Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vimba naJehovha Uite Zvakanaka”

“Vimba naJehovha Uite Zvakanaka”

“Vimba naJehovha uite zvakanaka . . . uite zvinhu nokutendeka.”PIS. 37:3.

NZIYO: 133, 63

1. Jehovha akasika vanhu vaine zvipo zvipi zvinoshamisa?

JEHOVHA akasika vanhu vaine zvipo zvinoshamisa. Akatipa pfungwa kuti tikwanise kugadzirisa matambudziko uye kuronga ramangwana. (Zvir. 2:11) Akatipa simba rekuita zvatinenge taronga, zvichiita kuti tizadzise zvinangwa zvedu. (VaF. 2:13) Akatipawo hana, iyo inotibatsira kuti tisaita zvakaipa uye kuti tigadzirise zvatinenge takanganisa.VaR. 2:15.

2. Jehovha anotarisira kuti tishandise sei zvipo zvedu?

2 Jehovha anotarisira kuti tishandise zvakanaka zvipo zvedu. Nei achidaro? Nekuti anotida, uye anoziva kuti tinogutsikana patinoshandisa zvipo izvi. Achishandisa Shoko rake, Jehovha anotinyevera kakawanda kuti tishandise zvakanaka zvipo zvedu. Semuenzaniso, muMagwaro echiHebheru, tinoverenga kuti: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira”; uye kuti “zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose.” (Zvir. 21:5; Mup. 9:10) MuMagwaro echiKristu echiGiriki, tinoudzwa kuti: “Chero bedzi tiine nguva yakakodzera nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka”; uye kuti “maererano nokugamuchira chipo kwakaita mumwe nomumwe, chishandisei pakushumirana.” (VaG. 6:10; 1 Pet. 4:10) Zviri pachena kuti Jehovha anoda kuti tiite zvatinogona kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka uye kuti tibatsirewo vamwe.

3. Vanhu havakwanisi kuitei?

3 Jehovha anozivawo kuti vanhu vane zvimwe zvavasingakwanisi kuita. Isu pachedu hatikwanisi kubvisa chivi uye rufu. Uyewo hatikwanisi kuita kuti vamwe vaite zvatinoda nekuti vanhu vese vane rusununguko rwekusarudza zvavanoda. (1 Madz. 8:46) Pasinei nekuti tava neruzivo rwakawanda sei, tichangoramba takaita sevana kana tichienzaniswa naJehovha.Isa. 55:9.

Paunosangana nematambudziko “vimba naJehovha uite zvakanaka”

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Nguva dzose tinofanira kubvuma kutungamirirwa naJehovha, tichivimba kuti achatitsigira uye achatiitira zvatisingakwanisi kuita isu pachedu. Panguva imwe chete, tinofanira kuita zvatinogona kuti tigadzirise matambudziko edu uye tibatsire vamwe. (Verenga Pisarema 37:3.) Nemamwe mashoko, tinofanira ‘kuvimba naJehovha toita zvakanaka’ uye tinofanira ‘kuita zvinhu nokutendeka.’ Ngatikurukurei kuti tinodzidzei kubva pamuenzaniso waNoa, Dhavhidhi uye vamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka vakavimba naJehovha uye vakaita zvavaifanira kuita. Sezvatichaona, izvi zvaisanganisira kusiyanisa zvavaisagona kuita nezvavaigona, vobva vaita zvavaikwanisa.

MUNYIKA INE VANHU VAKAIPA

5. Rondedzera kuti Noa airarama munyika yakaita sei.

5 Noa akararama munyika yainge “yakazara nechisimba” uye unzenza. (Gen. 6:4, 9-13) Aiziva kuti Jehovha aizoparadza nyika iyoyo yainge yakaipa. Kunyange zvakadaro, Noa anofanira kunge ainetseka zvikuru paaiona zvinhu izvi zvakaipa zvaiitika. Asi akaona kuti pane zvaaisagona kuita nezvimwe zvaaigona kuita.

Vanhu pavanoramba kuparidzirwa (Ona ndima 6-9)

6, 7. (a) Noa aisagona kuitei? (b) Tiri mumamiriro ezvinhu akafanana neaNoa pakudini?

