishandisa nenzira yakanaka.

Semuenzaniso, munhu anogona kuverenga onzwisisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? munguva pfupi pfupi. Paanenge achidzidziswa Bhaibheri, anogona kupindura zvakarurama. Anogona kutanga kupinda misangano yeungano, achitopa mhinduro. Zvose izvi zvingaratidza kuti ari kufambira mberi pakunamata, asi zvinoreva here kuti awana uchenjeri? Pamwe pacho hazvirevi kudaro. Anogona kunge ari munhu anokurumidza kubata zvinhu nemusoro. Asi paanorarama maererano nechokwadi chacho, achishandisa zivo nekunzwisisa nenzira yakarurama, anova munhu akachenjera. Kana zvisarudzo zvake zvichiita kuti abudirire, zvichiratidza kuti anotanga anyatsofunga, zvinova pachena kuti ari kuratidza uchenjeri hunobatsira.

Mateu 7:24-27 inorondedzera muenzaniso wakataurwa naJesu wevarume vaviri vakavaka dzimba. Mumwe wevarume ava anonzi “akangwara.” Achifunga zvaizogona kuitika, murume iyeye akavakira imba yake padombo guru. Aifunga nezveramangwana uye kuti zvaaiita zvaizoguma nei. Haana kungozvinyengera achiti zvaisazodhura uye zvaizokurumidza kana akavakira imba pajecha. Akashandisa uchenjeri achifunga zvaizoitika panzvimbo yaaizovakira imba yake. Saka pakazouya dutu, imba yake haina kuparara. Mubvunzo unovapo ndewekuti, Tingawana sei uchenjeri hunobatsira uye tingahuchengetedza sei?

NDINGAHUWANA SEI?

Chekutanga, ona kuti Mika 6:9 inoti: “Munhu ane uchenjeri hunobatsira achatya zita [raMwari].” Kutya zita raJehovha kunoreva kumuremekedza. Kunoreva kusarerutsa zita rake uye zvarinomiririra, kusanganisira mitemo yake. Kuti ukwanise kuremekedza mumwe munhu, unotofanira kutanga waziva kuti anofunga sei. Izvozvo zvichaita kuti ukwanise kuvimba naye uye kudzidza kubva kwaari, wobudirirawo sezvaanoita. Kana tichiva nehanya nekuti zvatinosarudza kuita zvichaguma nei paukama hwedu naJehovha uye kana tichiita zvisarudzo zvinoenderana nezvaanoda, tinenge tichitowana uchenjeri hunobatsira.

Chechipiri, Zvirevo 18:1 inoti: “Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire; acharwa nouchenjeri hwose hunobatsira.” Kana tikasangwarira, tinogona kuzviparadzanisa naJehovha uye nevanhu vake. Kuti tisazviparadzanisa nevamwe, tinofanira kuwana nguva yekuva nevanhu vanotya zita raMwari uye vanoremekedza mitemo yake. Ngativei paImba yeUmambo kana tichikwanisa, tichipinda misangano nguva dzose. Patinenge tiri pamisangano, ngatibvumirei kuti zvinenge zvichitaurwa zvipinde mupfungwa nemumwoyo yedu uye kuti zvitibatsire.

Kana tikadururawo mwoyo yedu kuna Jehovha mumunyengetero, tichaswedera pedyo naye. (Zvir. 3:5, 6) Patinoverenga Bhaibheri nezvimwe zvinyorwa zvesangano raJehovha tichiita kuti zvataverenga zvipinde mupfungwa nemumwoyo yedu, tinogona kuona kuti zvatichasarudza kuita zvichaguma nei, toita chisarudzo chakanaka. Tinofanirawo kuita kuti mwoyo yedu igamuchire mazano atinopiwa nehama dzakasimba pakunamata. (Zvir. 19:20) Saka panzvimbo ‘pekurwa neuchenjeri hwose hunobatsira,’ tinenge tichitowedzera kuva nahwo.

HUCHABATSIRA SEI MHURI YANGU?

Uchenjeri hunobatsira hunogona kuchengetedza mhuri. Semuenzaniso, Bhaibheri rinokurudzira mudzimai kuti ‘aremekedze kwazvo’ murume wake. (VaEf. 5:33) Murume angawana sei ruremekedzo? Kana akaita zvekumanikidza mudzimai kuti amuremekedze, anogona kungoremekedzwa kwenguva pfupi. Kuti asanetswa, mudzimai wacho anogona kungoremekedza murume iyeye kana aripo. Asi achamuremekedza here paanenge asipo? Anogona kusamuremekedza. Saka murume wacho anofanira kufunga zvaangaita kuti azoramba achiremekedzwa. Kana akaratidza chibereko chemudzimu, achiva nerudo uye mutsa, mudzimai wake achamuremekedza kwazvo. Asiwo mudzimai wechiKristu anofanira kuremekedza murume wake pasinei nezvinoitwa nemurume wacho.—VaG. 5:22, 23.

