Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ishoko Rainyaradza Zvikuru!

Ishoko Rainyaradza Zvikuru!

“MUKADZI.” Aya ndiwo madaniro aimboita Jesu paaitaura nevanhukadzi. Semuenzaniso, paakaporesa mumwe mukadzi akanga ava nemakore 18 asingakwanisi kumira akatwasuka, akamuti: “Iwe mukadzi, wasunungurwa pakushayiwa kwako simba.” (Ruka 13:10-13) Ndiwozve madaniro aakaita amai vake, uye kare ikako zvairatidza kuremekedza vanhukadzi. (Joh. 19:26; 20:13) Asi kwaiva nerimwe shoko raireva zvinopfuura kuremekedza.

“Mwanasikana.” Bhaibheri rinoshandisa shoko iroro parinotaura nezvevamwe vakadzi. Jesu akarishandisa paaitaura nemumwe mukadzi akanga ava nemakore 12 achibuda ropa. Zvakaitwa nemukadzi uyu kusvika azobata nguo yaJesu zvakanga zvisingaenderani neMutemo waMwari, uyo waiti munhu aibuda ropa akanga asina kuchena. Vamwe vangati mukadzi uyu aisafanira kuuya pane vanhu sezvo akanga asina kuchena. (Revh. 15:19-27) Asi akanga apererwa. “Akanga arwadziswa kazhinji navanachiremba vazhinji uye akanga apedza pfuma yake yose uye akanga asina kubatsirwa, asi, akanga atonyanyisa kurwara.”​—Mako 5:25, 26.

Mukadzi uyu akaverevedza nemukati meboka revanhu, akaenda necheshure kwaJesu, ndokubva abata mupendero wenguo yake. Chirwere chake chekubuda ropa chakabva changopera! Mukadzi wacho aitarisira kuti hapana aizozviona, asi Jesu akabva ati: “Ndiani andibata?” (Ruka 8:45-47) Akabva atanga kudedera achibva agwadama pamberi paJesu, uye “akamuudza chokwadi chose.”​—Mako 5:33.

Kuti mukadzi uyu asanyanya kunetseka, Jesu akamuudza zvinyoronyoro kuti: “Shinga, mwanasikana.” (Mat. 9:22) Nyanzvi dzinoongorora Bhaibheri dzinoti mashoko echiHebheru neechiGiriki anoshandiswa kureva “mwanasikana” anogona kushandiswa achiratidza kuti une “hanya nemumwe munhu.” Jesu akamusimbisazve achiti: “Kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare, uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.”​—Mako 5:34.

Bhoazi akashandisa shoko iroro paaitaura naRute, mukadzi wekuMoabhi. Rute anogona kunge ainetsekawo sezvo aiunganidza bhari yaisaririra mumunda wemunhu waakanga asingazivi. Bhoazi akati: ‘Inzwa mwanasikana wangu.’ Akabva audza Rute kuti arambe hake achiunganidza bhari mumunda make. Rute akabva agwadama pamberi paBhoazi akatarisa pasi, achibva abvunza kuti nei ainge amunzwira tsitsi kudaro, iye ari mutorwa. Bhoazi akabva amusimbisa achiti: “Ndakanyatsoudzwa zvose zvawakaitira vamwene vako [Naomi] . . . Jehovha ngaakupe mubayiro wezvaunoita.”​—Rute 2:8-12.

Zvakaitwa naJesu naBhoazi ndizvo chaizvo zvinofanira kuitwawo nevakuru vechiKristu! Dzimwe nguva, vakuru vaviri vanogona kuonana nehanzvadzi yechiKristu inenge ichida rubatsiro runobva muMagwaro uye kukurudzirwa. Kana vakuru vakakumbira kubatsirwa naJehovha uye vakanyatsoteerera zvinenge zvichitaurwa nehanzvadzi yavo, vachakwanisa kuinyaradza uye kuisimbisa vachishandisa Shoko raMwari.​—VaR. 15:4.