6 Zvaisagona kuitwa naNoa: Kunyange zvazvo akazivisa nyevero yaJehovha akatendeka, Noa aisagona kumanikidza vanhu vakaipa kuti vagamuchire mashoko aaizivisa, uye aisagona kuita kuti Mafashamo akurumidze kuuya. Noa aifanira kuvimba kuti Jehovha aizozadzisa vimbiso yake yekuparadza vanhu vakaipa, achitenda kuti Mwari aizozviita nenguva chaiyo yaakanga aronga.Gen. 6:17.

7 Isuwo tiri kurarama munyika yakazara neuipi, uye tinoziva kuti Jehovha akavimbisa kuiparadza. (1 Joh. 2:17) Parizvino, hatigoni kumanikidza vanhu kuti vagamuchire “mashoko akanaka oUmambo.” Uye hapana zvatinogona kuita kuti “kutambudzika kukuru” kukurumidze kutanga. (Mat. 24:14, 21) Tinofanira kuva nekutenda kwakasimba sekwaiva naNoa, tichivimba kuti munguva pfupi iri kutevera Mwari achagadzirisa zvinhu. (Pis. 37:10, 11) Tine chokwadi chekuti zuva rakarongwa naJehovha kuti aparadze nyika ino yakaipa harizopfuuri asina kuiparadza.Hab. 2:3.

8. Noa akaramba akaisa sei pfungwa dzake pane zvaaigona kuita? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

8 Zvaigona kuitwa naNoa: Noa haana kukanda mapfumo pasi pamusana pezvaakanga asingagoni kuita; akaisa pfungwa pane zvaaigona kuita. ‘Semuparidzi wokururama,’ Noa akaramba akatendeka achizivisa mashoko enyevero aakanga apiwa. (2 Pet. 2:5) Zviri pachena kuti kuparidza ikoko kwakamubatsira kuti arambe aine kutenda kwakasimba. Akashandisawo simba rake nepfungwa dzake pakuita basa raakanga apiwa naMwari rekuvaka areka.—Verenga VaHebheru 11:7.

9. Tingatevedzera sei muenzaniso waNoa?

9 Sezvaiita Noa, tinoedza kuva ‘nezvizhinji zvokuita mubasa raShe.’ (1 VaK. 15:58) Izvi zvinogona kusanganisira kuvaka uye kugadziridza nzvimbo dzekunamatira, kuzvipira kubatsira pamagungano, kana kuti kuita mamwe mabasa pahofisi yebazi kana kuti pahofisi yeshanduro. Kupfuura zvese, tinogara tichiparidza, tichiziva kuti basa iri rinosimbisa tariro yedu yeramangwana. Imwe hanzvadzi inoti: “Paunotaura nevamwe nezvezvikomborero zvoUmambo hwaMwari, unoona kuti vateereri vako havana kana tariro uye vanoona sekuti matambudziko avo haaperi.” Kuita basa rekuparidza kunosimbisa tariro yedu yeramangwana uye kunotisimbisa kuti tisakanda mapfumo pasi munhangemutange yeupenyu.1 VaK. 9:24.

PATINOKANGANISA

10. Rondedzera zvakaitwa naDhavhidhi.

10 Jehovha akati Mambo Dhavhidhi aiva ‘munhu aidiwa nomwoyo wake.’ (Mab. 13:22) Dhavhidhi aiva munhu akatendeka muupenyu hwake. Kunyange zvakadaro, akamboita zvivi zvakakura. Akaita upombwe naBhati-shebha. Akatoita kuti nyaya yacho iwedzere kuipa paakaedza kuvanza chivi chacho nekuronga kuti Uriya, murume waBhati-shebha aurayiwe muhondo. Akatotuma Uriya wacho netsamba yaitaura nezvekuurayiwa kwake! (2 Sam. 11:1-21) Zvivi zvaDhavhidhi zvakazongobuda pachena. (Mako 4:22) Dhavhidhi akaita sei?

Zvivi zvawakamboita (Ona ndima 11-14)

11, 12. (a) Chii chaisagona kuitwa naDhavhidhi pashure pekunge aita chivi? (b) Kana tikapfidza pashure pekuita zvikanganiso zvakakura, tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achaitei?

