Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VAVERENGI VANOBVUNZA KUTI . . .

MuKristu Anofanira Kupemberera Krisimasi Here?

MuKristu Anofanira Kupemberera Krisimasi Here?

Pasi rese, vanhu vakawanda vanopemberera Krisimasi vachiti vari kuyeuka zuva rakaberekwa Jesu Kristu. Asi vadzidzi vaJesu vaipemberera Krisimasi here? Uye unoziva here zvinotaurwa neBhaibheri nezvemazuva ekuberekwa? Kuziva mhinduro dzacho kuchatibatsira kuona kana vaKristu vachifanira kupemberera Krisimasi.

Chekutanga, Bhaibheri harina parinombotaura nezvekupemberera kuberekwa kwaJesu kana kuti kwevamwe vashumiri vaMwari vakatendeka. Rinongotaura nezvevanhu vaviri chete vakapemberera mazuva avo ekuberekwa. Vanhu ivavo vakanga vasinganamati Jehovha, uye pane zvakaipa zvakaitika musi wavaipemberera. (Genesisi 40:20; Mako 6:21) Bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica, rinoti vaKristu vekutanga vaitoshora “tsika yechihedheni yekupemberera mazuva ekuberekwa.”

Jesu akaberekwa musi upi?

Bhaibheri haritauri musi wakaberekwa Jesu. “MuTestamende Itsva, zuva rekuberekwa kwaKristu harimo, uye hariwaniki chero mune mamwe mabhuku,” inodaro Cyclopedia yaMcClintock naStrong. Dai Jesu aida kuti vateveri vake vapemberere zuva raakaberekwa, angadai akavaudza musi wacho.

Chechipiri, Bhaibheri harina parinotaura kuti Jesu kana kuti mumwe wevadzidzi vake vakambopemberera Krisimasi. Maererano neNew Catholic Encyclopedia, kupemberera Krisimasi kwakatanga kutaurwa ‘muChronograph yaPhilocalus yemuna 336 C.E.’ Panguva iyi, Bhaibheri rakanga ratopera kunyorwa kare uye pakanga patova nemazana emakore Jesu adzokera kudenga. Ndokusaka McClintock naStrong vakataurawo kuti ‘Mwari haatsigiri kupemberera Krisimasi, uye haiwanikwi muTestamende Itsva.’ *

Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vayeuke musi upi?

SeMudzidzisi Mukuru, Jesu akapa vateveri vake mirayiro yakajeka yezvaaida kuti vaite, uye mirayiro yacho yakanyorwa muBhaibheri. Asi haana kumbotaura nezvekupemberera Krisimasi. Mudzidzisi wekuchikoro haadi kuti vana vaanodzidzisa vaite zvaasina kuvaudza. Ndizvowo zvinoitwa naJesu, haadi kuti vadzidzi vake ‘vapfuure zvinhu zvakanyorwa’ muMagwaro Matsvene.—1 VaKorinde 4:6.

Asi pane mumwe musi unokosha chaizvo waiyeukwa nevaKristu vekutanga, unonzi Chirangaridzo cherufu rwaJesu. Jesu pachake akaudza vadzidzi vake kuti ndirini pavaifanira kuyeuka musi uyu, uye kuti zvii zvavaifanira kuita.—Ruka 22:7, 19; 1 VaKorinde 11:25.

Sezvataona, Krisimasi kupemberera zuva rekuberekwa, uye vaKristu vekutanga vaisapemberera mazuva ekuberekwa. Uyezve, Bhaibheri harina parinotaura kuti pane akambopemberera Krisimasi, kunyange Jesu pachake. Nekuda kwezvikonzero izvi, mamiriyoni evaKristu akaona kuti haafaniri kupemberera Krisimasi.

^ ndima 6 Kana uchida kunzwa zvimwe nezvematangiro akaita tsika dzinoitwa paKrisimasi, ona nyaya ine musoro unoti “Vaverengi Vanobvunza Kuti . . . Chokwadi Panyaya yeKrisimasi Ndechipi?” iri muNharireyomurindi yaDecember 1, 2014, inowanikwawo pawebsite yedu inonzi www.pr418.com.