Bhaibheri rinotiwo murume anofanira kuda mudzimai wake. (VaEf. 5:28, 33) Achida kuedza kudiwa nemurume wake, mudzimai anogona kufunga kuti zviri nani kuvanzira murume wake zvimwe zvinhu zvisingafadzi zvaanotofanira kumuudza. Asi kuita izvozvo kuratidza uchenjeri hunobatsira here? Kana murume wacho akazoona kuti pane zvaakavanzirwa, zvichaguma nei? Achawedzera kuda mudzimai wake here? Anogona kuzoomerwa nekumuda. Panzvimbo pekuvanza zvimwe zvinhu zvisingafadzi, kana mudzimai akawana nguva yakakodzera yekuzvitsanangura, murume wake anogona kufara kuti mudzimai wake akavimbika. Izvi zvichaita kuti awedzere kuda mudzimai wake.

Kuranga kwaunoita vana vako nhasi kune zvakunoita pakukurukura kwavachazoita newe pave paya

Vana vanofanirawo kuteerera vabereki uye kurangwa zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha. (VaEf. 6:1, 4) Izvi zvinoreva here kuti vabereki vanotofanira kupa mwana mitemo yakawandisa yezvinofanira kuitwa nezvisingafaniri kuitwa? Mwana anogona kupiwa mitemo yepamba kana kuudzwa chirango chaanopiwa kana akasaiteerera, asi mubereki ane uchenjeri hunobatsira anoita kuti mwana anzwisise kuti nei achifanira kuteerera.

Semuenzaniso, ngatitii mwana anotaura zvisina ruremekedzo kuna amai kana kuti kuna baba. Kumupopotera kana kuti kubva mangomuranga kunogona kunyadzisa mwana wacho kana kumuita kuti asazomboti bufu. Asi nechemumwoyo anogona kunge akatsamwa, uye zvinogona kumuita kuti asazotaura nevabereki vake.

Vabereki vane uchenjeri hunobatsira vachafunga nezvenzira yekuranga nayo vana vavo uye kuti nzira yacho ichabatsira sei vana vacho mune ramangwana. Kana mwana akaita zvinhu zvinoita kuti vanyare, vabereki havafaniri kukurumidza kuviruka nehasha. Vanogona kuzotaura nemwana wavo vari vega, vachimutsanangurira kuti Jehovha anotarisira kuti aremekedze vabereki vake kuti zvimufambire zvakanaka nekusingaperi. Mwana wacho paanozoremekedza vabereki vake, anenge ava kuziva kuti ari kukudza Jehovha. (VaEf. 6:2, 3) Kushandisa nzira iyi pakudzidzisa mwana kunogona kusvika pamwoyo wake. Anoona kuti vabereki vake vanomuda chaizvo, uye anowedzera kuvaremekedza. Izvi zvichaitawo kuti mwana wacho azovakumbira rubatsiro paanosangana nezvimwe zvinhu zvinokosha mune ramangwana.

Vamwe vabereki vanotyira kuti vangazorwadzisa vana vavo, saka vanobva vatorega kuvaranga. Asi mwana wacho achazoita sei kana ava munhu mukuru? Achatya Jehovha uye achaona kukosha kwekuita zvinhu maererano nezvinodiwa naMwari here? Achaita kuti mwoyo wake nepfungwa zviteerere Jehovha here, kana kuti achazviparadzanisa nevamwe vanamati?—Zvir. 13:1; 29:21.

Muvezi anogona basa anofanoronga kuti ari kuda kuveza chinhu chakaita sei. Haangovezi zvachero otarisira kuti chichabuda zvakanaka. Vabereki vane uchenjeri hunobatsira vanotora nguva yekuti vadzidze uye vashandise zvinotaurwa naJehovha, vachiratidza kuti vanotya zita rake. Kana vakasazviparadzanisa naJehovha nesangano rake, vanowana uchenjeri hunobatsira, vohushandisa kuvaka mhuri yavo.

Zuva nezuva tinoita zvisarudzo zvine chekuita neramangwana redu. Panzvimbo pekusarudza uchimhanya-mhanya kana kuti kungoti zvikubve, mira unyatsofunga. Funga kuti zvisarudzo zvauchaita zvichaguma nei. Tsvaga mazano anobva kuna Jehovha, uye shandisa uchenjeri hunobva kwaari. Tikadaro tinenge tachengetedza uchenjeri hunobatsira, uye huchatipa upenyu.—Zvir. 3:21, 22.