11 Zvaisagona kuitwa naDhavhidhi: Dhavhidhi aisagona kuchinja zvaakanga atoita kare. Uye aisagona kunzvenga matambudziko aikonzerwa nezvaakanga aita. Mamwe ematambudziko iwayo aitozoramba aripo kweupenyu hwake hwese. (2 Sam. 12:10-12, 14) Saka aifanira kuva nekutenda. Sezvo ainge apfidza zvechokwadi, aifanira kuva nechivimbo chekuti Jehovha aizomuregerera, omubatsira kuti atsungirire matambudziko aikonzerwa nekutadza kwake.

12 Sezvo tiri vanhu vane chivi, tose tinokanganisa. Zvimwe zvikanganiso zvatinoita zvakakura kupfuura zvimwe. Dzimwe nguva hatigoni kuchinja zvatinenge tatoita. Tingatofanira kurarama nematambudziko anokonzerwa nezvatinenge taita. (VaG. 6:7) Asi tinofanira kuvimba nezvakataurwa naMwari, kuti kana tikapfidza zvechokwadi, achatitsigira munguva dzakaoma, kunyange matambudziko acho paanenge akonzerwa nekukanganisa kwedu.Verenga Isaya 1:18, 19; Mabasa 3:19.

13. Dhavhidhi akagadzirisa sei ukama hwake naMwari?

13 Zvaigona kuitwa naDhavhidhi: Dhavhidhi akabvuma kubatsirwa naJehovha kuti avezve neukama hwakanaka naye. Akabvuma kururamiswa nemuprofita Natani, uyo aimiririra Jehovha. (2 Sam. 12:13) Dhavhidhi akanyengeterawo kuna Jehovha achireurura zvivi zvake, achitaura chido chake chekuti afarirwe zvakare naJehovha. (Pis. 51:1-17) Pane kuramba achishungurudzika, Dhavhidhi akadzidza kubva pane zvaakakanganisa. Haana kuzombodzokorora zvivi izvozvo zvakakura. Dhavhidhi akazofa akatendeka uye Jehovha achiri kuyeuka kuvimbika kwake.VaH. 11:32-34.

14. Tingadzidzei pane zvakaitwa naDhavhidhi?

14 Tingadzidzei pane zvakaitwa naDhavhidhi? Kana tikaita chivi chakakura, tinofanira kupfidza nemwoyo wese tokumbira kuti Jehovha atikanganwire. Tinofanira kureurura zvivi zvedu kwaari. (1 Joh. 1:9) Tinofanirawo kutaura nevakuru, avo vanogona kutibatsira kugadzirisa ukama hwedu naMwari. (Verenga Jakobho 5:14-16.) Kana tikatevedzera urongwa hwaJehovha, tinenge tichiratidza kuti tine chivimbo chekuti achatiporesa, otikanganwira sezvaakavimbisa. Zvadaro, tinofanira kudzidza kubva pane zvatakakanganisa, toenderera mberi nekushumira Jehovha, uye tova netariro yeramangwana.VaH. 12:12, 13.

MUNE MAMWE MAMIRIRO EZVINHU

Matambudziko eutano (Ona ndima 15)

15. Tinodzidzei pamuenzaniso waHana?

15 Unogona kufunga nezvavamwe vashumiri vekare vakatendeka vaivimba naJehovha vachiitawo zvavaigona. Semuenzaniso, Hana akanga asina zvaaikwanisa kuita padambudziko rake rekushaya mbereko. Asi akavimba kuti Jehovha aizomunyaradza, saka akaramba achienda kutebhenekeri kunonamata uye kunonyengetera kuna Jehovha achimuudza zvaiva mumwoyo make. (1 Sam. 1:9-11) Muenzaniso wake wakanaka chaizvo. Patinosangana nematambudziko panyaya dzeutano kana kuti zvimwe zvatisingagoni kugadzirisa, tinokanda kuzvidya mwoyo kwedu pana Jehovha, tichivimba kuti ane hanya nesu. (1 Pet. 5:6, 7) Uye tinoita zvatinokwanisa kuti tibatsirwe nemisangano yechiKristu nezvimwe zvatinopiwa nesangano raJehovha.VaH. 10:24, 25.

