Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | NGIROZI​—DZIRIKO HERE? KUZVIZIVA KUNOBATSIREI?

Chokwadi Nezvengirozi

Chokwadi Nezvengirozi

Unoda here kuziva kuti ngirozi dzakamboita sei, dzakabvepi uye kuti dzinoita basa rei? Hakuna kumwe kwaungawana mhinduro dzechokwadi kunze kwemuShoko raMwari Bhaibheri. (2 Timoti 3:16) Bhaibheri rinoti kudii?

  • Mwari Mweya uye ndizvo zvakaitawo ngirozi, hadzina muviri ‘wenyama nemapfupa.’ Ngirozi dzakanaka dzinogara kudenga uye dzinotosvika kunogara Mwari.​—Ruka 24:39; Mateu 18:10; Johani 4:24.

  • Dzimwe nguva dzaimbouya panyika kuzoita basa radzainge dzatumwa naMwari. Saka dzaibva dzachinja miviri dzoita sevanhu uye padzainge dzapedza basa radzo dzaibva dzachinja zvekare miviri yadzo dzodzokera kudenga.​—Vatongi 6:11-23; 13:15-20.

  • MuBhaibheri, ngirozi dzinotaurwa sevarume uye padzaiuya panyika dzaichinja miviri yadzo dzooneka sevarume. Asi ngirozi pachadzo hakuna dzinonzi idzi varume idzi vakadzi. Hadziroori uye hadzikwanisi kubereka dzimwe ngirozi. Ngirozi hadzina kutanga dziri vanhu. Dzakasikwa naJehovha dzingori ngirozi uye ndosaka Bhaibheri richidziti “vanakomana vaMwari wechokwadi.”​—Jobho 1:6; Pisarema 148:2, 5.

  • Bhaibheri rinoti kune “ndimi dzevanhu nedzengirozi,” kuratidza kuti ngirozi dzine mutauro wadzinoshandisa pakutaurirana. Kunyange zvazvo Mwari akashandisa ngirozi kuti dzitaure nevanhu, haadi kuti tidzinamate kana kuti tinyengetere kwadziri.​—1 VaKorinde 13:1; Zvakazarurwa 22:8, 9.

  • Kune makumi ezviuru emakumi ezviuru zvengirozi, uye dzinogona kutosvika kumabhiriyoni.​—Dhanieri 7:10; Zvakazarurwa 5:11.

  • Ngirozi dzine “simba guru” uye dzakachenjera kupfuura vanhu. Dzinokwanisa kumhanya zvakanyanya zvatisingakwanisi kufungidzira.​—Pisarema 103:20; Dhanieri 9:20-23.

  • Kunyange zvazvo dziine simba rakakura uye dzakachenjera kutipfuura, dzine zvimwe zvadzisingakwanisi kuita uye zvadzisingazivi.​—Mateu 24:36; 1 Petro 1:12.

  • Ngirozi dzine unhu hwakanaka hwakasiyana-siyana uye dzine rusununguko rwekusarudza. Saka kungofanana nesu, dzinokwanisa kusarudza kuita zvakanaka kana kuti zvakaipa. Chinosuwisa ndechekuti dzimwe ngirozi dzakasarudza kupandukira Mwari.​—Judha 6.