Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zita raMwari rekuti Jehovha muchiHebheru, uye rinoverengwa uchibva kurudyi uchienda kuruboshwe

Bhii Diki rechiHebheru Rinosimbisa Kutenda Kwedu

Bhii Diki rechiHebheru Rinosimbisa Kutenda Kwedu

Unonyatsobvuma here kuti zvinhu zvinovimbiswa naMwari zvichaitika? Jesu ainyatsozvibvuma, uye zvaaidzidzisa zvakaitawo kuti vanhu vaimuteerera vatende muna Mwari. Chimbofunga zvaakataura paMharidzo yepaGomo, zviri pana Mateu 5:18: “Chokwadi ndinoti kwamuri nokukurumidza denga nenyika zvingapfuura, pane kuti bhii rimwe chete duku pane ose kana kuti kachikamu kebhii kapfuure paMutemo zvinhu zvose zvisina kuitika.”

Bhii dikisa paarufabheti yechiHebheru, ndi י (yod), uye ndiro bhii rekutanga pazita raMwari rekuti Jehovha. * Uyezve, vanyori nevaFarisi vaisangogumira pakukoshesa mashoko kana kuti mabhii aiva muMutemo waMwari, asiwo vaikoshesa kunyange “kachikamu kebhii.”

Jesu aiti denga nenyika zvingapfuura pane kuti kanhu kadiki kanotaurwa mubhuku reMutemo katadze kuzadzika. Asika, Magwaro anoti matenga nenyika zvatinoona izvi hazvisi kuzoparadzwa. (Pisarema 78:69) Saka mashoko aya anoratidza kuti chinhu chese chinotaurwa muShoko raMwari chinototi chiitike.

Mwari anokoshesa kunyange zvinhu zvidiki here? Ehe. Chimbofunga izvi: VaIsraeri vakaudzwa kuti pavaidya gwai rePaseka, hapana kana bhonzo raifanira kutyorwa. (Eksodho 12:46) Chingaita sechinhu chidiki uchizvitarisa. Vainzwisisa here kuti zvairevei? Vanogona kunge vaisazvinzwisisa. Jehovha Mwari aiziva kuti zvaakavaudza izvi, hwaitova uprofita hwekuti hapana kana bhonzo raMesiya raizotyorwa paaizourayiwa padanda rekutambudzika.​—Pisarema 34:20; Johani 19:31-33, 36.

Zvakataurwa naJesu zvinotidzidzisei? Isuwo tinogona kuva nechokwadi chekuti chese chinovimbiswa naJehovha Mwari chichaitika, kunyange chingava chidiki sei. Chokwadi bhii diki rechiHebheru rinosimbisa kutenda kwedu!

^ ndima 3 Bhii dikisa paarufabheti yechiGiriki ndi ι (iota) uye rakafanana nebhii rechiHebheru י (yod). Sezvo Mutemo wakapiwa Mosesi wakanga wakanyorwa muchiHebheru, kunenge kuti Jesu aitaura nezvebhii rechiHebheru.