Vana vanenge vatsauka (Ona ndima 16)

16. Vabereki vangadzidzei kubva kuna Samueri?

16 Vabereki vakatendeka vane vana vakasiya kunamata vangadzidzei kubva kuna Samueri? Samueri aisagona kumanikidza vana vake kuti varambe vakavimbika kuna Mwari. (1 Sam. 8:1-3) Aifanira kusiyira nyaya yacho mumaoko aJehovha. Kunyange zvakadaro, Samueri akaramba akavimbika uye akafadza Baba vake vekudenga, Jehovha. (Zvir. 27:11) Mazuva ano, vabereki vechiKristu vakawanda vari mumamiriro ezvinhu akadaro. Vanovimba kuti kufanana nababa vemunyaya yemwanakomana mupambadzi, Jehovha akagadzirira kugamuchira vatadzi vanopfidza. (Ruka 15:20) Panguva imwe chete, vabereki ivavo vanoshanda nesimba kuti varambe vakavimbika kuna Jehovha, vaine tariro yekuti muenzaniso wavo uchabatsira vana vavo kuti vadzoke kuna Jehovha.

Kushaya mari (Ona ndima 17)

17. Tinokurudzirwa sei nemuenzaniso wechirikadzi yaishayiwa?

17 Fungawo nezveimwe chirikadzi yaishayiwa yakararama munguva yaJesu. (Verenga Ruka 21:1-4.) Mukadzi uyu hapana zvaaigona kuita nezveuori hwaiitwa patemberi. (Mat. 21:12, 13) Uye panogona kunge pasina zvaaigona kuita kuti asava murombo. Kunyange zvakadaro, akapa nemwoyo wese “tumari tuviri” twaiva “zvose zvokurarama nazvo zvaanga ainazvo.” Akaratidza kuti ainyatsovimba naJehovha, achiziva kuti kana akaisa zvinhu zvekunamata pekutanga, Jehovha aizoita kuti awane zvekurarama nazvo. Kuvimba naJehovha kwakaita kuti chirikadzi iyi itsigire urongwa hwaivapo hwekunamata kwechokwadi. Nesuwo tine chivimbo chekuti kana tikaisa Umambo pekutanga, Jehovha achaita kuti tiwane zvatinoda zvekurarama nazvo.Mat. 6:33.

18. Taura muenzaniso wemushumiri wemazuva ano aivimba naJehovha.

18 Vashumiri vaJehovha vakawanda mazuva ano vakaratidzawo kuti vanovimba naJehovha uye vakaitawo zvavaigona. Imwe hama yainzi Malcolm yakaramba yakatendeka kusvikira payakazoshaya muna 2015. Mumakumi emakore ayakashumira Jehovha pamwe chete nemudzimai wayo zvinhu zvaimbooma. Malcom akati, “Dzimwe nguva upenyu hunogona kungoerekana hwachinja uye hunogona kutooma. Asi Jehovha anokomborera vaya vasingavimbi nokunzwisisa kwavo asi vanovimba naye.” Malcolm akapa zano rekutii? Akati, “Nyengetera kuti Jehovha akubatsire kuita zvose zvaunogona mubasa rake. Isa pfungwa dzako pane zvaunokwanisa kuita kwete pane zvausingakwanisi.” *

19. (a) Nei rugwaro rwedu rwegore rwa2017 rwakakodzera? (b) Uchashandisa sei rugwaro rwegore rwa2017 muupenyu hwako?

19 Sezvo nyika ino iri kubva ‘pakuipa ichienda pakuipisisa,’ tinotarisira kuti zvinhu zvichatowedzera kuoma. (2 Tim. 3:1, 13) Saka zvinokosha chaizvo kuti tisapedzwa simba nematambudziko akadaro. Tinofanira kunyatsovimba naJehovha, tichiitawo zvatinogona. Saka rugwaro rwedu rwegore rwa2017 rwakakodzera chaizvo: “Vimba naJehovha uite zvakanaka”!Pis. 37:3.

Rugwaro rwedu rwegore rwa2017: “Vimba naJehovha Uite Zvakanaka.”Pisarema 37:3